Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mushonga Bedzi Worufu!

Mushonga Bedzi Worufu!

Mushonga Bedzi Worufu!

MUMWE murume anonzi Razaro nehanzvadzi dzake, Marita naMariya, vanogara muBhetani, taundi riri kure nemakiromita matatu kubva muJerusarema. Rimwe zuva shamwari yavo Jesu paanenge asipo, Razaro anorwara zvikuru. Hanzvadzi dzake dzava kumutyira kwazvo. Dzinotumira shoko kuna Jesu. Papfuura mazuva maviri anzwa mashoko acho, Jesu anoenda kunoona Razaro. Ari munzira, Jesu anoudza vadzidzi vake kuti ari kuenda kunomutsa Razaro muhope. Pakutanga vadzidzi havamunzwisisi, asi Jesu anojekesa nyaya yacho, achiti: “Razaro afa.”—Johani 11:1-14.

Jesu paanosvika pabako raRazaro, anotanga arayira kuti dombo rakavhara bako racho ribviswe. Anyengetera nenzwi guru, anorayira kuti: “Razaro, buda!” Uye Razaro anobuda. Murume anga ava nemazuva mana afa amutswa.—Johani 11:38-44.

Nyaya yaRazaro inoratidza kuti kumuka ndiwo mushonga worufu. Asi chishamiso chokudzorerazve Razaro kuupenyu chakanyatsoitika here? Bhaibheri rinoti chakaitika. Verenga nyaya yacho pana Johani 11:1-44, uye uchaona kujeka kwakaita mashoko acho. Ungaramba kuti zvakaitika here? Kana uchiramba, ungarambawo kuti zvishamiso zvose zvakanyorwa muBhaibheri, kusanganisira chokumutswa kwaJesu Kristu pachake, chakaitika zvechokwadi. Uye “kana Kristu asina kumutswa,” rinodaro Bhaibheri, “kutenda kwenyu hakubatsiri.” (1 VaKorinde 15:17) Kumuka kwevanhu idzidziso huru yomuMagwaro. (VaHebheru 6:1, 2) Zvisinei, shoko rokuti “kumuka” rinorevei?

Zvinorevei Kuti “Kumuka”?

MuMagwaro echiKristu echiGiriki, shoko rokuti “kumuka” rinowanika kanodarika ka40. Rakashandurwa kubva mushoko rechiGiriki rinoreva kuti “kumirazve.” Shoko rakafanana naro rechiHebheru rinoreva kuti “kumutswa kwevakafa.” Kana munhu afa, chii chinomutswa? Haungavi muviri nokuti unoora wodzokera kuguruva. Chinomutswa hausi muviri mumwe chete waimbova nomunhu wacho asi kuti munhu mumwe chete iyeye ndiye anomutswa. Saka kumuka kunosanganisira kudzorera mararamiro aiita munhu wacho—unhu hwake, zvinhu zvaaiita achiri mupenyu, uye zvimwe zvinhu zvose zvaiita kuti ave zvaaiva.

Jehovha Mwari, uyo anoyeuka zvinhu zvose nenzira yakakwana, haakanganwi mararamiro aiita vaya vakafa. (Isaya 40:26) Sezvo ari iye Akaita kuti upenyu huvepo, Jehovha anogona kumutsa munhu aimbovapo ava nomuviri mutsva. (Pisarema 36:9) Uyezve, Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha Mwari ‘anosuwa’—kuda nomwoyo wose—kumutsa vakafa. (Jobho 14:14, 15) Tinogona kufara kwazvo kuti Jehovha haangogoni kumutsa vanhu bedzi asiwo kuti anoda kuzviita!

Jesu Kristu zvakare ane basa rinokosha pakumutsa vakafa. Pangoti pfuurei gore rimwe chete atanga ushumiri hwake, Jesu akati: “Baba zvavanomutsa vanhu vakafa nokuita kuti vave vapenyu, saizvozvowo Mwanakomana anoita kuti vaanoda vave vapenyu.” (Johani 5:21) Zvakaitika kuna Razaro hazviratidzi here kuti Jesu Kristu ane simba uyewo kuti ane chido chokumutsa vakafa?

Zvakadini nepfungwa yokuti tine chimwe chinhu chiri matiri chinoramba chichirarama kana tafa? Kutaura zvazviri, dzidziso yokumuka nepfungwa yokuti munhu ane mweya kana kuti mudzimu usingafi, zvinopesana. Kana tine chimwe chinhu chiri matiri chisingafi, vakafa vangazomutsirwei? Hanzvadzi yaRazaro Marita yakanga isingadaviri kuti pakafa hanzvadzi yake, yakapfuurira kurarama mune imwe nyika yomudzimu. Aitenda kuti kune kumuka. Jesu paakamuvimbisa kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka,” Marita akati: “Ndinoziva kuti achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira.” (Johani 11:23, 24) Uye paakamutsirwa kuupenyu, Razaro haana zvaakataura pamusoro pezvinhu zvipi nezvipi zvakaitika pashure porufu. Akanga akafa. “Vakafa havana kana chavanoziva,” rinodaro Bhaibheri. “MuSheori [kuguva kunoenda vanhu vose], iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.”—Muparidzi 9:5, 10.

Saka, maererano neBhaibheri, kumuka ndiwo bedzi mushonga worufu. Asi pane vakafa vasingaverengeki, ndevapi vachamutswa, uye vachamutsirwa kupi?

Ndiani Achamutswa?

“Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi ra[Jesu], vobuda,” akadaro Jesu. (Johani 5:28, 29) Maererano nevimbiso iyi, vaya vari mumakuva—vaya vanoyeukwa naJehovha—vachamutswa. Saka, mubvunzo ndewokuti, Pane vose vakafa, ndivanaani chaivo vanoyeukwa naMwari vakamirira kumutswa?

Bhuku reBhaibheri raVaHebheru chitsauko 11 rinotaura mazita evarume nevakadzi vakashumira Mwari nokutendeka. Ivo nevamwe vashumiri vaMwari vakanga vakavimbika vakafa makore achangodarika aya vachange varipowo pane vachamutswa. Zvakadini nevanhu vakakundikana kuchengeta mitemo yaMwari yakarurama, zvichida nokusaziva? Vari kuyeukwawo naMwari here? Hungu vakawanda vari kuyeukwa nokuti Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:15.

Zvisinei, haasi munhu wose akamborarama achamutswa. Bhaibheri rinoti: “Kana tiine tsika yokuita chivi nemaune pashure pokunge tagamuchira zivo yakarurama pamusoro pechokwadi, hapasisina kana chibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi, asi pane kutarisira kunotyisa kwokutongwa.” (VaHebheru 10:26, 27) Vamwe vakaita zvivi zvisingakanganwirwi. Havasi muHadhesi (kuguva kunoenda vanhu vose) asi vari muGehena, nzvimbo inofananidzira kuparadzwa zvachose. (Mateu 23:33) Zvisinei, tinofanira kungwarira kuti tisava isu tinosarudza vachamutswa nevasingamutswi. Izvi zvinosarudzwa naMwari. Ndiye anoziva vari muHadhesi nevari muGehena. Isu ngatingorarama upenyu hwedu maererano nokuda kwaMwari.

Ndivanaani Vachamutsirwa Kuupenyu Hwokudenga?

Munhu akamutswa nenzira yaishamisa zvikuru aiva Jesu Kristu. ‘Akaurayiwa panyama, asi akaitwa mupenyu mumudzimu.’ (1 Petro 3:18) Hapana munhu akanga ambomutswa saizvozvo. Iye Jesu akati: “Hapana munhu akakwira kudenga asi uya akaburuka achibva kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” (Johani 3:13) Chokwadi, Mwanakomana womunhu ndiye aiva wokutanga kumutswa ari munhu womudzimu. (Mabasa 26:23) Uye kwaizovawo nevamwe. Magwaro anoti: “Mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga, uye kwozotevera vaya vari vaKristu, munguva yokuvapo kwake.”—1 VaKorinde 15:23.

Boka duku revanhu—“vaya vari vaKristu”—vanofanira kumutsirwa kuupenyu hwokudenga nokuda kwechinangwa chinokosha. (VaRoma 6:5) Vachatonga naKristu “semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Uyezve, vachava vapristi mukuti vachabatanidzwawo mukubvisa migumisiro yechivi chakagarwa nhaka nevanhu kumunhu wokutanga, Adhamu. (VaRoma 5:12) Vaya vanotonga naKristu semadzimambo nevapristi vanokwana 144 000. (Zvakazarurwa 14:1, 3) Vanova nomuviri worudzii pavanomutswa? Bhaibheri rinoti, “muviri womudzimu.” Izvi zvichaita kuti vakwanise kurarama kudenga.—1 VaKorinde 15:35, 38, 42-45.

Vachamutsirwa kudenga vachamutswa rini? “Munguva yokuvapo [kwaKristu],” inopindura kudaro 1 VaKorinde 15:23. Kubvira muna 1914 zvinhu zviri kuitika munyika zvinonyatsoratidza kuti kuvapo kwaKristu no“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino kwakatanga mugore iroro. (Mateu 24:3-7) Saka pane chikonzero chokugumisa kuti vaKristu vakatendeka vakatotanga kumutswa kudenga, kunyange zvazvo zvisingaonekwi nevanhu. Izvozvo zvinoreva kuti vaapostora nevaKristu vekare vakamutsirwa kuupenyu hwokudenga. Zvakadini nevaKristu vari kurarama iye zvino vane tariro yechokwadi yavakapiwa naMwari, yokutonga naKristu kudenga? Vanomutswa “mukubwaira kweziso,” kana kuti nokukurumidza vachangofa. (1 VaKorinde 15:52) Sezvo kumutswa kweboka duku uku re144 000 kuchitangira kumutswa kwevanhu vakawanda vachamutswa kuti vazorarama pasi pano, kunonzi “kumuka kwokutanga.”—VaFiripi 3:11; Zvakazarurwa 20:6.

Ndivanaani Vachamutswa Kuti Vagare Pasi Pano?

Maererano neMagwaro, vazhinji vakafa vachamutswa kuti vavezve vapenyu pasi pano. (Pisarema 37:29; Mateu 6:10) Achirondedzera zvokumutswa kwevakafa kwaakaona kwaiturisa befu, muapostora Johani akanyora kuti: “Gungwa rakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye vakatongwa mumwe nomumwe maererano nemabasa ake. Rufu neHadhesi zvakakandwa mugungwa romoto. Iri gungwa romoto rinomirira rufu rwechipiri.” (Zvakazarurwa 20:11-14) Vaya vari muHadhesi, kana kuti Sheori—kuguva kunoenda vanhu vose—vari kuyeukwa naMwari. Munhu wose arimo achamutswa. (Pisarema 16:10; Mabasa 2:31) Uye munhu wose achatongwa maererano nezvaachaita amutswa. Chii zvino chichaitika kurufu neHadhesi? Zvichakandwa “mugungwa romoto.” Izvi zvinoreva kuti vanhu vanenge vasingachafizve sezvavakagara nhaka kuna Adhamu.

Chimbofunga zvako nezvazvo kuti munhu wose akafirwa nomunhu waanoda angafara kuziva nezvezvakapikirwa naMwari zvokuti achamutsa vakafa! Jesu paakamutsa mwanakomana aingova mumwe oga wechirikadzi yokuNaini, chirikadzi iyoyo inofanira kunge yakafara kwazvo! (Ruka 7:11-17) Uye nezvevabereki vekasikana kaiva nemakore 12 kakamutswa naJesu, Bhaibheri rinoti: “Pakarepo ivo vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.” (Mako 5:21-24, 35-42; Ruka 8:40-42, 49-56) Munyika itsva yaMwari yakapikirwa, tichafara kutambira vadiwa vedu vakafa.

Kuziva chokwadi nezvokumuka kwevakafa kunoita kuti tinzwe sei iye zvino? “Vanhu vakawanda vanotya rufu uye vanoedza kusafunga nezvarwo,” inodaro The World Book Encyclopedia. Nei? Nokuti kuvanhu vakawanda, rufu chinhu chisinganzwisisiki—chavasingazivi chinofanira kutyiwa. Kuziva chokwadi nezvevakafa uye kuva netariro yokuti vachamutswa kunogona kuita kuti tishinge patinotarisana ‘nomuvengi wokupedzisira, rufu.’ (1 VaKorinde 15:26) Kuziva izvi kunoitawo kuti zvive nyore kuti titsungirire marwadzo patinofirwa neshamwari yedu yepamwoyo kana kuti hama yedu.

Vanhu vachatanga rini kumuka pasi pano? Nhasi nyika ino yakazara nechisimba, hondo, kuurayana, uye yasvibiswa. Kana vakafa vachizomuka kuti vararame munyika yakadai, vangangofara kwenguva pfupi. Zvisinei, Musiki akapikira kuti nokukurumidza achagumisa nyika ino iri kutongwa naSatani. (Zvirevo 2:21, 22; Dhanieri 2:44; 1 Johani 5:19) Chinangwa chaMwari nokuda kwepasi chava kuda kuzadzika. Zvadaro, munyika itsva ine rugare ichaunzwa naMwari, mabhiriyoni akarara murufu iye zvino achamutswa.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vakafa vakawanda vachamutsirwa kuti vararame pasi pano