Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Kristu Anofanira Kuyeukwa Sei?

Jesu Kristu Anofanira Kuyeukwa Sei?

Jesu Kristu Anofanira Kuyeukwa Sei?

Jesu Kristu “zvechokwadi ndiye mumwe wevanhu vakachinja vamwe kwazvo pane vose vakamborarama.”—“The World Book Encyclopedia.”

VANHU vakakurumbira vanowanzoyeukwa nezvavakaita. Saka nei vanhu vakawanda vachiyeuka kuzvarwa kwaJesu pane kuti vayeuke zvaakaita? MuchiKristudhomu chose, vanhu vakawanda vanogona kudzokorora zvakaitika paakazvarwa. Vangani vanoyeuka uye vanoedza kushandisa zvaakadzidzisa zvakanaka chaizvo zviri muMharidzo yepaGomo?

Kutaura chokwadi, kuzvarwa kwaJesu kwaishamisa, asi vadzidzi vake vekare vakakoshesa zvaaiita nezvaaidzidzisa. Chokwadi, Mwari haana kumboda kuti kuzvarwa kwaKristu kukurumbire zvokudzikatidza upenyu hwake ava munhu mukuru. Asi izvozvo ndozvakaitwa neKrisimasi nengano dzayo Dzokuzvarwa, ichidzikatidza Kristu zvaari somunhu.

Mumwe mubvunzo unovhiringidza unomuka pamusoro pokupembererwa kunoitwa Krisimasi. Kudai Jesu aizodzoka pasi pano nhasi, aizofungei nezvokutengeserana kunoitwa paKrisimasi? Mazana maviri emakore apfuura, Jesu akashanyira temberi yaiva muJerusarema. Akashatiriswa nevanhu vaichinja mari uye vatengesi vaida kushandisa mitambo yechiJudha kuti vaite mari. Akati, “Bvisai zvinhu izvi muno! Musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera!” (Johani 2:13-16) Zviri pachena kuti Jesu haana kufarira kusanganisa zvokutengeserana nechitendero.

VaKaturike vakawanda vechokwadi vokuSpain vanoratidza kuti vari kunetseka nezvokutengeserana kwepaKrisimasi kuri kuwedzera. Asi kurerekera kune kutengeserana ikoko zvimwe hakudzivisiki, pamusana pekwakabva zvinhu zvakawanda zvinoitwa paKrisimasi. Mutori wenhau Juan Arias anoti: “Vaya vari muchiKristu vanotsoropodza kuti Krisimasi yazova ‘yechihedheni’ uye yemafaro nezvokutengeserana kupfuura kuva yechitendero, chaizvoizvo havazivi kuti kunyange payakatanga soMutambo Wokuzvarwa . . . yaitova nezvinhu zvakawanda zvomutambo wechihedheni wevaRoma [wezuva].”—El País, December 24, 2001.

Mumakore achangobva kupfuura, vatori venhau vakawanda vokuSpain uye maenisaikoropidhiya akataura nezvemavambo echihedheni emitambo yeKrisimasi, pamwe nokurerekera kune zvokutengeserana. Nezvezuva rinopembererwa Krisimasi, Enciclopedia de la Religión Católica inotaura nokutendeseka kuti: “Chakaita kuti Chechi yeRoma isarudze musi womutambo uyu kunenge kuti kutsiva kwayaida kuita mitambo yechihedheni neyechiKristu. . . . Tinoziva kuti panguva iyoyo muRoma, December 25 raiva zuva dzvene kuvahedheni rokupemberera natalis invicti, kuzvarwa kwe‘zuva risingakundwi.’”

Enciclopedia Hispánica inotiwo: “Musi waDecember 25 wokupemberera Krisimasi hausi musi wokutevedzera nguva chaiyoiyo, asi ndiwo musi wakaitwa mutambo waipembererwa muRoma wokubuda kwezuva panguva yechando.” VaRoma vaipemberera sei kubuda kwezuva munguva yechando? Vaizviita nokudya, mafaro, uye kupanana zvipo. Sezvo vakuru vakuru vechechi vakanga vasingadi kurambidza mutambo wakakurumbira kudaro, vakauita kuti “Uve wechiKristu” nokuudana kuti kuzvarwa kwaJesu pane kuuti kuzvarwa kwezuva.

Pakutanga, muzana remakore rechina nerechishanu, kunamatwa kwezuva netsika dzakwo zvakanga zvakaoma kuti zviregwe. “Musande” weKaturike Augustine (354-430 C.E.) akanzwa achifanira kukurudzira vaainamata navo kuti vasapemberera December 25 sezvaiita vahedheni vachikudza zuva. Kunyange nanhasi, zvinoita sokuti mitambo yekare yechiRoma inenge yakakurumbira kupfuura mimwe.

Mutambo Wakakodzera Kuita Zvemafaro uye Zvokutengeserana

Mazana emakore ose apfuura aya, zvinhu zvinoverengeka zvine zvazvakaitawo mukuumba Krisimasi kuva mutambo wenyika yose wemafaro newokutengeserana. Uyewo dzimwe tsika dzemimwewo mitambo yomuchando, kunyanya iya inopembererwa kumusoro kweEurope, dzakazobatanidzwawo mumutambo uyu wokuRoma. * Uye muzana remakore rechi20, vatengesi nenyanzvi dzokushambadzira vakashingairira kusimudzira chero tsika iyo zvayo yaigona kuunza purofiti yakakura.

Izvi zvave zvichiguma nei? Kupemberera kuzvarwa kwaKristu ndiko kwava kukosha zvikuru pane kukoshesa zvakunoreva. Muzviitiko zvizhinji, kunyange kutotaurwa kwaKristu kwakatotsakatika muKrisimasi inozivikanwa. “[Krisimasi] mutambo wenyika yose, wemhuri, uye munhu wose anopemberera zvaanoona mauri,” rinodaro pepanhau rokuSpain, El País.

Izvi zvinoratidza zvava kuitwa nevazhinji muSpain uye mune dzimwe nyika dzakawanda munyika yose. Nepo kupembererwa kweKrisimasi kuri kuwedzera kuva kwemaoresa, zivo pamusoro paKristu iri kuderera. Kutaura zvazviri, mitambo yeKrisimasi yadzokera pamwero mukuru kune zvayaimbova munguva yevaRoma—mafaro, kudya, uye kupanana zvipo.

Takazvarirwa Mwana

Kana Krisimasi yevoruzhinji isinei naKristu, vaKristu vechokwadi vanofanira kuyeuka sei kuzvarwa uye upenyu hwaKristu? Mazana manomwe emakore Jesu asati azvarwa, Isaya akaprofita nezvake kuti: “Takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake.” (Isaya 9:6) Nei Isaya akataura kuti kuzvarwa kwaJesu uye basa raaizoita zvaikosha chaizvo? Nokuti Jesu aizova mutongi ane simba. Aizonzi Muchinda Worugare, uye paisazova nomugumo worugare kana wokutonga kwake. Uyezve, kutonga kwaJesu kwaizosimbiswa “nokururamisira nokururama.”—Isaya 9:7.

Ngirozi Gabrieri yakadzokorora zvakaziviswa naIsaya payakazivisa Mariya nezvokuzvarwa kwaJesu. Yakafanotaura kuti, “Iyeyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33) Zviri pachena kuti chinokosha zvikuru pakuzvarwa kwaJesu raiva basa raizoitwa naKristu saMambo akagadzwa woUmambo hwaMwari. Kutonga kwaKristu kunogona kubatsira vanhu vose, kusanganisira iwe nevadiwa vako. Kutaura zvazviri, ngirozi dzakaratidza kuti kuzvarwa kwake kwaizounza “rugare pasi pano, pakati pavanhu vanofarirwa naMwari.”—Ruka 2:14, Bhaibheri Rinoera.

Ndiani asingadi kurarama munyika ine rugare nokururamisira? Asi kuti tive norugare ruchaunzwa nokutonga kwaKristu, tinofanira kufadza Mwari tova noukama hwakanaka naye. Jesu akati chinhu chokutanga kuti munhu azova noukama hwakadaro kudzidza nezvaMwari naKristu. Jesu akati, “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”—Johani 17:3.

Kana tangoziva Jesu, hatifaniri hedu kunetseka kuti anoda kuti timuyeuke sei. Kungava kumuyeuka tichidya, tichinwa, uye tichipanana zvipo pazuva rakangofanana neromutambo wekare wechihedheni here? Izvozvo zvinoita sezvisingaiti. Usiku hwakatangira zuva raakazofa, Jesu akaudza vadzidzi vake zvaaida. “Ane mirayiro yangu akaichengeta, iyeye ndiye anondida. Uyewo anondida achadiwa naBaba vangu, uye ndichamuda.”—Johani 14:21.

Zvapupu zvaJehovha zvakatsvakurudza chaizvo muMagwaro Matsvene, izvi zvakavabatsira kunzwisisa kuti mirayiro yaMwari neyaJesu ndeipi. Zvingafara kukubatsira kunzwisa mirayiro iyoyo inokosha kuti uyeuke Jesu sokuyeukwa kwaanofanira kuitwa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Muti weKrisimasi uye Santa Claus ndiyo mienzaniso miviri mikuru.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 6, 7]

Bhaibheri Harikurudziri Kupemberera Nokupanana Zvipo Here?

Kupa Zvipo

Bhaibheri rinobvumira kupa zvipo, Jehovha pachake achinzi Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Jesu akaratidza kuti vabereki vakanaka vaizopa vana vavo zvipo. (Ruka 11:11-13) Shamwari dzaJobho nenhengo dzemhuri vakapa Jobho zvipo paakanaya. (Jobho 42:11) Zvisinei, pakupa kwose ikoko, hapana kwaida mazuva chaiwo omutambo. Kwaibva pamwoyo.—2 VaKorinde 9:7.

Kuungana Kwemhuri

Kuungana kwemhuri kunogona kuita zvakawanda mukubatanidza nhengo dzemhuri, kunyanya kana vasingachagari muimba imwe chete. Jesu nevadzidzi vake vakaenda kumuchato kuKana, hapana mubvunzo kuti paiva nehama neshamwari dzakawanda. (Johani 2:1-10) Uye mumufananidzo waJesu womwanakomana anopambadza, baba vacho vakapemberera kudzoka kwomwanakomana wavo nokuita mutambo wemhuri, waisanganisira mimhanzi nokutamba.—Ruka 15:21-25.

Kuva Nezvokudya Zvakanaka

Bhaibheri rinowanzotaura nezvevashumiri vaMwari kuti vanodya zvokudya zvinonaka pamwe nemhuri, neshamwari, kana kuti nevavanonamata navo. Ngirozi nhatu padzakashanyira Abrahamu, akadzigadzirira zvokudya zvaisanganisira nyama, mukaka, ruomba, nemakeke eraundi. (Genesi 18:6-8) Soromoni akarondedzera ‘kudya, kunwa, uye kufara’ kuti chipo chinobva kuna Mwari.—Muparidzi 3:13; 8:15.

Zviri pachena kuti Mwari anoda kuti tive nezvokudya zvakanaka tiri pamwe chete neshamwari uye nemhuri, uye anobvumira kupa zvipo. Tine mikana yakawanda yokuita izvozvo chero panguva ipi zvayo gore rose.