Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvishamiso zvaJesu—Ungadzidzei?

Zvishamiso zvaJesu—Ungadzidzei?

Zvishamiso zvaJesu—Ungadzidzei?

UUNGASHAMISIKA kuziva kuti nhoroondo dzeBhaibheri dzoupenyu hwaJesu pasi pano hadzimboshandisi shoko raireva kuti “chishamiso.” Shoko rechiGiriki (dyʹna·mis) dzimwe nguva rinoshandurwa kuti “chishamiso” chaizvoizvo rinoreva “simba.” (Ruka 8:46) Ringashandurwawo kuti “mano” kana kuti ‘mabasa esimba.’ (Mateu 11:20; 25:15) Maererano neimwe nyanzvi, shoko iri rechiGiriki “rinosimbisa basa resimba raitwa, uye, chaizvoizvo, simba raraitwa naro. Chiitiko chacho chinorondedzerwa sechiratidzo chesimba raMwari riri kushanda.”

Rimwe shoko rechiGiriki (teʹras) rinowanzoshandurwa kuti “nenji” kana kuti “chishamiso.” (Johani 4:48; Mabasa 2:19) Shoko iri rinobudisa manzwiro evanenge vaona. Kazhinji, boka revanhu uye vadzidzi vaishamiswa nemabasa aJesu anoshamisa.—Mako 2:12; 4:41; 6:51; Ruka 9:43.

Shoko rechiGiriki rechitatu (se·meiʹon) rinotaura nezvezvishamiso zvaJesu rinoreva “chiratidzo.” “Rinonyanya kutaura zvinoreva chishamiso chacho,” inodaro nyanzvi Robert Deffinbaugh. Anotizve: “Chiratidzo chishamiso chinobudisa chokwadi pamusoro paIshe wedu Jesu.”

Kunyengedza Kana Kuti Isimba Rakapiwa naMwari?

Bhaibheri haritsananguri zvishamiso zvaJesu semanomano kana kuti kunyengedza kwaiitirwa kuvaraidza vanhu. Zvaiva kuratidzwa kwe“simba guru raMwari,” somuchinoitika chomukomana ane dhimoni rakadzingwa naJesu. (Ruka 9:37-43) Mwari Wemasimba ose aizotadza kuita mabasa esimba akadaro here—Uyo anorondedzerwa seane ‘simba guru’? (Isaya 40:26) Kwete!

Nhoroondo dzeEvhangeri dzinotaura nezvezvishamiso zvaJesu zvinenge 35. Asi zvishamiso zvake zvose hazvitaurwi. Somuenzaniso, Mateu 14:14 inoti: “[Jesu] akaona boka guru revanhu; akasiririswa navo, akarapa vairwara vavo.” Hatiudzwi kuti vanhu vangani vairwara vaakarapa panguva iyoyo.

Mabasa esimba akadaro aiva musimboti wokutaura kwaJesu kwokuti aiva Mwanakomana waMwari, Mesiya akapikirwa. Zvechokwadi Magwaro anoratidza kuti simba raakapiwa naMwari ndiro rakaita kuti Jesu aite zvishamiso. Muapostora Petro anotaura nezvaJesu so“munhu akaratidzwa pachena naMwari kwamuri nemabasa esimba nemanenji nezviratidzo zvakaitwa naMwari nekwaari pakati penyu, sezvamunoziva imi.” (Mabasa 2:22) Pane imwe nguva, Petro akataura kuti ‘Mwari akazodza Jesu nomudzimu mutsvene nesimba, uye akapota nomunyika iyoyo yose achiita zvakanaka uye achiporesa vose vakanga vakadzvinyirirwa naDhiyabhorosi; nokuti Mwari akanga anaye.’—Mabasa 10:37, 38.

Zvishamiso zvaJesu zvakanga zvakanyatsobatana neshoko rake. Mako 1:21-27 inozivisa zvakaitwa neboka revanhu kune zvaidzidziswa naJesu uye kune chimwe chezvishamiso zvake. Mako 1:22 inotaura kuti mapoka evanhu “akashamiswa nemadzidzisire ake,” uye Mk 1 ndima 27 inoti vanhu “vakakatyamadzwa” paakadzinga dhimoni. Mabasa aJesu esimba uye shoko rake zvakapa uchapupu hwokuti aiva Mesiya akapikirwa.

Jesu haana kungozviti aiva Mesiya; mashoko ake nezvaaiita uye simba raakapiwa naMwari rairatidzwa muzvishamiso zvake, zvakapa uchapupu hwokuti aiva Mesiya. Pakabvunzwa mibvunzo pamusoro pebasa nesimba rake, Jesu akapindura noushingi kuti: “Ndine uchapupu hukuru kune hwaJohani [Mubhabhatidzi], nokuti mabasa chaiwo ayo Baba vangu vakandigovera kuti ndipedze, mabasa chaiwo andiri kuita, anondipupurira kuti Baba vakandituma.”—Johani 5:36.

Zvinoratidza Kuti Zvaiva Zvechokwadi

Nei tingava nechokwadi chokuti zvishamiso zvaJesu zvaiva chaizvoizvo, zvechokwadi? Chimbofunga zvimwe zvinoratidza kuti zvaiva zvechokwadi.

Paaiita mabasa ake esimba, Jesu haana kuzvitsvakira mbiri. Akava nechokwadi chokuti chishamiso chimwe nechimwe chigume nokupa Mwari mbiri uye kuti akudzwe. Somuenzaniso, asati arapa munhu akanga ari bofu, Jesu akasimbisa kuti kuporesa kwaizoitwa “kuti mabasa aMwari aoneswe paari.”—Johani 9:1-3; 11:1-4.

Kusiyana nevanyengeri, vanoita zvemashiripiti, uye vanoporesa nokutenda, Jesu haana kumboita zvokukotsirisa vanhu, zvokuvanyengedza, zvemashiripiti okuda kuonererwa, zvezvitsinga, kana kuti kuita zvokusvikirwa. Haana kuita zvemashura kana kushandisa zvisaririra zvevakafa. Ona nzira yokuzvininipisa iyo Jesu akaporesa nayo varume vaviri vaiva mapofu. Nhoroondo yacho inoti: “Asiririswa, Jesu akabata maziso awo, akabva angoona, akamutevera.” (Mateu 20:29-34) Hapana kusvikirwa, mutambo, kana kuti kuita zvokuonererwa. Jesu akaita mabasa ake anoshamisa achionekwa nevanhu, kazhinji pamberi pevanhu vakawanda. Haana kushandisa chiedza, dariro, kana kuti zvimwewo zvokushandisa. Kusiyana neizvi, zvinonzi zvishamiso zvanhasi kazhinji hazvinyoreki.—Mako 5:24-29; Ruka 7:11-15.

Dzimwe nguva Jesu aibvuma kutenda kwevaya vaibatsirwa nezvishamiso zvake. Asi kushayiwa kutenda kwomunhu hakuna kutadzisa Jesu kuita chishamiso. Paaiva muKapenaume muGarireya, “vanhu vakamuunzira vanhu vakawanda vaiva nemadhimoni; uye akadzinga midzimu yacho neshoko, uye akarapa vose vakanga vachinetseka.”—Mateu 8:16.

Zvishamiso zvaJesu zvakaitirwa kubatsira vanhu vacho, kwete kufadza vaya vaida kungoona. (Mako 10:46-52; Ruka 23:8) Uye Jesu haana kumboita zvishamiso kuti awane chimwe chinhu iye pachake.—Mateu 4:2-4; 10:8.

Zvakadini Nenhoroondo dzeEvhangeri?

Chokwadi pamusoro pezvishamiso zvaJesu chakasvitswa kwatiri nomumapeji Evhangeri ina. Pane zvikonzero here zvokuvimba nenhoroondo idzi sezvatinoongorora chokwadi chezvishamiso zvinonzi zvakaitwa naJesu? Hungu, zviripo.

Sezvatatoona, zvishamiso zvaJesu zvakaitwa pane vanhu, zvichitopupurirwa nevakawanda. Evhangeri dzokutanga-tanga dzakanyorwa panguva apo vakawanda vevaya vakazvipupurira vakanga vachiri vapenyu. Nezvokutendeseka kwevanyori veEvhangeri, bhuku rinonzi The Miracles and the Resurrection rinoti: “Kupomera vanyori veevhangeri kuti vakangovhenganisa zvakaitika zvenhau nenganowo zvadzo dzinonzi dzinoshamisa kuti vaparadzire chitendero zvingava zvisina kutomborurama. . . . Vaida kuva vanyori vakatendeseka.”

Vashori vechiJudha vechiKristu havana kumbopokana nemabasa esimba anorondedzerwa muEvhangeri. Vakangopokana nesimba raishandiswa pakuzviita. (Mako 3:22-26) Kunyange vatsoropodzi vakazotevera havana kubudirira kuramba zvishamiso zvaJesu. Kusiyana neizvi, muzana remakore rokutanga nerechipiri C.E., kwaitaurwa nezvemabasa anoshamisa akaitwa naJesu. Zvakajeka kuti tine zvikonzero zvose zvokuona nhoroondo dzeEvhangeri dzezvishamiso zvake sedzechokwadi.

Murume Akaita Zvishamiso Zvacho

Kuongorora zvishamiso zvaJesu kungasava kwakakwana kana kukangogumira pane zvinofungwa nezvokuva kwazvo zvechokwadi. Dzichirondedzera mabasa aJesu esimba, Evhangeri dzinobudisa murume ane kunzwa kwakadzama uye ane tsitsi huru, anofarira zvepachokwadi kugara zvakanaka kwevamwe.

Chimbofunga nezvomumwe munhu aiva nemaperembudzi uyo akaenda kuna Jesu ndokumuteterera apererwa nezano achiti: “Kana muchida henyu, munogona kundiita kuti ndichene.” “Asiririswa,” Jesu akatambanudza ruoko rwake ndokubata murume uya aiva nemaperembudzi, achiti: “Ndinoda. Cheneswa.” Murume uya akabva angoporeswa. (Mako 1:40-42) Saka Jesu akaratidza kunzwira urombo kwakamuita kuti ashandise simba raakapiwa naMwari kuti aite zvishamiso.

Chii chakaitika Jesu paakasangana nomudungwe wemariro uchibuda muguta reNaini? Jaya rakanga rafa ndiro raingova bedzi mwanakomana wechirikadzi iyi. “Asiririswa” nomukadzi wacho, Jesu akaenda kwaari ndokuti: “Rega kuchema.” Zvadaro akamumutsira mwanakomana wake.—Ruka 7:11-15.

Chidzidzo chinonyaradza chingawanikwa muzvishamiso zvaJesu ndechokuti ai“siririswa” obva aita zvimwe zvinhu kuti abatsire vanhu. Asi zvishamiso izvozvo hazvisi zvinhu zvakangoitikawo zvikapera. “Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi, uye nokusingaperi,” inodaro VaHebheru 13:8. Iye zvino ari kutonga saMambo wokudenga, akagadzirira uye anokwanisa kushandisa masimba ezvishamiso aakapiwa naMwari munzira yakakura zvikuru kupfuura zvaakaita paaiva pasi pano ari munhu. Munguva pfupi, Jesu achaashandisa kuporesa vanhu vanoteerera. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kudzidza zvakawanda nezvetariro iyi yakajeka yenguva yemberi.

[Mifananidzo iri papeji 4, 5]

Zvishamiso zvaJesu zvaiva kuratidzwa kwe“simba guru raMwari”

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu aiva munhu ainzwira tsitsi chaizvo