Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEsteri

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEsteri

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEsteri

ZANO racho haringambokundi- kani. VaJudha vose vachaurayiwa zvokuti hapana anosara. Pazuva rimwe rakafanorongwa, vaJudha vose vanogara munzvimbo yacho, inobvira kuIndiya kusvikira kuEtiopiya, vachatsakatiswa. Izvozvo ndizvo zvinofungwa nomunhu akaronga zano racho. Zvisinei, pane chimwe chinhu chinokosha chaasina kufunga nezvacho. Mwari wematenga anogona kununura vanhu vake vakasarudzwa mumamiriro ezvinhu ose ane ngozi. Kununura kwacho kwakanyorwa mubhuku reBhaibheri raEsteri.

Bhuku raEsteri rakanyorwa naModhekai, mumwe murume muJudha akanga akwegura, rinotaura zvakaitika mumakore anenge 18 okutonga kwaMambo Ahashivheroshi wokuPezhiya, kana kuti Xerxes I. Nhoroondo iyi inonakidza inoratidza kuti Jehovha anoponesa sei vanhu vake pamazano akaipa evavengi vavo, kunyange zvazvo vashumiri vake vakapararira muumambo hwose hwakakura. Nhasi, kuziva izvozvo kunosimbisa kutenda kwevanhu vaJehovha, avo vari kumuitira basa dzvene munyika 235. Uyezve, vanhu vanotaurwa mubhuku raEsteri vanotipa mienzaniso yokuti titevedzere uye mimwe yatisingafaniri kutevedzera. Zvechokwadi, “shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VaHebheru 4:12.

MAMBOKADZI ANOFANIRA KUPINDIRA

(Esteri 1:1–5:14)

Mugore rake rechitatu rokutonga (493 B.C.E.), Mambo Ahashivheroshi anoita mabiko pamuzi- nda wake. Mambokadzi Vhashti, ano- zivikanwa zvikuru pamusana poku- ti itsvarakadenga, anotsamwirwa namambo chaizvo uye anobviswa pakuva mambokadzi. Mumwe musikana wechiJudha Hadhasa anosarudzwa pakati pemhandara dzose dzakanaka kwazvo dzenyika yacho kuti ave panzvimbo yaVhashti. Audzwa nababamudiki vake Modhekai, Hadhasa haatauri zita rake rechiJudha asi anoshandisa rokuPezhiya, Esteri.

Nokufamba kwenguva, mumwe murume anozvikudza anonzi Hamani anokwidziridzwa kuva mutungamiriri wehurumende. Hamani anotsamwira Modhekai nokuti anoramba ‘kumukotamira kana kuti kumugwadamira,’ saka anoronga kutsakatisa vaJudha vose vari muUmambo hwePezhiya. (Esteri 3:2) Hamani anonyengetedza Ahashivheroshi kuti abvumirane naye uye anobudirira kuita kuti mambo adzike murayiro wokuti vanhu ava vakawanda vaurayiwe. Modhekai akapfeka ‘masaga uye anoisa madota.’ (Esteri 4:1) Iye zvino Esteri anofanira kupindira. Anokoka mambo nomutungamiriri wehurumende yake kumabiko avo voga. Pavanopinda mabiko aya vachifara, Esteri anovateterera kuti vauye kune mamwe mabiko mangwana acho. Hamani anofara chaizvo. Zvisinei, anogumbuka nokuti Modhekai anoramba kumukudza. Hamani anoronga kuuraya Modhekai zuva remabiko risati rasvika mangwana acho.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:3-5—Mabiko acho akaita mazuva 180 here? Rugwaro rwacho harutauri kuti mabiko acho akatora nguva yakareba kudaro asi kuti mambo akaratidza vakuru vakuru pfuma uye kunaka kwoumambo hwake hunokudzwa kwemazuva 180. Mambo angangodaro akashandisa chiitiko ichi chirefu kuti ashamisire nokukudzwa kwoumambo hwake achiitira kuti afadze vanhu vaikudzwa uye kuti avaratidze kuti aikwanisa kuita zvaakanga aronga. Kana zvakadaro, ndima 3 ne5 dzinogona kunge dziri kutaura nezvemabiko emazuva 7 akaitwa pakupera kwemazuva 180 okuungana.

1:8—“Kana iri nguva yokunwa maererano nomutemo, hapana aigombedzera mumwe” munzirai? Pachiitiko ichi, Mambo Ahashivheroshi haana kutevera yaiita setsika yevaPezhiya yokukurudzirana kunwa zvakati kuti pakuungana kwakadaro. Rimwe bhuku rinoti, “Vaigona kunwa zvakanyanya kana kuti zvishomanana sezvavaida.”

1:10-12—Nei Mambokadzi Vhashti airamba pose paainzi auye namambo? Dzimwe nyanzvi dzinoti mambokadzi akaramba kuteerera nokuti akasarudza kusazvideredza pamberi pevaeni vamambo vakanga vakadhakwa. Kana kuti zvichida mambokadzi uyu aiva tsvarakadenga chaizvoizvo akanga asingazviisi pasi. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri chikonzero chake, varume vakachenjera vomuzuva racho vakafunga kuti kuteerera murume wake kwaiva nyaya hombe uye kuti muenzaniso wakaipa waVhashti waizokanganisa madzimai ose mumaruwa ePezhiya.

2:14-17—Esteri akaita unzenza namambo here? Aiwa. Nhoroondo yacho inoti mumangwanani vamwe vakadzi vaiunzwa kuna mambo vaidzorerwa kuimba yechipiri vachitarisirwa nomukuru mukuru wamambo, “mutarisiri wevarongo.” Saka vakadzi vairara namambo usiku hwose vaizova varongo vake, kana kuti madzimai echipiri. Zvisinei, Esteri haana kuendeswa kuimba yevarongo pashure pokunge aona mambo. Esteri paakauyiswa pamberi paAhashivheroshi, “mambo akada Esteri kupfuura vamwe vakadzi vose, zvokuti akanzwirwa nyasha nokuitirwa mutsa worudo pamberi pake kupfuura dzimwe mhandara dzose.” (Esteri 2:17) Akanzwirwa sei “nyasha nokuitirwa mutsa worudo” naAhashivheroshi? Sokunzwirwa nyasha kwaakanga aitwa nevamwe. “Musikana wacho aiva akanaka [kuna Hegai], zvokuti akamuitira mutsa worudo.” (Esteri 2:8, 9) Hegai akanzwira Esteri nyasha zvikurukuru pamusana pezvaakacherechedza—chitarisiko chake uye unhu hwake hwakanaka. Kutaura zvazviri, “Esteri aingoramba achinzwirwa nyasha nomunhu wose aimuona.” (Esteri 2:15) Saizvozvowo, mambo akafadzwa zvikuru nezvaakaona pana Esteri saka zvakaita kuti amude.

3:2; 5:9—Nei Modhekai akaramba kukotamira Hamani? Zvakanga zvisina kuipa kuti vaIsraeri vabvume chinzvimbo chepamusoro chomunhu akakwirira nokumugwadamira. Zvisinei, nezvaHamani, pane zvakawanda zvaivapo. Hamani aiva muAgagi, zvichida muAmareki, uye Jehovha akanga ati vaAmareki vaifanira kuparadzwa. (Dheuteronomio 25:19) Kuti Modhekai akotamire Hamani zvaizoreva kuti akanga asina kuvimbika kuna Jehovha. Akanyatsoramba, achitaura kuti aiva muJudha.—Esteri 3:3, 4.

Zvatinodzidza:

2:10, 20; 4:12-16. Esteri akabvuma zvaakarayirwa uye zano raakapiwa nomunamati waJehovha akanga akura. Tinenge takachenjera kana ‘tikateerera vaya vari kutitungamirira uye kana tikazviisa pasi pavo.’—VaHebheru 13:17.

2:11; 4:5. Hatifaniri ‘kuramba tichiva nehanya nezvinhu zvatinoda isu pachedu, asi tinofanirawo kuva nehanya nezvinhu zvinodiwa nevamwe.’—VaFiripi 2:4.

2:15. Esteri akaratidza kuzvininipisa uye kuzvidzora nokurega kukumbira zvishongo zvokuwedzera zvematombo anokosha kana zvipfeko zvakanaka kudarika zvaakanga apiwa naHegai. “Munhu akavanzika womwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chomudzimu wakanyarara uye munyoro” ndiye akaita kuti Esteri anzwirwe nyasha namambo.—1 Petro 3:4.

2:21-23. Esteri naModhekai vaiva mienzaniso yakanaka ‘pakuzviisa pasi pevanhu vane masimba makuru.’—VaRoma 13:1.

3:4. Mune mamwe mamiriro ezvinhu, kungava kuchenjera kusataura kuti ndisu vanaani, sezvakaitwa naEsteri. Zvisinei, patinofanira kutsigira nyaya dzinokosha, dzakadai souchangamire hwaJehovha uye kuvimbika kwedu, hatifaniri kutya kutaura kuti tiri Zvapupu zvaJehovha.

4:3. Patinotarisana nemiedzo, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha kuti atipe simba nouchenjeri.

4:6-8. Modhekai akatsvaka kugadzirisa ngozi yakakonzerwa nezano raHamani zviri pamutemo.—VaFiripi 1:7.

4:14. Kuvimba naJehovha kwaiita Modhekai kwaiva kwakanaka chaizvo.

4:16. Achivimba naJehovha zvakazara, akatendeka uye akashinga Esteri akatarisana nemamiriro ezvinhu aigona kudai akamuurayisa. Zvinokosha kuti tidzidze kuvimba naJehovha kwete kuzvivimba.

5:6-8. Kuti anzwirwe nyasha naAhashivheroshi, Esteri akamukoka kumabiko echipiri. Akaita nokuchenjera, sezvatinofanira kuitawo.—Zvirevo 14:15.

ZVINHU ZVINORAMBA ZVICHICHINJA

(Esteri 6:1–10:3)

Sezvo zviitiko zvacho zvinobuda pachena, zvinhu zvinochinja. Hamani anoturikwa padanda raanga agadzirira Modhekai, uye munhu anga achifanira kuurayiwa anova mutungamiriri wehurumende! Zvakadini nourongwa hwokuuraya vaJudha vakawanda? Izvozvowo zvinofanira kuchinja zvikuru.

Esteri akatendeka anotaurazve. Achiisa upenyu hwake pangozi, anomira pamberi pamambo achiteterera kuti awane nzira yokuita kuti zvakarongwa naHamani zvikundikane. Ahashivheroshi anoziva zvinofanira kuitwa. Saka panosvika zuva rokuti vauraye vanhu vakawanda, vaya vari kutsvaka kuuraya vaJudha ndivo vanourayiwa, kwete vaJudha. Modhekai anorayira kuti Mutambo wePurimu uitwe gore negore kupemberera kununurwa uku kukuru. Sezvo ari iye oga wechipiri kubva pana Mambo Ahashivheroshi, Modhekai ‘anoshanda kuti aitire vanhu vake zvakanaka uye anotaura nezvorugare kuvana vavo vose.’—Esteri 10:3.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

7:4—Kutsakatiswa kwevaJudha kwaizo“kuvadza mambo” sei? Achitaura nounyanzvi nezvokutengeswa sevaranda kwaigona kuitwa vaJudha, Esteri akataura kukuvadzwa kwaizoitwa mambo nokuparadzwa kwevaJudha. Zvidimbu 10 000 zvesirivha zvaiva zvavimbiswa naHamani zvakanga zvisingabatsiri zvachose papfuma yamambo pane pfuma ingadai yakawanikwa kudai Hamani akanga aronga kutengesa vaJudha kuti vave varanda. Kudai zvakanga zvarongwa zvacho zvakaitwa, mambokadzi angadai akaurayiwawo.

7:8—Nei machinda akafukidza chiso chaHamani? Zvichida uku kwaiva kuratidza kunyara kana kuti dambudziko rakanga riri kuuya. Maererano nerimwe bhuku, “vanhu vekare dzimwe nguva vaifukidza misoro yevaya vakanga vava kuda kuurayiwa.”

8:17—“Marudzi mazhinji enyika yacho aizviti vaJudha” munzirai? Zviri pachena kuti vaPezhiya vakawanda vakatendeukira kuchiJudha, vachifunga kuti kuchinjwa kwomurau kwairatidza kuti Mwari aifarira vaJudha. Izvi zviri kushandawo mukuzadzika kwouprofita huri mubhuku raZekariya. Hunoti: “Varume gumi vanobva mumitauro yose yemarudzi vachabata, chokwadi vachabata kumupendero wenguo yomuJudha, vachiti: ‘Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.’”—Zekariya 8:23.

9:10, 15, 16—Kunyange zvazvo murau wacho waibvumira kupamba zvinopambwa, nei vaJudha vasina kuzvipamba? Kusazvipamba kwavo kwakanyatsoratidza kuti chinangwa chavo chaiva chokuzvidzivirira, kwete chokuti vapfume.

Zvatinodzidza:

6:6-10. “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.”—Zvirevo 16:18.

7:3, 4Tinotaura noushingi kuti tiri Zvapupu zvaJehovha here, kunyange zvazvo kuita kudaro kungaita kuti titambudzwe?

8:3-6. Tinogona uye tinofanira kukumbira vane masimba vehurumende uye matare anotonga mhosva kuti tidzivirirwe pavavengi.

8:5. Nokungwarira, Esteri haana kuudza mambo zvokuita mumurau wakaisirwa kutsakatisa vanhu vake. Tinofanirawo kungwarira patinoparidzira machinda.

9:22. Hatifaniri kukanganwa varombo vari pakati pedu.—VaGaratiya 2:10.

Jehovha ‘Achabatsira uye Achanunura’

Modhekai anotaura chinangwa chaMwari pakukudzwa kwaEsteri namambo. Pavanotyisidzirwa, vaJudha vanotsanya uye vanonyegeterera kubatsirwa. Mambokadzi anomira pamberi pamambo asina kudanwa uye anogamuchirwa zvakanaka nguva dzose. Mambo anotadza kurara usiku chaihwo uhwu hunokosha. Zvechokwadi, bhuku raEsteri rinotaura nezvokuchinja zvinhu kunoita Jehovha kuti vanhu vake vabatsirwe.

Nhoroondo inofadza yaEsteri inokurudzira zvikuru isu tiri kurarama mu“nguva yokuguma.” (Dhanieri 12:4) “Mumazuva okupedzisira,” kana kuti muchikamu chokupedzisira chenguva yokuguma, Gogi weMagogi—Satani Dhiyabhorosi—acharwisa zvizere vanhu vaJehovha. Chinangwa chake chichava chokuparadza vanamati vose vechokwadi. Asi somuzuva raEsteri, Jehovha ‘achabatsira uye achanunura’ vanamati vake.—Ezekieri 38:16-23; Esteri 4:14.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Esteri naModhekai vari pamberi paAhashivheroshi