Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoda Murayiro weBhaibheri Nguva Dzose Here?

Unoda Murayiro weBhaibheri Nguva Dzose Here?

Unoda Murayiro weBhaibheri Nguva Dzose Here?

PAWAIVA muduku, zvimwe vabereki vako vakakupa mitemo yakawanda. Sezvawakakura, wakasvika pakunzwisisa kuti vaida kwazvo kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka. Somunhu mukuru, zvimwe uchiri kurarama maererano nedzimwe tsika dzavakapinza zvishoma nezvishoma mauri, kunyange zvazvo usisiri pasi pavo.

Baba vedu vokudenga, Jehovha, vanotipa mirayiro yakati kuti yakananga kuburikidza neShoko ravo, Bhaibheri. Somuenzaniso, vanorambidza kunamata zvidhori, ufeve, upombwe, nokuba. (Eksodho 20:1-17; Mabasa 15:28, 29) Sezvatino‘kura muzvinhu zvose’ mumudzimu, tinosvika pakunzwisisa kuti Jehovha anoda kwazvo kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka uye kuti mirayiro yake haitidzori zvisina kufanira.—VaEfeso 4:15; Isaya 48:17, 18; 54:13.

Zvisinei, pane mamiriro ezvinhu akawanda asina murayiro wakananga. Saka, vamwe vanofunga kuti pasina mutemo weBhaibheri wakananga, vakasununguka kuita zvavanoda. Vanoti dai Mwari akanga aona zvakakosha, angadai akataura zvaanoda nomurayiro wakananga.

Vaya vanofunga seizvi vanowanzoita zvisarudzo zvisina kuchenjera zvavanozodemba zvikuru gare gare. Vanokundikana kuona kuti Bhaibheri harina mitemo chete asiwo zviratidzo zvemafungiro aMwari. Sezvatinodzidza Bhaibheri ndokusvika pakuona maonero anoita Jehovha zvinhu, tinova nehana yakadzidziswa neBhaibheri uye tinobatsirwa kuita zvisarudzo zvinoratidza nzira dzake. Patinoita kudaro, tinoita kuti mwoyo wake ufare uye tinokohwa zvikomborero zvinobva pakuita zvisarudzo zvokuchenjera.—VaEfeso 5:1.

Mienzaniso yeBhaibheri Yakaisvonaka

Patinotarira nhoroondo dzeBhaibheri dzevashumiri vaMwari munguva dzekare, tinowana mamiriro ezvinhu umo vakafungisisa mafungiro aJehovha kunyange pavakanga vasiri pasi pomurayiro wakananga. Funga muenzaniso waJosefa. Panguva apo mudzimai waPotifari akanga ari kuda kuita unzenza naye, pakanga pasina mutemo wakanyorwa wakafuridzirwa naMwari wairambidza upombwe. Asi, kunyange aiva asina mutemo wakananga, Josefa akaona kuti upombwe hwaiva chivi kwete bedzi chokutadzira hana yake pachake asiwo ‘chokutadzira Mwari.’ (Genesi 39:9) Sezviri pachena, Josefa akaziva kuti upombwe kwaiva kuita zvinopesana nemafungiro aMwari uye kuda kwake, sezvakaitwa muEdheni.—Genesi 2:24.

Funga mumwe muenzaniso. Pana Mabasa 16:3, tinodzidza kuti asati aenda naTimoti munzendo dzake dzechiKristu, Pauro akamudzingisa. Asi, mundima 4 tinoverenga kuti Pauro naTimoti vakazofamba nomumaguta vachipa “mirayiro yakanga yasarudzwa nevaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema.” Pamirayiro iyoyo paiva nechisarudzo chokuti vaKristu vakanga vasisiri pasi pomutemo wokudzingiswa! (Mabasa 15:5, 6, 28, 29) Nei Pauro akafunga kuti zvaiva zvakafanira kuti Timoti adzingiswe? “Nemhaka yevaJudha vaiva munzvimbo idzodzo, nokuti vose vaiziva kuti baba [vaTimoti] vaiva muGiriki.” Pauro akanga asingadi kuita zvinhu zvaizogumbura vamwe zvisina kufanira. Aiva nehanya nokuti vaKristu varambe va“chizvirumbidza kuhana yomunhu wose pamberi paMwari.”—2 VaKorinde 4:2; 1 VaKorinde 9:19-23.

Aya ndiwo mafungiro aiita Pauro naTimoti. Verenga ndima dzakadai saVaRoma 14:15, 20, 21 na1 VaKorinde 8:9-13; 10:23-33, woona kuti Pauro aiva nehanya zvikuru sei nokugara zvakanaka kwevamwe mumudzimu, zvikurukuru vaya vaigona kugumbukira chimwe chinhu icho, chaizvoizvo, chakanga chisina kuipa. Uye Pauro akanyora pamusoro paTimoti kuti: “Handina mumwezve ane kufunga kwakafanana nokwake achatarisira nemwoyo wose zvinhu zvine chokuita nemi. Nokuti vamwe vose vari kuzvitsvakira zvavo, kwete zvaKristu Jesu. Asi munoziva uchapupu hwaakapa pamusoro pake, kuti semwana ana baba vake akashanda neni mukufambisira mberi mashoko akanaka.” (VaFiripi 2:20-22) Varume ava vakaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo nokuda kwedu nhasi! Pane kusarudza zvakavanakira kana kuti zvavaida pavaiva vasiri pasi pomurayiro waMwari wakananga, vakatevedzera rudo rwaJehovha noMwanakomana wake nokufunga kuti zvisarudzo zvavo pachavo zvaizogona kuva nomugumisiro wei pane vamwe mumudzimu.

Funga nezvaJesu Kristu, muenzaniso wedu mukuru. MuMharidzo yake Yepagomo, akatsanangura zvakajeka kuti munhu anonzwisisa zvinoreva mitemo yaMwari achaiteerera kunyange kupfuura zvinenge zvichirayirwa kana kurambidzwa zvakananga. (Mateu 5:21, 22, 27, 28) Jesu, Pauro, Timoti, uyewo Josefa havana kufunga kuti pasina mutemo waMwari wakananga, munhu anogona kuita zvaanoda. Kuti vaite mukuwirirana nokufunga kwaMwari, varume ava vakararama maererano nezvakaziviswa naJesu semirayiro miviri mikuru pane yose—kuda Mwari uye kuda muvakidzani wako.—Mateu 22:36-40.

Ko vaKristu Nhasi?

Zviri pachena kuti hatifaniri kuona Bhaibheri sokuona kungaita munhu gwaro repamutemo—tichitarisira kuti chinhu chose chinyatsotsanangurwa. Tinoita kuti mwoyo waJehovha ufare zvikuru patinosarudza kuita zvinoratidza kufunga kwake, kunyange pakunenge kusina mutemo wakananga unorayira zvatinofanira kuita. Nemamwe mashoko, pane kugaroudzwa zvinodiwa naMwari kuti tiite, tinogona ‘kunzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii.’ (VaEfeso 5:17; VaRoma 12:2) Nei izvi zvichiita kuti Jehovha afare? Nokuti zvinoratidza kuti hatinyanyofunga nezvezvatinoda uye kodzero dzedu kupinda kumufadza. Zvinoratidzawo kuti tinoonga rudo rwake kusvika pakuti tinoda kurutevedzera, tichiita kuti rudo irworwo ruve simba rinotikurudzira. (Zvirevo 23:15; 27:11) Uyezve, zviito zvakavakirwa pane zvinoratidzwa neMagwaro zvinobatsira kuva noutano hwakanaka hwomudzimu uye kazhinji hwomuviri.

Ngationei kuti nhungamiro iyi ingashandiswa sei munhau dzomunhu pachake.

Chisarudzo Chevaraidzo

Funga nezverimwe jaya rinoda kutenga imwe arubhamu yemimhanzi. Zvarakanzwa paarubhamu yacho zvinonakidza zvikuru, asi rinonetseka nokuti butiro rokuseri rinoratidza kuti mashoko acho anotaura zvakananga nezvepabonde uye akaipa. Uyezve, rinozivawo kuti mimhanzi yakawanda yomuimbi wacho inongotaura nezvokutsamwa uye zvechisimba. Sezvo richida Jehovha, jaya iri rinofarira pfungwa nemanzwiro Ake panhau yacho. Ringaziva sei kuti kuda kwaMwari ndokupi munhau iyi?

Mutsamba yake kuvaGaratiya, muapostora Pauro akaronga mabasa enyama nezvibereko zvomudzimu waMwari. Zvimwe unoziva zvinobatanidzwa muzvibereko zvomudzimu waMwari zvinoti: rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kunaka, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Asi ndezvipi zvinoumba mabasa enyama? Pauro anonyora kuti: “Zvino mabasa enyama anooneka, uye anoti ufeve, kusachena, unzenza, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kukakavadzana, godo, kufufutirwa nokutsamwa, kukakavara, kupesana, mapoka, shanje, nguva dzokunwira kudhakwa, mitambo yokuzvifadza, nezvinhu zvakaita seizvi. Ndiri kufanokunyeverai pamusoro pezvinhu izvi, sokukunyeverai kwandakamboita, kuti vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.”—VaGaratiya 5:19-23.

Ona mashoko okupedzisira chaiwo pane iwayo akanyorwa—“zvinhu zvakaita seizvi.” Pauro haana kuronga zvinhu zvose zvaizonzi ibasa renyama. Hazvirevi kuti munhu angagona kufunga kuti, ‘Magwaro anondibvumira kuita basa chero ripi risiri pane akanyorwa naPauro semabasa enyama.’ Pane kudaro, vaverengi vangada kushandisa masimba avo okunzwisisa kuitira kuti vaone zvinhu zvingasava pane zvakarongwa asi “zvakaita seizvi.” Vaya vanoita zvinhu zvisina kududzwa asi “zvakaita seizvi” vasingapfidzi havazogari nhaka zvikomborero zvoUmambo hwaMwari.

Saka, tinoda kuona, kana kuti kunzwisisa, zvisingafadzi mumaziso aJehovha. Izvozvo zvakaoma here? Ngatitii chiremba wako akakuudza kuti udye michero nemiriwo yakawanda asi urege kudya zvihwitsi, aizikirimu, uye zvinhu zvakaita seizvi. Zvaizova zvakaoma here kuziva kuti keke rinopinda papi? Zvino tarirazve pazvibereko zvomudzimu waMwari nepamabasa enyama. Arubhamu yemimhanzi yambotaurwa pamusoro apa inopinda papi? Chaizvoizvo hairatidzi unhu hwakaita sorudo, kunaka, kuzvidzora, kana humwe unhu hune chokuita nezvibereko zvomudzimu waMwari. Munhu angasada mutemo wakananga kuti aone kuti rudzi rwomumhanzi uyu harupindirani nemafungiro aMwari. Nhungamiro iyoyowo ingashanda kune zvokuverenga, mabhaisikopu, purogiramu dzeterevhizheni, mitambo yekombiyuta, nzvimbo dzokubudisira mashoko paindaneti, nezvimwewo.

Chitarisiko Chomunhu Pachake Chinogamuchirika

Bhaibheri rinopawo nhungamiro dzine chokuita nenhau dzokupfeka nokuzvigadzira. Idzi dzinoita kuti muKristu mumwe nomumwe atungamirirwe mukuva nechitarisiko chakakodzera nechinofadza. Pano zvakare, munhu anoda Jehovha anoona izvi uri mukana, kwete wokuita chero chipi chinomufadza, asi wokuita zvichafadza Baba vake vokudenga. Sezvatatoona kare, chokwadi chokuti Jehovha haana kupa mirau yakananga pane imwe nhau hachirevi kuti haana hanya nezvinoitwa nevanhu vake. Zvitayera zvinosiyana munzvimbo nenzvimbo, uye kunyange munzvimbo imwe chete, zvinochinja nguva nenguva. Zvisinei, Mwari anopa nhungamiro dzinokosha idzo dzinofanira kutungamirira vanhu vake nguva dzose uye munzvimbo dzose.

Somuenzaniso, 1 Timoti 2:9, 10 inoti: “Saizvozvowo ndinoda kuti vakadzi vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vane mwero nokunaka kwepfungwa, kwete nemagadzirirwe okuruka bvudzi nendarama kana nemaparera kana nguo dzinodhura kwazvo, asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari, naiwo mabasa akanaka.” Saka, vakadzi vechiKristu—nevarume—vanofanira kufungisisa kuti chitarisiko chorudzii icho vanhu vomunharaunda mavo vanotarisira kune vaya “vanoti vanotya Mwari.” Zvakakodzera zvikuru kuti muKristu afungisise kuti chitarisiko chake chichaita kuti vamwe vafunge chii nezveshoko reBhaibheri raanotakura. (2 VaKorinde 6:3) MuKristu ane muenzaniso wakanaka haazonyanyi kufunga zvaanoda iye kana kuti dzaanoti ikodzero dzake asi, pane kudaro, achafunga nezvokusava anovhiringidza vamwe kana kuva chigumbuso kwavari.—Mateu 18:6; VaFiripi 1:10.

MuKristu paanoona kuti chitayera chakati muchitarisiko chake chinovhiringidza kana kugumbura vamwe, angatevedzera muapostora Pauro nokuva nehanya nokubudirira kwevamwe mumudzimu kupfuura zvaanofarira iye pachake. Pauro akati: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.” (1 VaKorinde 11:1) Uye nezvaJesu, Pauro akanyora kuti: “Kunyange Kristu haana kuzvifadza.” Murayiridzo waPauro kuvaKristu vose wakajeka unoti: “Kunyange zvakadaro, isu takasimba tinofanira kutakura kusava nesimba kwevasina kusimba, tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvakanaka kuti avakwe.”—VaRoma 15:1-3.

Kurodza Masimba Edu Okunzwisisa

Tingakudziridza sei masimba edu okunzwisisa kuti tizive kufadza kwatingaita Jehovha kunyange kana asina kupa nhungamiro yakananga munhau yacho? Kana tichiverenga Shoko rake zuva nezuva, tichiridzidza nguva dzose, uye tichifungisisa zvatinoverenga, tichakura mumasimba edu okunzwisisa. Kukura kwakadaro hakungoitiki kamwe kamwe. Sokukura kunoita mwana mumumhu, kukura mumudzimu kunoitika zvishoma nezvishoma uye hakuonekwi pakarepo. Saka zvinoda kushivirira, uye hatifaniri kukangaidzika kana tisingaoni kuvandudzika kwepakarepo. Ukuwo, kungopfuura kwenguva yakawanda pachako hakurodzi masimba edu okunzwisisa. Nguva yakadaro inofanira kuzadzwa nokufungisisa Shoko raMwari nguva dzose sezvaratidzwa pamusoro apa, uye tinofanira kushandisa Shoko iroro kusvika patinogona napo.—VaHebheru 5:14.

Zvingagona kunzi kunyange mitemo yaMwari ichiedza kuteerera kwedu, nhungamiro dzake dzinoedza kusimba kwatakaita mumudzimu uye chido chedu chokumufadza. Sezvatinokura mumudzimu, tichawedzera kusimbisa kutevedzera Jehovha noMwanakomana wake. Tichada zvikuru kuvakira zvisarudzo zvedu pamafungiro anoita Mwari pamusoro pezvinhu sezvinoratidzwa neMagwaro. Sezvatinoita kuti Baba vedu vokudenga vafare mune zvose zvatinoita, tichaona kuti mufaro wedu pachedu unowedzerawo.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Zvitayera zvezvipfeko zvinosiyana munzvimbo nenzvimbo, asi nhungamiro dzeBhaibheri dzinofanira kutungamirira zvisarudzo zvedu