Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuka Dzinorumbidza Jehovha

Mhuka Dzinorumbidza Jehovha

Mhuka Dzinorumbidza Jehovha

UKURU hwaJehovha hunooneka pamhuka. Mwari anotarisira mhuka zvakanaka chaizvo, sokutarisira kwaanoita vanhu. (Pisarema 145:16) Kungava kukanganisa zvikuru kana tikatsoropodza Musiki wemhuka uye wevanhu! Kunyange zvazvo Jobho akanga akarurama, akati “mweya wake wakarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.” Naizvozvo Jobho ane zvidzidzo zvaaifanira kudzidza!—Jobho 32:2; 33:8-12; 34:5.

Mienzaniso yemhuka yakaratidza Jobho kuti vanhu havafaniri kusava nechokwadi nezvenzira dzaMwari. Izvozvo zvinova pachena zvikuru patinofunga nezvemashoko akataurwa naJehovha kumushumiri wake Jobho!

Hadzifaniri Hadzo Kubatsirwa Nevanhu

Jobho haana kukwanisa kupindura mibvunzo yaMwari nezvoupenyu hwemhuka. (Jobho 38:39-41) Zviri pachena kuti Jehovha anopa shumba negunguo zvokudya, asingabatsirwi nevanhu. Kunyange zvazvo makunguo achibhururuka achitsvaka zvokudya, chaizvoizvo anowana zvokudya zvawo kuna Mwari.—Ruka 12:24.

Jobho akashaya mhinduro Mwari paakamubvunza nezvemhuka dzomusango. (Jobho 39:1-8) Hapana munhu anogona kudzivirira mbudzi dzomumakomo nenondo hadzi, kana kuti mhuka yakada kufanana nemhembwe hadzi. Chokwadi, zvakatooma kusvika pedyo nembudzi dzomumakomo! (Pisarema 104:18) Nondo hadzi inoenda payo yoga musango kana yava kuda kubereka, asi inoita izvi nouchenjeri hwayo hwayakapiwa naMwari. Inotarisira vana vayo zvakakodzera, asi pa“vanova vakasimba, . . . vanoenda vorega kuzodzokazve.” Kana zvadaro vanenge vava kuzvitarisira.

Mbizi inofamba-famba yakasununguka, uye mbongoro yomusango inogara mubani rerenje. Jobho aisakwanisa kutakudza mbongoro yomusango mitoro. Inotsvaka “zvinomera zvemarudzi ose zvakasvibirira,” ichitsvaka mafuro muzvikomo. Mhuka iyi haisarudzi kuwana zvokudya nyore nyore mumataundi ichisiya rusununguko rwayo musango. “Hainzwi ruzha rwomunhu anonyangira,” nokuti mbongoro yomusango inokurumidza kutiza kana munhu akasvika panzvimbo yainogara.

Mwari akazotaura nezvenzombe yomusango. (Jobho 39:9-12) Nezvayo, imwe nyanzvi yezvokuchera matongo yokuBritain inonzi Austen Layard yakanyora kuti: “Nzombe yomusango, kubva pakuratidzwa kwainowanzoitwa pazvivezwa, inongotyisa sezvinoita shumba, asi ndiyo inonyanya kuvhimwa kudarika shumba. Mambo anowanzoonekwa achirwisana nayo, uye varwi vanoitevera vamwe vakatasva mabhiza uye vamwe vachimhanya netsoka.” (Nineveh and Its Remains, 1849, Vhoriyamu 2, peji 326) Asi, hapana munhu akachenjera angaedza kusunga pajoko nzombe yomusango isingadzoreki.—Pisarema 22:21.

Zvisikwa Zvine Mapapiro Zvinokudza Jehovha

Mwari akazobvunza Jobho nezvezvisikwa zvine mapapiro. (Jobho 39:13-18) Shuramurove inobhururuka mudenga-denga nemapapiro ayo akasimba. (Jeremiya 8:7) Kunyange zvazvo mhou ichibhabhamisa mapapiro ayo, haigoni kubhururuka. Kusiyana neshuramurove, mhou haiisi mazai ayo mudendere rakavakirwa mumuti. (Pisarema 104:17) Inochera gomba muivhu yoisa mazai ayo imomo. Asi shiri iyi haisiyi mazai ayo. Akavharwa nejecha, mazai acho anoramba ane tembiricha yakakodzera paanenge achitarisirwa nejongwe nesheshe yacho.

Mhou painoona chikara chine ngozi yoita seiri kutiza zvingaita sokuti ‘inokanganwa uchenjeri.’ Zvisinei, An Encyclopedia of Bible Animals inoti: “Uku kunenge kuri kuvhiringidza: [mhou] dzakangwarira uye dzinobhabhamisa mapapiro adzo kuti mhuka kana kuti munhu chero upi zvake angaedza kutyisidzira azive kuti iripo, uye inomuendesa kure nemazai ayo.”

Mhou “inoseka bhiza nomutasvi waro” sei? The World Book Encyclopedia inoti: “Mhou haigoni kubhururuka, asi inozivikanwa kuti inogona kumhanya zvikuru. Makumbo ayo marefu anogona kuita nhanho dzemamita 4,6 ichimhanya makiromita 64 paawa.”

Mwari Anopa Bhiza Simba

Mwari akazobvunza Jobho nezvebhiza. (Jobho 39:19-25) Kare, varwi vairwa vakatasva mabhiza, uye mabhiza aidhonza ngoro yaiva nomutyairi uye zvichida varwi vaviri. Risingashiviriri kurwa, bhiza rehondo rinohwihwidza uye rinobinha pasi nemahwanda aro. Harityi uye haritizi bakatwa. Kana rangonzwa kurira kwehwamanda, bhiza rehondo rinoita seriri kuti, “Hekani!” Rinofamba richienda mberi, ‘richimedza guruva.’ Asi, bhiza rehondo rinoteerera mutasvi waro.

Nyanzvi yezvokuchera matongo Layard yakarondedzera ichiita zvokuenzanisa, ikanyora kuti: “Kunyange zvazvo rakapfava segwayana, uye risingadi kudzorwa, bhiza rokuArabia parinonzwa kushevedzera kwehondo kunoitwa nerimwe dzinza, roona pfumo romutasvi waro rinenge richipenya, maziso aro anopenya somoto, mhino dzaro tsvuku-tsvuku dzinovhurika zvikuru, mutsipa waro unokotamira, uye muswe waro nezenze zvinosimuka zvichirohwa nemhepo.”—Discoveries Among the Ruins of Nineveh and Babylon, 1853, peji 330.

Funga Nezvorukodzi uye Gondo

Jehovha akataura nezvedzimwewo shiri. (Jobho 39:26-30) Rukodzi ‘runotambanudzira mapapiro arwo kumhepo.’ Richitaura nezvorukodzi runonzi peregrine seshiri inomhanya kupfuura dzimwe shiri dzose painenge ichibhururuka, bhuku rinonzi The Guinness Book of Records rinoti rukodzi runo“mhanya zvakanyanya parunenge ruchibva pakakwirira ruchiratidza kuti inharaunda yarwo, kana kuti parunenge ruchibata mhuka ruri mumhepo.” Shiri iyi yakambosvika sipidhi yemakiromita 349 paawa panzvimbo yakatenuka nemadhigirii 45!

Makondo anogona kubhururuka makiromita 130 paawa. Jobho akaenzanisa kukurumidza kupfuura kunoita upenyu nokumhanya kunoita gondo riri kutsvaka mhuka yokubata. (Jobho 9:25, 26) Mwari anotipa simba rokutsungirira, sezvinonzi tinenge tiri pamapapiro anoita seasinganeti egondo rinenge riri mudenga denga. (Isaya 40:31) Kana richibhururuka, gondo rinoshandisa mhepo inodziya inenge ichikwidza mudenga inonzi thermals. Gondo racho rinotenderera mumhepo iyi inodziya, inoita kuti rirambe richikwira mudenga. Kana gondo rasvika pamwe pakakwirira, rinoyangarara richienda kune imwe nzvimbo ine mhepo inopisa uye rinogona kuramba rakayangarara kwemaawa richingoshandisa simba shomanana.

Gondo rinovakira “dendere raro pakakwirira” pasingasvikiki, richiita kuti manyana aro asava pangozi. Jehovha akasika gondo riine uchenjeri hwokuita izvi. Uye Mwari zvaakaita kuti rinyatsoona, “maziso aro anoramba achitarira kure kure.” Kukwanisa kukurumidza kuchinja parinenge rakatarisa kunoita kuti gondo rirambe rakatarira mhuka yariri kuda kubata kana kuti chitunha chemhuka charinenge riri kuona parinenge richidzika kubva kure-kure. Gondo ringadya nyama yemhuka dzakafa, zvokuti “pane zvakaurayiwa, ndipo pariri.” Shiri iyi inobata mhuka duku yonopa manyana ayo.

Jehovha Anoruramisa Jobho

Asati abvunza mimwe mibvunzo nezvemhuka, Mwari akaruramisa Jobho. Jobho akaita sei? Akazvininipsa akagamuchira rimwe zano nechido.—Jobho 40:1-14.

Papfungwa iyi iri murugwaro rwakafuridzirwa rwezvakaitika kuna Jobho, tinowana chidzidzo chinokosha zvikuru. Ndeichi: Hapana munhu ane chikonzero chakakururama chokutsoropodza Wemasimbaose. Tinofanira kutaura uye kuita zvinofadza Baba vedu vokudenga. Uyezve, tinofanira kunyanya kufunga nezvokutsveneswa kwezita dzvene raJehovha uye kurevererwa kwouchangamire hwake.

Bhehemoti Inokudza Mwari

Achitaurazve nezvemhuka, Mwari akabvunza Jobho nezveBhehemoti, inowanzonzi mvuu. (Jobho 40:15-24) Mvuu yakura zvakakwana ingava yakareba mamita 4 kusvikira ku5 uye ingarema makirogiramu 3 600. Simba reBhehemoti riri “muhudyu mayo”—tsandanyama dzayo dzinobvira panoperera dumbu zvichidzokera shure. Dehwe rakasimba redumbu rayo rinobatsira zvikuru sezvo Bhehemoti ichizvuva muviri wayo painenge ichipfuura nepamatombo ari pedyo nemadziva, zvaine makumbo mapfupi. Chokwadi munhu haamboenzani neBhehemoti ine muviri wakakura, muromo muhombe, uye shaya dzakasimba.

Bhehemoti inobuda murwizi kuti idye “uswa hwakasvibirira.” Chokwadi, zvinoita sokuti inoda uswa hwakasvibirira hwegomo rose kuti igute! Zuva roga roga inodya makirogiramu 90 kusvika ku180 ezvinomera! Kana yaguta, Bhehemoti inorara pasi pemihapa kana mumumvuri wemishambangwena. Kana rwizi rwainogara rukazara, mvuu inogona kubudisa musoro wayo kunze kwemvura yoshambira ichienda kuri kubva mvura. Akatarisa muromo mukuru weBhehemoti nemazino ayo anotyisa, Jobho aisazova noushingi hwokubaya mhino yayo nechokukochekera nacho.

Revhiatani Inorumbidza Mwari

Jobho anozonzwa nezveRevhiatani. (Jobho 41:1-34) Shoko racho rechiHebheru rinoreva kuti “mhuka yakawunyana”—zviri pachena kuti igarwe. Jobho aigona kuita kuti vana vatambe neRevhiatani here? Zviri pachena kuti kwete! Vanoziva mhuka iyi vanogara vachitaura kuti ine ngozi. Zvechokwadi, kana munhu akaedza kubata Revhiatani, kurwisana kwacho kungangova kwakakura zvokuti haazombofi akazviitazve!

Revhiatani zvainobudisa musoro wayo mumvura panobuda zuva, maziso ayo anopenya ku“fanana nokupenya kwemambakwedza.” Makwande ayo akabatana chaizvo, uye mudehwe rayo mune mapfupa asingapindi bara, tisingatauri hedu mapakatwa nemapfumo. Makwande anobaya ari padumbu regarwe anoita sokuti “chirei chokupurisa” chiri pamahombekombe ane madhaka. Hasha dzayo painenge iri mumvura dzinoita kuti ibudise furo rakaita semafuta. Uye nemhaka yokukura kwayo, kuomarara uye zvombo zvayo—muromo unotyisa uye muswe une simba guru—Revhiatani haina chainotya.

Jobho Anozvidemba

Jobho akabvuma kuti ‘akataura asi akanga asinganzwisisi zvinhu zvinoshamisa kwazvo.’ (Jobho 42:1-3) Akabvuma kururamiswa naMwari, akazvidemba, uye akapfidza. Shamwari dzake dzakatukwa, asi iye akakomborerwa zvikuru.—Jobho 42:4-17.

Kuchenjera zvikuru kufunga zvakaitika kuna Jobho! Hatingambogoni kupindura mibvunzo yose yaakabvunzwa naMwari. Zvisinei, tinogona kuratidza kuonga zvishamiso zvakasikwa zvakawanda uye zvakasiyana-siyana zvinokudza Jehovha, uye ndizvo zvatinofanira kuita.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Mbudzi yomumakomo

[Mufananidzo uri papeji 13]

Gunguo

[Mufananidzo uri papeji 13]

Shumba hadzi

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mbizi

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mhou inobva pamazai ayo, asi haiasiyi

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mazai emhou

[Mufananidzo uri papeji 14, 15]

Rukodzi runonzi Peregrine

[Kwazvakatorwa]

Rukodzi: © Joe McDonald/Visuals Unlimited

[Mufananidzo uri papeji 15]

Bhiza rokuArabia

[Mufananidzo uri papeji 15]

Gondo

[Mufananidzo uri papeji 16]

Bhehemoti inowanzonzi imvuu

[Mufananidzo uri papeji 16]

Zvinofungidzirwa kuti Revhiatani igarwe rine simba