Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Taura Shoko raMwari Noushingi

Taura Shoko raMwari Noushingi

Taura Shoko raMwari Noushingi

“Enda, undoprofita kuvanhu vangu.”—AMOSI 7:15.

1, 2. Amosi aiva ani, uye Bhaibheri rinotaurei nezvake?

PACHAKANGA chiri muushumiri, chimwe chapupu chaJehovha chakasangana nomupristi. Mupristi wacho akashevedzera achiti: ‘Rega kuparidza! Ibva munharaunda ino!’ Chapupu chacho chakaitei? Chakabva charega here, kana kuti chakaramba chichitaura Shoko raMwari noushingi? Unogona kuziva izvi nokuti chapupu ichocho chakanyora zvakaitika kwachiri mubhuku rine zita racho. Ibhuku reBhaibheri raAmosi. Zvisinei, tisati tadzidza zvakawanda nezvokusangana kwachakaita nomupristi wacho, ngatimbokurukurai nezvaAmosi.

2 Amosi aiva ani? Akararama rini uye aigara kupi? Mhinduro dzemibvunzo iyoyo tinodziwana pana Amosi 1:1, patinoverenga kuti: “Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, . . . namazuva aUzia mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsraeri.” Amosi aigara muJudha. Taundi rokumusha kwake raiva Tekoa, anenge makiromita 16 nechokumaodzanyemba kweJerusarema. Akararama nechokumagumo kwezana remakore rechipfumbamwe B.C.E., Mambo Uzia paaitonga munyika yeJudha uye Mambo Jerobhoami II paaiva mambo woumambo hwendudzi gumi dzaIsraeri. Amosi aifudza makwai. Kutaura zvazviri, Amosi 7:14 inoti akanga asiri “mufudzi” chete asiwo aiva “murimi wemionde.” Naizvozvo aipedza imwe nguva yegore somushandi womunguva yokukohwa. Aibaya-baya maonde. Basa iri raiitirwa kuti maonde akurumidze kuibva. Raiva basa rinonetesa.

“Enda, Undoprofita”

3. Kudzidza nezvaAmosi kunotibatsira sei kana tichinzwa sokuti hatina kukodzera kuparidza?

3 Amosi anotaura nenzira yokutendeseka kuti: “Ndakanga ndisi muprofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuprofita.” (Amosi 7:14) Haana kuberekwa ari mwanakomana womuprofita uyewo haana kurovedzwa kuti ave muprofita. Zvisinei, pavanhu vose vaiva muJudha, Jehovha akasarudza Amosi kuti aite basa Rake. Panguva iyoyo, Mwari haana kusarudza mambo aiva nesimba, mupristi aiva akadzidza, kana kuti muchinda aiva nepfuma. Izvi zvinotipa chidzidzo chinokurudzira. Tingave tine zvishomanana pakuona kwenyika kana kuti tine dzidzo yenyika shomanana. Asi izvozvo zvinofanira kuita kuti tinzwe tisina kukodzera kuparidza shoko raMwari here? Nyangwe! Jehovha anogona kutishongedzera kuti tizivise shoko rake—kunyange mundima dzakaoma. Sezvo izvozvo zviri izvo chaizvo zvakaitirwa Amosi naJehovha, vose vanoshuva kutaura shoko raMwari noushingi vacharayiridzwa kana vakafunga pamusoro pomuenzaniso wakasiyiwa nomuprofita iyeye aiva noushingi.

4. Nei zvakanga zvakaoma kuti Amosi aprofite muIsraeri?

4 Jehovha akarayira Amosi kuti: “Enda, undoprofita kuvanhu vangu vaIsraeri.” (Amosi 7:15) Basa iroro rakanga rakaoma. Panguva yacho, umambo hwendudzi gumi hwaIsraeri hwaiva norugare, hwaiva hwakachengeteka, uye hwaiva hwakabudirira. Vazhinji vakavakisa ‘dzimba dzomuchando’ uyewo ‘dzimba dzomuchirimo,’ kwete nezvidhinha zvevhu, asi ne“mabwe akavezwa” aidhura. Vamwe vaiva nefenicha yaiva yakashongedzwa nenyanga dzenzou, uye vainwa waini yaibva mu“minda yemizambiringa inofadza.” (Amosi 3:15; 5:11) Somugumisiro, vanhu vakawanda vakanga vasingakendengi. Zvechokwadi, ndima yakanga yakagoverwa Amosi ingangova yakafanana neinoparidzirwa nevazhinji vedu nhasi.

5. Zvinhu zvipi zvisina kururama zvaiitwa nevamwe vaIsraeri?

5 Zvakanga zvisina kuipa kuti vaIsraeri vave nezvinhu zvokunyama. Zvisinei, vamwe vaIsraeri vakanga vava kuunganidza pfuma yavo nenzira yokusatendeseka. Vapfumi vai“manikidza varombo” uye vai“pwanya vanoshayiwa.” (Amosi 4:1) Vatengesi vaiva nesimba, vatongi, uye vapristi vairangana kuti vabiridzire varombo. Zvino ngatimbodzokerai shure zvishoma tione zvaiitwa nevarume ava.

Mutemo waMwari Unotyorwa

6. Vatengesi vechiIsraeri vaibiridzira vamwe sei?

6 Ngatitangei kuenda kumusika. Ikoko vatengesi vasina kuvimbika vai“tapudza efa nokukurisa shekeri,” kunyange kutotengesa “makoto” vachiti zviyo. (Amosi 8:5, 6) Vatengesi vaibiridzira vavaitengesera pauwandu hwezvavaitengesa, mutengo wacho wakanga wakakurisa, asi zvinhu zvacho zviri zvenhando. Pashure pokunge vatengesi vabiridzira varombo kusvikira vasisina chinhu, varombo vaya vaifanira kuzvitengesa sevaranda. Zvadaro, vatengesi vaivatenga nomutengo we“shangu mbiri.” (Amosi 8:6) Pafunge! Vatengesi vanokara ivavo vaiona hama dzavo dzechiIsraeri sedzisingakoshi kupfuura kunyange shangu zvadzo! Kunyadzisa vaishayiwa kwakadini, uye kutyorwa kwoMutemo waMwari kwakakomba sei! Asi vatengesi ivavo vaichengeta “sabata.” (Amosi 8:5) Hungu, vainamata asi zvisingabvi pamwoyo.

7. Chii chakaita kuti vatengesi vomuIsraeri vakwanise kutyora Mutemo waMwari?

7 Sei vatengesi vacho vasina kurangirwa kutyora kwavaiita Mutemo waMwari, uyo unorayira kuti: “Unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe”? (Revhitiko 19:18) Vakabudirira nokuti vaipara mhosva dzacho pamwe chete nevaya vaifanira kudai vaiita kuti vanhu vateerere Mutemo—vatongi. Pasuo reguta, paitongerwa mhaka, vatongi ‘vaigamuchira chiokomuhomwe, vachidzinga varombo.’ Pane kuti vadzivirire varombo, vatongi vaivatengesa nokuti vaida chiokomuhomwe. (Amosi 5:10, 12) Naizvozvo vatongiwo vakanga vasiri kuteerera Mutemo waMwari.

8. Vapristi vakaipa vaiita sevasingaoni mufambiro upi?

8 Munguva iyi, vapristi vaIsraeri vaiiteiwo? Kuti tizive, ngatiendeizve kune imwe nzvimbo. Ona kuti zvivi zvipi izvo vapristi vairegera zvichiitwa “mumba maMwari wavo”! Achishandisa Amosi, Mwari akati: “Munhu nababa vake vachienda vose kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene.” (Amosi 2:7, 8) Imbopafunga! Baba vechiIsraeri nomwanakomana wavo vaiita unzenza nepfambi imwe yepatemberi. Uye vapristi ivavo vaiita sevasingaoni unzenza hwakadaro!—Revhitiko 19:29; Dheuteronomio 5:18; 23:17.

9, 10. VaIsraeri vaiva nemhosva yokutyora Mutemo waMwari upi, uye zvingaenzaniswa sei nezuva redu?

9 Achitaura nezvomumwe mufambiro wokutadza, Jehovha akati: “Vanovata pasi pamaartari ose panguo dzakatorwa dzichiitwa rubatso, vanonwa waini yavakaripiswa mumba maMwari wavo.” (Amosi 2:8) Chokwadi, vapristi nevanhuwo zvavo havanawo kuteerera mutemo wakanyorwa pana Eksodho 22:26, 27, waiti nguo yainge yatorwa sorubatso yaifanira kudzorerwa zuva risati ravira. Pane kudaro, vaiishandisa segumbeze rokutambararira zvavo pavainge vachidya uye vachinwa pamberi pavanamwari venhema. Uye vaitenga waini yokunwa pamitambo yezvitendero zvenhema nemari yavairipisa varombo. Chokwadi vakanga vatsauka chaizvo panzira yokunamata kwakachena!

10 VaIsraeri vakanga vachiputsa vasinganyari mirayiro mikuru miviri yoMutemo—kuda Jehovha uye kuda hama dzavo. Saka Mwari akatuma Amosi kuti anoshora kusatendeka kwavo. Nhasi, marudzi enyika, kusanganisira dziya dzechiKristudhomu, anoratidza uori hwakafanana nohweIsraeri yekare. Nepo vamwe vanhu vachibudirira, vamwe vazhinji vanobiridzirwa mari yavo uye vanoshungurudzwa nounzenza hunoitwa nevatungamiriri vemabhizimisi makuru vasina kutendeka, vezvematongerwe enyika, uye vezvitendero zvenhema. Asi Jehovha ane hanya nevaya vari kutambura uye nevaya vanonzwa vachida kumutsvaka. Naizvozvo, akagadza vashumiri vake vomuzuva ranhasi kuti vaite basa rakafanana neraAmosi—kuparidza shoko Rake noushingi.

11. Tingadzidzei pamuenzaniso waAmosi?

11 Nemhaka yokufanana kwakaita basa raAmosi neredu, tichabatsirwa zvikuru nokudzidza nezvomuenzaniso wake. Kutaura zvazviri, Amosi anotiratidza (1) kuti tinofanira kuparidza nezvechii, (2) nzira yatinofanira kuparidza nayo, uye (3) kuti nei vashori vasingakwanisi kumisa basa redu rokuparidza. Ngationgororei pfungwa idzi imwe chete panguva.

Kutevedzera Kwatingaita Amosi

12, 13. Jehovha akaratidza sei kuti haana kufara nevaIsraeri, uye ivo vakaita sei?

12 SeZvapupu zvaJehovha, ushumiri hwedu hwechiKristu, hwakavakirwa pabasa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. (Mateu 28:19, 20; Mako 13:10) Kunyange zvakadaro, tinoparidzawo nezvenyevero yaMwari, sezvo Amosi akazivisa kuti Jehovha aizotonga vakaipa zvakaomarara. Somuenzaniso, Amosi 4:6-11 inoratidza kuti Jehovha akaramba achitaura zvakajeka kuti haana kufara nevaIsraeri. Akaita kuti vanhu vacho ‘vashayiwe zvokudya,’ ‘akavanyima mvura,’ akavarova ne“nyunje nokuvhuvha,” ndokuvatumira “hosha yakaipa.” Zvinhu izvi zvakaita kuti vaIsraeri vapfidze here? Mwari akati, “Hamuna kudzokera kwandiri.” Zvechokwadi, vaIsraeri vakaramba Jehovha vamurambazve.

13 Jehovha akaranga vaIsraeri vakanga vasingapfidzi. Zvisinei, vakatanga vanyeverwa nouprofita. Maererano neizvi, Mwari akazivisa kuti: “Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaprofita zvakavanzika zvake.” (Amosi 3:7) Mwari akanga azivisa Noa kuti Mafashamo akanga ari kuuya uye akanga amurayiridza kuti anyevere vanhu. Saizvozvowo, Jehovha akaudza Amosi kuti anyevere vanhu kokupedzisira. Zvinosiririsa kuti Israeri haana kuteerera shoko raMwari iroro uye akakundikana kuita zvakarurama.

14. Nguva yaAmosi nezuva redu zvakafanana papi?

14 Hapana mubvunzo kuti unobvumirana nazvo kuti nguva yaAmosi nezuva redu zvakafanana zvinoshamisa. Jesu Kristu akaprofita kuti njodzi dzakawanda dzaizoitika munguva yomugumo. Akafanotaurawo nezvebasa rokuparidza raizoitwa munyika yose. (Mateu 24:3-14) Zvisinei, somuzuva raAmosi, vanhu vazhinji nhasi havana basa nezviratidzo zvenguva uye sevasinganzwi shoko roUmambo. Kuvanhu vakadaro, zvichaitika zvakangofanana nezviya zvakaitika kuvaIsraeri vakanga vasingapfidzi. Jehovha akavanyevera kuti: “Zvigadzirei kusongana naMwari wenyu.” (Amosi 4:12) Vakasangana naMwari paakavatonga zvakaomarara vachibva vakundwa nevaAsiria. Nhasi, nyika ino isingadi Mwari icha‘sangana naMwari’ paHa-Magedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Asi, chero bedzi Jehovha achiri kuramba akashivirira, tinokurudzira vanhu vakawanda sevanobvira kuti: “Tsvakai Jehovha, murarame.”—Amosi 5:6.

Kutarisana Nokushorwa Sezvakaita Amosi

15-17. (a) Amazia aiva ani, uye akaita sei pane zvakaziviswa naAmosi? (b) Amazia akapomera Amosi nhema dzipi?

15 Hatingotevedzeri Amosi pane zvatinoparidza chete asiwo panzira yatinoparidza nayo. Pfungwa iyoyo inosimbiswa muchitsauko 7, patinoudzwa nezvomupristi ataurwa pakutanga kwenyaya yatiri kukurukura. Aiva “Amazia muprista weBheti-eri.” (Amosi 7:10) Guta reBheti-eri rakanga riri muzinda wechitendero chakaramba kutenda cheIsraeri, chaisanganisira kunamata mhuru. Naizvozvo Amazia akanga ari mupristi wechitendero cheNyika yacho. Akaitei pamusoro pezvaiziviswa naAmosi noushingi?

16 Amazia akaudza Amosi kuti: “Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uprofitepo; asi urege kuzoprofitazve paBheti-eri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo.” (Amosi 7:12, 13) Kutaura zvazviri, Amazia akati: ‘Dzokera kumba! Tine chitendero chedu.’ Akaedzawo kukurudzira hurumende kuti irambidze basa raAmosi, achiudza Mambo Jerobhoami II kuti: “Amosi wakarangana pakati peimba yaIsraeri kukuurayai.” (Amosi 7:10) Chokwadi, Amazia akapomera Amosi kuti aida kumukira hurumende! Akaudza mambo kuti: “Nokuti Amosi unoti: Jerobhoami uchaurawa nomunondo, Israeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.”—Amosi 7:11.

17 Mumashoko iwayo, Amazia akataura mashoko matatu asiri echokwadi. Akati: “Amosi unoti.” Asi Amosi akanga asina kumbobvira ati ndiye aitaura uprofita hwacho. Pane kudaro, nguva dzose aiti: “Zvanzi naJehovha.” (Amosi 1:3) Amosi akapomerwawo kuti akanga ati: “Jerobhoami uchaurawa nomunondo.” Zvisinei, sezvakanyorwa pana Amosi 7:9, Amosi akanga aprofita kuti: “[Ini Jehovha] ndichamukira imba yaJerobhoami nomunondo.” Mwari ndiye akanga afanotaura kuti aizoparadza “imba” yaJerobhoami, dzinza rake. Uyezve, Amazia akapomera Amosi kuti akanga ati: “Israeri vachatapwa zvirokwazvo.” Asi Amosi akanga aprofitawo kuti vaIsraeri vapi nevapi vaizodzokera kuna Mwari vaizokomborerwa. Zviri pachena kuti Amazia haana kutaura chokwadi sezvachiri, achiitira kuti basa rokuparidza raiitwa naAmosi rirambidzwe zviri pamutemo.

18. Chii chakafanana panzira dzaishandiswa naAmazia neidzo dzinoshandiswa nevafundisi nhasi?

18 Wacherechedza here kufanana kwakaita nzira dzakashandiswa naAmazia neidzo dzinoshandiswa nevanoshora vanhu vaJehovha nhasi? Sezvo Amazia akaedza kuita kuti Amosi anyarare, saizvozvo vamwe vapristi, vafundisi, nemadzibaba echechi omuzuva redu vanoedza kumisa basa rokuparidza revashumiri vaJehovha. Amazia akapomera Amosi nhema dzokuti aida kumukira hurumende. Nhasi, vamwe vafundisi vanopomerawo Zvapupu zvaJehovha kuti zvine ngozi parunyararo rwenyika. Uye sezvo Amazia akaenda kuna mambo kuti amubatsire pakurwisa Amosi, saizvozvowo vafundisi vanowanzoenda kuvatsigiri vezvematongerwe enyika kuti vavatsigire pakutambudza Zvapupu zvaJehovha.

Vashori Havagoni Kumisa Basa Redu Rokuparidza

19, 20. Amosi akaitei paaishorwa naAmazia?

19 Amosi akaitei paaishorwa naAmazia? Kutanga, Amosi akabvunza mupristi wacho kuti: “Iwe unoti: Rega kuprofita pamusoro paIsraeri” here? Asingazezi, muprofita waMwari aiva noushingi akabva ataura mashoko chaiwo ayo Amazia akanga asingadi kunzwa. (Amosi 7:16, 17) Amosi haana kutyisidzirwa. Uyu muenzaniso wakanaka sei kwatiri! Kana pava pakutaura shoko raMwari, hatizoregi kuteerera Mwari wedu, kunyange munyika umo vanaAmazia vemazuva ano vari kukurudzira kuti titambudzwe zvine utsinye. Kufanana naAmosi, tinoramba tichizivisa kuti: “Zvanzi naJehovha.” Uye vashori havazombogoni kumisa basa redu rokuparidza, nokuti “ruoko rwaJehovha” runesu.—Mabasa 11:19-21.

20 Amazia angadai akaziva kuti kutyisidzira kwake kwakanga kusiri kuzobudirira. Amosi akanga atotsanangura kuti nei pasi pano pasina munhu aigona kumurambidza kutaura—uye ndiyo pfungwa yechitatu yatinoda kukurukura. Maererano naAmosi 3:3-8, Amosi akashandisa mibvunzo uye mifananidzo zvakatevedzana kuti aratidze kuti hapana chinoitika pasina chakonzera. Akabva aratidza kushanda kwazvinoita achiti: “Shumba yaomba; ndiani ungarega kutya? Ishe Jehovha wakataura; ndiani ungarega kuprofita?” Nemamwe mashoko, Amosi akataurira vateereri vake kuti: ‘Zvamusingagoni kurega kutya pamunonzwa shumba ichiomba, saizvozvowo handingagoni kurega kuparidza shoko raMwari, sezvo Jehovha akandirayira kudaro.’ Kutya Mwari, kana kuti kuremekedza Jehovha zvakadzama, kwakaita kuti Amosi ataure noushingi.

21. Tinoita sei patinonzwa murayiro waMwari wokuti tiparidze mashoko akanaka?

21 Isuwo tinonzwa murayiro waJehovha wokuti tiparidze. Tinoita sei? Kufanana naAmosi nevateveri vaJesu vekare, tinotaura shoko raJehovha noushingi, tichibatsirwa Naye. (Mabasa 4:23-31) Kutambudzwa kunokonzerwa nevashori kana kuti kusakendenga kwevatinoparidzira hakuzoiti kuti tinyarare. Zvichiratidza kushingaira kwakaita sokwaAmosi, Zvapupu zvaJehovha kupota nyika yose zvinonzwa zvichida kuramba zvichizivisa mashoko akanaka noushingi. Tine basa rokunyevera vanhu nezvokutonga kwaJehovha kuri kuuya. Kutonga ikoko kunosanganisirei? Mubvunzo iwoyo uchapindurwa munyaya inotevera.

Ungapindura Sei?

• Amosi akaita basa rake raakapiwa naMwari mumamiriro api ezvinhu?

• Kufanana naAmosi, tinofanira kuparidza nezvei?

• Tinofanira kuita basa redu rokuparidza tine maonero api?

• Nei vashori vasingakwanisi kumisa basa redu rokuparidza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mwari akasarudza Amosi, mubayi wemaonde, kuti aite basa Rake

[Mifananidzo iri papeji 13]

Kufanana naAmosi, uri kuzivisa shoko raJehovha noushingi here?