Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pana 2 VaKorinde 6:14, Pauro ari kutaura kuna vanaani paanoshandisa shoko rokuti “vasingatendi”?

Pana 2 VaKorinde 6:14, tinoverenga kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko nevasingatendi.” Kana tikatarira zviri kutaurwa nezvazvo, zviri pachena kuti Pauro ari kutaura nezvevanhu vasiri zvachose nhengo dzeungano yechiKristu. Manzwisisiro aya anotsigirwa nendima dzeBhaibheri idzo Pauro anoshandisawo shoko rokuti “asingatendi” kana kuti “vasingatendi.”

Somuenzaniso, Pauro anotsiura vaKristu nokuda kwokuenda kudare “pamberi pevasingatendi.” (1 VaKorinde 6:6) Pano, vasingatendi ndivo vatongi vanoshanda mudare reKorinde. Mutsamba yake yechipiri, Pauro anoti Satani ‘akapofumadza pfungwa dzevasingatendi.’ Maziso evasingatendi ivavo ‘akafukidzirwa’ kuti asaona mashoko akanaka. Vasingatendi ava hapana zvavakaita kuti vashumire Jehovha, sezvo Pauro akanga ambotsanangura kuti: “Pakunenge kune kutendeukira kuna Jehovha, chifukidziro chacho chinobviswa.”—2 VaKorinde 3:16; 4:4.

Vamwe vasingatendi havateereri mutemo kana kuti vanonamata zvidhori. (2 VaKorinde 6:15, 16) Zvisinei, havasi vose vanoshora vashumiri vaJehovha. Vamwe vanoratidza kufarira chokwadi. Vakawanda vakaroorana nevaKristu uye vanofara kugara navo. (1 VaKorinde 7:12-14; 10:27; 14:22-25; 1 Petro 3:1, 2) Zvisinei, Pauro anoramba achishandisa shoko rokuti “vasingatendi” sezvataurwa pamusoro apa, kuvanhu vasiri nhengo dzeungano yechiKristu, inoumbwa ‘nevatendi munaShe.’—Mabasa 2:41; 5:14; 8:12, 13.

Murayiro unowanikwa pana 2 VaKorinde 6:14 unokosha kuvaKristu mumamiriro ezvinhu ose oupenyu uye wave uchitaurwa sezano rokuchenjera kuvaKristu vari kutsvaka wokuroorana naye. (Mateu 19:4-6) Nokuchenjera, muKristu akazvitsaurira, akabhabhatidzwa haatsvaki wokuroorana naye pane vaya vasingatendi, sezvo tsika, vavariro, uye zvitendero zvevasingatendi zvakasiyana zvikuru nezviya zvomuKristu wechokwadi.

Zvisinei, zvakadini nezvevanhu vanodzidza Bhaibheri uye vanobatana neungano yechiKristu? Zvakadini nezvevaya vari vaparidzi vasina kubhabhatidzwa? Havasi vatendi here? Aiwa. Vanhu vakagamuchira chokwadi chemashoko akanaka uye vari kufambira mberi zvakatsiga kuti vabhabhatidzwe havafaniri kunzi havasi vatendi. (VaRoma 10:10; 2 VaKorinde 4:13) Asati abhabhatidzwa Koneriyasi ainzi “murume aiva akazvipira uye aitya Mwari.”—Mabasa 10:2.

Saka kungava kuchenjera here kuti muKristu akazvitsaurira apfimbe ozoroorana nomumwe munhu akagamuchirwa somuparidzi asina kubhabhatidzwa, sezvo, kutaura chaizvoizvo, zano raPauro rakanyorwa pana 2 VaKorinde 6:14 raisagona kushanda munhau yakadaro? Aiwa, hakusi kuchenjera. Nei? Nokuda kwezano rakananga rakapiwa naPauro nezvechirikadzi dzechiKristu. Pauro akanyora kuti: “Akasununguka kuti aroorwe newaanoda, munaShe bedzi.” (1 VaKorinde 7:39) Maererano nezano iroro, vaKristu vakazvitsaurira vanokurudzirwa kutsvaka vokuroorana navo bedzi pane vaya vari “munaShe.”

Shoko rokuti “munaShe” uye anoenderana naro okuti “muna Kristu” anomborevei? Pauro anotaura nezvevanhu vaiva “muna Kristu” kana kuti “munaShe” pana VaRoma 16:8-10 uye VaKorose 4:7. Kana ukaverenga ndima idzodzo, uchaona kuti vakadaro ‘vashandi pamwe nesu,’ ‘vanotenderwa,’ ‘hama dzinodiwa,’ ‘vashumiri vakatendeka,’ uye ‘vashumiri pamwe nesu.’

Munhu anova ‘muranda munaShe’ rini? Izvozvo zvinoitika paanoita nokuzvidira zvinofanira kuitwa nomuranda uye ozviramba. Jesu anotsanangura kuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atore danda rake rokutambudzikira arambe achinditevera.” (Mateu 16:24) Munhu anotanga kutevera Kristu ozviisa pasi pezvinodiwa naMwari zvizere paanozvitsaurira kuna Mwari. Pashure pacho, anozvipa kuti abhabhatidzwe ova mushumiri akagadzwa anotenderwa naJehovha Mwari. * Saka, ‘kuroora munaShe’ kunoreva kuroora mumwe munhu akaratidza kuti mutendi chaiye, “muranda waMwari nowaShe Jesu Kristu,” akazvitsaurira.—Jakobho 1:1.

Munhu ari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye ari kufambira mberi zvakanaka mune zvokunamata anofanira kurumbidzwa. Zvisinei, haasati azvitsaurira kuna Jehovha ozviisa kuupenyu hwebasa nechibayiro. Achiri kuchinja sezvinodiwa. Anofanira kupedza kuchinja kukuru kunoitwa kuti munhu azova muKristu akazvitsaurira, akabhabhatidzwa asati afunga nezvokumwe kuchinja kukuru muupenyu, kwakadai somuchato.

Zvaizova zvakanaka here kuti muKristu apfimbane nomumwe munhu anoita seari kufambira mberi zvakanaka mukudzidza kwake Bhaibheri—zvichida aine chinangwa chokumirira kusvikira abhabhatidzwa asati amuroora? Aiwa. Vavariro dzomudzidzi weBhaibheri dzingatovhiringidzwa kana achiziva kuti muKristu akazvitsaurira anoda kumuroora asi haazomuroori kutozosvikira abhabhatidzwa.

Kazhinji, munhu anova muparidzi asina kubhabhatidzwa bedzi kwenguva shomanana, kusvikira afambira mberi kuti abhabhatidzwe. Saka zano riri pamusoro apa rokuroora munaShe bedzi rine musoro. Zvisinei, zvakadini kana mumwe munhu wezera rokuroora, akarerwa mumhuri yechiKristu, ave achishingaira muungano kwenguva yakati kuti, uye ari muparidzi asina kubhabhatidzwa? Chii chakamutadzisa kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha? Nei achizeza? Haana chokwadi here? Kunyange asiri munhu asingatendi, haagoni kutaurwa nezvake seari “munaShe.”

Zano raPauro pakuroorana rinotibatsira. (Isaya 48:17) Apo vaviri vanotarisira kuroorana vakazvitsaurira kuna Jehovha, kuzvipira kwavo kune mumwe nomumwe mumuchato kune hwaro hwakasimba mune zvokunamata. Vane tsika uye vavariro dzakafanana. Izvi zvinobatsira zvikuru kuva nomuchato unofadza. Uyezve, ‘nokuroora munaShe,’ munhu anoratidza kuti akavimbika kuna Jehovha, uye izvozvo zvinotungamirira kuzvikomborero zvisingaperi, nokuti ‘akavimbika Jehovha achamuitirawo nokuvimbika.’—Pisarema 18:25.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 KuvaKristu vakazodzwa avo vakanga vachinyorerwa naPauro pakutanga, kuva ‘muranda munaShe’ kwaisanganisirawo kuzodzwa kwavo sevanakomana vaMwari uye hama dzaKristu.

[Mufananidzo uri papeji 31]

‘Akavimbika Jehovha achamuitirawo nokuvimbika’