Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rufu—Chinhu Chinotyisa!

Rufu—Chinhu Chinotyisa!

Rufu—Chinhu Chinotyisa!

“KUBVIRA pakuzvarwa mukana wokuti munhu angafa chero nguva ipi zvayo unongoramba uripo,” akanyora kudaro Arnold Toynbee wokuBritain, mumwe munyori wenhau dzakaitika kare. Akabva atizve: “Uye ndezvechokwadi kuti munhu wose achazongofa.” Chokwadi tinorwadziwa panofa mumwe womumhuri yedu kana kuti shamwari yedu yepamwoyo!

Kwezviuru zvemakore vanhu vagara vachingotya rufu. Tinonzwa tapererwa patinofirwa nomumwe munhu watinoda. Rufu harusaruri. Hapana munhu asingafi. Tinobva taita sevana vaduku—tapererwa, tisingakwanisi kuchinja mamiriro acho ezvinhu. Upfumi kana kuti simba hazvigoni kuchinja manzwiro atinoita kana tafirwa. Vakachenjera nevane mano vanoshaya mhinduro. Vane simba vanochema sezvinongoitawo vasina simba.

Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yakare akarwadziwa saizvozvo pakafa mwanakomana wake Absaromu. Paakanzwa kuti afa, mambo akasvimha misodzi ndokuchema achiti: “Mwanakomana wangu Absaromu, mwanakomana wangu kani, mwanakomana wangu Absaromu! Haiwa, kudai ini ndanga ndafa, panzvimbo pako iwe, Absaromu mwanakomana wangu, mwanakomana wangu kani!” (2 Samueri 18:33) Mambo aiva nesimba akanga akunda vavengi vaiva nesimba haana zvaaikwanisa kuita asi kungoshuva kuti azvipe hake kune ‘muvengi wokupedzisira, rufu,’ pane kuti mwanakomana wake afe.—1 VaKorinde 15:26.

Pane mushonga worufu here? Kana uripo, itariro yei iripo nokuda kwevakafa? Vadiwa vedu tichazombovaonazve here? Nyaya inotevera inopindura mibvunzo iyi neMagwaro.