Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzvarwa Kunofanira Kuyeukwa

Kuzvarwa Kunofanira Kuyeukwa

Kuzvarwa Kunofanira Kuyeukwa

‘Nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.’—Ruka 2:11, “Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.”

ZVINENGE zviuru zviviri zvemakore zvadarika, mumwe mukadzi womuguta reBheterehema akazvara mwana mukomana. Vagari vaimomo vashomanana bedzi ndivo vakaziva kukosha kwokuzvarwa uku. Asi vamwe vafudzi, vaichengeta makwai avo usiku vari musango, vakaona ngirozi zhinji vakadzinzwa dzichiimba kuti: “Mbiri kumusorosoro kuna Mwari, uye pasi pano rugare pakati pevanhu vaanotendera.”—Ruka 2:8-14.

Zvadaro vafudzi ava vakawana Mariya nomurume wake, Josefa, vari muchidyiro, sezvakanga zvataurwa nengirozi chaizvo. Mariya, akanga atumidza mwana wacho kuti Jesu, uye ainge amuradzika muchidyiro, kana kuti munodyirwa nezvipfuwo, mudanga. (Ruka 1:31; 2:12) Zvino, zviuru zviviri zvemakore gare gare, chinenge chikamu chimwe muzvitatu chevanhu vose chinoti chinotevera Jesu Kristu. Uye zvinhu zvine chokuita nokuzvarwa kwake zvinoumba nyaya zvichida yakarondedzerwa kupfuura dzimwe dzose munhau yevanhu.

Spain, nyika yakasimba chaizvo mutsika dzechiKaturike uye muunyanzvi hwokupemberera mitambo yechinyakare, yava nenzira dzakawanda dzokuchengeta usiku ihwohwo hunoshamisa hwomuBheterehema.

Krisimasi yevaSpanish

Kubvira muzana remakore rechi13, Mutambo Wokuzvarwa wave uri chimwe chezvinhu zvinozivikanwa chaizvo pakupemberera kwevaSpanish. Mhuri dzakawanda dzinogadzira chidyiro chiduku chinomiririra makaiswa Jesu. Zviumbwa zvevhu zvinomiririra vafudzi uye vaMagi (kana kuti “madzimambo matatu”), uyewo Josefa, Mariya naJesu. PaMitambo mikuru, zvidhori zvihombe zvinenge vanhu chaivo zvinowanzomiswa pedyo nedzimba dzemitambo dzomutaundi munguva yeKrisimasi. Zviri pachena kuti Francis wokuAssisi akatanga tsika iyi kuItaly achiitira kuti aise pfungwa dzevanhu panhoroondo yeEvhangeri yokuzvarwa kwaJesu. Gare gare, vapristi vaFrancis vakaita kuti zvikurumbire muSpain nedzimwewo nyika dzakawanda.

VaMagi vane zvavanoita zvikuru mukupemberera Krisimasi muSpain, sezvinongoita Santa Claus mune dzimwe nyika. Zvinonzi vaMagi vanopa zvipo kuvana vomuSpain musi waJanuary 6, Día de Reyes, (Zuva reMadzimambo), sezvakangoitwa nevaMagi vakaunzira Jesu achangozvarwa zvipo. Zvisinei, vanhu vashoma vanoziva kuti nhoroondo yeEvhangeri haitauri kuti vaMagi vangani vakashanyira Jesu. Pane kuti vanzi madzimambo vanotaurwa zvakarurama kuti vaiva vazivi venyeredzi. * Uyezve, pashure pokushanya kwevaMagi ava, Herodhi akauraya vakomana vose vaiva muBheterehema “kubvira pazera remakore maviri zvichidzika” achiitira kuti auraye Jesu. Izvi zvinoratidza kuti vakatozoshanya pava paya Jesu atozvarwa.—Mateu 2:11, 16.

Kubvira muzana remakore rechi12, mamwe mataundi okuSpain ave achiita mutambo chaiwo wokuzvarwa kwaJesu kusanganisira kushanya kwevafudzi vachienda kuBheterehema kwozouya kuya kwevaMagi. Mazuva ano, maguta mazhinji omuSpain anounganidza vanhu, kana kuti vanofora musi waJanuary 5 gore negore, ipapo “madzimambo matatu” anokwira motokari dzemaoresa achipfuura nepakati peguta, achipa mitakunanzva kune vanenge vakatarisa. Kushongedza kwepaKrisimasi kwagara kuchiitwa uye villancicos (nziyo dzechitendero) zvinoita kuti mutambo wacho wokupemberera unakidze.

Mhuri dzakawanda dzokuSpain dzinoda kuva nezvokudya zvemanheru zvakanyatsogadzirwa, Manheru anotangira zuva reKrisimasi (December 24). Kwakagara kuchidyiwa zvinhu zvakadai seturrón (zvihwitsi zvinogadzirwa nemaalmond nouchi), marzipan, michero yakaomeswa, hwai yakagochwa, nezvokudya zvinobva mugungwa. Nhengo dzemhuri, kunyange dziya dzinogara kure, dzingaedza nepadzinogona napo kuti dziungane pamwe chete panguva iyi. Pane kumwe kudya kunoitwa nemhuri, musi waJanuary 6, mhuri inodya roscón de reyes, keke reraundi re“Madzimambo” rine sorpresa (chidhori chiduku) chinenge chakavigwa imomo. Tsika yakafanana naiyoyo munguva dzevaRoma yaiita kuti muranda aiva nechidimbu chaiva nechinhu chakavanzwa ave “mambo” kwezuva rimwe chete.

“Nguva Yokufarisisa Neine Basa Chaizvo Pagore”

Chero zvingave zvave kuitwa mutsika yomunzvimbo imwe neimwe, Krisimasi yazova mutambo unokosha munyika yose. The World Book Encyclopedia rinorondedzera Krisimasi se“nguva yokufarisisa neine basa chaizvo pagore kumamiriyoni evaKristu uye vamwe vasiri vaKristu munyika yose.” Izvozvo zvakanaka here?

Zviri pachena kuti kuzvarwa kwaKristu chaiva chinhu chikuru. Chokwadi chokuti ngirozi dzakazivisa izvozvo sechiratidzo cho“rugare pakati pevanhu vaanotendera” chinoratidza pachena kukosha kwako.

Kunyange zvakadaro, “pamavambo echiKristu, Mutambo Wokuzvarwa waisaitwa semhemberero,” anodaro Juan Arias, mutori wenhau wokuSpain. Kana zvakadaro, mutambo wokupemberera Krisimasi wakabva kupi? Ndeipi nzira yakanakisisa yokuyeuka nayo kuzvarwa uye upenyu hwaJesu? Uchawana mhinduro dzemibvunzo iyi munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Bhuku rinonzi La Sagrada Escritura—Texto y comentario por profesores de la Compañía de Jesús (Rugwaro Rutsvene, Rugwaro Netsanangudzo zvakanyorwa navanaPurofesa veBoka raJesu) rinotsanangura kuti “kuvaPersia, vaMedhiya, nevaKadheya, vaMagi vaiumba boka revapristi vaikurudzira uzivi hwemashiripiti, uzivi hwenyeredzi, uye mishonga.” Kunyange zvakadaro, pakazosvika nguva yeMiddle Ages, boka revaMagi rakaenda kunoona Jesu muduku rakanga raitwa dzvene uye vapiwa mazita okuti Melchior, Gaspar, naBalthasar. Zvinonzi marangwanda avo akachengetwa mucathedral yomuCologne, muGermany.