Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhengo Itsva Dzedare Rinodzora

Nhengo Itsva Dzedare Rinodzora

Nhengo Itsva Dzedare Rinodzora

MANGWANANI eChitatu musi waAugust 24, 2005, mhuri dzeBheteri kuUnited States neCanada, dzichiona nepaTV, dzakanzwa chiziviso chaifadza. Kutanga nomusi waSeptember 1, 2005, nhengo mbiri itsva—Geoffrey W. Jackson naAnthony Morris III—vaizowedzerwa muDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha.

Hama Jackson vakatanga kupayona muna February 1971 muTasmania, chitsuwa chiri kunyika yeAustralia. Muna June 1974, vakaroora Jeanette (Jenny). Vachangoroorana, vakagadzwa kuti vashande semapiyona chaiwo. Kubvira muna 1979 kusvika muna 2003, vakashanda semamishinari muTuvalu, Samoa, neFiji—nyika dzezvitsuwa dziri muSouth Pacific. Vari muzvitsuwa izvi, Hama naHanzvadzi Jackson vakabatsira zvikuru mubasa rokushandurwa kwemabhuku eBhaibheri. Kutanga muna 1992, Hama Jackson vakashanda muDare Rebazi muSamoa, uye kubvira muna 1996 zvichienda mberi, vakashanda muDare Rebazi muFiji. Muna April 2003, ivo naJenny vakava mumhuri yeBheteri rokuUnited States uye vakatanga kushanda muDhipatimendi Rebasa Rokushandura. Nguva pfupi zvadaro, Hama Jackson vakagadzwa kuti vabatsire Dare Rokudzidzisa reDare Rinodzora.

Hama Morris vakatanga kupayona muna 1971 muUnited States. Muna December gore iroro, vakaroora Susan, uye vakaramba vachipayona kwemakore anoda kusvika mana kutozosvikira pakazvarwa Jesse mwanakomana wavo wedangwe. Nokufamba kwenguva, vakava nomumwe mwanakomana, anonzi Paul. Hama Morris vakatangazve basa renguva yakazara muna 1979 sapiyona wenguva dzose. Mudzimai wavo aiitawo basa iri vana vavo pavainge vava kuenda kuchikoro. Mhuri iyi yakashanda kwaidiwa vaparidzi zvikuru muRhode Island neNorth Carolina, muUnited States. KuNorth Carolina, Hama Morris vakashanda somubatsiri womutariri wedunhu, uye vanakomana vavo vakatora basa roupiyona hwenguva dzose. Jesse naPaul vakakumbirwa kuzoshanda kubazi reUnited States vaine makore 19. Panguva iyi, Hama Morris vakatanga basa redunhu. Zvadaro, muna 2002 ivo naSusan vakakokwa kuBheteri, vachitanga basa ravo idzva musi waAugust 1. Hama Morris vakashanda muDhipatimendi reBasa kuPatterson uye vakazobatsira Dare reBasa reDare Rinodzora.

Kuwedzera kunhengo itsva mbiri idzi, Dare Rinodzora rina C. W. Barber; J. E. Barr; S. F. Herd; M. S. Lett; G. Lösch; T. Jaracz; G. H. Pierce; A. D. Schroeder; D. H. Splane; naD. Sydlik. Vose vari muDare Rinodzora vaKristu vakazodzwa.