Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanotambudzwa asi Vanofara

Vanotambudzwa asi Vanofara

Vanotambudzwa asi Vanofara

“Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu.”—MATEU 5:11.

1. Jesu akavimbisei vateveri vake pamusoro pomufaro nokutambudzwa?

JESU paakatuma vadzidzi vake kunoparidza Umambo kokutanga, akavayambira kuti vaizoshorwa. Akavaudza kuti: “Muchavengwa nevanhu vose nemhaka yezita rangu.” (Mateu 10:5-18, 22) Zvisinei asati ataura izvi, muMharidzo yake yepaGomo, akavimbisa vaapostora vake nevamwe kuti kushorwa kwakadaro kwaisazoisa mufaro wavo womumwoyo pangozi. Kutaura zvazviri, Jesu akatotaura kuti vaKristu vaizofara pavaitambudzwa! Kutambudzwa kwaigona sei kuunza mufaro?

Kutambura Nokuda Kwokururama

2. Maererano naJesu nomuapostora Petro, kutambura kworudzii kunounza mufaro?

2 Chikonzero chechisere chakataurwa naJesu ndeichi: “Vanofara avo vakatambudzwa nokuda kwokururama, sezvo umambo hwokumatenga huri hwavo.” (Mateu 5:10) Kutambura pachako hakunakidzi. Muapostora Petro akanyora kuti: “Nokuti kurumbidzwai kuripo, kana muchiti mukaita chivi morohwa nembama, uye motsungirira? Asi, kana muchiti mukaita zvakanaka motambura uye motsungirira, ichi chinhu chinofadza Mwari.” Akawedzera kuti: “Zvisinei, ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambura nokuti imhondi kana mbavha kana muiti wezvakaipa kana nokuti anopindira munhau dzevamwe vanhu. Asi kana achitambura nokuti muKristu, ngaarege kunyara, asi ngaarambe achipa mbiri kuna Mwari muzita iri.” (1 Petro 2:20; 4:15, 16) Maererano nemashoko aJesu, kutambura kunounza mufaro kana kukatsungirirwa nokuda kwokururama.

3. (a) Zvinorevei kutambudzirwa kururama? (b) VaKristu vekare vakaita sei pavakatambudzwa?

3 Kururama kwechokwadi kunoonekwa nokuita zvinodiwa naMwari uye mirayiro yake. Saka, kutambura nokuda kwokururama kunoreva kutambura nokuti munhu anoramba kumanikidzwa kuti aputse mitemo yaMwari kana kuti zvaanoda. Vaapostora vakatambudzwa nevatungamiriri vechiJudha pamusana pokuti havana kurega kuparidza muzita raJesu. (Mabasa 4:18-20; 5:27-29, 40) Izvi zvakakanganisa mufaro wavo kana kuti kumisa kuparidza kwavo here? Kana! “Ava vakabva zvavo pamberi peSanihedrini, vachifara nokuti vakanga varangarirwa sevakafanirwa nokuzvidzwa nokuda kwezita rake. Uye mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.” (Mabasa 5:41, 42) Kutambudzwa uku kwakavaunzira mufaro uye kwakamutsiridza kushingaira kwavo mubasa rokuparidza. Gare gare, vaKristu vekare vakatambudzwa nevaRoma nokuti vakaramba kunamata mambo.

4. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinotambudzirwa vaKristu?

4 Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichitambudzwa nokuti hazviregi kuparidza “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Panorambidzwa misangano yazvo yechiKristu, zvinosva hazvo zvatambura pane kurega kuungana sezvinorayirwa neBhaibheri. (VaHebheru 10:24, 25) Zvave zvichitambudzirwa kusava kwazvo nekwazvakarerekera kwechiKristu kana kuti kuramba kwazvinoita kushandisa ropa zvisizvo. (Johani 17:14; Mabasa 15:28, 29) Kunyange zvakadaro, uku kutsigira kururama kunoita kuti vanhu vaMwari nhasi vave norugare rukuru rwomumwoyo nomufaro.—1 Petro 3:14.

Kuzvidzwa Nokuda kwaKristu

5. Chikonzero chipi chikuru chinotambudzirwa vanhu vaJehovha nhasi?

5 Chikonzero chechipfumbamwe chokufara chakataurwa naJesu muMharidzo yake yepaGomo chine chokuitawo nenyaya yokutambudzwa. Akati: “Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu.” (Mateu 5:11) Chikonzero chikuru chinotambudzirwa vanhu vaJehovha ndechokuti havasi rutivi rwegadziriro ino yakaipa yezvinhu. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Kudai maiva rutivi rwenyika, nyika yaizoda zvikuru zviri zvayo. Zvino nokuti hamusi rutivi rwenyika, asi ndakakusarudzai munyika, nemhaka yeizvi nyika inokuvengai.” (Johani 15:19) Saizvozvowo, muapostora Petro akati: “Nokuti hamurambi muchifambidzana navo kusvikira manyura mumatope ezvakaipa kufanana navo, vanoshamiswa uye vanoramba vachitaura zvakaipa nezvenyu.”—1 Petro 4:4.

6. (a) Nei vasara neshamwari dzavo vachizvidzwa uye vachitambudzwa? (b) Kuzvidzwa kwakadaro kunoderedza mufaro wedu here?

6 Tatoona kuti vaKristu vekare vakatambudzwa nokuti havana kurega kuparidza muzita raJesu. Kristu akarayira vateveri vake kuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) Vasara vakatendeka vehama dzakazodzwa dzaKristu, vachibatsirwa neshamwari dzavo dzakavimbika dze“boka guru revanhu,” vakaita basa iroro nokushingaira. (Zvakazarurwa 7:9) Naizvozvo, Satani anorwa “nevakanga vasara vembeu yake [mbeu yo“mukadzi,” chikamu chokudenga chesangano raMwari], vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:9, 17) SeZvapupu zvaJehovha, tinopupurira Jesu, Mambo ari kutonga iye zvino wehurumende yoUmambo, iya ichaparadza hurumende dzevanhu dzinovhiringidza nzira yenyika itsva yokururama yaMwari. (Dhanieri 2:44; 2 Petro 3:13) Tinozvidzwa nokutambudzwa nokuda kweizvi, asi tinofara kutamburira zita raKristu.—1 Petro 4:14.

7, 8. Vashori vakarevera nhema vaKristu vekare vachiti kudini?

7 Jesu akataura kuti vateveri vake vanofanira kufara kunyange kana vanhu vachivarevera “zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose” nokuda kwake. (Mateu 5:11) Izvi zvakanyatsoitika kuvaKristu vekare. Muapostora Pauro paakanga akasungwa ari muRoma, munenge muna 59-61 C.E., vatungamiriri vechiJudha vaiva ikoko vakataura nezvevaKristu, kuti: “Zvechokwadi pamusoro peboka iri tinozviziva kuti rinoshorwa kwose kwose.” (Mabasa 28:22) Pauro naSirasi vakapomerwa kuti vakanga va“nyonganisa pasi rinogarwa,” vachiita “zvinopesana nemirayiro yaKesari.”—Mabasa 17:6, 7.

8 Achinyora nezvevaKristu panguva yoUmambo hweRoma, K. S. Latourette munyori wenhau akati: “Zvaipomerwa zvacho zvaiva zvakasiyana-siyana.” VaKristu vaipomerwa kuti havatendi kuti Mwari ariko nokuti vairamba kupemberera mitambo yechihedheni. Nokuti vakanga vasingaiti zvakawanda munzanga—mitambo yechihedheni, zvinovaraidza vanhu vose . . .—vainyombwa zvichinzi vavengi vevanhu vose. . . . Zvainzi varume nevakadzi vaiungana usiku . . . unzenza huchiitwa. . . . Kuchengetwa kwaiitwa [Chirangaridzo chorufu rwaKristu] paine vatendi chete kwakaita kuti pave norunyerekupe rwokuti vaKristu vaigara vachibayira mucheche, vodya ropa rake nenyama yake.” Mukuwedzera, nokuti vaKristu vekare vairamba kunamata mambo, vaipomerwa kuva vavengi veHurumende.

9. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaita sei pavakapomerwa zvenhema, uye mamiriro ezvinhu nhasi akadini?

9 Kupomerwa zvenhema ikoko hakuna kuita kuti vaKristu vekare varege basa ravo rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Muna 60-61 C.E., Pauro akakwanisa kutaura nezve“mashoko akanaka” akanga achi“bereka zvibereko achiwedzera munyika yose” uye akanga “aparidzwa pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaKorose 1:5, 6, 23) Ndizvo zviri kuitikawo nhasi. Zvapupu zvaJehovha zviri kupomerwa zvenhema, sezvaingoitwawo vaKristu vomuzana remakore rokutanga. Asi, nhasi basa rokuparidza shoko roUmambo riri kubudirira uye rinounzira mufaro mukuru vaya vanoriita.

Vanofara Kuti Vanotambudzwa Sezvakaita Vaprofita

10, 11. (a) Jesu akagumisa sei mashoko ake echikonzero chechipfumbamwe chokufara? (b) Vaprofita vakatambudzirwei? Ipa mienzaniso.

10 Jesu akagumisa mashoko ake echikonzero chechipfumbamwe chokufara achiti: “Farai . . . , nokuti nenzira iyoyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.” (Mateu 5:12) Vaprofita vakatumwa naJehovha kuti vanonyevera vaIsraeri vasina kutendeka havana kugamuchirwa zvakanaka uye vaiwanzotambudzwa. (Jeremia 7:25, 26) Muapostora Pauro akapupurira chokwadi ichi, achinyora kuti: ‘Ndezvipi zvimwe zvandichataura? Nokuti nguva ichandiperera kana ndikarondedzera nezvavamwe vaprofita, avo nokutenda, vakaedzwa nokusekwa nokuzvamburwa, zvechokwadi, kupfuura izvozvo, nezvisungo nemajeri.’—VaHebheru 11:32-38.

11 Munguva yaitonga Mambo akaipa Ahabhi nomudzimai wake, Jezebheri, vaprofita vaJehovha vakawanda vakaurayiwa nebakatwa. (1 Madzimambo 18:4, 13; 19:10) Muprofita Jeremia akaiswa mumatanda uye pava paya akakandwa mugomba rematope. (Jeremia 20:1, 2; 38:6) Muprofita Dhanieri akakandwa mugomba reshumba. (Dhanieri 6:16, 17) Vaprofita vose ivava vakararama chiKristu chisati chavapo vakatambudzirwa kuti vaitsigira kunamatwa kwaJehovha kwakachena. Vaprofita vakawanda vakatambudzwa nevatungamiriri vechitendero vechiJudha. Jesu akadana vanyori nevaFarisi kuti, “vanakomana veavo vakaponda vaprofita.”—Mateu 23:31.

12. Nei isu seZvapupu zvaJehovha tichiona sokuti kutambudzwa sezvakaitwa vaprofita vekare iropafadzo?

12 Nhasi, isu seZvapupu zvaJehovha tinowanzotambudzirwa kuti tinoshingaira kuparidza mashoko akanaka oUmambo. Vavengi vedu vanotipomera kuti “tinotendeutsa nechisimba,” asi isu tinoziva kuti vanamati vaJehovha vakatendeka vakatitangira vakatsoropodzwawo saizvozvo. (Jeremia 11:21; 20:8, 11) Tinoona kutambudzirwa chikonzero chakafanana nechakatambudzirwa vaprofita vakatendeka vekare seropafadzo. Mudzidzi Jakobo akanyora kuti: “Hama, rangarirai vaprofita vakataura muzita raJehovha somuenzaniso wokutambura zvinhu zvakaipa nokushivirira. Tarirai! Tinoti vanofara avo vakatsungirira.”—Jakobho 5:10, 11.

Zvikonzero Zvikuru Zvokufara

13. (a) Nei tisingaodzwi mwoyo nokutambudzwa? (b) Chii chinoita kuti tigone kumira takasimba, uye izvi zvinoratidzei?

13 Tisingamboodzwi mwoyo nokutambudzwa, tinonyaradzwa nepfungwa yokuti tiri kutevera tsoka dzevaprofita, vaKristu vekare, uye Kristu Jesu pachake. (1 Petro 2:21) Tinogutsikana zvikuru neMagwaro, zvakadai semashoko anotevera omuapostora Petro okuti: “Vanodiwa, musashamiswa nemoto uri kubvira pakati penyu, zviri kuitika kwamuri kuti muedzwe, sokunge kuti chinhu chitsva chiri kukuwirai. Kana muri kuzvidzwa nokuda kwezita raKristu, munofara, nokuti mudzimu wembiri, iwo mudzimu waMwari, uri pamuri.” (1 Petro 4:12, 14) Kubva mune zvakaitika tinoziva kuti tinokwanisa kumira takasimba patinotambudzwa nemhaka bedzi yokuti mudzimu waJehovha unenge uri patiri uye uchitisimbisa. Kutsigira kwomudzimu mutsvene uchapupu hwokuti chikomborero chaJehovha chiri patiri, uye izvi zvinotiunzira mufaro mukuru.—Pisarema 5:12; VaFiripi 1:27-29.

14. Tine zvikonzero zvei zvokufara patinotambudzirwa kururama?

14 Chimwe chikonzero nei kushorwa uye kutambudzirwa kururama kuchiita kuti tifare ndechokuti zvinoratidza kuti tiri kurarama sevaKristu vechokwadi vakazvipira kuna Mwari. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Vose vanoda kurarama nokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Tinofara zvikuru nepfungwa yokuti kuramba kwedu takatendeka patinenge tichiedzwa kunopindurawo nhema dzaSatani dzokuti zvisikwa zvaJehovha zvose zvinomushumira nokuda kwoudyire. (Jobho 1:9-11; 2:3, 4) Tinofara kuti tine mugove, kunyange zvazvo uri muduku, mukurevererwa kwouchangamire hwaJehovha hwakarurama.—Zvirevo 27:11.

Svetukai Nomufaro Pamunowana Mubayiro

15, 16. (a) Jesu akatipa chikonzero chei chokuti ‘tifare uye tisvetuke nomufaro’? (b) Mubayiro wei wakachengeterwa vaKristu vakazodzwa kumatenga, uye shamwari dzavo, “mamwe makwai,” dzichapiwa mubayiro sei?

15 Jesu akapa chimwe chikonzero chokufara patinenge tichireverwa nhema uye tichitambudzwa sezvakaitwa vaprofita vekare. Ava kupedzisa kutaura chikonzero chechipfumbamwe chokufara, akati: “Farai musvetuke nomufaro, sezvo mubayiro wenyu uri mukuru kumatenga.” (Mateu 5:12) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mubayiro unoripa chivi rufu, asi chipo chinopiwa naMwari upenyu husingaperi achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaRoma 6:23) Chokwadi, ‘mubayiro mukuru’ upenyu, uye hausi mubhadharo watinogona kuwana. Chipo chepachena. Jesu akati mubayiro wacho uri “kumatenga” nokuti unobva kuna Jehovha.

16 Vakazodzwa vanowana “korona youpenyu,” kureva kuti, vanowana upenyu husingaperi vaina Kristu kudenga. (Jakobho 1:12, 17) Vaya vane tariro yokurarama pasi pano, “mamwe makwai,” vanotarisira kugara nhaka youpenyu husingaperi muparadhiso yepasi. (Johani 10:16; Zvakazarurwa 21:3-5) Kumapoka acho ose, “mubayiro” wacho hausi muripo. Vakazodzwa uye “mamwe makwai” vanowana mubayiro wavo nemhaka “yomutsa mukuru usina kufanirwa” waJehovha, wakaita kuti muapostora Pauro ataure kuti: “Mwari ngaaongwe nokuda kwechipo chake chepachena chisingarondedzereki.”—2 VaKorinde 9:14, 15.

17. Nei tingafara patinotambudzwa uye ‘tosvetuka nomufaro’ nenzira yokufananidzira?

17 Muapostora Pauro akanyorera vaKristu, zvikurukuru vaya vaizokurumidza kutambudzwa noutsinye naMambo Nero, kuti: “Ngatifarei zvikuru patinenge tiri pakutambudzika, sezvo tichiziva kuti kutambudzika kunobereka kutsungirira; kutsungirira kuchibereka kutenderwa; kutenderwa kuchibereka tariro, uye tariro haitungamiriri kukuora mwoyo.” Akatiwo: “Farai patariro. Tsungirirai pakutambudzika.” (VaRoma 5:3-5; 12:12) Tariro yedu ingava yokudenga kana kuti yepasi, mubayiro wedu wokutendeseka patinenge tichiedzwa mukuru kupfuura chinhu chose chatakakodzera kuwana. Kufarira kwatinoita tariro yokurarama nokusingaperi kuti tishumire uye tirumbidze Baba vedu vane rudo, Jehovha, tichitungamirirwa naMambo Jesu Kristu kunofashukira. Nenzira yokufananidzira ‘tinosvetuka nomufaro.’

18. Sezvo mugumo unoswedera pedyo, marudzi angatarisirwa kuti aitei, uye Jehovha achaitei?

18 Mune dzimwe nyika, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichitambudzwa uye zvichiri kutambudzwa. Muuprofita hwake pamusoro pokuguma kwegadziriro yezvinhu, Jesu akayambira vaKristu vechokwadi kuti: “Muchavengwa nemarudzi ose nemhaka yezita rangu.” (Mateu 24:9) Sezvatinosvika pedyo nomugumo, Satani achaita kuti marudzi aratidze kuvenga kwaanoita vanhu vaJehovha. (Ezekieri 38:10-12, 14-16) Izvi zvicharatidza kuti yava nguva yaJehovha yokuita chimwe chinhu. “Ini ndichazvikurisa, nokuzviita mutsvene, nokuzvizivisa pamberi pamarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezekieri 38:23) Saka Jehovha achatsvenesa zita rake guru onunura vanhu vake pakutambudzwa. Naizvozvo, “anofara munhu anoramba achitsungirira.”—Jakobho 1:12.

19. Patinenge tichimirira ‘zuva guru raJehovha,’ tinofanira kuitei?

19 Sezvo ‘zuva guru iroro raJehovha’ rinoswedera pedyo, ngatifarei nokuti ‘tinoonekwa setakafanira kuzvidzirwa’ zita raJesu. (2 Petro 3:10-13; Mabasa 5:41) SevaKristu vekare, patinenge tichimirira mubayiro wedu munyika itsva yakarurama yaJehovha, ngatirambei ‘tichidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu, tisingaregi’ uye pamusoro pehurumende yoUmambo.—Mabasa 5:42; Jakobho 5:11.

Kudzokorora

• Zvinorevei kutambudzirwa kururama?

• VaKristu vekare vakaita sei pavakatambudzwa?

• Nei zvinganzi Zvapupu zvaJehovha zviri kutambudzwa sezvakaitwa vaprofita vekare?

• Nei ‘tingafara tosvetuka nomufaro’ patinotambudzwa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

“Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai”

[Kwazvakatorwa]

Boka riri mujeri: Chicago Herald-American