Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vakatambudzwa neNazi” Vanoyeukwa

“Vakatambudzwa neNazi” Vanoyeukwa

Mushumo Wevazivisi Voumambo

“Vakatambudzwa neNazi” Vanoyeukwa

PAKUTANGA kwa2001, Haykaz, chimwe Chapupu chaJehovha chaiva nemakore 15, chakashanyira nzvimbo yairatidzwa zvakaitika kuvanhu “Vakatambudzwa neNazi,” iri muBern, kuSwitzerland, zvaiva nechokuita nokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha neNazi. Pakupera kwokushanya kwake, Haykaz akati: “Ndakanga ndambonzwa nezvokubatwa kwoutsinye uye kutambudzwa kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha mukutonga kweNazi, asi iyi yakanga iri nguva yokutanga kuona magwaro acho chaiwo nemifananidzo zvenguva iyoyo. Zvairatidzwa zvacho, mishumo yezvapupu zvakaona, uye mashoko evanyori venhau dzakaitika zviri panzvimbo yacho zvakaita kuti ndifungisise.”

Pane imwe nguva gare gare, Haykaz paakanzi anyore rondedzero achimiririra vaanodzidza navo muchikoro chesekondari, akasarudza musoro unoti “Zvapupu zvaJehovha—Vakatambudzwa neNazi.” Mudzidzisi wake akabvuma musoro wacho asi akaudza Haykaz kuti aifanira kutorawo mashoko ake mumabhuku enyika. Haykaz akabvuma achifara. “Ndakanyora pfupiso yemabhuku andakaongorora pamusoro peZvapupu zvaJehovha munguva yeNazi. Ndakarondedzerawo manzwiro angu pamusoro pezvakaratidzwa zve‘Vakatambudzwa neNazi’ Rondedzero yacho ine mapeji 43 yaisanganisira mienzaniso nemifananidzo.”

Muna November 2002, Haykaz akaverengera vaaidzidza navo, vadzidzisi, mhuri, uye shamwari dzake rondedzero yake. Pashure pacho, paiva nechikamu chemibvunzo nemhinduro, zvakamupa mukana wokutsanangura zvaanotenda zvinobva muBhaibheri. Mumwe musikana aiva muvateereri paakamubvunza kuti nei akanga asarudza musoro iwoyo, Haykaz akatsanangura kuti mabhuku enhau dzakaitika akawanda haatauri nezveZvapupu zvaJehovha uye aida kuti vanhu vazive kushinga kwakanga kwakaita Zvapupu pakudzivirira kutenda kwazvo kwechiKristu. Zvaakataura zvakaguma nei?

“Vandaidzidza navo vakashamiswa,” akadaro Haykaz. “Vakanga vasingazivi kuti Zvapupu zvaJehovha seboka zvakanga zvatambudzwa noutsinye. Uyewo, vakawanda vakanga vasingazivi kuti Zvapupu zvaiva mumisasa yevasungwa yeNazi zvaipfeka chiratidzo chakasiyana nezvimwe—purple triangle.”

Apedza kuverenga, Haykaz akava nemikana yakawanda yokutaura nevaaidzidza navo uye kukurukura zvinotendwa neZvapupu pamusoro pokuwedzerwa ropa, kunwa doro, uye kuva netsika. “Hapana kana mumwe wevandaidzidza navo akandinyomba kana kundiseka,” akadaro Haykaz. Uyezve, rondedzero yake iye zvino yava muraibhurari yechikoro. Izvi zvichabatsira kuva nechokwadi chokuti kushinga kweZvapupu zvaJehovha hakuzokanganwiki.