Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJobho

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJobho

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJobho

TATEGURU Jobho aigara munyika yeUzi, iri muArabia. VaIsraeri vakawanda vaigara muIjipiti panguva iyi. Kunyange zvazvo akanga asiri muIsraeri, Jobho ainamata Jehovha Mwari. Nezvake, Bhaibheri rinoti: “Hakuna akafanana naye panyika, murume asina chaanopomerwa, akarurama, anotya Mwari uye anonzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:8) Iyi inofanira kunge yaiva nguva yakararama vashumiri vaviri vaJehovha vakakurumbira—Josefa mwanakomana waJakobho, nomuprofita Mosesi.

Zvinonzi Mosesi ndiye akanyora bhuku raJobho, angangodaro akaziva nezvaJobho paakagara kwemakore 40 kuMidhiyani, iri pedyo nenyika yeUzi. Mosesi angadaro akanzwa nezvemakore aJobho okupedzisira vaIsraeri pavakanga vari pedyo neUzi, makore avo 40 orwendo rwomurenje ava kunopera. * Zvakaitika kuna Jobho zvakanyorwa zvakanaka zvokuti nhoroondo yacho inonzi idetembo rounyanzvi. Zvisinei, zvinopfuura izvozvo ndezvokuti inopindura mibvunzo yakadai seiyi: Nei vanhu vakanaka vachitambura? Nei Jehovha achibvumira kuti uipi huvepo? Vanhu vasina kukwana vanogona kuramba vakavimbika kuna Mwari here? Zvaari muShoko raMwari rakafuridzirwa, mashoko ari mubhuku raJobho ane upenyu uye ane simba kunyange nhasi.—VaHebheru 4:12.

“ZUVA RANDAKABEREKWA NGARIPARARE”

(Jobho 1:1–3:26)

Rimwe zuva Satani anoramba kuti Jobho akavimbika kuna Mwari. Jehovha anobvumira Satani kuti aunze matambudziko akawanda pana Jobho. Asi Jobho anoramba ku“tuka Mwari.”—Jobho 2:9.

Shamwari nhatu dzaJobho dzinosvika kuti ‘dzicheme naye.’ (Jobho 2:11) Dzinogara naye dzisingatauri kana shoko kutozosvikira Jobho atanga kutaura achiti: “Zuva randakaberekwa ngariparare.” (Jobho 3:3) Anoshuva zvake kuita “sevana vasina kuona chiedza,” kana kuti vakaberekwa vakafa.—Jobho 3:11, 16.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:4—Vana vaJobho vaipemberera mazuva okuzvarwa here? Kwete vakanga vasingapembereri. Mashoko akashandiswa mumutauro wepakutanga okuti “zuva” uye “zuva rokuberekwa” akasiyana, rimwe nerimwe rinoreva zvakasiyana nerimwe. (Genesisi 40:20) Pana Jobho 1:4, shoko rokuti “zuva” rinoshandiswa, kuratidza nguva iri pakati pokubuda kwezuva kusvika parinodoka. Zviri pachena kuti vanakomana vanomwe vaJobho vaiungana mazuva manomwe semhuri kamwe chete pagore. Sezvavaiita majana, mwanakomana mumwe nomumwe ndiye aiva mugamuchiri wevaeni pamba pake “pazuva rake.”

1:6; 2:1—Ndivanaani vaibvumirwa kumira pamberi paJehovha? Vaya vaimira pamberi paJehovha vaisanganisira Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga, Shoko; ngirozi dzakatendeka; uye ‘vanakomana vaMwari’ ngirozi dzisingateereri, kusanganisira Satani Dhiyabhorosi. (Johani 1:1, 18) Satani nemadhimoni ake vakazodzingwa kudenga Umambo hwaMwari huchangogadzwa muna 1914. (Zvakazarurwa 12:1-12) Paakavabvumira kumira pamberi pake, Jehovha akaita kuti zvisikwa zvose zvomudzimu zvizive nezvokusava nechokwadi kwaSatani uye nyaya dzaakanga atanga.

1:7; 2:2—Jehovha akataura naSatani zvakananga here? Bhaibheri haritauri zvakawanda nezvokuti Jehovha anokurukura sei nezvisikwa zvake zvomudzimu. Zvisinei, muprofita Mikaya akamboratidzwa ngirozi ichikurukura zvakananga naJehovha. (1 Madzimambo 22:14, 19-23) Saka zvinoita sokuti Jehovha akataura naSatani asingashandisi imwe ngirozi.

1:21—Jobho aizodzokera sei “mudumbu raamai” vake? Sezvo Jehovha Mwari akaumba munhu “neguruva revhu,” shoko rokuti “amai” riri kushandiswa pano kufananidzira pasi.—Genesisi 2:7.

2:9—Mudzimai waJobho angave aifungei paakaudza murume wake kuti atuke Mwari afe? Mudzimai waJobho akanga arasikirwawo nezvakanga zvarasikirwa nomurume wake. Zvingave zvakanga zvava kumurwadza kuona murume wake aichimbova akagwinya ava kurwadziwa zvakaipisisa nechirwere chinosemesa. Akanga afirwa nevana vake vaaida. Angadaro akanga aodzwa mwoyo nezvose izvi zvokuti akatadza kufunga nezvechinhu chainyanya kukosha—ukama hwavo naMwari.

Zvatinodzidza:

1:8-11; 2:3-5. Sezvinoratidzwa muzvakaitika kuna Jobho, panzvimbo pokungoita nokutaura zvakakodzera, zvinoda kuva nevavariro yakanaka kuti munhu ashumire Jehovha akatendeseka.

1:21, 22. Kana tikaramba takavimbika kuna Jehovha mumamiriro ezvinhu akanaka neasina, tinoratidza kuti Satani murevi wenhema.—Zvirevo 27:11.

2:9, 10. Kufanana naJobho, tinofanira kuramba takasimba pakutenda kunyange kana vomumhuri yedu vakarega kukoshesa zvokunamata kana kuti vakatimanikidza kuti tisiye kutenda kwedu.

2:13. Shamwari dzaJobho dzakanga dzisina mashoko anonyaradza okutaura pamusoro paMwari nezvipikirwa zvake nokuti dzakanga dzisingaoni zvinhu semaonero aiita Mwari.

“HANDIZORASI KUVIMBIKA KWANGU!”

(Jobho 4:1–31:40)

Pfungwa huru inotaurwa neshamwari nhatu dzaJobho padzinotaura naye ndeyokuti Jobho anofanira kunge akaita chimwe chinhu chakaipa kwazvo chakakodzera kuti arangwe zvakaomarara naMwari. Erifazi ndiye ari kutungamirira. Bhiridhadhi ndiye anozotaura pashure paErifazi, achitsvinya kwazvo. Zofari anotonyanya kumunyomba.

Jobho haabvumi mafungiro asina kururama evaenzi vake. Asinganzwisisi kuti nei Mwari abvumira kuti atambure, anonyanya kufunga nezvokuzviruramisa. Kunyange zvakadaro, Jobho anoda Mwari uye anoti: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!”—Jobho 27:5.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

7:1; 14:14—Zvinorevei kuti “basa rokumanikidzirwa”? Jobho akanga akaora mwoyo kwazvo zvokuti akaona upenyu sohwakaoma, sebasa rokumanikidzirwa rinonetesa. (Jobho 10:17) Sezvo nguva inopedzwa nomunhu muSheori—kubva panguva yorufu kusvika panguva yokumutswa—iri nguva yokumanikidzirwa, Jobho akafananidza nguva iyoyi nebasa rokumanikidzirwa.

7:9, 10; 10:21; 16:22—Mashoko ari mundima idzi anoratidza here kuti Jobho akanga asingadaviri kuti kune kumuka? Aya aiva mashoko aiva nechokuita nezveramangwana raJobho kwenguva pfupi. Saka airevei? Zvimwe zvaangadaro aireva ndezvokuti kudai aizofa, hapana vanhu vairarama panguva yake vaizomuona. Pamaonero avo, akanga asingachakwanisi kudzoka kumba kwake kana kuzivikanwazve kutozosvikira panguva yaMwari yakatarwa. Jobho angadarowo aireva kuti hakuna munhu anogona kuzvidzosa oga achibva kuSheori. Kuti Jobho aitarisira kumutswa munguva yemberi zvinooneka pachena pana Jobho 14:13-15.

10:10—Jehovha ‘akadurura sei Jobho somukaka uye kumuodzeka sechizi’? Uku kurondedzera kwokudetemba kwemaumbirwo akaitwa Jobho mudumbu raamai vake.

19:20—Jobho airevei paakati ‘Ndakasiyirwa ganda rameno angu?’ Paakataura kuti asiyirwa ganda rechimwe chinhu chisina ganda, Jobho angangove aireva kuti akasara asina kana chinhu zvacho.

Zvatinodzidza:

4:7, 8; 8:5, 6; 11:13-15. Hatifaniri kukurumidza kufunga kuti munhu ari kutambura ari kukohwa zvaakadyara uye kuti haasi kufarirwa naMwari.

4:18, 19; 22:2, 3Zano redu rinofanira kubva muShoko raMwari, hatifaniri kungoita zvomusoro wedu.—2 Timoti 3:16.

10:1. Kurwadziwa kwakavhiringidza Jobho, zvokuti haana kufunga nezvezvimwe zvikonzero zvingadaro zvaiita kuti atambure. Hatifaniri kutsutsumwa kana tichitambura, zvikurukuru sezvo tichinyatsonzwisisa nyaya dzinobatanidzwa.

14:7, 13-15; 19:25; 33:24. Mumiedzo chero ipi zvayo yatingaunzirwa naSatani, tariro yokumuka inogona kutisimbisa.

16:5; 19:2. Mashoko edu anofanira kukurudzira uye kusimbisa vamwe, kwete kuvatsamwisa.—Zvirevo 18:21.

22:5-7. Zano rinopiwa nokupomera kusina uchapupu hwakasimba harishandi uye rinokuvadza.

27:2; 30:20, 21. Munhu haafaniri hake kunge akakwana kuti arambe akavimbika. Jobho akatsoropodza Mwari zvisiri izvo.

27:5. Jobho chete ndiye aigona kusarudza kusavimbika nokuti kuvimbika kunobva pakuda Mwari kunoita munhu. Saka tinofanira kuda Jehovha kwazvo.

28:1-28. Munhu anoziva pane pfuma yenyika. Zvaanoitsvaka, unyanzvi hwake hunoita kuti adzike pasi pasingagoni kuonwa neshiri inoona zviri kure inodya nyama. Zvisinei, uchenjeri hwaMwari hunobva pakutya Jehovha.

29:12-15. Tinofanira kuratidza mutsa worudo kune vaya vanoshaya.

31:1, 9-28. Jobho akatisiyira muenzaniso nokuti haana kutamba norudo, kuita upombwe, kusaruramisira, uye kuitira vamwe utsinye, akanga asingadisi zvinhu zvenyama, uye haana kunamata zvidhori.

“NDAPFIDZA NDIRI MUGURUVA NEMADOTA”

(Jobho 32:1–42:17)

Rimwe jaya ranga rakamira zvaro rinonzi Erihu ranga richiteerera nokushivirira kukakavadzana kwacho. Iye zvino rinotaurawo rakashinga. Rinoruramisa Jobho nevatatu vaimutambudza.

Erihu paanongopedza kutaura, Jehovha anopindura ari muchinyamupupuri. Haatsananguri kuti nei Jobho achitambura. Zvisinei, paanobvunza mibvunzo yakawanda, Wemasimbaose anoita kuti Jobho azive nezvesimba Rake guru nouchenjeri hwake hukuru. Jobho anobvuma kuti akataura asina kufunga ndokuti: “Ndiri kuzvidemba, ndapfidza ndiri muguruva nemadota.” (Jobho 42:6) Sezvo muedzo waJobho unopera, anopiwa mubayiro wake wokuva akatendeseka.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

32:1-3—Erihu akasvika rini? Sezvo Erihu ainzwa zvose zvaitaurwa, anofanira kunge akanga akagara paaikwanisa kunzwa zvaitaurwa Jobho asati ataura ndokugumisa kunyarara kwainge kwakaita shamwari dzake nhatu kwemazuva manomwe.—Jobho 3:1, 2.

34:7—Jobho akanga akafanana nomunhu “anonwa kunyombwa semvura” sei? Paairwadziwa zvikuru, Jobho akanga achifunga kuti ndiye ainyombwa nevashanyi vake vatatu, kunyange zvazvo chaizvoizvo vaitaura vachipesana naMwari. (Jobho 42:7) Saka akanga ari kunwa kunyombwa somunhu anofarira kunwa mvura.

Zvatinodzidza:

32:8, 9Zera handiro rinongoita kuti munhu ave akachenjera. Zvinoda kunzwisisa Shoko raMwari nokutungamirirwa nomudzimu wake.

34:36. Kuvimbika kunooneka ‘nokuedzwa kusvikira pokupedzisira’ munzira dzakasiyana-siyana.

35:2. Erihu akanyatsoteerera ndokunyatsoona nyaya yacho sezvairi asati ataura. (Jobho 10:7; 16:7; 34:5) Vasati vapa zano, vakuru vechiKristu vanofanira kunyatsoteerera, kuwana mashoko ose, uye kunzwisisa mashoko anokosha.—Zvirevo 18:13.

37:14; 38:1–39:30. Kufungisisa nezvemabasa anoshamisa aJehovha—kuratidzwa kwesimba rake nouchenjeri—kunoita kuti tizvininipise uye kunotibatsira kuona kuti kurevererwa kwouchangamire hwake kunokosha zvikuru kudarika zvose zvatinoda.—Mateu 6:9, 10.

40:1-4. Patinenge tava kufunga nezvokutsutsumwira Wemasimbaose, tinofanira ‘kubata muromo wedu.’

40:15–41:34. Bhehemoti (mvuu) neRevhiatani (ngwena) zvine simba zvikuru! Kuti titsungirire mubasa raMwari, isuwo tinoda simba rinobva kune Musiki akasika zvikara izvi zvine simba, uyo anotipa simba.—VaFiripi 4:13.

42:1-6. Kunzwa shoko raJehovha uye kuyeuchidzwa nezvokuoneka kwesimba rake kwakabatsira Jobho ku“ona Mwari,” kana kuti kuona chokwadi nezvake. (Jobho 19:26) Izvi zvakaita kuti agadzirise mafungiro ake. Patinoruramiswa neMagwaro, tinofanira kuda kubvuma zvatinenge takanganisa togadzirisa.

Iva ‘Nokutsungirira kwaJobho’

Bhuku raJobho rinonyatsoratidza kuti Mwari haasi iye anokonzera kutambura kwevanhu. NdiSatani. Kubvumira kwaMwari uipi panyika kunotipa mukana wokuratidza kuti timire papi panyaya dzine chokuita nouchangamire hwaJehovha uye kuvimbika kwedu.

Kufanana naJobho, vose vanoda Jehovha vachaedzwa. Nhoroondo yaJobho inotipa chivimbo chokuti tinogona kutsungirira. Inotiyeuchidza kuti zvinetso zvedu hazvisi kuzogara nokusingaperi. “Makanzwa nezvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha,” inodaro Jakobho 5:11. Jehovha akakomborera Jobho nokuti akaramba akatendeseka. (Jobho 42:10-17) Tine tariro yakaisvonaka pamberi pedu—upenyu husingaperi mupasi richange riri Paradhiso! Saka kufanana naJobho, ngatitsungei kuramba takavimbika.—VaHebheru 11:6.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Bhuku raJobho rinotaura zvinhu zvakaitika mumakore anodarika 140, kutangira muna 1657 kusvika muna 1473 B.C.E.

[Mifananidzo iri papeji 16]

Tingadzidzei pa“kutsungirira kwaJobho”?