Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zvinhu Zvokufananidzira” Zvinokosha Kwatiri

“Zvinhu Zvokufananidzira” Zvinokosha Kwatiri

“Zvinhu Zvokufananidzira” Zvinokosha Kwatiri

ZVAIZOVA zvakaoma chaizvo kunzwisisa zvinonyatsorehwa nedzimwe ndima dzomuMagwaro kudai dzisina kujekeswa nedzimwe ndima dzomuBhaibheri! Nhoroondo dzezvakaitika kare dziri muShoko raMwari dzinogona kutorwa sezvadziri. Asi dzimwe nhoroondo dzacho dzine chokwadi chakadzama chisingakurumidzi kunzwisiswa. Mumwe muenzaniso wendima dzakadai inhoroondo yevakadzi vaviri vomuimba yatateguru Abrahamu. Muapostora Pauro akaiti “zvinhu zvokufananidzira.”—VaGaratiya 4:24.

Zvakakodzera kuti tifunge nezvenhoroondo iyi nokuti zvinhu chaizvo zvakaitika zviri mairi zvinokosha kwazvo kuvanhu vose vanoda kukomborerwa naJehovha Mwari. Tisati taongorora kuti nei izvi zvakadaro, ngatimbofunga nezvezvakaita kuti Pauro akurudzirwe kubudisa pachena zvairehwa nenhoroondo iyi.

Paiva nechakanga chava kunetsa vaKristu vomuzana remakore rokutanga muGaratiya. Vamwe vavo vakanga vava “kunyatsochengeta mazuva nemwedzi nemwaka nemakore”—zvinhu zvairayirwa noMutemo waMosesi. Vanhu ava vaiti vatendi vaifanira kuteerera Mutemo kuti vafarirwe naMwari. (VaGaratiya 4:10; 5:2, 3) Zvisinei, Pauro aiziva kuti vaKristu vakanga vasingachafaniri havo kuchengeta zvinhu zvakadaro. Kuti ajekese izvi, akataura nezvenhoroondo yaizivikanwa naani zvake aiva muJudha.

Pauro akayeuchidza vaGaratiya kuti Abrahamu, baba vorudzi rwevaJudha, akabereka Ishmaeri naIsaka. Wokutanga akaberekwa nomushandikadzi ainzi Hagari, uye wechipiri akaberekwa nomukadzi aiva akasununguka ainzi Sara. Hapana mubvunzo kuti vaya vaiva muGaratiya vaitsigira kuti Mutemo waMosesi uteererwe vaiziva nhoroondo yaSara kuti akambotanga asingabereki uye kuti akapa mushandikadzi wake Hagari kuna Abrahamu kuti amuberekere mwana panzvimbo pake. Vangave vaizivawo kuti pashure pokunge abata pamuviri paIshmaeri, Hagari akatanga kushora tenzikadzi wake, Sara. Zvisinei, maererano nechipikirwa chaMwari, Sara akazobereka Isaka akwegura. Gare gare, Abrahamu akadzinga Hagari naIshmaeri nokuti Ishmaeri ainetsa Isaka.—Genesisi 16:1-4; 17:15-17; 21:1-14; VaGaratiya 4:22, 23.

Vakadzi Vaviri, Sungano Mbiri

Pauro akatsanangura zvairehwa ne“zvinhu zvokufananidzira” izvi. “Vakadzi ava vanomirira sungano mbiri,” akanyora kudaro, “imwe yakabva paGomo reSinai, iya inobereka vana vouranda, uye iyo ndiHagari. . . . Akafanana neJerusarema ranhasi, nokuti ari muuranda nevana vake.” (VaGaratiya 4:24, 25) Hagari aimirira vaIsraeri, Jerusarema riri guta ravo guru. Sungano yoMutemo yakapiwa paGomo reSinai ndiyo yaiita kuti rudzi rwevaJudha ruve noukama naJehovha. MuSungano yoMutemo, vaIsraeri vaigara vachiyeuchidzwa kuti vaiva varanda vechivi uye kuti vaifanira kudzikinurwa.—Jeremiya 31:31, 32; VaRoma 7:14-24.

Saka “mukadzi akasununguka” Sara, nomwanakomana wake Isaka, vanomirira ani? Pauro akaratidza kuti Sara, “mukadzi ngomwa isingabereki,” aimirira mukadzi waMwari, sangano rake rokudenga. Mukadzi wokudenga uyu akanga asingabereki mukuti Jesu asati auya akanga asina “vana” vakazodzwa nomudzimu panyika. (VaGaratiya 4:27; Isaya 54:1-6) Zvisinei, paPendekosti ya33 C.E., mudzimu mutsvene wakadururwa paboka revarume nevakadzi vakanga vaberekwazve sevana vomukadzi uyu wokudenga. Vana vakaberekwa nesangano rokudenga iri vakava vanakomana vaMwari ndokuva vagari venhaka pamwe chete naJesu Kristu muukama hwesungano itsva. (VaRoma 8:15-17) Mumwe wevana ava, muapostora Pauro, aigona kunyora kuti: “Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye iro ndiro amai vedu.”—VaGaratiya 4:26.

Vana Vevakadzi Vacho

Maererano nenhoroondo yeBhaibheri, Ishmaeri akatambudza Isaka. Saizvozvowo, muzana remakore rokutanga C.E., vana veJerusarema rakanga riri muuranda vakaseka nokutambudza vana veJerusarema rokumusoro. “Zvazvakanga zvakaita panguva iyoyo uya akaberekwa nenzira yenyama [Ishmaeri] paakatanga kutambudza uya akaberekwa nenzira yomudzimu [Isaka], ndizvo zvazvakaitawo zvino,” akatsanangura kudaro Pauro. (VaGaratiya 4:29) Jesu Kristu paakauya panyika ndokutanga kuzivisa Umambo, vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakangoita chaizvo zvakaitwa nomwanakomana waHagari, Ishmaeri, kumugari wenhaka chaiye waAbrahamu, Isaka. Vakanyomba nokutambudza Jesu Kristu, vachiratidza pachena kuti vaizviona somugari wenhaka chaiye waAbrahamu uye Jesu vaimuona seakanga achida kungopindira pasiri pake.

Nguva pfupi vatongi vechiIsraeri vasati vaita kuti aurayiwe, Jesu akati: “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wevaprofita neanotema nematombo vakatumwa kwaari,—ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi imi hamuna kuzvida. Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.”—Mateu 23:37, 38.

Nhoroondo iyi yakafuridzirwa yezvakaitika muzana remakore rokutanga inoratidza kuti rudzi rwacho rwaimiririrwa naHagari haruna kubereka vana vaizogara nhaka pamwe chete naJesu. VaJudha vaidada nokuti vaidavira kuti vaiva nekodzero yokugara nhaka yakadaro kubvira pakuberekwa vakabviswa, vakarambwa naJehovha. Ichokwadi kuti vamwe vaIsraeri vakava vagari venhaka naKristu. Zvisinei, vakapiwa ropafadzo iyoyo pamusana pokutenda kwavo muna Jesu kwete nokuti vakaberekwa vari vaIsraeri.

Vagari venhaka ava naKristu vanoverengeka vakazozivikanwa paPendekosti ya33 C.E. Nokufamba kwenguva, Jehovha akazodza vamwe kuti vave vanakomana veJerusarema rokumusoro.

Chinangwa chaPauro paakatsanangura “zvinhu zvokufananidzira” izvi chaiva chokuratidza kukosha kwesungano itsva pane sungano yoMutemo yairevererwa naMosesi. Hakuna aigona kunzwirwa nyasha naMwari nemhaka yokutevedzera Mutemo waMosesi nokuti vanhu vose havana kukwana uye Mutemo waingoratidza kuti vaiva varanda vechivi. Asi sokutsanangura kwakaita Pauro, Jesu akauya kuti “asunungure nokutenga vaya vaiva pasi pomutemo.” (VaGaratiya 4:4, 5) Saka, kutenda muchibayiro chaKristu chinokosha kwakaita kuti vasunungurwe pakupiwa mhosva noMutemo.—VaGaratiya 5:1-6.

Kukosha Kwenhoroondo Yacho Kwatiri

Nei tichifanira kufarira tsananguro yakafuridzirwa yaPauro yenhoroondo iyi? Chimwe chikonzero ndechokuti inoita kuti tinzwisise zvinorehwa neMagwaro aizongoramba asina kujeka. Tsananguro yacho inosimbisa chivimbo chedu chokuti Bhaibheri rakabatana uye rinowirirana.—1 VaTesaronika 2:13.

Uyezve, zvinhu zvokufananidzira zviri munhoroondo iyi zvinokosha kana tichizofara munguva yemberi. Kudai vanakomana veJerusarema rokumusoro vasina kuoneka, tingadai tichingotarisira kuva varanda vechivi norufu. Zvisinei, ‘marudzi ose achakomborerwa’ achitungamirirwa naKristu nevamwe vake vadyi venhaka vechipikirwa chaMwari kuna Abrahamu.’ (Genesisi 22:18) Izvi zvichaitika pavachasunungurwa nokusingaperi pachivi, pakusakwana, pakusuruvara, uye parufu. (Isaya 25:8, 9) Iyoyo ichava nguva yakanaka zvechokwadi!

[Mufananidzo uri papeji 11]

Sungano yoMutemo yakarevererwa paGomo reSinai

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Mufananidzo uri papeji 12]

“Zvinhu zvokufananidzira” zvakataurwa nomuapostora Pauro zvinorevei?