Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Famba Munzira Yokuvimbika

Famba Munzira Yokuvimbika

Famba Munzira Yokuvimbika

“Kana ndirini ndichafamba [“nokuvimbika,” NW] kwangu.”—PISAREMA 26:11.

1, 2. (a) Nei kuvimbika kwevanhu kuchikosha panyaya yokuva changamire kwaMwari? (b) Zvisikwa zvakangwara zvingaratidza sei kuti zvinotsigira kuva changamire kwaJehovha?

SATANI paakapanduka mumunda weEdheni, akamutsa nyaya inobatanidza zvinhu zvose zvakasikwa yokururama kwouchangamire hwaMwari pazvisikwa Zvake zvose. Imwewo nguva pava paya, akati vanhu vanoshumira Mwari bedzi kana kuita kudaro kuchiita kuti zvinhu zvivanakire. (Jobho 1:9-11; 2:4) Saka kuvimbika kwevanhu kwava chinhu chinokosha panyaya youchangamire hwaJehovha pazvisikwa zvake zvose.

2 Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti Mwari aizongoramba ari changamire pasinei nokuti zvisikwa zvake zvakavimbika here kana kuti hazvina, vanhu nevanakomana vaMwari vomudzimu vanogona kuratidza pavamire chaipo panyaya iyi. Sei? Nokusarudza kutevera nzira yokuvimbika kana kuti kwete. Saka, kuvimbika kwomunhu mumwe nomumwe, ndiko nheyo yakasimba yaanotongwa nayo.

3. (a) Jobho naDhavhidhi vaida kuti Jehovha aongorore chii uye avatongere chii? (b) Mibvunzo ipi inomuka ine chokuita nokuvimbika?

3 Nechivimbo Jobho akati: “Ngandiidzwe [naJehovha] pachiyero chakarurama, kuti Mwari azive [“kuvimbika,” NW] kwangu.” (Jobho 31:6) Mambo weIsraeri yekare, Dhavhidhi, akakumbira Jehovha kuti aongorore kuvimbika kwake paakanyengetera achiti: “Nditongerei Jehovha, nokuti ndakafamba [“nokuvimbika,” NW] kwangu; ndakavimbawo naJehovha ndisinganyunyuti.” (Pisarema 26:1) Zvinokosha kwazvo kuti nesuwo tifambe nokuvimbika! Asi chii chinonzi kuvimbika, uye zvinorevei kufamba nokuvimbika? Chii chichatibatsira kuramba tichifamba nokuvimbika?

‘Ndakafamba Nokuvimbika Kwangu’

4. Chii chinonzi kuvimbika?

4 Kuvimbika kunoreva kuva akarurama, asina chaanopomerwa, uye asina mhosva. Zvisinei, kuvimbika kunosanganisira zvakawanda kupfuura kuita zvakarurama. Kuva netsika dzakanaka kana kuti kuzvipira nomwoyo wose kuna Mwari. Satani haana kuva nechokwadi nezvevavariro dzaJobho paakaudza Mwari kuti: “Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mapfupa ake [aJobho] nenyama yake, ipapo uchakushorai pachena.” (Jobho 2:5) Kunze kwokuita zvakakodzera, kuvimbika kunoda vavariro yakarurama yomwoyo.

5. Chii chinoratidza kuti hazvidi hazvo kuti tive vakakwana kuti tirambe takavimbika?

5 Zvisinei, hazvidi hazvo kuti tive vakakwana, kuti tirambe takavimbika. Mambo Dhavhidhi akanga asina kukwana uye akaita zvikanganiso zvakawanda zvakakomba muupenyu hwake. Asi, Bhaibheri mumashoko aro omutauro wepakutanga rinomuti munhu akafamba ‘nomwoyo wakavimbika.’ (1 Madzimambo 9:4) Nei? Nokuti Dhavhidhi aida Jehovha. Mwoyo wake wakanga wakazvipira kuna Mwari. Akabvuma zvikanganiso zvake asingamanikidzwi, akabvuma kutsiurwa, uye akaruramisa nzira dzake. Chokwadi, kuvimbika kwaDhavhidhi kunooneka mukuzvipira kwake nomwoyo wose uye kuda kwake Mwari wake, Jehovha.—Dheuteronomio 6:5, 6.

6, 7. Kufamba nokuvimbika kunosanganisirei?

6 Kuvimbika hakungoratidzwi bedzi mune humwe unhu hwomunhu, hwakadai sokuzvipira pakunamata. Kunobatanidza upenyu hwedu hwose. Dhavhidhi aka“famba” nokuvimbika kwake. “Shoko rechiito rokuti ‘famba’ rinoreva ‘nzira youpenyu’ kana kuti ‘mararamiro,’” rinodaro The New Interpreter’s Bible. Achitaura nezvevaya “vasina mhosva panzira dzavo” (NW), munyori wepisarema akaimba kuti: “Vakaropafadzwa vanochengeta zvipupuriro [zvaMwari], vanomutsvaka nomwoyo wose. Zvirokwazvo, havaiti chinhu chisina kururama, vanofamba munzira dzake.” (Pisarema 119:1-3) Kuvimbika kunoda kuti tirambe tichitsvaka kuita kuda kwaMwari uye kufamba munzira yake.

7 Kuti tifambe nokuvimbika zvinoda kuti tizvipire kuna Mwari, kunyange mumamiriro ezvinhu asina kunaka. Patinotsungirira miedzo, patinoramba takasimba pasinei nematambudziko, kana patinodzivisa miedzo inobva munyika isingadi Mwari, kuvimbika kwedu kunova pachena. ‘Tinoita kuti mwoyo waJehovha ufare’ nokuti anenge ava kukwanisa kupindura uya anomushora. (Zvirevo 27:11) Saka nechikonzero chakanaka, tinogona kutsunga sezvakaita Jobho kuti: “Kusvikira parufu handingarasi [“kuvimbika,” NW] kwangu.” (Jobho 27:5) Pisarema rechi26 rinoratidza chichatibatsira kufamba nokuvimbika.

“Natsai Itsvo Dzangu Nomwoyo Wangu”

8. Unodzidzei muchikumbiro chaDhavhidhi chokuti Jehovha anzvere itsvo dzake nomwoyo?

8 Dhavhidhi akanyengetera kuti: “Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu.” (Pisarema 26:2) Itsvo dziri mukatikati chaimo momuviri. Nenzira yokufananidzira, itsvo dzinomirira pfungwa uye manzwiro omunhu omukatikati. Uye mwoyo wokufananidzira unoreva munhu zvaari zvose nechomukati—zvaanovavarira, manzwiro ake, uye zivo yake. Dhavhidhi paakakumbira Jehovha kuti amunzvere, ainyengetera kuti pfungwa dzake dzomukatikati nemanzwiro ake zviongororwe uye zvinzverwe.

9. Jehovha anonatsa itsvo dzedu nemwoyo zvokufananidzira munzira ipi?

9 Dhavhidhi akakumbira kuti itsvo dzake nomwoyo wake zvinatswe. Jehovha anonatsa sei zvatiri nechomukati? Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndicharumbidza Jehovha wakandipa mano, zvirokwazvo itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku.” (Pisarema 16:7) Izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti zano raMwari rakasvika mukatikati maDhavhidhi richibva ragara imomo, richigadzirisa pfungwa dzake dzomukatikati nemanzwiro ake. Saka izvozvo zvingaitikawo kwatiri kana tichifungisisa nokuonga zano ratinowana kuburikidza neShoko raMwari, vamiririri vake, uye sangano rake uye tikaribvumira kugara mukatikati medu. Kugara tichinyengetera kuna Jehovha kuti atinatse nenzira iyi kuchatibatsira kufamba nokuvimbika.

‘Unyoro Hwenyu Huri Pamberi Pangu’

10. Chii chakabatsira Dhavhidhi kufamba muchokwadi chaMwari?

10 “Unyoro hwenyu huri pamberi pameso angu,” akaenderera mberi achidaro Dhavhidhi, “ndakafamba muzvokwadi yenyu.” (Pisarema 26:3) Dhavhidhi ainyatsoziva mabasa aMwari omutsa worudo, uye aiafungisisa nokuonga. “Rumbidza Jehovha, mweya wangu,” akaimba kudaro, “urege kukanganwa mikomborero yake.” Achiyeuka chimwe ‘chezvikomborero’ zvaMwari, Dhavhidhi akaenderera mberi achiti: “Jehovha unoita zvinhu zvakarurama, nokururamisira vose vanomanikidzwa. Wakazivisa Mosesi nzira dzake, navana vaIsraeri zvaakaita.” (Pisarema 103:2, 6, 7) Pamwe Dhavhidhi akanga achifunga nezvokumanikidzwa kwakaitwa vaIsraeri nevaIjipiti mumazuva aMosesi. Kana zviri izvo, kufungisisa zvakaitwa naJehovha kuti Mosesi azive nzira dzokuvanunura nadzo kunofanira kunge kwakabaya mwoyo waDhavhidhi uye kwakasimbisa chisarudzo chake chokufamba muchokwadi chaMwari.

11. Chii chingatibatsira kufamba munzira yokuvimbika?

11 Kudzidza Shoko raMwari nguva dzose uye kufungisisa zvatinodzidza mariri kuchatibatsirawo kufamba munzira yokuvimbika. Somuenzaniso, kuyeuka kuti Josefa akatiza mukadzi waPotifari paaida kuita naye zvounzenza, chokwadi kungatikurudzira kutiza unzenza hwakafanana kubasa, kuchikoro, kana kune imwewo nzvimbo. (Genesi 39:7-12) Zvakadini tikaedzwa nemikana inoita kuti tibudirire mune zvokunyama kana kuva nomukurumbira nesimba munyika? Tine muenzaniso waMosesi, uyo akaramba mbiri yeIjipiti. (VaHebheru 11:24-26) Hapana mubvunzo kuti kufunga nezvokutsungirira kwaJobho kuchatibatsira kusimbisa chisarudzo chedu chokuramba takavimbika kuna Jehovha pasinei nourwere uye matambudziko. (Jakobho 5:11) Zvakadini tikatambudzwa? Kuyeuka zvakaitika kuna Dhanieri ari mugomba reshumba kuchatizadza noushingi!—Dhanieri 6:16-22.

“Handina Kugara Navanhu Venhema”

12, 13. Kushamwaridzana kworudzii kwatinofanira kudzivisa?

12 Achitaurazve chimwe chinhu chakasimbisa kuvimbika kwake, Dhavhidhi akati: “Handina kugara navanhu venhema, handingafambidzani [“nevaya vanovanza zvavari.” NW] Ndinovenga ungano yavanoita zvakaipa, handingagari navatadzi.” (Pisarema 26:4, 5) Dhavhidhi akanga asingagari nevakaipa. Aivenga ushamwari hwakaipa.

13 Zvakadini nesu? Tinoramba here kugara nevanhu venhema vanobuda mumapurogiramu eterevhizheni, mumavhidhiyo, mumabhaisikopo, mumaIndaneti, kana vanobudiswawo nedzimwe nzira? Tinotambira kure nevaya vanovanza zvavari here? Vamwe kuchikoro kana kuti kubasa vanganyepedzera kuita seshamwari dzakanaka vachiitira zvinangwa zvakaipa. Tinoda kushamwaridzana chaizvo nevaya vasingafambi muchokwadi chaMwari here? Kunyange zvazvo vachiti ndevepachokwadi, vakaramba kutenda vangavanzawo vavariro yavo yokutitsausa pakushumira Jehovha. Zvakadini kana muungano yechiKristu muine vamwe vanorarama upenyu huviri? Ivowo vanovanza zvavari chaizvo. Jayson, uyo ari kushumira somushumiri anoshumira pari zvino, aiva neshamwari dzakadaro paaiva muduku. Nezvadzo, anoti: “Rimwe zuva mumwe wavo akati kwandiri: ‘Zvatinoita iye zvino hazvikoshi nokuti panozouya nyika itsva, tinenge tatofa. Hatizozivi zvatinenge tatadza kuwana.’ Kutaura kwakadaro kwakaita kuti ndipengenuke. Handidi kunge ndafa panozouya nyika itsva.” Jayson akarega noungwaru kushamwaridzana nevanhu vakadaro. “Musatsauswa,” akanyevera kudaro muapostora Pauro. “Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinde 15:33) Zvinokosha chaizvo kuti tirege kushamwaridzana nevanhu vakaipa!

‘Ndichazivisa Mabasa Enyu Ose Anoshamisa’

14, 15. ‘Tingapoterera sei atari yaJehovha’?

14 “Ndichashambidza maoko angu ndisina mhosva; ndigopoteredza atari yenyu saizvozvo, Jehovha,” akaenderera mberi achidaro Dhavhidhi. Nei? “Kuti ndiparidze nenzwi rokuonga, ndiudze vanhu zvamabasa enyu ose anoshamisa.” (Pisarema 26:6, 7) Dhavhidhi aida kuramba akachena mutsika kuitira kuti anamate Jehovha uye azivise kuzvipira kwake kuna Mwari.

15 Chose chaiva nechokuita nokunamata patebhenekeri uye gare gare patemberi chaiva “mufananidzo chaiwo uye mumvuri wezvinhu zvokudenga.” (VaHebheru 8:5; 9:23) Atari yaifananidzira kuda kwaJehovha pakubvuma chibayiro chaJesu Kristu kuti adzikinure vanhu. (VaHebheru 10:5-10) Tinogeza maoko edu tisina mhosva uye ‘tinopoterera atari yaJehovha’ nokutenda kwedu muchibayiro ichocho.—Johani 3:16-18.

16. Kuzivisa vamwe mabasa anoshamisa aMwari kunotibatsira sei?

16 Patinofunga zvose zvinoitwa kuti zvivepo norudzikinuro rwacho, mwoyo yedu haizadzwi nokuonga Jehovha noMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga here? Saka, tichionga nemwoyo yedu, ngatizivisei vamwe mabasa anoshamisa aMwari—kubvira pakusikwa kwevanhu mumunda weEdheni kusvika pakudzorerwa kwakakwana kwezvinhu zvose munyika itsva yaMwari. (Genesi 2:7; Mabasa 3:21) Uye basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi rinotidzivirira chaizvo pakunamata! (Mateu 24:14; 28:19, 20) Kugara tichiriita kunotibatsira kuita kuti tariro yedu irambe yakajeka, kutenda kwedu zvipikirwa zvaMwari kurambe kwakasimba, uye kuda kwatinoita Jehovha nevamwe vanhu kurambe kuripo.

“Ndinoda Ugaro Hweimba Yenyu”

17, 18. Tinofanira kuona sei misangano yechiKristu?

17 Tebhenekeri, neatari yayo yezvibayiro, yaiva musimboti wokunamatwa kwaJehovha muIsraeri. Achiratidza kufarira kwake nzvimbo iyi, Dhavhidhi akanyengetera kuti: “Jehovha, ndinoda ugaro hweimba yenyu, nenzvimbo panogara kubwinya kwenyu.”Pisarema 26:8.

18 Tinofarira kuungana panzvimbo dzatinodzidza nezvaJehovha here? Imba yoUmambo imwe neimwe nepurogiramu yayo yenguva dzose yokurayiridzwa pane zvokunamata ndiyo musimboti wokunamata kwechokwadi munzanga. Uyezve, tine kokorodzano dzedu dzatinoita gore negore, magungano edunhu, uye magungano ezuva chairo. “Zvipupuriro” zvaJehovha zvinokurukurwa pamisangano yakadaro. Kana tikadzidza ‘kuzvida kwazvo,’ tichada chaizvo kupinda misangano uye tichateerera patinenge tiriko. (Pisarema 119:167) Zvinozorodza zvikuru kuva nevamwe vedu vatinonamata navo vanotifarira somunhu oga uye vanotibatsira kuramba tiri munzira yokuvimbika!—VaHebheru 10:24, 25.

“Musaparadza Mweya Wangu”

19. Dhavhidhi akanga asingadi kuva nemhosva yezvivi zvipi?

19 Sezvo Dhavhidhi ainyatsoziva migumisiro yokutsauka munzira yokufamba muchokwadi chaMwari, akakumbira kuti: [Musaparadza mweya wangu, NW] pamwe chete navatadzi, noupenyu hwangu navateuri veropa; vakabata zvakashata pamaoko avo, ruoko rwavo rworudyi ruzere nefufuro.” (Pisarema 26:9, 10) Dhavhidhi akanga asingadi kuverengwa pamwe chete nevanhu vasingadi Mwari vaiva nemhosva younzenza kana kuti fufuro.

20, 21. Chii chingaita kuti tipinde munzira isiri yaMwari?

20 Nhasi nyika izere nemiitiro younzenza. Terevhizheni, magazini, uye mabhaisikopu zvinosimudzira muitiro wounzenza—“ufeve, kusachena, unzenza.” (VaGaratiya 5:19) Vamwe vava varanda vokuona zvinonyadzisira, izvo kazhinji kacho zvinoita kuti vagume vaita unzenza. Vechiduku ndivo vanovhiringidzwa nyore nyore nezvinhu zvakadaro. Mune dzimwe nyika, itsika kuti mukomana nomusikana vafambidzane, uye vachiri kuyaruka vanonzwa vachimanikidzwa kufunga kuti vanofanira kudanana nomumwe munhu. Vechiduku vakawanda vanotanga kudanana nomumwe munhu, kunyange zvazvo vari vaduku zvikuru kuti varoorane. Kuti vagutse kuda kwavo kurara nomumwe munhu uko kunenge kuchiwedzera mavari, nenguva isipi vanotanga kuita unzenza zvokutosvika pakuita ufeve.

21 Vanhu vakuru havasiyiwi mumiitiro yakaipa. Kuita mabhizimisi zvisina kuvimbika uye muitiro wokuita zvisarudzo zvinongokunakira chete zviratidzo zvokusavimbika. Kufamba munzira dzenyika kuchangoita kuti tive kure naJehovha. ‘Ngativengei zvakaipa, tide zvakanaka’ toramba tichifamba munzira yokuvimbika.—Amosi 5:15.

“Ndidzikinurei, Mundinzwire Tsitsi”

22-24. (a) Ikurudziro ipi yaunowana mumashoko okupedzisira ePisarema 26? (b) Musungo upi uchakurukurwa munyaya inotevera?

22 Dhavhidhi akagumisa mashoko ake kuna Mwari, achiti: “Asi kana ndirini, ndichafamba [“nokuvimbika,” NW] kwangu; ndidzikinurei, mundinzwire tsitsi. Rutsoka rwangu rumire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano.” (Pisarema 26:11, 12) Kutsunga kwaDhavhidhi kuramba akavimbika kwakabatanawo nechikumbiro chake chokuti adzikinurwe. Izvozvo zvinokurudzira zvikuru! Pasinei nechivi chatinacho, Jehovha achatibatsira kana takatsunga kufamba munzira yokuvimbika.

23 Ngatiratidzei nemararamiro edu kuti tinoremekedza uye tinokoshesa kuva changamire kwaMwari mune zvose zvatinoita muupenyu hwedu. Mumwe nomumwe wedu anogona kunyengetera achikumbira Jehovha kuti amunzvere uye anatse pfungwa nemanzwiro ake omukatikati. Tinogona kuramba tichichengeta chokwadi chake chiri mberi kwedu nokushingaira kudzidza Shoko rake. Saka nepatinogona napo, ngatiregei kushamwaridzana nevakaipa asi ngatirumbidze Jehovha tiri muungano. Ngatishingaireiwo kuita basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi, tisingambobvumiri nyika kuisa pangozi ukama hwedu hunokosha naMwari. Sezvatinoita zvose zvatinokwanisa kuti tifambe munzira yokuvimbika, tinogona kuvimba kuti Jehovha achatinzwira tsitsi.

24 Sezvo kuvimbika kuchisanganisira zvose zvatinoita muupenyu, tinofanira kuziva mumwe musungo unouraya—kunwa doro zvisina kufanira. Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

• Nei zvisikwa zvakangwara zvichitongwa nenzira yakakodzera maererano nokuvimbika kwazvo?

• Kuvimbika chii, uye kufamba munzira yokuvimbika kunosanganisirei?

• Chii chichatibatsira kufamba munzira yokuvimbika?

• Kuti tirambe takavimbika, zvinhu zvipi zvine ngozi zvatinofanira kuziva uye kusaita?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 14]

Unoramba uchiisa pamberi pameso ako mabasa aJehovha omutsa worudo here?

[Mufananidzo uri papeji 14]

Nguva dzose unokumbira Jehovha kuti anzvere pfungwa dzako dzomukatikati here?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kuramba kwedu takavimbika mumiedzo kunoita kuti mwoyo waJehovha ufare

[Mifananidzo iri papeji 17]

Unoshandisa zvakanaka zvinhu zvinopiwa naJehovha zvinokubatsira kufamba munzira yokuvimbika here?