Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Nyatsosvinurirai”

“Nyatsosvinurirai”

“Nyatsosvinurirai”

“Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—ZVIREVO 14:15.

1, 2. (a) Zvakaitika kuna Roti muSodhoma zvinotidzidzisa chii? (b) Shoko rokuti “svinurirai” rinorevei?

ABRAHAMU paakaita kuti Roti atange kusarudza nzvimbo mune imwe nyika, maziso aRoti akakwezvwa nenzvimbo yaiva nemvura, yakanga yakaita so“munda waJehovha.” Inofanira kunge yairatidzika kuva nzvimbo yakanaka yokuti mhuri yake igare, sezvo ‘Roti akazvisarudzira Ruwa rwose rwaJodhani’ achibva adzika tende pedyo neSodhoma. Zvisinei, kunaka kwaiva kwakaita nyika yacho kwainyengera, nokuti pedyo naye paiva ne“varume veSodhoma vakanga vakaipa uye vaiva vatadzi vakanyanya kuna Jehovha.” (Genesisi 13:7-13) Nokupindana kwemazuva, Roti nemhuri yake vakatambura zvikuru. Iye nevanasikana vake vakapedzisira vava kugara mubako. (Genesisi 19:17, 23-26, 30) Zvairatidzika sezvakanaka zvikuru kwaari pakutanga zvakanga zvachinja.

2 Nhoroondo yezvakawira Roti inopa vashumiri vaMwari chidzidzo nhasi. Patinofanira kusarudza chimwe chinhu, tinofanira kusvinurira ngozi dzingangomuka uye kungwarira kunyengedzwa nezvinhu zvatinotanga kuona. Saka zvakakodzera kuti, Shoko raMwari rinotikurudzira kuti: “Nyatsosvinurirai.” (1 Petro 1:13) Shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “svinurirai” sezvariri rinoreva “kupengenuka.” Maererano nenyanzvi yeBhaibheri inonzi R.C.H. Lenski, kupengenuka ikoko kunoreva “kuva nepfungwa dzakadzikama, dzakagadzikana, dzinogona kuyera uye dzinoongorora zvinhu nenzira yakarurama zvoita kuti tigone kusarudza zvakanaka.” Ngatikurukurei mamwe emamiriro ezvinhu patinofanira kupengenuka mupfungwa.

Kusarudza Kana Pamuka Mukana Wokuita Bhizimisi

3. Nei tichifanira kungwarira kana mukana wokuita bhizimisi ukamuka?

3 Ngatitii mumwe munhu waunoremekedza akakuudza nezvomukana wokuita bhizimisi, zvichida munhu waunonamata naye Jehovha. Anoda nomwoyo wose kuti ubudirire uye anokukurudzira kuti uite chimwe chinhu nokukurumidza kuitira kuti ugobudirira. Ungatanga kufungidzira upenyu huri nani hwako nohwemhuri yako, zvichida uchitofunga kuti izvi zvichaita kuti ugone kupedzera nguva yakawanda pazvinhu zvine chokuita nokunamata. Zvisinei, Zvirevo 14:15 inonyevera kuti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.” Kazhinji paunenge uchifarira kutanga bhizimisi idzva, kusafamba zvakanaka kwezvinhu kungarerutswa, ungarinza gotsi pangozi dzingavapo, uye ungasafungisisa nezvokuti zvinhu zvichafamba sei mubhizimisi racho. (Jakobho 4:13, 14) Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvingava zvakanaka chaizvo kuti unyatsosvinurira!

4. ‘Tingafunga sei nezvenhanho dzedu’ patinenge tichiongorora chirongwa chebhizimisi?

4 Munhu akachenjera anonyatsoongorora chirongwa chebhizimisi asati asarudza zvokuita. (Zvirevo 21:5) Kuongorora kwakadaro kunowanzobudisa pachena ngozi dzanga dzisingaoneki. Chimbofunga mamiriro ezvinhu anotevera: Munhu ari kuedza kukwereta mari yezvirongwa zvebhizimisi rake uye anokupa purofiti yakakura kana ukamukweretesa mari. Unganzwa uchida kumukweretesa, asi ingozi dzipi dziripo? Munhu wacho anokwereta anobvuma here kudzosa mari yacho pasinei nokuti bhizimisi racho rabudirira zvakadini, kana kuti kudzosa mari yacho kunobva pakubudirira kwebhizimisi racho here? Nemamwe mashoko, ungarasikirwa nemari yako here kana bhizimisi racho rikakundikana? Ungazvibvunzawo kuti: “Nei mari yacho iri kuita zvokutsvakwa kune vanhu? Ko mabhengi anoona chirongwa chacho sechingangotadza kubudirira here?” Kuzvipa nguva yokufunga ngozi dzacho kuchakubatsira kunyatsoongorora nezvechirongwa chacho.—Zvirevo 13:16; 22:3.

5. (a) Idanho ripi rokuchenjera rakatorwa naJeremiya paakatenga munda? (b) Nei zvichibatsira kunyorerana zvibvumirano zvezvirongwa zvose zvebhizimisi?

5 Muprofita Jeremiya paakatenga munda kune hama yake yaainamata nayo Jehovha, vakanyorerana chibvumirano pamberi pezvapupu. (Jeremiya 32:9-12) Nhasi munhu akachenjera achava nechokwadi chokunyorerana chibvumirano chezvirongwa zvose zvebhizimisi zvaanoita nevoukama uye vanhu vaanonamata navo. * Kuva nechibvumirano chakanyorwa zvakajeka, uye chakagadzirwa zvakanaka kunobatsira kuti pasazova nokusanzwisisana uye kunoita kuti murambe makabatana. Asi, kukundikana kuva nechibvumirano chakanyorwa ndiko kunowanzoita kuti pave nokusanzwisisana pakati pevashumiri vaJehovha, kana pava nezvinetso mubhizimisi. Zvinosuruvarisa kuti zvinetso zvakadaro zvingaguma nokurwadziwa mwoyo, kugumbuka, uye kunyange kufa mune zvokunamata.

6. Nei tichifanira kungwarira kuva nemakaro?

6 Tinofanirawo kungwarira kuva nemakaro. (Ruka 12:15) Kutarisira kuwana purofiti yakakura kungapofumadza munhu zvokuti haazooni ngozi dzechirongwa chebhizimisi risina kunyatsosimba. Kunyange vamwe vaiva neropafadzo dzakanaka mubasa raJehovha vakasungwa nomusungo uyu. Shoko raMwari rinotinyevera kuti: “Mararamiro enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo.” (VaHebheru 13:5) Paanenge achifunga nezvomukana wokuita bhizimisi, muKristu anofanira kufunga kuti, ‘Chaizvoizvo ndinofanira kubatanidzwa mubhizimisi racho here?’ Kurarama upenyu huri nyore hwakavakirwa pakunamata Jehovha kuchatidzivirira pa“zvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose.”—1 Timoti 6:6-10.

Matambudziko Anotarisana nevaKristu Vasina Kuroora

7. (a) VaKristu vakawanda vasina kuroora vanotarisana nematambudziko api? (b) Kusarudza kwatinoita wokuroorana naye kunoratidza sei kuti takavimbika kuna Mwari?

7 Vashumiri vaJehovha vakawanda vanoda kuroora asi havasati vawana wokuroorana naye akakodzera. Mune dzimwe nyika, vanhu vomunzanga vanovakurudzira zvakanyanya kuti varoore kana kuroorwa. Asi, mikana yokuwana wokuroorana naye pane vavanonamata navo ingava mishoma. (Zvirevo 13:12) Zvisinei, vaKristu vanoziva kuti kuteerera murayiro weBhaibheri wokuroora “munaShe chete” kunoratidza kuvimbika kuna Jehovha. (1 VaKorinde 7:39) Kuti vakurire zvinetso uye miedzo yavanosangana nayo, vaKristu vasina kuroora vanofanira kunyatsosvinurira.

8. Musikana muShuramiti akasangana nechinetso chipi, uye nhasi vakadzi vechiKristu vangasangana sei nedambudziko rakafanana?

8 MuRwiyo rwaSoromoni, mumwe musikana wokumaruwa anonzi muShuramiti anokwezva mambo. Mambo wacho anomupfimba achida kumukwezva noupfumi hwake, mukurumbira wake, uye runako rwake, kunyange zvazvo musikana wacho achitodanana nerimwe jaya. (Rwiyo rwaSoromoni 1:9-11; 3:7-10; 6:8-10, 13) Kana uri mukadzi wechiKristu, iwewo ungatanga kufarirwa nomumwe munhu zvakapfurikidza. Mumwe munhu wokubasa kwako, zvichida ane chinzvimbo, angatanga kukurumbidza, kungokuitira zvinhu zvakanaka, uye kutsvaka mikana yokuva newe. Ngwarira kufarirwa kwakadaro kwokubatwa kumeso. Kunyange zvazvo vavariro dzomunhu akadaro nguva dzose dzisiri dzokuti anokuda kana kuti anoda kuita zvounzenza newe, kazhinji ndozvadzinenge dziri. Kufanana nomusikana muShuramiti, iva “rusvingo.” (Rwiyo rwaSoromoni 8:4, 10) Ramba zvakasimba maitiro angakonzera unzenza. Ita kuti vaunoshanda navo vazive kubvira pakutanga chaipo kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye shandisa mukana uri wose kuvaparidzira. Izvozvo zvichakudzivirira.

9. Ingozi dzipi dziripo kana vanhu vasingazivani vakadanana paIndaneti? (Onawo bhokisi riri papeji 25.)

9 Nzvimbo dzokubudisira mashoko paIndaneti dzakagadzirirwa kubatsira vanhu vasina kuroora kuti vawane vokuroorana navo dziri kuramba dzichiwanda. Vamwe vanoona nzvimbo idzi senzira yokusvika pakuziva vanhu zvimwe vavaisazogona kuonana navo. Zvisinei, kudanana nomunhu wausingazivani naye kune ngozi chaidzo. PaIndaneti, zvingaoma kuziva kuti chokwadi ndechipi uye kuti nhema ndedzipi. (Pisarema 26:4) Haasi munhu wose anozviti mushumiri waJehovha ari mushumiri wake chaiye. Uyezve, kana mukapfimbana paIndaneti, mungakurumidza kuva noukama hwakasimba, uye izvozvo zvingaita kuti munhu atadze kunyatsosarudza. (Zvirevo 28:26) Ufuza kukudziridza ukama hwepedyo nomunhu wausinganyanyi kuziva nezvake, pangava nepaIndaneti kana kuti nedzimwe nzira.—1 VaKorinde 15:33.

10. VaKristu vasina kuroora vangakurudzirwa sei nevavanonamata navo?

10 Jehovha “ane rudo rukuru” nevashumiri vake. (Jakobho 5:11) Anoziva kuti matambudziko anosangana nevaKristu vasina kuroora pamusana pemamiriro ezvinhu dzimwe nguva anoodza mwoyo, uye anokoshesa kuvimbika kwavo. Vamwe vangavakurudzira sei? Nguva dzose tinofanira kuvarumbidza pamusana pokuteerera kwavo uye kuzvipira kwavo. (Vatongi 11:39, 40) Tingavabatanidzawo muzvirongwa zvokutandara kunokurudzira. Wakambozviita here munguva ichangopfuura? Uyezve, tinogona kuvanyengeterera, tichikumbira Jehovha kuti avabatsire kuramba vakatsiga mune zvokunamata vachiwana mufaro mukumushumira. Nokuvafarira nomwoyo wose, ngatiratidzei kuti tinokoshesa vanhu ava vakavimbika sokukosheswa kwavanoitwa naJehovha.—Pisarema 37:28.

Kutarisana Nezvinetso Zvoutano

11. Zvinetso zvoutano zvakakomba zvinokonzera matambudziko api?

11 Zvinorwadza chaizvo kana isu kana kuti mudiwa wedu tikava nezvinetso zvoutano zvakakomba! (Isaya 38:1-3) Patinenge tichitsvaka kurapa kwakanaka, zvinokosha kuti tiomerere pane zvinotaurwa neMagwaro. Somuenzaniso, vaKristu vanongwarira kuteerera murayiro weBhaibheri wokurega ropa, uye vanodzivisa kuongororwa uye kurapwa kunosanganisira kuita zvemidzimu. (Mabasa 15:28, 29; VaGaratiya 5:19-21) Zvisinei, nezvevaya vasina kudzidzira kurapa, kusarudza marapirwo avangaitwa ringava dambudziko guru rinovhiringidza. Chii chingatibatsira kuti tinyatsosvinurira?

12. MuKristu angaramba sei ari pakati nepakati paanenge achifunga nezvenzira dzokurapwa nadzo?

12 “Munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake” nokutsvakurudza muBhaibheri uye mumabhuku echiKristu. (Zvirevo 14:15) Kune dzimwe nzvimbo dzenyika dzina vanachiremba uye zvipatara zvishoma, ikoko mushonga usiri wokuchipatara wemakwenzi, ungava ndiwo bedzi ungashandiswa pakurapa. Kana tiri kufunga nezvokurapa kwakadaro, tinogona kuwana mashoko anobatsira muNharireyomurindi yeChirungu yaApril 15, 1987, pamapeji 26-9. Inoita kuti tisvinurire ngozi dzingangomuka. Somuenzaniso, tingada kuziva zvinotevera: Munhu wacho anorapa anozivikanwa kuti anoita zvemidzimu here? Kurapa kwacho kunobva pakudavira kuti chirwere uye rufu zvinokonzerwa navanamwari vakatadzirwa here (kana midzimu yemadzitateguru) kana kuti nevavengi vanoshandisa uroyi? Zvibayiro, kuteketera, kana kuti dzimwe tsika dzokuita zvemidzimu dzinoshandiswa pakugadzira mushonga wacho kana kuti pakuushandisa here? (Dheuteronomio 18:10-12) Kutsvakurudza kwakadaro kuchatibatsira kuteerera zano rakafuridzirwa rinoti: “Ivai nechokwadi nezvinhu zvose; batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo.” * (1 VaTesaronika 5:21) Kuchatibatsira kuti tirambe tiri pakati nepakati.

13, 14. (a) Tingaratidza sei kuti tinonzwisisa pakutarisira utano hwedu? (b) Nei tichifanira kuva vanonzwisisa patinokurukura nevamwe nyaya dzoutano uye dzokurapwa?

13 Kunzwisisa kunodiwa mumamiriro ezvinhu ose oupenyu, kusanganisira kutarisira utano hwedu. (VaFiripi 4:5) Kuva pakati nepakati pamusoro poutano hwedu kunoratidza kuti tinoonga chipo chinokosha choupenyu. Patinova nezvinetso zvoutano, zvechokwadi zvinoda kuti tizvitarisire. Zvisinei, utano hwakakwana hahuzowaniki kusvikira nguva yaMwari yasvika yo“kurapa marudzi.” (Zvakazarurwa 22:1, 2) Tinofanira kungwarira kuti tisanyanya kubatikana nezvoutano zvokuti zvinhu zvedu zvinonyanya kukosha mune zvokunamata zvinosundirwa padivi.—Mateu 5:3; VaFiripi 1:10.

14 Tinofanirawo kuva pakati nepakati uye kuva vanonzwisisa patinenge tichikurukura nevamwe nyaya dzine chokuita noutano uye kurapwa. Hatifanira kungoramba tava kukurukura nyaya idzi patinounganira zvinhu zvine chokuita nokunamata pamisangano yechiKristu uye pamagungano. Uyezve, zvisarudzo zvokurapwa zvinowanzosanganisira mitemo yeBhaibheri, hana yomunhu wacho, uye ukama hwake naJehovha. Saka, zvingaratidza kusava norudo kuita kuti watinonamata naye ave nemaonero edu chete kana kuti kumumanikidzira kuti asateerere kurova kwehana yake. Kunyange zvazvo vanhu vakura vari muungano vangabvunzwa rubatsiro, muKristu mumwe nomumwe anofanira ku“takura mutoro wake” wokusarudza, uye “mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.”—VaGaratiya 6:5; VaRoma 14:12, 22, 23.

Patinenge Tiri Mumamiriro Okushungurudzika

15. Mamiriro ezvinhu anoshungurudza angakonzera sei dambudziko?

15 Mamiriro ezvinhu anoshungurudza angaita kuti kunyange vashumiri vaJehovha vakavimbika vataure kana kuti vaite chimwe chinhu noupenzi. (Muparidzi 7:7) Paaiva pamuedzo wakakomba, Jobho akati vhiringidzikei uye mafungiro ake aitofanira kururamiswa. (Jobho 35:2, 3; 40:6-8) Kunyange zvazvo “Mosesi . . . akanga ari munhu munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose vaiva panyika,” pane imwe nguva akatsamwiswa ndokutaura nehasha. (Numeri 12:3; 20:7-12; Pisarema 106:32, 33) Dhavhidhi akanga aratidza kuzvidzora kunoyemurika paasina kuuraya Mambo Sauro, asi paakanyombwa uye varume vake pavakatukwa naNabhari, Dhavhidhi akagumbuka uye akavhiringidzika. Akazopengenuka Abhigairi paakapindira, achibva abuda mungozi yaakapotsa apinda mairi.—1 Samueri 24:2-7; 25:9-13, 32, 33.

16. Chii chingatibatsira kuti tisaita zvinhu nechimbichimbi?

16 Isuwo tingatarisana nemamiriro ezvinhu anoshungurudza angatitadzisa kusarudza zvakanaka. Kufungisisa maonero anoita vamwe, sezvakaita Dhavhidhi, kungatibatsira kuti tisaita zvinhu nechimbichimbi tomhanyira kupinda muchivi. (Zvirevo 19:2) Uyezve, Shoko raMwari rinotirayira kuti: “Dederai, asi musatadza. Taurai mumwoyo menyu, muri pamibhedha yenyu, murambe makanyarara.” (Pisarema 4:4) Pose pazvinobvira, kuchenjera kumirira kusvikira tagadzikana tisati taita chimwe chinhu kana kuti tisati tasarudza. (Zvirevo 14:17, 29) Tinogona kunyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose, “uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo [yedu] nesimba [redu] rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Rugare rwaMwari urwu ruchaita kuti tidzikame uye ruchatibatsira kuti tinyatsosvinurira.

17. Nei tichifanira kuvimba naJehovha kuti tinyatsosvinurira?

17 Pasinei nezvose zvatinoedza kuita kuti tinzvenge ngozi toita zvinhu nokuchenjera, tose tinokanganisa. (Jakobho 3:2) Tinogona kutora danho rakaipa rinokuvadza asi totadza kuzviziva zvachose. (Pisarema 19:12, 13) Uyezve, sevanhu, hatikwanisi kudzora nhanho dzedu uye hatina kodzero yokuita kudaro kunze kwaJehovha. (Jeremiya 10:23) Tinoonga zvikuru kuti anotivimbisa kuti: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” (Pisarema 32:8) Chokwadi, tinogona kunyatsosvinurira tichibatsirwa naJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nezvokunyorerana zvibvumirano zvebhizimisi, ona Nharireyomurindi, yaAugust 1, 1997, mapeji 30-1; November 15, 1986, mapeji 16-17, yeChirungu; uye Awake! yaFebruary 8, 1983, mapeji 13-15, dzakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 12 Izvi zvichabatsirawo vaya vari kufunga dzimwe nzira dziri pamakakatanwa dzokurapa nadzo zvimwe zvirwere.

Ungapindura Sei?

Tingasvinurira sei

• kana tikapiwa mukana wokuita bhizimisi?

• patinenge tichitsvaka wokuroorana naye?

• patinova nezvinetso zvoutano?

• patinenge tiri mumamiriro ezvinhu anoshungurudza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 25]

Unogona Kuvimba Nayo Here?

Mashoko anotevera anoonekwa paNzvimbo dzokubudisira mashoko paIndaneti nokuda kwevanhu vasina kuroora, uye anoratidza kuti varidzi veIndaneti havaneyi nazvo:

“Kunyange zvazvo takaedza nepataigona napo, hativimbisi kuti tinonyatsoziva munhu wacho.”

“Hativimbisi kuti mashoko chero api zvawo ari paIndaneti akarurama, akakwana, uye anobatsira.”

“Pfungwa, mazano, mashoko, rubatsiro, kana kuti mamwe mashoko anowanikwa paIndaneti [ino] ndeevanyori vacho . . . uye haafaniri hawo kunyanya kuvimbwa nawo.”

[Mufananidzo uri papeji 23]

“Munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake”

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Vakadzi vechiKristu vangatevedzera sei musikana muShuramiti?

[Mufananidzo uri papeji 26]

“Ivai nechokwadi nezvinhu zvose; batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo”