Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Musabvumira Dhiyabhorosi Nzvimbo

Musabvumira Dhiyabhorosi Nzvimbo

Musabvumira Dhiyabhorosi Nzvimbo

“Musapa Dhiyabhorosi mukana.”—VAEFESO 4:27, Byington.

1. Nei vakawanda vasina chokwadi kana Dhiyabhorosi ariko?

KWEMAZANA emakore, vanhu vakawanda vaifunga kuti Dhiyabhorosi chisikwa chine nyanga, chine mahwanda akaparadzana chakapfeka zvitsvuku uye chinoshandisa forogo kukandira vanhu vakaipa muhero yomoto. Bhaibheri haritsigiri pfungwa iyoyo. Zvisinei, hapana mubvunzo kuti kufungidzira kwakadaro kwakaita kuti mamiriyoni evanhu asava nechokwadi kana Dhiyabhorosi ariko kana kuti afunge kuti shoko racho rinongoreva uipiwo zvahwo.

2. Ndezvipi zvimwe zvinotaurwa muMagwaro nezvaDhiyabhorosi?

2 Bhaibheri rine uchapupu hwevakaona uye rinobvuma zvakajeka kuti Dhiyabhorosi ariko. Jesu Kristu akamuona ari munzvimbo yomudzimu yokudenga uye akataura naye paaiva pasi pano. (Jobho 1:6; Mateu 4:4-11) Kunyange zvazvo Magwaro asingatauri zita rokutanga rechisikwa ichi chomudzimu, anomuti Dhiyabhorosi (kureva kuti “Mucheri”) nokuti akachera Mwari. Anonziwo Satani (kureva kuti “Mudzivisi”), sezvo achidzivisa Jehovha. Satani Dhiyabhorosi anonziwo “nyoka yepakutanga,” pamwe nokuti akashandisa nyoka kuti inyengedze Evha. (Zvakazarurwa 12:9; 1 Timoti 2:14) Anozivikanwawo se“akaipa.”—Mateu 6:13. *

3. Tichakurukura mubvunzo upi?

3 Sevashumiri vaJehovha, hatimbodi kutevedzera Satani, muvengi mukuru waMwari wechokwadi bedzi. Naizvozvo tinofanira kuteerera zano romuapostora Pauro rokuti: “Musapa Dhiyabhorosi mukana.” (VaEfeso 4:27, Byington) Saka, ndohupi humwe unhu hwaSatani hwatisingafaniri kutevedzera?

Usatevedzera Mucheri Mukuru

4. “Akaipa” akachera sei Mwari?

4 Munhu “akaipa” wacho akakodzera kunzi Dhiyabhorosi, nokuti mucheri. Kuchera kutaura mashoko enhema, okurwadzisa uye okuzvidza mumwe munhu. Mwari akarayira Adhamu kuti: “Usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:17) Evha akanga amboudzwa izvi, asi achishandisa nyoka, Dhiyabhorosi akamuudza kuti: “Chokwadi hamungafi. Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesisi 3:4, 5) Uku kwaiva kuchera kwokuda kuti Jehovha Mwari arwadziwe!

5. Nei Dhiyotrefesi aikodzera kunzi azvidavirire nokuda kwokuchera?

5 VaIsraeri vakarayirwa kuti: “Usafamba-famba pakati pevanhu vokwako kuti uchere vamwe.” (Revhitiko 19:16) Muapostora Johani akati nezvomumwe mucheri womuzuva rake: “Ndakanyorera ungano chimwe chinhu, asi Dhiyotrefesi, uyo anoda kuva nenzvimbo yokutanga pakati pavo, haagamuchiri chinhu chinobva kwatiri noruremekedzo. Naizvozvo, kana ndikauya, ndichaita kuti mabasa ake ayeukwe aanoramba achiita, achitireva nemashoko akaipa.” (3 Johani 9, 10) Dhiyotrefesi aichera Johani uye zvakanga zvakakodzera kuti azvidavirire pakuchera kwacho. Pane muKristu akavimbika angada kuita saDhiyotrefesi otevedzera Satani, mucheri mukuru here?

6, 7. Nei tisingafaniri kuchera mumwe munhu?

6 Vashumiri vaJehovha vanowanzocherwa uye kupomerwa nhema. “Vapristi vakuru nevanyori vakaramba vachisimuka, vachimupomera zvakasimba [Jesu].” (Ruka 23:10) Pauro akapomerwa noMupristi Mukuru Ananiyasi nevamwe. (Mabasa 24:1-8) Uye Bhaibheri rinotaura nezvaSatani richiti “anopomera hama dzedu . . . , anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu!” (Zvakazarurwa 12:10) Hama idzodzo dzinopomerwa nhema, vaKristu vakazodzwa vari pasi pano mumazuva ano okupedzisira.

7 Hapana muKristu angada kuchera kana kuti kupomera mumwe munhu nhema. Asi izvozvo zvingaitika kana tikapomera zvakaipa mumwe munhu tisina mashoko akakwana. MuMutemo waMosesi, kupomera munhu zvenhema nemaune kwaigona kuguma nokuurayiwa kwomupomeri wacho. (Eksodho 20:16; Dheuteronomio 19:15-19) Uyezve, zvinhu zvinosemesa Jehovha zvinosanganisira “chapupu chinonyengera chinoreva nhema.” (Zvirevo 6:16-19) Saka, chokwadi hatifaniri kutevedzera mucheri mukuru uye mupomeri mukuru.

Ramba Nzira Dzomuurayi Wokutanga

8. Dhiyabhorosi “akanga ari muurayi paakatanga” mupfungwa ipi?

8 Dhiyabhorosi muurayi. “Iye akanga ari muurayi paakatanga,” akadaro Jesu. (Johani 8:44) Kutanga nezvaakaita pakutanga zvokutsausa Adhamu naEvha pana Mwari, Satani ave ari muurayi. Akaurayisa vaviri vokutanga nevana vavo. (VaRoma 5:12) Yeuka kuti munhu bedzi ndiye anogona kunzi akaita izvi, kwete uipiwo zvahwo.

9. Sezvinoratidzwa pana 1 Johani 3:15, tingava sei vaurayi?

9 “Usaponda,” unodaro mumwe weMitemo Gumi yakapiwa Israeri. (Dheuteronomio 5:17) Achinyorera vaKristu, muapostora Pauro akati: “Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambura nokuti imhondi.” (1 Petro 4:15) Saka sevashumiri vaJehovha, hatingapondi munhu. Asi tingava nemhosva kuna Mwari kana tikavenga muKristu watinonamata naye toshuva kuti dai akafa. “Munhu wose anovenga hama yake muurayi [kana kuti i“mhondi”],” akanyora kudaro muapostora Johani, “uye munoziva kuti hapana muurayi ane upenyu husingaperi hunoramba huri maari.” (1 Johani 3:15) VaIsraeri vakarayirwa kuti: “Usavenga hama yako mumwoyo mako.” (Revhitiko 19:17) Ngatikurumidzei kugadzirisa chinetso chero chipi zvacho chingamuka pakati pedu nowatinonamata naye, kuitira kuti muurayi Satani asaparadza kubatana kwedu kwechiKristu.—Ruka 17:3, 4.

Mira Wakasimba Uchirwisana Nomurevi Wenhema Mukuru

10, 11. Tinofanira kuitei kuti timire takasimba tichirwisana nomurevi wenhema mukuru, Satani?

10 Dhiyabhorosi murevi wenhema. “Paanotaura nhema,” akadaro Jesu, “anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.” (Johani 8:44) Satani akarevera Evha nhema, asi Jesu akauya munyika kuzopupurira chokwadi. (Johani 18:37) Kana tichizomira takasimba tichirwisana naDhiyabhorosi sevateveri vaKristu, hatigoni kureva nhema uye kunyengera. Tinofanira ‘kutaura chokwadi.’ (Zekariya 8:16; VaEfeso 4:25) “Jehovha Mwari wechokwadi” anongokomborera Zvapupu zvake zvinotaura chokwadi. Vakaipa havana kodzero yokumumiririra.—Pisarema 31:5; 50:16; Isaya 43:10.

11 Kana tichikoshesa kusunungurwa kwatakaitwa panhema dzaSatani, tichaomerera kuchiKristu chedu, “nzira yechokwadi.” (2 Petro 2:2; Johani 8:32) Dzidziso dzose dzechiKristu ndidzo “chokwadi chemashoko akanaka.” (VaGaratiya 2:5, 14) Kuponeswa kwedu kunobva ‘pakufamba kwedu muchokwadi’—kunamatira kwachiri uye kumira takasimba tichirwisana “nababa venhema.”—3 Johani 3, 4, 8.

Dzivisa Mukuru Wokuramba Kutenda

12, 13. Tinofanira kubata sei vakaramba kutenda?

12 Chisikwa chomudzimu chakazova Dhiyabhorosi chaimbova muchokwadi. Asi “haana kumira zvakasimba muchokwadi,” akadaro Jesu, “nokuti chokwadi hachisi maari.” (Johani 8:44) Uyu mukuru wokuramba kutenda akaramba achidzivisa “Mwari wechokwadi” asinganeti. Vamwe vaKristu vomuzana rokutanga remakore vakawira “mumusungo waDhiyabhorosi,” uye zviri pachena kuti vakakundwa naye nokuti vakatsauswa pachokwadi. Naizvozvo Pauro akakurudzira waaishanda naye Timoti kuti avarayiridze nounyoro kuitira kuti vanaye mune zvokunamata uye vasunungurwe pamusungo waSatani. (2 Timoti 2:23-26) Chokwadi, zviri nani kunamatira zvakasimba kuchokwadi kwete kunyengerwa nemaonero evakaramba kutenda.

13 Vanhu vaviri vokutanga vakaramba kutenda nokuti vakateerera Dhiyabhorosi uye havana kuramba nhema dzake. Saka, tinofanira here kuteerera vakaramba kutenda, kuverenga mabhuku avo, kana kuti kuongorora nzvimbo dzavo dzinobudisa mashoko paIndaneti? Kana tichida Mwari nechokwadi, hatizodaro. Hatifaniri kubvumira vakaramba kutenda kuti vapinde mumisha yedu kana kuti kunyange kuvakwazisa, nokuti zviito zvakadaro zvingatiita kuti tive ‘vanogoverana navo mumabasa avo akaipa.’ (2 Johani 9-11) Ngatisambonyengerwa naDhiyabhorosi nokusiya “nzira yechokwadi” yechiKristu totevera vadzidzisi venhema vanoda “kutidzidzisa pfungwa dzinoparadza” uye vanoedza ‘kutishandisa nemashoko akanyatsofungwa.’—2 Petro 2:1-3, Byington.

14, 15. Pauro akanyeverei vakuru vokuEfeso uye waaishanda naye Timoti?

14 Pauro akaudza vakuru vechiKristu vokuEfeso kuti: “Zvichenjererei imi neboka rose, ramakagadzwa pariri nomudzimu mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakomana wake. Ndinoziva kuti kana ndaenda mhumhi dzinodzvinyirira dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati boka nounyoro, uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:28-30) Kwapera nguva yakati, vakaramba kutenda vakadaro vakamuka uye vaka“taura zvinhu zvisina kururama.”

15 Munenge muna 65 C.E., muapostora wacho akakurudzira Timoti kuti ‘abate shoko rechokwadi zvakarurama.’ Pauro akanyora kuti, “Asi ramba kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene; nokuti vacharamba vachiwedzera pakusada Mwari, uye shoko ravo richapararira seronda rinonyenga. Himeniyo naFiretusi ndevamwe vaivavo. Varume ivava vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwakatoitika; uye vari kuparadza kutenda kwevamwe.” Kuramba kutenda kwakanga kwatanga! “Nokuda kwaizvozvo zvose,” Pauro akawedzera kudaro, “nheyo yakasimba yaMwari inoramba iripo.”—2 Timoti 2:15-19.

16. Pasinei nokunyengera kwomukuru wokuramba kutenda, nei tave takavimbika kuna Mwari neShoko rake?

16 Kazhinji Satani ave achishandisa vakaramba kutenda kuti aedze kushatisa kunamata kwechokwadi—asi haana kubudirira. Munenge mugore ra1868, Charles Taze Russell akatanga kunyatsoongorora dzidziso dzechechi dzechiKristudhomu dzakanga dzava nenguva dzichishandiswa uye akawana kuti Magwaro aitsanangurwa zvisina kururama. Russell nevamwe vashomanana vaitsvaka chokwadi vakatanga kirasi yokudzidza Bhaibheri muPittsburgh, Pennsylvania, U.S.A. Mumakore anenge 140 kubvira panguva iyoyo, vashumiri vaJehovha vakawedzera ruzivo uye kuda Mwari neShoko rake. Pasinei nokunyengera kwomukuru wokuramba kutenda iyeye, kushingaira kweboka romuranda akatendeka uye akangwara mune zvokunamata kwave kuchibatsira vaKristu vechokwadi ava kuti varambe vakavimbika kuna Jehovha neShoko rake.—Mateu 24:45.

Usamboita Kuti Mutongi Wenyika Akufurire

17-19. Nyika iri musimba raDhiyabhorosi chii, uye nei tisingafaniri kuida?

17 Imwe nzira iyo Satani anoedza kutinyengera nayo ndeyokutiedza kuti tide nyika ino—mamiriro ezvinhu evanhu vasina kururama vasingadi Mwari. Jesu akati Dhiyabhorosi “mutongi wenyika” uye akati: “Haana simba pandiri.” (Johani 14:30) Ngatisambofurirwa naSatani! Chokwadi, tinoziva kuti “nyika yose iri musimba reakaipa” iyeye. (1 Johani 5:19) Naizvozvo Dhiyabhorosi aigona kupa Jesu “umambo hwose hwenyika” kudai aizoita chiito chimwe chete chokuramba kutenda—chinhu chakarambwa zvakajeka uye zvakasimba noMwanakomana waMwari. (Mateu 4:8-10) Nyika inotongwa naSatani inovenga vateveri vaKristu. (Johani 15:18-21) Hazvishamisi kuti muapostora Johani akatinyevera kuti tisada nyika!

18 Johani akanyora kuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari; nokuti zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. Uyezve, nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:15-17) Hatifaniri kuda nyika, nokuti nyama inotadza inoda mararamiro ayo uye anonyatsopesana nezvinodiwa naJehovha Mwari.

19 Zvakadini kana mwoyo yedu ichida nyika ino? Kana zvakadaro ngatinyengetererei kubatsirwa naMwari kuti tirege kuida uye tirege kuda zvishuvo zvenyama zvine chokuita nayo. (VaGaratiya 5:16-21) Zvechokwadi tichaedza kuzvichengeta ti“sina ruvara rwenyika” kana tikayeuka kuti “midzimu yakaipa” ndiyo “vatongi venyika” vasingaoneki vanotonga vanhu vasina kururama.—Jakobho 1:27; VaEfeso 6:11, 12; 2 VaKorinde 4:4.

20. Nei zvinganzi “hatisi venyika”?

20 Achitaura nezvevadzidzi vake, Jesu akati: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Johani 17:16) VaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo dzakazvitsaurira vanoedza kuramba vaine tsika dzakachena uye vakachena mune zvokunamata, vakaparadzana nenyika ino. (Johani 15:19; 17:14; Jakobho 4:4) Nyika ino isina kururama inotivenga nokuti tinoramba takaparadzana nayo uye tiri ‘vaparidzi vokururama.’ (2 Petro 2:5) Chokwadi, tinorarama munyika ine vanhu, vanosanganisira zvifeve, mhombwe, makororo, vanonamata zvidhori, mbavha, vanoreva nhema, uye zvidhakwa. (1 VaKorinde 5:9-11; 6:9-11; Zvakazarurwa 21:8) Asi hatifemi “mudzimu wenyika,” nokuti hatidzorwi nesimba iri rinotikurudzira kutadza.—1 VaKorinde 2:12.

Usabvumira Dhiyabhorosi Nzvimbo

21, 22. Ungashandisa sei zano raPauro rakanyorwa pana VaEfeso 4:26, 27?

21 Pane kukurudzirwa no“mudzimu wenyika,” tinotungamirirwa nomudzimu waMwari, unobereka matiri unhu hwakaita sorudo uye kuzvidzora. (VaGaratiya 5:22, 23) Unhu uhwu hunotibatsira kudzivisa kurwisa kunoita Dhiyabhorosi kutenda kwedu. Anoda kuti ‘tishatirwe kuti tingoita zvakaipa,’ asi mudzimu waMwari unotibatsira ‘kusatsamwa uye kusiya hasha.’ (Pisarema 37:8) Chokwadi, dzimwe nguva tingatsamwira zviripo, asi Pauro anotipa zano rokuti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.”—VaEfeso 4:26, 27.

22 Hasha dzedu dzingaita kuti tiite chivi kana tikaramba takatsamwa. Kuva nemafungiro aya kungapa Dhiyabhorosi mukana wokuita kuti pave nokusawirirana muungano kana kuti kutikurudzira kuti tiite zvakaipa. Naizvozvo, tinofanira kukurumidza kugadzirisa kusanzwisisana nevamwe nenzira inogamuchirwa naMwari. (Revhitiko 19:17, 18; Mateu 5:23, 24; 18:15, 16) Naizvozvo, ngatitungamirirwei nomudzimu waMwari, tichizvidzora uye tisingamboregi kunyange kutsamwira zviripo kuchizoguma nepfini, utsinye, uye ruvengo.

23. Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya inotevera?

23 Takurukura humwe unhu hwaDhiyabhorosi hwatisingafaniri kutevedzera. Asi vamwe vaverengi vangashamisika kuti: Tinofanira kutya Satani here? Nei achiita kuti vaKristu vatambudzwe? Uye tingadzivisa sei kunyengerwa naDhiyabhorosi?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Ona nyaya dzinotevedzana dzine musoro uri pabutiro unoti “Dhiyabhorosi Munhu Chaiye Here?” dziri muNharireyomurindi yaNovember 15, 2005.

Ungapindura Sei?

• Nei tisingambofaniri kuchera mumwe munhu?

• Maererano na1 Johani 3:15, tingaita sei kuti tisava vaurayi?

• Tinofanira kuona sei vakaramba kutenda, uye nei?

• Nei tisingafaniri kuda nyika?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Hatizombobvumiri Satani kuti aparadze kubatana kwedu sevaKristu

[Mifananidzo iri papeji 24]

Nei Johani akatikurudzira kuti tisada nyika?