Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Muranda” Akatendeka Uye Akangwara

“Muranda” Akatendeka Uye Akangwara

“Muranda” Akatendeka Uye Akangwara

“Ndiani chaizvoizvo muranda akatendeka, akangwara akagadzwa natenzi wake paveimba yake?”—MATEU 24:45.

1, 2. Nei zvichikosha kuti tigare tichiwana zvokudya zvomudzimu nhasi?

MASIKATI omusi weChipiri, Nisani 11, 33 C.E., vadzidzi vaJesu vakabvunza mubvunzo une zvaunoreva zvakadzama kwatiri nhasi. Vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechekuguma kwegadziriro yezvinhu?” Achipindura, Jesu akataura uprofita hunoshamisa. Akataura nezvenguva isina kugadzikana yehondo, nzara, kudengenyeka kwepasi, uye hosha. Uye izvozvo zvaizongova “kutanga kwemarwadzo enhamo.” Zvinhu zvaitozowedzera kuipa. Itariro inotyisa kwazvo!—Mateu 24:3, 7, 8, 15-22; Ruka 21:10, 11.

2 Kubvira muna 1914, uprofita hwaJesu hwakawanda hwave huchizadzika. Vanhu vakawirwa ne“marwadzo enhamo” pamwero mukuru kwazvo. Zvisinei, vaKristu vechokwadi havafaniri havo kutya. Jesu akavimbisa kuti aizovatsigira nezvokudya zvomudzimu zvinovaka. Sezvo Jesu ava kudenga, ave achironga sei kuti isu tiri pasi pano tiwane zvokudya zvedu zvomudzimu?

3. Jesu akatiitira zvirongwa zvipi kuti tiwane ‘zvokudya panguva yakafanira’?

3 Jesu pachake akataura mhinduro yomubvunzo iwoyo. Paaitaura uprofita ihwohwo hukuru, akabvunza kuti: “Ndiani chaizvoizvo muranda akatendeka, akangwara akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakafanira?” Akazoti: “Anofara muranda iyeye kana tenzi wake pakusvika akamuwana achidaro. Zvechokwadi ndinoti kwamuri, Achamugadza pazvinhu zvake zvose.” (Mateu 24:45-47) Chokwadi, paizova no“muranda” akanga anzi agovere zvokudya zvomudzimu, “muranda” aizova akatendeka uye akangwara. Muranda iyeye aingova munhu mumwe chete, vanhu vaitevedzana kwenguva yakati, kana kuti zvimwewo zvakasiyana here? Sezvo muranda akatendeka achigovera zvokudya zvomudzimu zvinodiwa zvikuru, isu tinofanira kutsvaka kuti tizive mhinduro.

Munhu Mumwe Chete Here Kana Kuti Iboka?

4. Tinoziva sei kuti “muranda akatendeka, akangwara” haagoni kuva munhu mumwe chete?

4 “Muranda akatendeka, akangwara” haagoni kuva munhu mumwe chete. Nei? Nokuti muranda wacho akatanga kugovera zvokudya zvomudzimu kare muzana remakore rokutanga, uye maererano naJesu, muranda wacho aizoramba achidaro paizosvika Tenzi muna 1914. Izvozvo zvaizomiririra makore 1 900 ebasa rokutendeka nokuda kwomunhu mumwe chete. Kunyange Metusara haana kurarama nguva yakareba kudaro!—Genesi 5:27.

5. Tsanangura kuti nei mashoko okuti “muranda akatendeka, akangwara” asingashandi kumuKristu mumwe nomumwe somunhu oga.

5 Saka, mashoko okuti “muranda akatendeka, akangwara” angashandawo zvawo kumuKristu mumwe nomumwe here? Ichokwadi kuti vaKristu vose vanofanira kuva vakatendeka uye vakangwara; zvisinei, zviri pachena kuti Jesu aiva nezvimwe zvaaifunga paakataura nezvo“muranda akatendeka, akangwara.” Tinoziva sei izvozvo? Nokuti akati ‘pakusvika kwatenzi’ aizogadza muranda wacho “pazvinhu zvake zvose.” MuKristu mumwe nomumwe aigona sei kugadzwa pazvinhu zvose—pazvinhu zvaIshe “zvose”? Hazvibviri!

6. Rudzi rwaIsraeri rwaitarisirwa kushanda sei so“muranda” waMwari?

6 Saka, mhedziso bedzi ine musoro ndeyokuti Jesu akanga achitaura nezveboka revaKristu so“muranda akatendeka, akangwara.” Panogona kuva nechinhu chakadai somuranda anoumbwa nevazhinji here? Hungu. Makore mazana manomwe Kristu asati avapo, Jehovha akataura nezvorudzi rwaIsraeri rwose se“zvapupu zvangu” uye “muranda wangu, wandakasanangura.” (Isaya 43:10) Nhengo imwe neimwe yorudzi rwaIsraeri kubva muna 1513 B.C.E., pakapiwa Mutemo waMosesi, kusvika paPendekosti ya33 C.E. yaiva mumwe weboka iri romuranda. VaIsraeri vakawanda vakanga vasina basa rakananga mukutarisira nhau dzorudzi rwacho kana kuti kutarisira purogiramu yarwo yokudya mumudzimu. Jehovha akashandisa madzimambo, vatongi, vapristi, nevaRevhi kuti vaite mabasa iwayo. Kunyange zvakadaro, sorudzi, Israeri aifanira kumiririra uchangamire hwaJehovha uye kuudza marudzi kurumbidzwa kwake. MuIsraeri mumwe nomumwe aifanira kuva chapupu chaJehovha.—Dheuteronomio 26:19; Isaya 43:21; Maraki 2:7; VaRoma 3:1, 2.

“Muranda” Anorambwa

7. Nei rudzi rwaIsraeri wekare rwakarambwa so“muranda” waMwari?

7 Sezvo Israeri aiva “muranda” waMwari mazana emakore akapfuura, ndiye aivawo muranda akataurwa naJesu here? Aiwa, nokuti zvinosuruvarisa kuti Israeri wekare haana kuva akatendeka kana kuti akangwara. Pauro anopfupikisa mamiriro acho ezvinhu paanodzokorora mashoko aJehovha kurudzi rwacho, anoti: “Zita raMwari riri kumhurwa pakati pemarudzi nemhaka yenyu.” (VaRoma 2:24) Zvechokwadi, Israeri akapanduka pamwero mukuru kwazvo nokuramba Jesu, Jehovha achibva azomurambawo.—Mateu 21:42, 43.

8. “Muranda” akagadzwa rini kuti atsive Israeri, uye mumamiriroi ezvinhu?

8 Kusatendeka kwo“muranda,” iye Israeri, kwakanga kusingarevi kuti vanamati vakatendeka vaizorega zvachose kugamuchira zvokudya zvomudzimu. PaPendekosti ya33 C.E., mazuva makumi mashanu pashure pokunge Jesu amutswa, mudzimu mutsvene wakadururirwa pavadzidzi vake vanenge 120 vaiva mukamuri repamusoro muJerusarema. Panguva iyoyo, rudzi rutsva rwakaberekwa. Zvakakodzera kuti kuberekwa kwarwo kwakaziviswa apo nhengo dzarwo dzakatanga kuudza vagari veJerusarema dzisingatyi pamusoro “pezvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mabasa 2:11) Saka, rudzi rutsva irworwo, rudzi rwomudzimu, rwakava “muranda” aizozivisa marudzi nezvokukudzwa kwaJehovha uye aizogovera zvokudya panguva yakafanira. (1 Petro 2:9) Zvakakodzera kuti rwakazosvika pakunzi “Israeri waMwari.”—VaGaratiya 6:16.

9. (a) Ndivanaani vanoumba “muranda akatendeka, akangwara”? (b) “Veimba” ndivanaani?

9 Nhengo imwe neimwe ya“Israeri waMwari” muKristu akazodzwa nomudzimu mutsvene akazvitsaurira, akabhabhatidzwa uye ane tariro yokuenda kudenga. Saka, mashoko okuti “muranda akatendeka, akangwara” anoreva nhengo dzose dzorudzi rwomudzimu irworwo rwakazodzwa seboka dziri pasi pano, panguva ipi neipi kubva muna 33 C.E. kusvika iye zvino, sezvo muIsraeri wose akararama panguva chero ipi kubva muna 1513 B.C.E. kusvika paPendekosti ya33 C.E., aiva nhengo yeboka romuranda chiKristu chisati chavapo. Zvisinei, “veimba” ndivanaani, avo vanogamuchira zvokudya zvomudzimu zvinovaka kubva kumuranda? Muzana remakore rokutanga C.E., muKristu wose aiva netariro yokuenda kudenga. Saka, veimba vaivawo vaKristu vakazodzwa, vaionekwa somunhu mumwe nomumwe, kwete seboka. Vose vaida zvokudya zvomudzimu zvaibva kumuranda, kusanganisira vaya vaiva nemitoro muungano.—1 VaKorinde 12:12, 19-27; VaHebheru 5:11-13; 2 Petro 3:15, 16.

“Mumwe Nomumwe Basa Rake”

10, 11. Tinoziva sei kuti hadzisi nhengo dzose dzeboka romuranda dzine basa rakafanana?

10 Kunyange zvazvo “Israeri waMwari” ari boka romuranda akatendeka uye akangwara rine basa rokuita, nhengo imwe neimwe inewo mabasa ayo pachayo. Mashoko aJesu ari pana Mako 13:34 anojekesa izvi. Iye akati: “Zvakafanana nomurume akaenda kunze kwenyika akasiya imba yake akapa simba kuvaranda vake, mumwe nomumwe basa rake, akarayira murindi womusuo kuti arambe akarinda.” Saka nhengo imwe neimwe yeboka romuranda yakapiwa basa—kuti iwedzere zvinhu zvaKristu zvepasi pano. Inoita basa iri maererano nemano ayo uye mikana yayo.—Mateu 25:14, 15.

11 Uyezve, muapostora Petro akaudza vaKristu vakazodzwa vomuzuva rake kuti: “Maererano nokugamuchira chipo kwakaita mumwe nomumwe, chishandisei pakushumirana sevatariri vakanaka kwazvo vemutsa usina kufanirwa waMwari unoratidzirwa munzira dzakasiyana-siyana.” (1 Petro 4:10) Saka, vakazodzwa ivavo vane mutoro wokushumirana vachishandisa zvipo zvavakapiwa naMwari. Uyezve, mashoko aPetro anoratidza kuti havasi vaKristu vose vaizova nemano, mabasa, kana kuti ropafadzo zvakafanana. Zvisinei, nhengo imwe neimwe yeboka romuranda yaigona kubatsira munzira yakati, kuti rudzi rwomudzimu irworwo ruwedzere. Sei?

12. Nhengo imwe neimwe yeboka romuranda, ingava yaiva munhurume kana kuti munhukadzi, yakabatsira sei kuti muranda awedzere?

12 Kutanga, mumwe nomumwe aifanira kuva chapupu chaJehovha, achiparidza mashoko akanaka oUmambo. (Isaya 43:10-12; Mateu 24:14) Ava kuda kutoenda kudenga, Jesu akarayira vadzidzi vake vose vakatendeka, vanhurume nevanhukadzi, kuti vave vadzidzisi. Akati: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai. Uye, tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.”—Mateu 28:19, 20.

13. Vakazodzwa vose vaiva neropafadzo yei?

13 Vadzidzi vatsva pavakawanikwa, vaifanira kunyatsodzidziswa kuchengeta zvinhu zvose izvo Kristu akanga arayira vadzidzi vake. Nokufamba kwenguva, vaya vaibvuma vakakwanisa kudzidzisawo vamwe. Zvokudya zvomudzimu zvinovaka zvakaitwa kuti zviwanikwe nenhengo dzaitarisirwa dzeboka romuranda munyika dzakawanda. VaKristu vose vakazodzwa, vanhurume nevanhukadzi, vakarambawo vachiita basa rokuita vadzidzi. (Mabasa 2:17, 18) Basa iri raifanira kuramba richiitwa kubvira panguva yakatanga muranda wacho basa rake kusvikira pamugumo wenyika ino.

14. Ropafadzo dzokudzidzisa muungano dzaingopiwa vanaani, uye vakadzi vakazodzwa vakatendeka vainzwa sei nezvazvo?

14 Vakazodzwa vakanga vachangobhabhatidzwa vakava dzimwe nhengo dzomuranda, uye pasinei nokuti ndiani akanga atanga kuvadzidzisa, vakaramba vachigamuchira mirayiridzo kubva kunhengo dzeungano idzo dzaiva nekodzero yepaMagwaro yokushanda sevarume vakuru. (1 Timoti 3:1-7; Tito 1:6-9) Saka varume ava vakagadzwa vaiva neropafadzo yokubatsira kuti rudzi rwacho ruwedzere munzira inokosha. Vakadzi vechiKristu vakazodzwa vakatendeka havana kutsamwa kuti varume vechiKristu chete ndivo vakanzi vadzidzise muungano. (1 VaKorinde 14:34, 35) Pane kudaro, vaifarira kubatsirwa nebasa rokushingaira renhengo dzeungano dzechirume uye vaionga ropafadzo dzaiva dzakazarukira vakadzi, kusanganisira iya yokuendesera vamwe mashoko anofadza. Nhasi hanzvadzi dzakazodzwa dzinoshingaira dzinoratidza kuzvininipisa kwakafanana, kunyange vakuru vakagadzwa vangava vakazodzwa kana kuti vasina.

15. Ndokupi kumwe kwainyanya kubva zvokudya zvomudzimu muzana remakore rokutanga, uye ndivanaani vaitungamirira mukuzvigovera?

15 Zvokudya zvomudzimu zvinokosha zvaipiwa muzana remakore rokutanga zvaibva zvakananga mutsamba dzainyorwa nevaapostora uye kune vamwe vadzidzi vakanga vachitungamirira. Tsamba dzavainyora—zvikurukuru dziya dzinowanikwa mumabhuku 27 anoumba Magwaro echiKristu echiGiriki—dzaitenderedzwa muungano dzose uye hapana mubvunzo kuti vakuru veungano vaitora zvavaidzidzisa madziri. Nenzira iyi, vamiririri vomuranda vakaparadzira nokutendeka zvokudya zvomudzimu zvakawanda kuvaKristu vomwoyo wose. Boka romuranda romuzana remakore rokutanga rakava rakatendeka kubasa raro.

“Muranda” Kwapera Mazana Emakore 19

16, 17. Boka romuranda rakaratidza sei kuti rakatendeka mukuita basa raro mumakore anotisvitsa kuna 1914?

16 Zvakadini nanhasi? Kuvapo kwaJesu pakwakatanga muna 1914, akawana here boka revaKristu vakazodzwa vakanga vachiparadzira nokutendeka zvokudya panguva yakafanira? Chokwadi akavawana. Boka iri raigona kunyatsozivikanwa pamusana pezvibereko zvakanaka kwazvo zvarakanga richibereka. (Mateu 7:20) Kubvira ipapo, nhau dzakaitika dzaratidza kuti kuzivikanwa uku kwakarurama.

17 Panguva yokusvika kwaJesu, veimba vanenge 5 000 vaiva vakabatikana vachiparadzira chokwadi cheBhaibheri. Vashandi vaiva vashoma, asi muranda akashandisa nzira dzakati kuti dzokuchenjera kuti aparadzire mashoko akanaka. (Mateu 9:38) Somuenzaniso, urongwa hwakaitwa hwokuti mharidzo dzemisoro yeBhaibheri dzibudiswe mumapepanhau anenge 2 000. Nenzira iyi, chokwadi cheShoko raMwari chakasvika kuvaverengi vanosvika makumi ezviuru panguva imwe chete. Uyezve, pakagadzirwa purogiramu yemaawa masere yaibatanidza masiraidhi nemifananidzo. Pamusana pourongwa uhwu hwemazuva ano, shoko reBhaibheri, kubvira pakutanga Kusika kusvikira pamugumo woKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu, rakaziviswa vanhu vanopfuura mamiriyoni mapfumbamwe vaiva mumakondinendi matatu. Mabhuku akadhindwa ndiyo imwe nzira yaishandiswa. Somuenzaniso, muna 1914, makopi 50 000 emagazini ino akabudiswa.

18. Jesu akagadza muranda pazvinhu zvake zvose rini, uye nei?

18 Chokwadi, Tenzi paakasvika, akawana muranda wake akatendeka achinyatsopa zvokudya kune veimba uyewo achiparidza mashoko akanaka. Zvino, basa guru raiva rakamirira muranda iyeye. Jesu akati: “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, Achamugadza pazvinhu zvake zvose.” (Mateu 24:47) Jesu akaita izvi muna 1919, pashure pokunge muranda wacho apfuura nomunguva yokuedzwa. Zvisinei, nei “muranda akatendeka, akangwara” akapiwa basa guru? Nokuti zvinhu zvaTenzi wacho zvakanga zvawedzera. Jesu akapiwa umambo muna 1914.

19. Tsanangura kuti zvinodiwa zvomudzimu zve“boka guru revanhu” zvave zvichitarisirwa sei.

19 Tenzi akanga achangopiwa korona akagadza muranda wake akatendeka pazvinhu zvipi? Pazvinhu Zvake zvose zvomudzimu zviri pasi pano. Somuenzaniso, makumi maviri emakore Kristu agadzwa pachigaro choumambo muna 1914, “boka guru revanhu” ve“mamwe makwai” rakazivikanwa. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Ava vakanga vasiri nhengo dzakazodzwa dza“Israeri waMwari,” asi vaiva varume nevakadzi vakatendeka vaiva netariro yepasi, avo vaida Jehovha uye vaida kumushumira sezvaingoitwa nevakazodzwa. Chaizvoizvo, vakati ku“muranda akatendeka, akangwara”: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zekaria 8:23) VaKristu ava vakanga vachangobhabhatidzwa vaidya zvokudya zvomudzimu zvimwe chete izvozvo zvinovaka sezvaidyiwa neveimba vakazodzwa, uye mapoka maviri aya ave achigovana tafura yomudzimu iyi kubvira ipapo. Zvechokwadi ichi chave chiri chikomborero ku“boka guru revanhu”!

20. Ibasa ripi rakaitwa ne“boka guru revanhu” mukuwedzera zvinhu zvaIshe?

20 Nhengo dze“boka guru revanhu” dzakabatana neboka romuranda akazodzwa dzichifara kuti dzive vaparidzi vemashoko akanaka. Sezvadzaiparidza, zvinhu zvaTenzi zvepasi pano zvakawedzera, zvichiita kuti basa ro“muranda akatendeka, akangwara” riwedzere. Nhamba yevanhu vaitsvaka chokwadi zvayakawedzera, pakadiwa zvivako zvakawedzerwa zvokudhindira kuitira kuti zvienderane nokudiwa kwemabhuku eBhaibheri. Hofisi dzeBazi dzeZvapupu zvaJehovha dzakatangwa munyika dzakawanda. Mamishinari akatumirwa “kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) Kubva pavakazodzwa vanenge zviuru zvishanu muna 1914, vanhu vanorumbidza Mwari vawedzera kusvika kuvanodarika mamiriyoni matanhatu nhasi, vazhinji vavo vari ve“boka guru revanhu.” Zvechokwadi, zvinhu zvaMambo zvawedzera kakawanda kubva paakagadzwa muna 1914!

21. Tichakurukura mifananidzo ipi miviri muchidzidzo chedu chinotevera?

21 Zvose izvi zvinoratidza kuti muranda ave “akatendeka, akangwara.” Achangobva kutaura nezvo“muranda akatendeka, akangwara,” Jesu akataura mifananidzo miviri inosimbisa unhu ihwohwo: mufananidzo wemhandara dzakangwara nedzakapusa uye mufananidzo wematarenda. (Mateu 25:1-30) Tinofara zvikuru! Mifananidzo iyoyo inorevei kwatiri nhasi? Tichakurukura mubvunzo uyu munyaya inotevera.

Unofungei?

• Ndivanaani vanoumba “muranda akatendeka, akangwara”?

• “Veimba” ndivanaani?

• Muranda akatendeka akagadzwa rini pazvinhu zvaIshe zvose, uye nei panguva iyoyo?

• Ndivanaani vakabatsira kuwedzera zvinhu zvaIshe mumakumi emakore achangopfuura, uye sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Boka romuranda romuzana remakore rokutanga rakaratidza kuti rakatendeka kubasa raro