Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Zhizha Nechando Hazvingagumi’

‘Zhizha Nechando Hazvingagumi’

Runako Rwechisiko chaJehovha

‘Zhizha Nechando Hazvingagumi’

ZUVA riri kugocha mugwenga. Mune dzimwe nzvimbo dzepasi, rinounza kudziya pashure pomwaka wechando. Zvechokwadi, kupisa kwezuva ndiko kunonyanya kukonzera kuchinja kwemamiriro okunze uye mwaka.

Mwaka yakasiyana-siyana pasi pose. Asi mwaka inei chokuita newe? Unofarira kutonhorera kwechirimo paunoona miti nemaruva zvichitungira here? Unonzwa sei nezvemanheru anodziyirira omuzhizha? Unonakidzwa here nemazuva ematsutso anozorodza apo mashizha anenge akatsvukuruka uye achichinja ruvara? Unofadzwa nokuona masango akazara nesinou here?

Chii chinoita kuti mwaka ivepo? Muchidimbu, kurereka kwepasi. Pasi rinotenderera zuva rakarereka nemadhigirii anenge 23,5. Dai pasi rakanga risina kurereka, pangadai pasina mwaka. Mamiriro okunze aizoramba akafanana nguva dzose. Izvi zvaizokanganisa zvinomera uye zvirimwa.

Munhu anogona kuona simba roMusiki, pakutevedzana kunoita mwaka. Achitaura naJehovha, munyori wePisarema akanyatsoti: “Ndimi makatara miganhu yose yapasi; ndimi makaita zhezha nechando.—Pisarema 74:17. *

Kubva pamaonero omunhu ari pasi pano, mitumbi yokudenga inoshanda sezviratidzo zvakajeka zvemwaka. Paaisika zuva nemitumbi inoritenderera, Mwari akati: “Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga . . . , kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore.” (Genesi 1:14) Pane imwe nguva yegore, pane nzvimbo mbiri apo zuva rinenge riri pamusoro chaipo masikati kuequator. Izvi zvinoitika zvinonzi maequinox—urefu hwousiku hunenge hwakafanana nourefu hwemasikati, uye munyika dzakawanda dzinoratidza kutanga kwematsutso nechirimo. Panguva iyi masikati anenge akangoreba sezvakaita usiku kupote pasi rose.

Kuvapo nokutanga kwemwaka hakunei nokufamba kwemimwe mitumbi yomuchadenga. Mwaka nemamiriro okunze zvose zvakabatana muurongwa hwakaoma kunzwisisa hunotsigira upenyu. Achitaura nevanhu vaigara kuAsia Minor—vazhinji vavo vaiziva zvokurima nokugadzira zvokudya—muapostora Pauro wechiKristu neshamwari yake Bhanabhasi akataura kuti Mwari ndiye ‘anokupai mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yenyu zvikuru kusvika pakuzara nezvokudya nomufaro.’—Mabasa 14:14-17.

Nzira yokugadzira zvokudya inoshamisa inoitwa nezvirimwa inotsigira zvinomera zvomusango nezvomumvura zviri mumakungwa. Pamusana peizvi, marudzi ezvinhu zvinorarama zvichidya zvimwe uye zvinhu zvipenyu zvakasiyana-siyana zvose zvinobatsirwa nokuchinja kwemamiriro okunze munzira dzinoshamisa. Pauro akataura mashoko akakodzera kutsigira kwaJehovha mune zvose izvi, achiti: “Ivhu rinonwa mvura inowanzonaya pariri, iro robva rabudisa zvinomera zvakakodzera avo vanorimirwa izvozvo, rinowanawo chikomborero chinobva kuna Mwari.”—VaHebheru 6:7.

Shoko rokuti “chikomborero” rinova nezvarinoreva zvitsva kana ukambomira ndokufunga pamusoro pezvinoitika munzvimbo idzodzo umo matsutso anounza tembiricha dzakanaka, masikati akareba, kudziya kwezuva kwakati wandei, uye kunaya kwemvura kwakanaka. Maruva anotumbuka uye tumbuyu tunobuda matunogara munguva yechando, twagadzirira kuzoberekesa zvirimwa. Shiri, dzakadai seblue jay yaunoona pano, dzinoita kuti musango munakidze muchinzwika kuimba kwadzo, uye muve noupenyu. Upenyu hunonakidza, uye tumbuyu tunoenderera noupenyu hwatwo hwokuzvarwa, kuchinja nokukura. (Rwiyo rwaSoromoni 2:12, 13) Izvi zvinotungamirira kukukohwa kana zhizha rava kunopera kana kuti muchirimo.—Eksodho 23:16.

Mabasa aJehovha anopupurirwa zvinoshamisa nokutenderera kwepasi, zvichiita kuti pave nemasikati nousiku, mwaka, nguva yokudyara nokukohwa. Tinovimba kuti zhizha richatevera chando. Kutaura zvazviri, ndiMwari akavimbisa kuti: “Nguva yose yenyika kudzvara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhezha nechando, masikati nousiku, hazvingagumi.”—Genesi 8:22.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2004, July/August.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

Mwedzi Unokosha Kuupenyu

Mumakore ose apfuura, mwedzi wave uchikurudzira uye uchishamisa vanhu. Asi, unoziva here kuti mwedzi unochinja mwaka? Kuvapo kwomwedzi kunobatsira kudzikamisa kurereka kwepasi, kureva kuti, mwero wokutenderera kwaro rakarereka. Izvi “zvinoita basa rinokosha mukuita mamiriro ezvinhu anogona kutsigira upenyu Pasi pano,” anodaro Andrew Hill, munyori wezvesayenzi. Kudai kwakanga kusina mwedzi chaiwo wakakura unodzikamisa kurereka kwepasi, tembiricha dzaizokwira uye sezvingabvira upenyu hwaisazobvira pasi pano. Saka, chikwata chevaongorori venyeredzi chakagumisa kuti: “Mumwe angafunga kuti Mwedzi sezvingabvira unodzora mamiriro okunze ePasi.”—Pisarema 104:19.

[Kwazvakatorwa]

Mwedzi: U.S. Fish & Wildlife Service, Washington, D.C./Bart O’Gara

[Mufananidzo uri papeji 9]

Ngamera, North Africa uye Peninsula yeArabia