Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Haiwa Jehovha, Mabasa Enyu Mazhinji Sei!”

“Haiwa Jehovha, Mabasa Enyu Mazhinji Sei!”

Runako Rwechisiko chaJehovha

“Haiwa Jehovha, Mabasa Enyu Mazhinji Sei!”

TINGAVE tichigara kumaruwa kana kuti muguta, panhongonya dzemakomo kana kuti pasi pasi pedyo negungwa, takapoteredzwa norunako runoshamisa rwezvinhu zvakasikwa. Nenzira yakakodzera, Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2004 inoratidza zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoomesa mate mukanwa zvakaitwa naJehovha Mwari.

Vanhu vanoonga vagara vachifarira mabasa aMwari. Somuenzaniso, funga nezvaSoromoni, ane uchenjeri hwainge hwa“kapfuura kungwara kwavana vamabvazuva.” Bhaibheri rinoti: “Akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove.” (1 Madzimambo 4:30, 33) Baba vaSoromoni, Mambo Dhavhidhi, vaiwanzofunga nezvemabasa aMwari ounyanzvi. Izvi zvakaita kuti vataure kuMuiti wavo vachiti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; pasi pazere nepfuma yenyu.”—Pisarema 104:24. *

Nesuwo tingaita zvakanaka kana tikaongorora uye tikadzidza nezvechisiko. Somuenzaniso, ‘tingatarira kumusoro nameso’ edu tobvunza kuti: “Ndiani wakasika izvozvi?” Chokwadi ndiJehovha Mwari ane “simba” uye zvechokwadi “mukuru pakusimba”!—Isaya 40:26.

Kufungisisa mabasa okusika aJehovha kunofanira kuita kuti tinzwe sei? Pane nzira dzinenge nhatu. Kunogona (1) kutiyeuchidza kuti tikoshese upenyu hwedu, (2) kuita kuti tibatsire vamwe kudzidza pazvinhu zvakasikwa, uye (3) kutikurudzira kusvika pakuziva uye kunzwisisa Musiki wedu zvakazara.

Upenyu hwedu isu vanhu, hunopfuura nokure huya hwe“mhuka dzisingafungi,” hunoita kuti tikwanise kuongorora tokoshesa zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa. (2 Petro 2:12) Maziso edu anogona kuona ziyenda nakuyenda renyika inoyevedza. Nzeve dzedu dzinogona kunzwa nziyo dzinotapira dzeshiri. Uye kuziva kwedu nguva nenzvimbo kunotipa pokutangira izvo zvinoita kuti tizova nezvinhu zvinotifadza zvatinoyeuka. Kunyange zvazvo iye zvino tisati takwana asi zvakakodzera kuti tirarame!

Vabereki vanogona kunakidzwa nokushamiswa kunoita vana vavo nezvinhu zvakasikwa. Vana vanofarira chaizvo kupfuya tsuro, kufudza mombe kana kuti kukwira miti! Vabereki vangada kubatsira vana vavo kuona kubatana kuripo pakati poMusiki nezvinhu zvakasikwa. Vana vanogona kuzogara vachishamiswa nezvinhu zvakasikwa naJehovha uye vachizviremekedza muupenyu hwavo hwose.—Pisarema 111:2, 10.

Hwaizova ufuza chaihwo kuyemura zvinhu zvakasikwa asi tokundikana kurumbidza Musiki. Uprofita hwaIsaya hunotibatsira kufungisisa pfungwa iyoyi pahunoti: “Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari usingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazikanwi.”—Isaya 40:28.

Chokwadi, mabasa aJehovha anopa uchapupu hwokuti hapana angaenzana naye pakuchenjera, hapana angakwikwidza simba rake, uye anotida zvikuru. Patinoona zvinhu zvose zvakanaka zvakatipoteredza tonzwisisa unhu hwoMunhu akazviita zvose, ngazvitikurudzire kuti tidzokorore mashoko aDhavhidhi okuti: “Hapana wakafanana nemi . . . , Ishe, uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu.”—Pisarema 86:8.

Hapana mubvunzo kuti vanhu vanoteerera vacharamba vachinakidzwa namabasa okusika aJehovha. Mukurarama kwose kusingagumi, tichava nemikana isingaperi yokudzidza zvakawanda nezvaJehovha. (Muparidzi 3:11) Uye kana tikadzidza zvakawanda nezvake, zvichaita kuti tinyanye kuda Musiki wedu uyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2004, November/December.

[Bhokisi riri papeji 9]

Kurumbidzwa kwoMusiki

Vasayendisiti vakawanda vanoonga vanoona ruoko rwaMwari muzvinhu zvakasikwa. Inotevera inongova mienzaniso mishomanana:

“Kukosha uye mufaro wandinowana muruzivo rwangu zvinobva munguva dziya dzandinotanga kuziva chimwe chinhu chitsva ndotaura ndiri ndoga ndichiti, ‘Saka ndiwo masikirwo achakaitwa naMwari nhai.’ Chinangwa changu ndechokunzwisisa kachidimbu kaduku-duku kepurani yaMwari.”—Henry Schaefer, purofesa wekemesitiri.

“Kuti zvinhu zvose zvakasikwa zvakavapo sei, tichitaura nezvokuramba zvichiwanda kwazvo, izvi zvinosiyirwa muverengi kuti apedzise oga, asi hatingambonzwisisi kana tikaMusiya [Mwari].”—Edward Milne, nyanzvi yokuBritain yemasikirwo akaitwa nyika.

“Tinoziva kuti zvinhu zvose zviripo zvinotsanangurwa nemasvomhu akanakisisa pane anogona kuvapo nokuti Mwari ndiye akazvisika.”—Alexander Polyakov, mazvikokota wesvomhu wokuRussia.

“Pakuongorora kwedu zvinhu zvakagara zviripo tiri kuongorora pfungwa dzoMusiki, kujairana nemafungiro ake, kududzira zvinhu Zvake, kwete zvedu.”—Louis Agassiz, godobori redzidzo yezvinhu zvipenyu rokuAmerica.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Gentoo penguins, Antarctic Peninsula

[Mufananidzo uri papeji 9]

Grand Teton National Park, Wyoming, U.S.A.

[Kwazvakatorwa]

Jack Hoehn/Index Stock Photography