Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zuva Rokupedza Kudzidza—Zuva Rakanaka

Zuva Rokupedza Kudzidza—Zuva Rakanaka

Zuva Rokupedza Kudzidza—Zuva Rakanaka

“TAKAKOMBORERWA nezuva rakanaka. Zuva rakajeka. Denga nderebhuruu. Uswa hwakasvibirira. Shiri dziri kuimba. Zvose zvakangotinakira, saka hatisi kuzoora mwoyo. Jehovha haasi Mwari anoodza mwoyo. Iye ndiMwari wezvikomborero.”

Hama Samuel Herd, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, vakatanga purogiramu yokupedza kudzidza kwekirasi yechi117 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi nemashoko iwayo. Waiva musi waSeptember 11, 2004. Purogiramu iyi yakanaka yaivawo nezano rinokurudzira rinobva muBhaibheri pamwe chete nezvakaitika panguva yavaidzidza uyewo zvakaitika kune mamwe mamishinari. Zvechokwadi, raiva zuva rakanaka kune vose vanokwana 6 974 vaiva paWatchtower Educational Center kuPatterson, New York, uye kuzvivako zvokuBrooklyn neWallkill, vaizviona paterevhizheni.

Mashoko Anokurudzira Vadzidzi

John Kikot, nhengo yeDare Rebazi rokuUnited States, akataura mashoko anokurudzira pamusoro unoti, “Ramba Uchifara soMumishinari.” Akataura kuti vadzidzi veGiriyedhi vanozivikanwa pamusana pokufara kwavanoita, sezvaingoonekwa pakupedza kudzidza uku. Murayiridzo womuMagwaro panguva yechikoro wakaita kuti vadzidzi vafare, uye iye zvino vakanga vava kukwanisa kubatsira vamwe kuti vavewo nomufaro wakadaro. Sei? Nokuzvipira muushumiri hwavo semamishinari. Jesu akati: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Sezvaanotevedzera Jehovha Mwari, “Mwari anofara” ane rupo, uyo anoita kuti vamwe vawane chokwadi, mamishinari matsva achagona kuramba achifara.—1 Timoti 1:11.

Akatevera papurogiramu yacho ndiDavid Splane, imwe nhengo yeDare Rinodzora, uyo akakurukura musoro unoti, “Muchawirirana Sei Nevanhu?” Hapana mubvunzo kuti zvakanaka uye zvinofadza kuti vanhu vagare vakabatana, kunyange zvazvo izvi zvingada kuti vave “zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose.” (1 VaKorinde 9:22; Pisarema 133:1) Hama Splane vakataura kuti vaipedza kudzidza vachange vachishanda nevamwe vakawanda mubasa roumishinari—vanhu vomundima yacho, mamwe mamishinari, hama nehanzvadzi dzomuungano yavo itsva, uye vaya vari pahofisi yebazi vanotungamirira basa rokuparidza nerokudzidzisa. Vakapa mazano anobatsira okuti vangaita sei kuti ukama nevamwe vanhu hufadze: Zivai mutauro womunharaunda yacho, gadzirirai kuchinjira kutsika dzomunharaunda yacho, zivai kuti mamwe mamishinari anodawo kumbova oga, uye teererai vaya vanokutungamirirai.—VaHebheru 13:17.

Murayiridzi weGiriyedhi, Lawrence Bowen akabva azobvunza kuti, “Ndezvipi Zvamunofunga?” Akayeuchidza vadzidzi kuti vaya ‘vaitonga nezvaioneka kunze’ vakanga vasingabvumi kuti Jesu ndiMesiya. (Johani 7:24) Sevanhu vasina kukwana, tose tinofanira kungwarira kuti ‘tisafunga zvinofungwa nevanhu’ panzvimbo pe“zvinofunga Mwari.” (Mateu 16:22, 23) Kunyange vanhu vakakura mumudzimu vanofanira kuramba vachigadzirisa mafungiro avo. Kufanana nechikepe chiri mugungwa, kugadzirisa zvinhu iye zvino kungaguma nokusvika pane zvaunovavarira kana kuti kukukurwa mune zvokunamata. Kuramba tichidzidza Bhaibheri kunotibatsira kuti tifunge “zvinofunga Mwari.”

Wallace Liverance, mumwe murayiridzi weChikoro cheGiriyedhi, akagumisa chikamu ichi chepurogiramu yacho. Musoro wehurukuro yake unoti “Muchatengei?” waibva pana Isaya 55:1. Akakurudzira vadzidzi vacho kuti “vatenge” zororo, mufaro, uye zvokudya zvinobva mushoko raMwari rouprofita rezuva redu. Uprofita hwaIsaya hwakafananidza shoko raMwari iri nemvura, waini, nomukaka. Ringatengwa sei pa“sina mari, pasina mutengo”? Hama Liverance vakatsanangura kuti nokuteerera uprofita hweBhaibheri uye nokuchinjanisa pfungwa nenzira zvisiri zvokunamata nenzira dzaMwari nokufunga kwake. (Isaya 55:2, 3, 6, 7) Nokuita izvi, mamishinari matsva anogona kuramba ari mumabasa awo okune dzimwe nyika. Vanhu vasina kukwana vanowanzofunga kuti mufaro unobva pakuedza kuwana upenyu hwomutambarakede. Mukurukuri wacho akakurudzira kuti, “Musatenga izvozvo.” “Musatenga mafungiro iwayo. Ivai nechokwadi chokutsaura nguva yokunyatsodzidza Shoko raMwari rouprofita. Rinogona kukuzorodzai, kukusimbisai, uye kukuitai kuti mufare mubasa renyu roumishinari.”

Zvakaitika Zvevadzidzi Zvinofadza uye Kubvunzurudzwa

Vadzidzi vaigara vachiita basa rokuparidza. Mark Noumair, mumwe murayiridzi weGiriyedhi, akaita kuti vakawanda vomukirasi yacho vadzokorore zvakaitika semaitikiro azvakaita zvaisimbisa musoro unoti “Handinyari Nemashoko Akanaka.” (VaRoma 1:16) Vateereri vakanakidzwa nokuteerera kuti vashumiri ava vane ruzivo vaipupurira sei paimba neimba, pamugwagwa, uye pamashopu. Vadzidzi vaiziva mimwe mitauro vakaparidzirawo vanhu vanotaura mitauro iyoyo mundima yeungano yavo. Vamwe vakashandisa zvakanaka mabhuku eBhaibheri anobudiswa neZvapupu zvaJehovha, vachishandisa iwaya pakudzokerazve uye pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. Vakanga ‘vasinganyari’ kuparidza mashoko akanaka.

Hama William Nonkes, vanoshanda kuDhipatimendi Rebasa, ndivo vakabvunzurudza mamishinari ava noruzivo okuBurkina Faso, Latvia, neRussia. Vakapa zano rinobatsira vachikurukura musoro unoti, “Norudo, Jehovha Anopa Mubayiro Vaya Vakatendeka.” Imwe yehama dzakabvunzurudzwa yakakurudzira vadzidzi kuti vayeuke uto raGidhiyoni remasoja 300. Musoja mumwe nomumwe akaita basa rakabatsira kuti Gidhiyoni akunde. (Vatongi 7:19-21) Saizvozvowo, mamishinari anorambira mubasa rawo anopiwa mubayiro.

“Ivai Zvinhu Zvose Kune Vanhu Vemarudzi Ose” ndiwo musoro wakasimbiswa pakubvunzurudza kwakazoitiswa naSamuel Roberson, uyo ari murayiridzi paPatterson. Akabvunzurudza nhengo ina dzeDare Rebazi dzokuSenegal, Guam, Liberia, neMadagascar. Mamishinari anosvika 170 anoshumira munyika idzi. Vaipedza kudzidza vakaziva kubva mumashoko acho kuti Matare Emapazi anobatsira sei mamishinari matsva kuti ajairane nebasa rawo. Izvozvo zvinowanzoreva kudzidza tsika dzingaita sokuti itsva kuMadokero. Somuenzaniso, mune dzimwe nyika zvakajairika chaizvo kuona varume, kusanganisira vaya vari muungano yechiKristu, vakabatana maoko seshamwari pavanenge vachifamba pamwe chete. Kune dzimwe nzvimbo dzinotarisirwa nebazi reGuam, kunodyiwa zvokudya zvisina kujairika. Asi vamwe vakachinja, uye mamishinari matsva anogonawo kuchinja.

Guy Pierce, nhengo yeDare Rinodzora, akakurukura musoro unoti, “Rambai Makavimbika ku‘Umambo hwaShe Wedu.’” Akayeuchidza vateereri kuti: “Jehovha aiva nechinangwa paakasika zvinhu. Pane zvaakazvisikira. Chinangwa chake nokuda kwepasi rino hachina kuchinja. Chiri kuenda kunozadzika pasina chinochitadzisa. Hapana chingachichinja.” (Genesi 1:28) Hama Pierce vakakurudzira vose kuti vazviise pasi pouchangamire hwaMwari nokuvimbika pasinei nezvinetso zvakamuka nemhaka yechivi chomunhu wokutanga, Adhamu. “Tiri kurarama muawa yokutonga. Tasarirwa nenguva shomanana yokuti tisvike kune vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti tivabatsire kuziva chokwadi. Shandisa nguva yacho zvakanaka kuti uzivise vamwe mashoko akanaka oUmambo,” vakakurudzira vachidaro Hama Pierce. Vaya vanotsigira Umambo hwaMwari nokuvimbika vanogona kuva nechokwadi chokutsigira kwake.—Pisarema 18:25.

Muhurukuro yokupedzisira, sachigaro akaverenga kwaziso uye mashoko okuti zvivafambire zvakanaka akabva kumapazi epasi pose. Akabva azopa vaipedza kudzidza vacho madhipuroma, mumwe wavo achibva averenga tsamba yakanyorwa nekirasi yacho, ichiratidza kuonga kunobva pamwoyo nokuda kwokudzidziswa kwavakanga vaitwa. Kwaiva kugumisa kwakakodzera zuva rakanakisisa richaramba richiyeukwa nevose vaivapo.

[Bhokisi riri papeji 23]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 11

Nyika dzavakatumirwa: 22

Vadzidzi: 48

Avhareji yezera: 34,8

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 18,3

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 13,4

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kirasi Yechi117 Yevakapedza Kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Thompson, E.; Norvell, G.; Powell, T.; Kozza, M.; McIntyre, T. (2) Reilly, A.; Clayton, C.; Allan, J.; Blanco, A.; Muñoz, L.; Rustad, N. (3) Guerrero, Z.; Garcia, K.; McKerlie, D.; Ishikawa, T.; Blanco, G. (4) McIntyre, S.; Cruz, E.; Guerrero, J.; Ritchie, O.; Avellaneda, L.; Garcia, R. (5) Powell, G.; Fiskå, H.; Muñoz, V.; Baumann, D.; Shaw, S.; Brown, K.; Brown, L. (6) Shaw, C.; Reilly, A.; Peloquin, C.; Münch, N.; McKerlie, D.; Ishikawa, K. (7) Münch, M.; Peloquin, J.; Kozza, T.; Avellaneda, M.; Allan, K.; Ritchie, E.; Norvell, T. (8) Cruz, J.; Baumann, H.; Clayton, Z.; Fiskå, E.; Thompson, M.; Rustad, J.