Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhandaro Yakanaka Inozorodza

Nhandaro Yakanaka Inozorodza

Nhandaro Yakanaka Inozorodza

“Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho, itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.”—1 VAKORINDE 10:31.

1, 2. Nei zvinhu zvinofadza zvingaoneka se“chipo chaMwari,” asi Bhaibheri rinopa nyevero ipi yakajeka?

ZVIRI muropa kuti tinzwe tichida kuita zvinhu zvinoita kuti tifare. Mwari wedu anofara, Jehovha, anoda kuti tinakidzwe noupenyu, uye anopa zvinhu zvakawanda kuti tinakidzwe. (1 Timoti 1:11; 6:17) Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Ndava kuziva kuti hapana chinhu chiri nani . . . kupfuura kuti munhu afare . . . uyewo kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Icho chipo chaMwari.”—Muparidzi 3:12, 13.

2 Kufara kwakadaro kunovapo munhu paanomira kuti afungisise basa rakanaka raanenge aita, zvechokwadi kunozorodza, zvikurukuru paanova noushamwari hunofadza nemhuri kana kuti neshamwari. Kunganyatsoonekwa se“chipo chaMwari.” Zvechokwadi, kupa kwoMusiki mafashafasha ezvinhu hakutipembedzi kuti tiite zvemafaro asingadzorwi. Bhaibheri rinoshora kudhakwa, makaro, uye unzenza, richinyevera kuti vaya vanoita zvinhu zvakadaro “havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:9, 10; Zvirevo 23:20, 21; 1 Petro 4:1-4.

3. Chii chichatibatsira kuti tirambe takamuka mune zvokunamata uye kuramba tichifunga zuva guru raJehovha?

3 Mumazuva ano okupedzisira akaoma, sezvisina kumboitika kare, vaKristu vanofanira kurarama vachichenjerera munyika ine uori vasingatevedzeri zvainoita. (Johani 17:15, 16) Sezvakafanotaurwa, vanhu vechizvarwa chanhasi vazova “vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari” kusvika pamwero wokuti ‘havacherechedzi’ uchapupu hwokuti “kutambudzika kukuru” kwava pedyo. (2 Timoti 3:4, 5; Mateu 24:21, 37-39) Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva.” (Ruka 21:34, 35) Sevashumiri vaMwari, takatsunga kuteerera nyevero yaJesu. Kusiyana nevaya vari munyika isingadi Mwari yatinogara mairi, isu tinoedza kuramba takamuka mune zvokunamata uye kuramba tichifunga nezvezuva guru raJehovha.—Zefaniya 3:8; Ruka 21:36.

4. (a) Nei zvakaoma kuwana nhandaro yakanaka? (b) Izano ripi riri pana VaEfeso 5:15, 16, ratinoda kushandisa?

4 Kuramba tisingaiti zvi- nhu zvouori zvinoitwa nenyika hakusi nyore, sezvo Dhi- yabhorosi akaita kuti zviyemurwe zvikuru uye zvive nyore kuita. Zvinobva zvatonyanya kuoma patinotsvaka varaidzo kana kuti nhandaro. Zvakawanda zvinopiwa nenyika zvinoitirwa kufadza zvinhu “zvinodiwa nenyama.” (1 Petro 2:11) Varaidzo inokuvadza inowanikwa munzvimbo dzoruzhinji, asi inogonawo kuuya nemabhuku, TV, Indaneti, nemavhidhiyo kumba kwedu kwatinenge tiri toga. Saka, Shoko raMwari rinonyevera vaKristu nokuchenjera richiti: “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera, nokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16) Kana tikanyatsotevera zano iri ndipo patingava nechokwadi chokuti varaidzo inokuvadza haizotinyengeri, ichitidyira nguva yedu yakawanda, chokwadi, kunyange kuparadza ukama hwedu naJehovha, toguma taparadzwa!—Jakobho 1:14, 15.

5. Zororo redu rakakura rinobva pachii?

5 Sezvo vaKristu vachirarama upenyu hune zvizhinji zvokuita, zvinonzwisisika kuti pano neapo vanofanira kuva nezvinhu zvinovavaraidza. Kutaura zvazviri, Muparidzi 3:4 inoti pane “nguva yokuseka” ne“nguva yokusvetuka-svetuka.” Saka Bhaibheri haritauri kuti kutandara kupambadza nguva. Asi kutandara kunofanira kutizorodza, kwete kutikanganisa mune zvokunamata kana kuti kuvhiringidza mabasa edu ane chokuita nokunamata. VaKristu vakasimba pakunamata vanoziva kubva pane zvavakasangana nazvo kuti mufaro mukuru unobva mukupa. Vanoisa pakutanga kuita zvinodiwa naJehovha muupenyu hwavo uye vanowana ‘zororo rechokwadi remweya yavo’ nokugamuchira joko raJesu romutsa.—Mateu 11:29, 30; Mabasa 20:35.

Kusarudza Nhandaro Yakanaka

6, 7. Chii chingakubatsira kuziva varaidzo inonzi ndiyo yakanaka kana kuti isina kunaka?

6 Tingaziva sei kuti nhandaro yakati yakanakira muKristu? Vabereki vanotungamirira vana vavo, uye vakuru vanobatsira sezvinodiwa. Kunyange zvakadaro, chaizvoizvo vamwe havafaniri havo kutiudza kuti bhuku rakati, firimu, mutambo, kutamba, kana kuti rwiyo haruna kunaka. Pauro akati “vanhu vakuru . . . vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokurishandisa kwavanoita.” (VaHebheru 5:14; 1 VaKorinde 14:20) Bhaibheri rine mitemo inotungamirira. Hana yako yakadzidziswa neShoko raMwari, ichakubatsira kana ukaiteerera.—1 Timoti 1:19.

7 Jesu akati “muti unozivikanwa nezvibereko zvawo.” (Mateu 12:33) Kana kutsvaka nhandaro kuchibereka zvibereko zvakaora zvinokurudzira zvechisimba, unzenza, kana kuti kuita zvemidzimu, kunofanira kuregerwa. Hakunawo kunaka kana kuchiisa upenyu kana kuti utano hwako pangozi, kana kuchikonzera nhamo yemari kana kuti kuora mwoyo, kana kuti kuchiita kuti vamwe vagumbuke. Muapostora Pauro akatinyevera kuti kana tikakuvadza hana yehama yedu, tinenge tiri kuita chivi. Pauro akanyora kuti: “Pamunotadzira hama dzenyu saizvozvo muchikuvadza hana dzavo dzisina simba, muri kutadzira Kristu. Naizvozvo, kana zvokudya zvichiita kuti hama yangu igumbuke, handichazombodyizve nyama, kuti ndirege kuita kuti hama yangu igumbuke.”—1 VaKorinde 8:12, 13.

8. Ingozi dzipi dziripo nokutamba mitambo yemavhidhiyo anotambirwa pakombiyuta kana kuti paterevhizheni uye mimwe inotambiswa mumaoko?

8 Zvitoro zvakazara nemitambo yemavhidhiyo anotambirwa pakombiyuta kana kuti paterevhizheni uye mimwe inotambiswa mumaoko. Mimwe mitambo yacho ingasakuvadza uye inozorodza, asi varaidzo yakadaro inoramba ichibudisa zvinhu zvinoshorwa neBhaibheri. Chokwadi hakusi kungofarawo zvako kana mutambo uchida kuti vatambi vacho vakuvadze uye vauraye kana kuti vatambe vachiita unzenza hwakaipisisa! Jehovha anovenga vaya va“noda zvechisimba.” (Pisarema 11:5; Zvirevo 3:31; VaKorose 3:5, 6) Uye kana kutamba mutambo kuchikurudzira kuti uve nemakaro kana kuti umukire vamwe, kuchikusiya usinganzwi zvakanaka, kana kuti kuchipambadza nguva inokosha, ipapo ngwarira kukuvadzwa kwaunoitwa mune zvokunamata wokurumidza kugadziridza.—Mateu 18:8, 9.

Kugutsa Chido Chokutandara Munzira Dzakanaka

9, 10. Vaya vanonzwisisa vangaitei kuti vave nenhandaro yavanoda?

9 Dzimwe nguva, vaKristu vanobvunza kuti: “Nhandaro yakanaka yakadini? Zvakawanda zviri munyika hazvienderani nezvinodiwa neBhaibheri.” Iva nechokwadi chokuti nhandaro inogutsa inogona kuwanika, asi zvinoda kushanda nesimba. Zvikurukuru, zvinoda kuti vabereki vafanofunga uye kuti varonge. Vakawanda vanowana zororo rakanaka mumhuri uye muungano. Kudya zvokudya vanhu vakadekara zvavo vachikurukura zvaitika zuva racho kana kuti nyaya yomuBhaibheri zvinofadza uye zvinokurudzira. Mungaronga kuenda kupikiniki, kutamba mitambo yakakodzera, kumbonopedza mazuva muchigara mutende kunzvimbo dzokuzororera, kana kuti kumbofamba netsoka daro rakareba. Nhandaro yakanaka kudaro inganakidza uye ingazorodza.

10 Mumwe mukuru nomudzimai wake vakarera vana vatatu vanoti: “Kubvira vachiri vaduku zvikuru, taikurukura pamwe chete nevana vedu pakusarudza kwataizoenda kunozorora. Dzimwe nguva, taibvumira mwana mumwe nomumwe kuti akoke shamwari yakanaka, zvaiita kuti zororo racho rinyanye kunakidza. Izvi zvakaita kuti vana vedu vave nezvimwe zvinhu zvavanoyeuka muupenyu. Nguva nenguva taikoka mhuri neshamwari dzomuungano kumba kwedu. Pamwe taimbobikira panze uye taitamba mitambo. Pamwe taifamba nemotokari kana kuti kukwira mumakomo zvokungonakidzwa, tichishandisa nguva iyi kuti tidzidze nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha.”

11, 12. (a) Chii chaungaita kuti vamwe vabatanidzwewo muzvirongwa zvako zvokutandara nguva nenguva? (b) Vamwe havana kuzombokanganwa kuungana kwakaita sei?

11 Somunhu mumwe nomumwe uye semhuri, nguva nenguva pamunoronga kutandara, mungabatanidzawo vamwe here? Vamwe vakadai sechirikadzi, munhu asina kuroora kana kuroorwa, kana kuti mhuri ine mubereki mumwe, vangada kukurudzirwa. (Ruka 14:12-14) Mungabatanidzawo vashomanana vachangotanga kuwadzana neungano, asi muchingwarira kuti hapana zvingazovhiringidza vamwe. (2 Timoti 2:20, 21) Kana ndonda dzichiomerwa nokubva pamusha, zvichida urongwa hungaitwa hwokuenda nezvokudya kunodyira pamusha padzo.—VaHebheru 13:1, 2.

12 Vakawanda havakanganwi pavakaungana vachidya zvokudya zvisiri zvemaoresa, vachinzwa kuti vamwe vakava sei vaKristu, uye kuti chii chakavabatsira kuti varambe vakatendeka kuna Mwari. Mungakurukura nyaya dzeBhaibheri navose vanenge varipo, kusanganisira vana. Kukurukurirana kwakadaro kungaita kuti mukurudzirane zvinobatsira pasina anonzwa achinyara kana kuti kunzwa asina kukodzera.

13. Jesu naPauro vakaratidza sei muenzaniso mukuratidza mutsa uye kubvuma kukokwa?

13 Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka mukuratidza mutsa uye kubvuma kukokwa. Aigara achishandisa nguva yakadaro kuti akomborere vanhu mune zvokunamata. (Ruka 5:27-39; 10:42; 19:1-10; 24:28-32) Vadzidzi vake vekare vakatevedzera muenzaniso wake. (Mabasa 2:46, 47) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndiri kusuwa kukuonai, kuti ndikupei chipo chomudzimu kuti musimbiswe; kana kuti, panzvimbo paizvozvo, kuti tikurudzirane, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.” (VaRoma 1:11, 12) Saizvozvowo, kuungana kwedu kunofanira kuva nguva yokukurudzirana.—VaRoma 12:13; 15:1, 2.

Zviyeuchidzo uye Zvinhu Zvokungwarira

14. Nei zvisingakurudzirwi kuti vanhu vanoda kutandara vaungane vakawanda?

14 Hazvikurudzirwi kuti vanhu vanoda kutandara vaungane vakawanda, sezvo zvichiwanzova zvakaoma kutarisira vanhu vakawanda pakadaro. Panguva isingavhiringidzi zvinhu zvine chokuita nokunamata, mhuri shomanana dzingasarudza kuenda kupikiniki pamwe chete kana kuti kutamba mutambo usiri wokuita makwikwi. Kana vamwe vakuru, vashumiri vanoshumira, kana kuti vanhu vakuru varipo pakuungana kwacho, vanogona kukurudzira kuita zvinhu zvakanaka uye nguva yacho ingatozorodza zvikuru.

15. Nei kukoka vanhu kuchida kuti pave nokutarisira kwakanaka?

15 Pakuungana, vaya vanoita urongwa hwacho havafaniri kukanganwa kuti zvinhu zvinofanira kutarisirwa zvakanaka. Kunyange zvazvo uchifarira kukoka vamwe, hauzozvidembi here kana ukaziva kuti pamusana pokuti wakaregeredza, mueni akagumbuka nezvakaitika mumusha mako? Funga zvinotaurwa pana Dheuteronomio 22:8. MuIsraeri aivaka musha mutsva aifanira kuvaka karusvingo kaipoteredza denga rakati sandarara, raiwanzoshandiswa kutandarira nevaeni. Nei? “Kuti urege kuisa mhosva yeropa paimba yako nokuti mumwe munhu angawa achibva pariri.” Saizvozvowo, zvaunoita kuti udzivirire vaeni vako pamunenge makaungana zvinofanira kuratidza kuti une hanya nokugara kwavo zvakanaka mumuviri uye mune zvokunamata—asi haufaniri kunyanyisa.

16. Chii chinofanira kungwarirwa kana pachizova nedoro panenge pakaungana vanhu?

16 Kana pakuungana kwacho pachizova nedoro, izvi zvinofanira kungwaririrwa zvikuru. VaKristu vakawanda vanokoka vaeni vanosarudza kuvapa doro kana bedzi ivo pachavo vachikwanisa kutarisira zvinopiwa vaeni vavo kana kuti zvavanonwa. Hapana chinhu chingagumbura vamwe chinofanira kubvumirwa kana kuedza chero munhu upi zvake kuti apfurikidze mwero. (VaEfeso 5:18, 19) Pamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana, vamwe vaeni vangasarudza kurega kunwa doro. Nyika dzakawanda dzine zera rinobvumirwa nomutemo kuti munhu anwe doro, uye vaKristu vanofanira kuteerera mitemo yaKesari kunyange kana mirau iyi ichiita seinonyanya kudzvinyirira.—VaRoma 13:5.

17. (a) Kana mimhanzi ichizoridzwa pakuungana, nei zvichikosha kuti munhu wacho akoka vanhu anyatsosarudza? (b) Kana pakuungana kwacho pachizotambwa, mwero unofanira kuratidzwa sei?

17 Anokoka vanhu anofanira kuva nechokwadi chokuti mimhanzi yose, kutamba, kana kuti imwe varaidzo zvinoenderana nemitemo yechiKristu. Vanhu vanoda mimhanzi yakasiyana-siyana, uye yagara iripo yakasiyana-siyana. Zvisinei, mimhanzi yanhasi yakawanda inosimudzira kupandukira, unzenza, uye chisimba. Zvinoda kusarudza. Mimhanzi yakadzikama haifaniri hayo kuva yakanyorovera, asiwo haifaniri kukurudzira kuita zvepabonde kana kuti kutaura zvinonyadzisira, iine ruzha nomutinhimira zvakanyanyisa. Ngwarirai kuti hamuregi munhu asati ava kunzwisisa zvakanakira kuva nomutinhimira usina ruzha achisarudza mimhanzi yacho. Kutamba kusina mwero, kunoratidza kusimudzira zvepabonde nokutambisa-tambisa hudyu nemazamu, zviri pachena kuti hakuna kukodzera muKristu.—1 Timoti 2:8-10.

18. Vabereki vangadzivirira sei vana vavo nokutarisira kuungana kwavo?

18 Vabereki vechiKristu vanofanira kuona kuti zvii zvakarongwa pakuungana kwose kunenge kwakokwa vana vavo, uye kakawanda kungava kuchenjera kuenda navo. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vabereki vakabvumira vana vavo kuenda kumapati akanga asina aitarisira uko vanoverengeka vaivapo vakanyengerwa kuita unzenza kana kuti mumwe mufambiro usina kukodzera. (VaEfeso 6:1-4) Kunyange kana vechiduku vava kuda kusvitsa makore makumi maviri uye vakaratidza kuti vanogona kuzvimiririra, vachiri kuda kubatsirwa ku“tiza kuchiva kwouduku.”—2 Timoti 2:22.

19. Ichokwadi chipi chingatibatsira kuramba tichifunga zvatinofanira ‘kutanga kutsvaka’?

19 Nhandaro nevaraidzo zvakanaka zvinoitwa pano neapo uye zvinozorodza zvingaita kuti upenyu hunakidze zvikuru. Jehovha haatirambidzi kufara kwakadai, asi chaizvoizvo tinoziva kuti zvinhu zvakadaro pachazvo hazvitibatsiri kuunganidza mudenga pfuma chero ipi zvayo yezvokunamata. (Mateu 6:19-21) Jesu akabatsira vadzidzi vake kunzwisisa kuti ku“tanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari]” ndicho chinhu chinokosha muupenyu, kwete zvatingadya kana zvatinganwa kana zvatingapfeka, “zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose.”—Mateu 6:31-34.

20. Vashumiri vaJehovha vakatendeka vangatarisira zvinhu zvipi zvakanaka kubva kuMupi Mukuru?

20 Chokwadi, tingave ti“ri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho,” tinogona kuita “zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe,” tichionga Mupi Mukuru wezvinhu zvakanaka zvinoitwa nomwero. (1 VaKorinde 10:31) MuParadhiso yake yepasi pano yava pedyo, tichagara tichiona rupo rwaJehovha ruchiratidzwa zvakazara, pamwe chete noushamwari hwakanaka hwevose vanoita zvaanoda zvakarurama.—Pisarema 145:16; Isaya 25:6; 2 VaKorinde 7:1.

Unoyeuka Here?

• Nei zvakaomera vaKristu nhasi kuti vawane nhandaro yakanaka?

• Marudzi api enhandaro anonzi akanaka kumhuri dzechiKristu?

• Paunenge uchinakidzwa nenhandaro yakanaka, unofanira kuyeuka zviyeuchidzo zvipi uye unofanira kungwarira zvinhu zvipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Sarudza nhandaro inobereka zvibereko zvakanaka

[Mifananidzo iri papeji 19]

VaKristu vanoramba marudzi api enhandaro?