Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unobvuma Kubatsirwa naJehovha Here?

Unobvuma Kubatsirwa naJehovha Here?

Unobvuma Kubatsirwa naJehovha Here?

“Jehovha ndiye mubetseri wangu; handingatyi.”—VAHEBHERU 13:6.

1, 2. Nei zvichikosha kuti tibvume kubatsirwa uye kutungamirirwa naJehovha muupenyu?

CHIMBOFUNGIDZIRA uchifamba nekanzira kanokwira gomo. Asi hausi woga, nokuti wapiwa munhu anokuperekedza, uye hapana anoenzana nomunhu iyeye. Ane ruzivo uye akasimba kukupfuura, asi anoshivirira achifamba ari pedyo newe. Anoona kuti unombogumburwa. Nokuti ane hanya newe, anotambanudza ruoko kuti akubatsire kupfuura pane imwe nzvimbo ine ngozi. Waizoramba rubatsiro rwake here? Chokwadika kwete! Ukaramba pako papera.

2 Isu sevaKristu tine nzira yokufamba nayo yakaoma kutevera. Tinofanira kufamba nzira yakamanikana iyoyo tiri toga here? (Mateu 7:14) Aiwa, Bhaibheri rinoratidza kuti Mutungamiriri ane ruzivo kupfuura vamwe vose Jehovha Mwari, anobvuma kuti vanhu vafambe naye. (Genesi 5:24; 6:9) Jehovha anobatsira vashumiri vake sezvavanofamba here? Iye anoti: “Ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri: Usatya, ini ndichakubatsira.” (Isaya 41:13) Somutungamiriri womumuenzaniso wedu, Jehovha anotambanudza ruoko rwake rwokubatsira uye rwoushamwari nomutsa kuna vaya vanoda kufamba naye. Zvechokwadi hapana kana mumwe wedu angada kuramba kubatsirwa naye!

3. Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya ino?

3 Munyaya yapfuura, takurukura nzira ina idzo Jehovha akabatsira nadzo vanhu vake kare. Nanhasi achiri kubatsira vanhu vake saizvozvo here? Uye tingava sei nechokwadi chokuti tinobvuma kubatsirwa kwakadaro? Ngatikurukurei mibvunzo iyoyo. Kana tikadaro, tingava nechivimbo chakawedzerwa chokuti zvechokwadi Jehovha ndiye Mubatsiri wedu.—VaHebheru 13:6.

Kubatsirwa Nengirozi

4. Nei vashumiri vaMwari vanganzwa vaine chivimbo chokuti ngirozi dzinovabatsira nhasi?

4 Ngirozi dzinobatsira vashumiri vaJehovha vemazuva ano here? Hungu dzinovabatsira. Ichokwadi kuti nhasi hadzioneki nemaziso kuti dzinunure vanamati vechokwadi pangozi. Kunyange kare, kashoma apo ngirozi dzaipindira nenzira yakadaro. Zvakawanda zvezvadzaiita zvaisaoneka nemaziso evanhu, sezvadzinongoita nhasi. Kunyange zvakadaro, vashumiri vaMwari vaikurudzirwa chaizvo pavaiziva kuti ngirozi dzaivapo kuti dzivabatsire. (2 Madzimambo 6:14-17) Tine chikonzero chakanaka chokunzwawo saizvozvo.

5. Bhaibheri rinoratidza sei kuti ngirozi dzinobatanidzwawo mubasa rokuparidza nhasi?

5 Ngirozi dzaJehovha dzinonyanyofarira basa riye ratinoitawo. Ibasa ripi iroro? Mhinduro yacho tinoiwana pana Zvakazarurwa 14:6, panoti: “Ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga ine mashoko akanaka asingaperi kuti izivise semashoko anofadza kune avo vanogara pasi, uye kumarudzi ose nedzinza nendimi nevanhu.” Zvechokwadi aya “mashoko akanaka asingaperi,” ane chokuita ne“mashoko akanaka oumambo,” ayo, sezvakataura Jesu, “achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose” mamiriro ezvinhu enyika ino asati aguma. (Mateu 24:14) Ichokwadi kuti ngirozi hadzisi kuparidza zvakananga. Jesu akapa vanhu iri basa rinokosha. (Mateu 28:19, 20) Hazvifadzi here kuziva kuti sezvatinoita basa iri, tinobatsirwa nengirozi tsvene, zvisikwa zvomudzimu zvakachenjera uye zvine simba?

6, 7. (a) Chii chinoratidza kuti ngirozi dziri kutsigira basa redu rokuparidza? (b) Tingava sei nechokwadi chokuti tichatsigirwa nengirozi dzaJehovha?

6 Pane uchapupu hwakakura hunoratidza kuti ngirozi dzinotsigira basa redu. Somuenzaniso, tinowanzonzwa kuti pazvaiita ushumiri hwazvo, Zvapupu zvaJehovha zvakasvika pamunhu akanga achangobva kunyengetera kuna Mwari kuti abatsirwe kuwana chokwadi. Izvi zvinoitika kakawanda chaizvo zvokuti hazvifaniri kungoonekwawo semasanga zvawo. Izvi zviri kuguma zvaita kuti vanhu vakawanda vadzidze zviri kuziviswa nengirozi iri ku“bhururuka nepakati pedenga” zvokuti: “Ityai Mwari mumupe mbiri.”—Zvakazarurwa 14:6, 7.

7 Unoshuva kutsigirwa nengirozi dzaJehovha dzine simba here? Kana zvakadaro ita zvose zvaunogona kuita muushumiri hwako. (1 VaKorinde 15:58) Sezvatinoita basa iri ratakapiwa naJehovha nokuzvidira, tinogona kuvimba nengirozi dzake.

Kubatsirwa Nengirozi Huru

8. Inzvimbo ipi huru ina Jesu mudenga, uye nei izvozvo zvichitikurudzira?

8 Jehovha anotitsigirawo norumwe rudzi rwengirozi. Zvakazarurwa 10:1 inotsanangura nezve“imwe ngirozi yakasimba” ine “chiso . . . chakaita sezuva.” Hapana mubvunzo kuti iyi ngirozi yakaonekwa inofananidzira Jesu Kristu akapiwa rukudzo musimba rokudenga. (Zvakazarurwa 1:13, 16) Jesu ingirozi zvechokwadi here? Hungu neimwe pfungwa tingadaro, nokuti ingirozi huru. (1 VaTesaronika 4:16) Jesu ndiye ane simba kupfuura vana vaJehovha vose vomudzimu. Jehovha akamuita mutungamiriri wemauto ose engirozi Dzake. Zvechokwadi iyi ngirozi huru inopa rubatsiro rwakasimba chaizvo. Sei?

9, 10. (a) Jesu anoshanda sei so“mubetseri” wedu patinotadza? (b) Rubatsiro rupi rwatingawana mumuenzaniso waJesu?

9 Mukweguru Johani akanyora kuti: “Kana munhu akaita chivi, tine mubetseri ari kuna Baba, Jesu Kristu, akarurama.” (1 Johani 2:1) Nei Johani akataura kuti Jesu “mubetseri” wedu kunyanya ‘patinoita chivi’? Kutaura zvazviri, tinotadza zuva nezuva, uye chivi chinourayisa. (Muparidzi 7:20; VaRoma 6:23) Zvisinei, Jesu akapa upenyu hwake kuti huve chibayiro chezvivi zvedu. Uye ari padivi raBaba vedu vane ngoni kuti atireverere. Isu tose tinoda rubatsiro rwakadaro. Tingaruwana sei? Tinofanira kupfidza zvivi zvedu totsvaka kukanganwirwa pachikonzero chechibayiro chaJesu. Hatifaniriwo kuramba tichidzokorora zvivi zvedu.

10 Kunze kwokutifira, Jesu akatiitira muenzaniso wakakwana. (1 Petro 2:21) Muenzaniso wake unotitungamirira, unotibatsira kuona mokufamba namo kuti tisaite zvivi zvakakomba tobva tafadza Jehovha Mwari. Hatifari here kuti tinobatsirwa zvakadaro? Jesu akavimbisa vateveri vake kuti mumwe mubatsiri aizopiwa.

Kubatsira kwoMudzimu Mutsvene

11, 12. Mudzimu waJehovha chii, une simba zvakadini, uye nei tichiuda nhasi?

11 Jesu akavimbisa kuti: “Ndichakumbira Baba uye vachakupai mumwe mubetseri kuti ave nemi nokusingaperi, mudzimu wechokwadi, uyo nyika isingagoni kugamuchira.” (Johani 14:16, 17) “Mudzimu wechokwadi,” uyu kana kuti mudzimu mutsvene, hausi munhu asi isimba—simba raJehovha pachake rinoita basa. Une simba risingaperi. Ndiro simba rakashandiswa naJehovha pakusika zvinhu zvose, pakuita zvishamiso zvinoomesa mate mukanwa, uye pakuratidza zvinangwa zvake. Sezvo Jehovha asiri kushandisa mudzimu wake munzira idzodzo nhasi, zvinoreva here kuti hatiudi?

12 Kana! Mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzino, tinotoda mudzimu waJehovha zvakatonyanya. (2 Timoti 3:1) Unotisimbisa kuti titsungirire mumiedzo. Unotibatsira kuwedzera unhu hwakanaka hunotiswededza pedyo naJehovha nehama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo. (VaGaratiya 5:22, 23) Saka tingayamurika sei norubatsiro urwu runoshamisa runobva kuna Jehovha?

13, 14. (a) Nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha anopa vanhu vake mudzimu mutsvene wake nokuzvidira? (b) Tingaratidza sei kuti chaizvoizvo hatisi kubvuma chipo ichocho chomudzimu mutsvene?

13 Kutanga, tinofanira kunyengeterera mudzimu mutsvene. Jesu akati: “Naizvozvo, kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!” (Ruka 11:13) Saka Jehovha ndiye Baba vakanakisisa vatingambova navo. Kana tikavakumbira mudzimu mutsvene nomwoyo wose mukutenda, hazvifungiki kuti vangatinyima chipo ichi. Saka mubvunzo ndowokuti, Tinoukumbira here? Tine chikonzero chakanaka chokuukumbira muminyengetero yedu mazuva ose.

14 Chechipiri, tinobvuma chipo ichocho nokushanda maererano nawo. Kuenzanisira: Ngatitii muKristu ane dambudziko rokuda kuona zvinonyadzisira. Akanyengeterera mudzimu mutsvene kuti umubatsire kurega tsika iyi yakaipa. Akatsvaka zano kuvakuru vechiKristu, uye vakamuyambira kuti aite chimwe chinhu chinokosha, achitorega kunyange kuswedera pedyo nezvinhu izvozvo zvakaipa. (Mateu 5:29) Zvakadini kana akarega kuteerera zano ravo oramba achiona zvinhu zvakadaro zvinoedza? Ari kuita maererano nokunyengeterera kwake mudzimu mutsvene kuti umubatsire here? Kana kuti zvimwe ari mungozi yokuchemedza mudzimu waMwari uye achirasikirwa nechipo ichi? (VaEfeso 4:30) Chaizvoizvo, tose zvedu tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tive nechokwadi chokuti tinoramba tichigamuchira rubatsiro urwu runoshamisa kubva kuna Jehovha.

Kubatsirwa neShoko raMwari

15. Tingaratidza sei kuti hatirerutsi Bhaibheri?

15 Bhaibheri rave richibatsira vashumiri vaJehovha vakatendeka kwemazana emakore akawanda. Pane kurerutsa Magwaro Matsvene, tinofanira kuyeuka kuti iwo ane simba rokubatsira zvikuru. Kubvuma rubatsiro irworwo zvinoreva basa. Tinoda kugara tichiverenga Bhaibheri.

16, 17. (a) Pisarema 1:2, 3 rinorondedzera sei mibayiro yokuverenga mutemo waMwari? (b) Pisarema 1:3 rinoratidza sei kudiwa kwokushanda nesimba?

16 Pisarema 1:2, 3 rinoti nezvomunhu anotya Mwari: “Unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” Unoona pfungwa yemashoko aya here? Zviri nyore kuverenga mashoko iwayo kwava kugumisa kuti anongorondedzera zvinhu zvinonakidza zvemamiriro ezvinhu orugare—muti une mumvuri unokura pedyo norwizi. Zvaizofadza chaizvo kumboti rarei panzvimbo yakadaro pamasikati! Asi pisarema iri harisi kuti tifunge nezvokuzorora. Riri kurondedzera zvinhu zvakatosiyana, zvokushanda nesimba. Sei?

17 Ona kuti pano muti hausingori muti womumvuri wakangozvimererawo pedyo norwizi. Muti unobereka michero, ‘wakatosimwa’ panzvimbo yakasarudzwa—“pahova dzemvura.” Muti mumwe chete ungamera sei pedyo nehova dzakawanda? Mumunda wemichero, zvimwe muridzi angachera migero inosvitsa mvura kumidzi yemiti yake inokosha. Saka, pfungwa yacho yajeka zvino! Kana tikabudirira somuti iwoyo mupfungwa yezvokunamata, zvakadaro nokuti takaitirwa zvakawanda. Tiri musangano rinotiunzira mvura yakachena yechokwadi, asi pane zvatinofanirawo kuita. Tinofanira kuva panzvimbo yatinogona kunwa mvura iyi inokosha, tichifungisisa uye tichitsvakurudza kuti chokwadi cheShoko raMwari chipinde mupfungwa nomumwoyo yedu. Tikadaro, isuwo tichabereka zvibereko zvakanaka.

18. Chii chinodiwa kuti tiwane mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo yedu?

18 Bhaibheri haritibatsiri kana richingogara pasherefu risingavhurwi. Harisi dumwa, kana kuti zango—sokunge kuti tinogona kuvhara maziso edu, tongovhura chero peji muBhaibheri redu, zvadaro totarisira kuwana mhinduro yomubvunzo wedu papeji iyoyo. Patinofanira kusarudza chimwe chinhu, tinofanira kuchera kuti tiwane “zivo yaMwari” setiri kuchera pfuma yakavanzwa. (Zvirevo 2:1-5) Kushingaira uye kunyatsotsvakurudza zvinowanzodiwa kuti tiwane zano reMagwaro rinotaura zvatinoda chaizvo. Tine mabhuku eBhaibheri akawanda okutibatsira patinotsvakurudza. Patinoashandisa kuchera nomwoyo wose uchenjeri hunokosha huri muShoko raMwari, zvechokwadi tiri kushandisa rubatsiro runobva kuna Jehovha.

Kubatsirwa Nevatinonamata Navo

19. (a) Nei nyaya dziri muNharireyomurindi neMukai! dzichifanira kuonekwa sorubatsiro runopiwa nevatinonamata navo? (b) Wakabatsirwa sei neimwe nyaya iri mumagazini edu?

19 Vashumiri vaJehovha vave vachibatsirana nguva dzose. Jehovha achinja here? Kwete. Hapana mubvunzo kuti mumwe nomumwe wedu anogona kufunga nezvenguva yatakagamuchira rubatsiro rwataida chairwo panguva yakakodzera kubva kune vatinonamata navo. Somuenzaniso, ungayeuka here dzimwe nyaya dziri muNharireyomurindi kana kuti muMukai! dzakakunyaradza pawaida kunyaradzwa kana kuti dzakakubatsira kupedza chimwe chinetso kana kuti kukurira muedzo wokutenda kwako? Jehovha akakubatsira achishandisa “muranda akatendeka, akangwara” akanzi ape ‘zvokudya panguva yakafanira.’—Mateu 24:45-47.

20. Vakuru vechiKristu vanoratidza kuva “zvipo zviri varume” munzira dzipi?

20 Zvisinei, kazhinji kubatsirwa kwatinoitwa nevatinonamata navo kwakananga. Mumwe mukuru wechiKristu anopa hurukuro inotibaya mwoyo, kana kuti anotifudza zvinotibatsira munguva yakaoma, kana kuti anotipa zano romutsa rinotibatsira kuona uye kukurira chimwe chikanganiso. Mumwe muKristu anoonga, achinyora maererano nokubatsirwa kwaakaitwa nomumwe mukuru, akati: “Mubasa romumunda, akandikurudzira kutaura zvandaifunga. Usiku hwakanga hwapfuura chaihwo, ndakanga ndanyengetera kuna Jehovha, ndichikumbira mumwe munhu wokuti nditaure naye. Mangwana acho, hama iyi yakataura neni netsitsi. Yakandibatsira kuona kuti Jehovha akanga andibatsira sei kwemakore akawanda. Ndinoonga Jehovha nokunditumira mukuru uyu.” Munzira dzose idzodzo, vakuru vechiKristu vanoratidza kuti “zvipo zviri varume,” zvakapiwa naJehovha achishandisa Jesu Kristu kuti vatibatsire kutsungirira tiri mumugwagwa unoenda kuupenyu.—VaEfeso 4:8.

21, 22. (a) Chii chinoguma chaitika vaya vari muungano pavanoshandisa zano riri pana VaFiripi 2:4? (b) Nei kunyange zviito zvomutsa zviduku zvichikosha?

21 Kunze kwevakuru, muKristu mumwe nomumwe akatendeka anofanira kushandisa murayiro wakafuridzirwa wokusaramba ‘tichiva nehanya nezvinhu zvedu zvomunhu oga, asi tichiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.’ (VaFiripi 2:4) Vaya vari muungano yechiKristu pavanoshandisa zano iroro, panoguma pava nemabasa omutsa akaisvonaka. Somuenzaniso, imwe mhuri yakawirwa nematambudziko akawanda. Baba vacho vakanga vaenda nomwanasikana wavo muduku kuchitoro. Vava kudzoka kumba, vakaita tsaona nemotokari. Mwanasikana wacho akafa; baba vacho vachibva vakuvara zvakaipisisa. Pavakabudiswa muchipatara, pakutanga vakanga vasingatombogoni kuzviitira chimwe chinhu. Mudzimai wacho ainetseka chaizvo mupfungwa zvokusagona kumutarisira ari oga. Saka mumwe murume nomudzimai wake vomuungano vakatora vaviri ava vaitambudzika kuti vagare navo mumusha mavo vachivatarisira kwevhiki dzinoverengeka.

22 Chokwadi, mabasa omutsa uye kuzvipira hazvingoratidzwi kana paitika matambudziko akadaro. Pamwe tinobatsirwa pazvinhu zviduku duku. Asi pasinei nokuti mutsa wacho muduku zvakadini, tinouonga, handizvo here? Ungafunga here pawakabatsirwa nehama kana kuti nehanzvadzi sezvawaida chaizvo nezvayakataura kana kuti nezvayakakuitira nomutsa? Jehovha anowanzotitarisira munzira dzakadaro.—Zvirevo 17:17; 18:24.

23. Jehovha anoona sei patinoedza kubatsirana?

23 Ungada here kuti Jehovha akushandise kubatsira vamwe? Unogona kuwana ropafadzo iyoyo. Chokwadi, Jehovha anokoshesa kuedza kwakadaro kwaunoita. Shoko rake rinoti: “Unonzwira varombo tsitsi, unoposana naJehovha; uchamuripira basa rake rakanaka.” (Zvirevo 19:17) Mufaro mukuru unobva pakubatsira hama nehanzvadzi dzedu. (Mabasa 20:35) Vaya vanozviparadzanisa nevamwe havawani mufaro wokupa rubatsiro rwakadaro kana kuti kukurudzirwa narwo. (Zvirevo 18:1) Saka, ngativei vakatendeka pakuungana pamwe chete pamisangano yechiKristu kuitira kuti tigone kukurudzirana.—VaHebheru 10:24, 25.

24. Nei tisingafaniri kunzwa tarasikirwa pamusana pokuti hatina kuona zvishamiso zvaJehovha zvekare zvinoomesa mate mukanwa?

24 Hazvifadzi here kufungisisa nzira idzo Jehovha anotibatsira nadzo? Kunyange zvazvo panguva ino Jehovha asisiri kuita zvishamiso zvinoomesa mate mukanwa kuti aite zvinangwa zvake, hatifaniri kunzwa tarasikirwa. Chinokosha zvechokwadi ndechokuti Jehovha anotipa rubatsiro rwose rwatinoda kuti tirambe takatendeka. Uye kana tikatsungirira pamwe chete mukutenda, tichararama kuti tione zviito zvaJehovha zvinoshamisa zvikuru uye zvinokudzwa munhau yose! Ngatitsungei kubvuma toshandisa zvizere kubatsira kwaJehovha kworudo kuitira kuti isuwo tigone kudzokorora mashoko orugwaro rwedu rwegore ra2005 anoti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.”—Pisarema 121:2.

Unofungei?

Jehovha anopa sei rubatsiro rwatinoda nhasi—

• achishandisa ngirozi?

• achishandisa mudzimu mutsvene wake?

• achishandisa Shoko rake rakafuridzirwa?

• achishandisa vatinonamata navo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Zvinokurudzira kuziva kuti ngirozi dziri kutsigira basa rokuparidza

[Mufananidzo uri papeji 21]

Jehovha angashandisa mumwe wevatinonamata navo kutinyaradza sezvatingada