Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rwisanai Nasatani, uye Iye Achakutizai!

Rwisanai Nasatani, uye Iye Achakutizai!

Rwisanai Nasatani, uye Iye Achakutizai!

“Zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.”—JAKOBHO 4:7.

1, 2. (a) Unhu hupi hwaDhiyabhorosi hunoratidzwa mumashoko akanyorwa muna Isaya chitsauko 14? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

DHIYABHOROSI ndiye muenzaniso wakaipa zvikuru wokuzvikudza. Kudada kwake kunooneka mumashoko akanyorwa nomuprofita waMwari Isaya. Makore anopfuura zana Bhabhironi risati rava simba guru renyika, vanhu vaJehovha vanotaurwa nezvavo sevaizivisa “mambo weBhabhironi” kuti: “Wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kumatenga. Ndichakwidza chigaro changu choumambo pamusoro penyeredzi dzaMwari [madzimambo edzinza roumambo raDhavhidhi] . . . Ndichazvifananidza neWokumusorosoro.’” (Isaya 14:3, 4, 12-15; Numeri 24:17) Kudada kwa“mambo weBhabhironi” kwakanga kwakafanana nekwaSatani, “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (2 VaKorinde 4:4) Asi kuzvikudza kwaSatani kuchaguma zvakaipa, sezvakaita umambo hweBhabhironi hwakaguma zvinonyadzisa.

2 Zvisinei, chero bedzi Dhiyabhorosi aripo, tinganetseka nemibvunzo yakaita seiyi: Tinofanira kutya Satani here? Nei achikurudzira vanhu kuti vatambudze vaKristu? Tingadzivisa sei kunyengerwa naDhiyabhorosi?

Tinofanira Kutya Dhiyabhorosi Here?

3, 4. Nei vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo vasingatyi Dhiyabhorosi?

3 Aya mashoko aJesu Kristu anosimbisa kwazvo vaKristu vakazodzwa, okuti: “Usatya zvinhu zvawava kuda kutambura. Tarira! Dhiyabhorosi acharamba achikanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe kwazvo, uye kuti mutambudzike kwemazuva gumi. Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ndichakupa korona youpenyu.” (Zvakazarurwa 2:10) Vakazodzwa neshamwari dzavo dzine tariro yokurarama pasi pano havatyi Dhiyabhorosi. Kusatya uku hahusi ushingi hwavanoberekwa vainahwo. Havamutyi nokuti vanotya Mwari zvokumuremekedza uye ‘vanotizira mumumvuri wemapapiro ake.’—Pisarema 34:9; 36:7.

4 Vadzidzi vaJesu Kristu vokutanga vakanga vasingatyi vakaratidza kuti vakatendeka kusvikira pakufa pasinei nezvinhu zvavaitambura. Havana kutya zvaigona kuitwa naSatani, nokuti vaiziva kuti Jehovha aisazombosiya vaya vanenge varatidza kuvimbika Kwaari. Saizvozvowo pavanotambudzwa zvikuru mazuva ano, vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo dzakazvitsaurira vanotsunga kuramba vakatendeka kuna Mwari. Zvisinei, muapostora Pauro akaratidza kuti Dhiyabhorosi angagona kukonzera rufu. Izvozvo hazvifaniri kuita kuti titye here?

5. Tinodzidzei pana VaHebheru 2:14, 15?

5 Pauro akati Jesu ‘akava nomuviri weropa nenyama’ kuti “norufu rwake aparadze uyo ane simba rokukonzera rufu, iye Dhiyabhorosi; uye kuti asunungure vose vaya vakanga vari muuranda kwoupenyu hwavo hwose nokuda kwokutya rufu.” (VaHebheru 2:14, 15) Somunhu “ane simba rokukonzera rufu,” Satani akashandisa Judhasi Iskariyoti ndokuzoshandisa vatungamiriri vechiJudha nevaRoma kuti vauraye Jesu. (Ruka 22:3; Johani 13:26, 27) Zvisinei, norufu rwake rwokuzvibayira, Jesu anosunungura vanhu vanotadza kuti varege kudzorwa naSatani uye anoita kuti tive noupenyu husingaperi.—Johani 3:16.

6, 7. Satani anogona kukonzera rufu kusvikira pamwero upi?

6 Dhiyabhorosi anogona kukonzera rufu kusvikira pamwero upi? Kubva pakatanga Satani mabasa ake akaipa, nhema dzake uye kutungamirira kwaanoita zvakaita kuti vanhu vafe. Izvi zvakadaro nokuti Adhamu akatadza achibva aita kuti mhuri yevanhu ive nechivi uye ife. (VaRoma 5:12) Kuwedzera kune izvozvo, vashumiri vaSatani vepasi pano vakatambudza vanamati vaJehovha, dzimwe nguva kusvika pakutovauraya, sezvavakaita Jesu Kristu.

7 Kunyange zvakadaro, hatifaniri kufunga kuti Dhiyabhorosi anogona kuuraya chero munhu upi zvake waanoda kuuraya. Mwari anodzivirira vanhu Vake uye haazomboregi Satani achiparadza vanamati vechokwadi vose pasi pano. (VaRoma 14:8) Chokwadi, Jehovha anomborega vanhu vake vose vachitambudzwa, uye anorega vamwe vedu vachifa nemhaka yokurwisa kwaSatani. Asi Magwaro anotipa tariro yakaisvonaka yorumuko nokuda kwevaya vari mu“bhuku rokuyeuchidza” raMwari—uye Dhiyabhorosi haana zvaangamboita kuti adzivise kudzorerwa kwakadaro kwoupenyu!—Maraki 3:16; Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15.

Nei Satani Achititambudza?

8. Nei Dhiyabhorosi achitambudza vashumiri vaMwari?

8 Kana tiri vashumiri vaMwari vakatendeka, pane chikonzero chikuru nei Dhiyabhorosi achititambudza. Chinangwa chake ndechokutitsausa pakutenda. Ukama hwatiinahwo naBaba vedu vokudenga hunokosha, uye Satani anoda kuhuparadza. Izvi hazvifaniri kutishamisa. MuEdheni, Jehovha akafanotaura kuti paizova noruvengo pakati po“mukadzi” wake wokufananidzira ne“nyoka” uye pakati pe‘vana’ vavo. (Genesisi 3:14, 15) Magwaro anoti Dhiyabhorosi ndiye “nyoka yepakutanga” uye anozivisa kuti nguva yake yava pfupi uye kuti akatsamwa zvikuru. (Zvakazarurwa 12:9, 12) Sezvo ‘vana’ vaviri ava vachiramba vachivengana, vaya vanoshumira Jehovha vakatendeka vanogona kutarisira kutambudzwa. (2 Timoti 3:12) Unoziva chikonzero chaicho chinoita kuti Satani atitambudze zvakadaro here?

9, 10. Dhiyabhorosi akamutsa nyaya yei, uye inei nezvinoitwa nevanhu?

9 Dhiyabhorosi akatanga nyaya yeakakodzera kuva changamire wezvose zvakasikwa. Akamutsawo imwe nyaya inoenderana naiyoyo yokuti vanhu vangaramba here vakatendeka kuMusiki wavo. Satani akatambudza munhu akarurama Jobho. Nei? Kuti aite kuti Jobho asaramba akatendeka kuna Jehovha. Mudzimai waJobho ne“vanyaradzi vanotambudza” vatatu vakaita zvaidiwa naDhiyabhorosi panguva iyoyo. Sezvinoratidzwa mubhuku raJobho, Dhiyabhorosi haana kuva nechokwadi naMwari, achiti hapana munhu angaramba akatendeka Kwaari kana iye Satani akabvumirwa kuedza munhu iyeye. Asi Jobho akaramba akatendeka, zvichibva zvaratidza kuti Satani murevi wenhema. (Jobho 1:8–2:9; 16:2; 27:5; 31:6) Dhiyabhorosi anotambudza Zvapupu zvaJehovha nhasi achiedza kuti zvisaramba zvakatendeka uye kuti aratidze kuti zvaakataura ichokwadi.

10 Kuziva kuti Dhiyabhorosi anotitambudza nokuti anoda kuti tisaramba takatendeka kuna Mwari kunogona kutotibatsira kuva noushingi uye kuva vakasimba. (Dheuteronomio 31:6) Mwari wedu ndiChangamire Wezvose Zvakasikwa, uye achatibatsira kuramba takatendeka. Ngatigarei tichiita kuti mwoyo waJehovha ufare nokuramba takatendeka, tichiita kuti akwanise kupindura mushori mukuru, Satani Dhiyabhorosi.—Zvirevo 27:11.

“Tinunurei Pane Akaipa”

11. Chikumbiro chokuti, “musatipinza mumuedzo” chinorevei?

11 Kuramba wakatendeka haisi nyaya iri nyore; kunoda kuti unyengetere nomwoyo wose. Mashoko omunyengetero womuenzaniso anobatsira zvikuru. Achitaura mamwe acho, Jesu akati: “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.” (Mateu 6:13) Jehovha haatiedzi kuti titadze. (Jakobho 1:13) Zvisinei, dzimwe nguva Magwaro anotaura kuti anoita kana kuti anokonzera zvinhu, asi chaizvoizvo achireva kuti anongobvumira kuti zviitike. (Rute 1:20, 21) Saka kana tikanyengetera sezvakaratidzwa naJesu, tinenge tichikumbira Jehovha kuti asarega tichikurirwa nemiedzo. Uye haazoregi tichikurirwa, nokuti tinovimbiswa neMagwaro kuti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13.

12. Nei tichinyengetera tichiti: “Tinunurei pane akaipa”?

12 Ataura nezvomuedzo mumunyengetero womuenzaniso, zvakanga zvakakodzera kuti Jesu ati: “Tinunurei pane akaipa.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoti: “Mutirwirei panowakaipa” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) kana kuti “Tinunurei pane zvakaipa.” (Bhaibheri Rinoyera) Zvisinei, muMagwaro, mashoko okuti ‘tinunurei’ anonyanya kushandiswa achireva vanhu, uye Evhangeri yaMateu inotaura nezvaDhiyabhorosi ichiti “Muedzi,” kureva munhu. (Mateu 4:3, 11) Saka zvinokosha kunyengeterera kununurwa pane “akaipa,” Satani Dhiyabhorosi. Anoedza kuita kuti titadzire Mwari. (1 VaTesaronika 3:5) Patinokumbira kuti, “Tinunurei pane akaipa,” tinenge tiri kukumbira kuti Baba vedu vokudenga vatitungamirire uye vatibatsire kuti tisanyengerwa naDhiyabhorosi.

Usanyengerwa naDhiyabhorosi

13, 14. Nei vaKorinde vaifanira kuchinja mabatiro avaizoita munhu womuungano aiva amboita unzenza?

13 Pauro paakakurudzira vaKristu vaiva muKorinde kuti vakanganwire vamwe, akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvamunokanganwira nomutsa munhu wose, ini ndinoitawo saizvozvo. Chokwadi, kana ndiri ini, zvose zvandakakanganwira nomutsa, kana ndakakanganwira nomutsa zvinhu zvose, zvakaitirwa imi pamberi paKristu; kuti tirege kunyengerwa naSatani, nokuti mazano ake tinoaziva.” (2 VaKorinde 2:10, 11) Dhiyabhorosi anogona kutinyengera munzira dzakasiyana-siyana, asi nei muapostora Pauro akataura mashoko akanyorwa pamusoro apa?

14 Pauro akanga atsiura vaKorinde nokuti vakanga vabvumira murume aiva nounzenza kuti arambe ari muungano. Izvi zvinofanira kunge zvakafadza Satani, nokuti ungano yakazvidzwa nemhaka yokubvumira “ufeve husingambowaniki kunyange pakati pemamwe marudzi.” Pakupedzisira, muiti wacho wezvakaipa akadzingwa muungano. (1 VaKorinde 5:1-5, 11-13) Pave paya murume wacho akazopfidza. Kudai vaKorinde vaizoramba kukanganwira murume iyeye uye kumudzorera, Dhiyabhorosi aizovanyengera neimwe nzira. Sei? Vaizova vanhu vakaoma mwoyo uye vasina ngoni, sezvaakaita iye Satani wacho. Kudai murume wacho akanga apfidza aizo“kurirwa nokunyanyosuruvara kwake” orega kunamata Mwari zvachose, vakuru ndivo vaizonyanya kuva nemhosva yeizvi pamberi paMwari ane ngoni, Jehovha. (2 VaKorinde 2:7; Jakobho 2:13; 3:1) Chokwadi, hapana muKristu wechokwadi angada kutevedzera Satani nokuva noutsinye, kuoma mwoyo, kana kuti kuva asina ngoni.

Kudzivirirwa Nezvombo Zvinobva Kuna Mwari

15. Tinorwa hondo ipi, uye kukunda kunobva pachii?

15 Kana tichizonunurwa pana Dhiyabhorosi, tinofanira kurwa hondo ine chokuita nokunamata tichirwisana nemasimba emidzimu yakaipa. Kuti tikunde midzimu yakaipa ine simba zvinobva pakuti takapfeka here “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari.” (VaEfeso 6:11-18) Hondo iyi inosanganisira “chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama.” (VaEfeso 6:14) Mambo Sauro waIsraeri yekare haana kuteerera Mwari uye akatorerwa mudzimu mutsvene. (1 Samueri 15:22, 23) Asi kana tichiita zvakarurama, topfeka nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzine chokuita nokunamata, tichava nomudzimu mutsvene waMwari uye tichadzivirirwa sezvatinoda pana Satani nengirozi dzake dzakaipa, iwo madhimoni.—Zvirevo 18:10.

16. Tingaramba sei tichidzivirirwa pamasimba emidzimu yakaipa?

16 Kuti tirambe takadzivirirwa pamasimba emidzimu yakaipa, tinofanirawo kugara tichiverenga uye kudzidza Shoko raMwari, tichiverenga mabhuku atinopiwa no“mutariri akatendeka.” (Ruka 12:42) Kana tikadaro tichange tichizadza pfungwa dzedu nenyaya dzokunamata dzakanaka, maererano nezano raPauro rokuti: “Hama, zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.”—VaFiripi 4:8.

17. Chii chichatibatsira kuti tive vazivisi vemashoko akanaka vanobudirira?

17 Jehovha anoita kuti ‘tsoka dzedu dzipfeke kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare.’ (VaEfeso 6:15) Kugara tichipindurawo pamisangano yechiKristu kunoita kuti tikwanise kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Tinofara zvikuru kubatsira vamwe kuti vadzidze chokwadi chaMwari uye kuti vave norusununguko mune zvokunamata! (Johani 8:32) “Bakatwa romudzimu, iro shoko raMwari,” rinokosha zvikuru pakuzvidzivirira padzidziso dzenhema uye ‘kuputsa zvinhu zvakadzika midzi.’ (VaEfeso 6:17; 2 VaKorinde 10:4, 5) Kushandisa Shoko raMwari rakanyorwa, Bhaibheri, nounyanzvi kunotibatsira kudzidzisa chokwadi uye kunotidzivirira kuti tisakurirwa nounyengeri hwaDhiyabhorosi.

18. ‘Tingamira sei takasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi?’

18 Pauro akatanga hurukuro yake yaiva nechokuita nezvombo zvedu zvine chokuita nokunamata achiti: “Rambai muchiwana simba munaShe nomuukuru hwesimba rake. Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.” (VaEfeso 6:10, 11) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kumira makasimba” rinoreva murwi anomira panzvimbo yake. Tinomira takasimba muhondo ine chokuita nokunamata, kunyange zvazvo Satani achishandisa nzira dzakasiyana-siyana dzemanomano paanoedza kuvhiringidza kubatana kwatakaita, kukanganisa dzidziso dzedu, kana kuti kuita kuti tisaramba takatendeka kuna Mwari. Asi kusvikira parizvino Satani haana kubudirira kurwisa—uye haazombobudiriri! *

Rwisanai naDhiyabhorosi, uye Iye Achakutizai

19. Ndeipi imwe nzira yatinorwisa nayo Dhiyabhorosi zvakasimba?

19 Tinogona kubudirira muhondo yedu yezvokunamata pakurwisana naDhiyabhorosi nemasimba emidzimu yakaipa aari kutungamirira. Hapana chikonzero chokudedera nokutya Satani, nokuti mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.” (Jakobho 4:7) Imwe nzira yatinorwisa nayo zvakasimba Satani nezvisikwa zvomudzimu zvakaipa zvinoshanda naye ndeyokusava nechokuita nezvouroyi kana kuti zvemashiripiti uye kusava nechokuita nevaya vanozviita. Magwaro anoratidza zvakajeka kuti vashumiri vaJehovha havafaniri kutenda mashura kana kufembera vachishandisa nyeredzi, kushopera, uye kuita zvemidzimu. Kana tichishingaira uye takasimba pakunamata, hatifaniri kutya kuti mumwe munhu achatitsinga.—Numeri 23:23; Dheuteronomio 18:10-12; Isaya 47:12-15; Mabasa 19:18-20.

20. Tingarwisana sei naDhiyabhorosi?

20 ‘Tinorwisana naDhiyabhorosi’ nokuomerera kune zvinotaurwa neBhaibheri nechokwadi charo uye nokuramba takamira zvakasimba tichiita zvinopesana naye. Nyika inoita zvinoenderana naSatani nokuti ndiye mwari wayo. (2 VaKorinde 4:4) Naizvozvo tinoramba unhu hwenyika, hwakadai sokudada, udyire, unzenza, chisimba, uye kunyanya kuda zvinhu. Tinoziva kuti Jesu paakaramba kufurirwa naDhiyabhorosi achishandisa Magwaro paaiedzwa murenje, Dhiyabhorosi akatiza. (Mateu 4:4, 7, 10, 11) Saizvozvo, Satani ‘achatitiza’ kana tichinyatsozviisa pasi paJehovha zvakazara uye tichivimba naye nokunyengetera. (VaEfeso 6:18) Kana tichitsigirwa naJehovha Mwari noMwanakomana wake anodiwa, hapana munhu angatikuvadza zvachose—aiwa, kunyange Dhiyabhorosi!—Pisarema 91:9-11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Kana uchida mamwe mashoko nezvezvombo zvine chokuita nokunamata zvinobva kuna Mwari, ona Nharireyomurindi yaMay 15, 1992, mapeji 21-3.

[Ungapindura Uchitii?]

• Tinofanira kutya Satani Dhiyabhorosi here?

• Nei Satani achitambudza vaKristu?

• Nei tichinyengeterera kununurwa “pane akaipa”?

• Tingabudirira sei kurwa hondo yezvokunamata?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vateveri vaKristu vokutanga vakaramba vakatendeka kusvikira pakufa

[Mufananidzo uri papeji 27]

Dhiyabhorosi haagoni kutadzisa kumuka kwevaya vanoyeukwa naJehovha

[Mufananidzo uri papeji 28]

Unonyengeterera kununurwa “pane akaipa” here?

[Mufananidzo uri papeji 29]

Wakapfeka “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari” here?