Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzatinowana Mubhuku Rokutanga reMapisarema

Dzatinowana Mubhuku Rokutanga reMapisarema

Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru

Dzatinowana Mubhuku Rokutanga reMapisarema

NDOUPI ungava musoro wakakodzera bhuku reBhaibheri rine mashoko akawanda okurumbidza Musiki wedu, Jehovha Mwari? Hapana rimwe zita ringakodzera kupfuura rokuti Mapisarema. Bhuku reBhaibheri iri rakareba kupfuura ose rine nziyo dzakanyorwa zvakanaka chaizvo dzinorondedzera unhu hwaMwari hwakaisvonaka nemabasa ake anoshamisa uye rinorondedzera uprofita hwakasiyana-siyana. Dzakawanda dzenziyo dzacho dzinobudisa manzwiro evanyori vacho pavaitambura nenhamo. Vanopedza anenge makore chiuru vachinyora mashoko aya—kubvira pamazuva omuprofita Mosesi kusvikira kunguva yepashure pokutapwa. Rakanyorwa naMosesi, Mambo Dhavhidhi, nevamwewo. Mupristi Ezra ndiye akaronga bhuku racho pakupedzisira.

Kubvira kare, bhuku reMapisarema rakakamurwa kuva zvikamu zvishanu zvenziyo: (1) Mapisarema 1-41, (2) Mapisarema 42-72, (3) Mapisarema 73-89, (4) Mapisarema 90-106, uye (5) Mapisarema 107-150. Nyaya ino inotaura nezvechikamu chokutanga. Mapisarema ose ari muchikamu chino ane chokuita naMambo Dhavhidhi weIsraeri yekare kusiya kwematatu chete. Vanyori veMapisarema 1, 10, ne33 havazivikanwi.

“MWARI WANGU NDIYE DOMBO RANGU”

(Pisarema:1–24:10)

Pashure pokunge pisarema rokutanga razivisa kuti munhu anofara ndouya anofarira mutemo waJehovha, rechipiri rinobva rataura zvakananga nezvoUmambo. * Muboka iri remapisarema mune kuteterera Mwari kwakawanda. Somuenzaniso, muMapisarema 3-5, 7, 12, 13, uye 17, mune kuteterera kwokununurwa pavavengi. Pisarema 8 rinotaura nezvoukuru hwaJehovha kana huchienzaniswa nokuva muduku kwomunhu.

Achirondedzera Jehovha soMudziviriri wevanhu vake, Dhavhidhi anoimba kuti: “Mwari wangu ndiye dombo rangu. Ndichapotera kwaari.” (Pisarema 18:2) Jehovha anorumbidzwa soMusiki uye Mupi Wemitemo muPisarema 19, soMuponesi muPisarema 20, uye soMuponesi waMambo wake akazodzwa muPisarema 21. Pisarema 23 rinomurondedzera soMufudzi Mukuru, nepo Pisarema rechi24 richimurondedzera saMambo anokudzwa.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:1, 2—Marudzi anoramba achigunun’unira “chinhu chisina zvachinobatsira” chipi? “Chinhu chisina zvachinobatsira” ihurumende dzevanhu dziri kunetsekera kuti dzirambe dziri musimba. Izvi hazvibatsiri nokuti chinangwa chavo chichatadza kubudirira. Chaizvoizvo mapoka evanhu angava netariro yokubudirira paanorwisana ‘naJehovha uye namambo wake akazodzwa’ here?

2:7—“Murau waJehovha” chii? Murau uyu isungano yoUmambo, iyo Jehovha akaita noMwanakomana wake waanoda, Jesu Kristu.—Ruka 22:28, 29.

2:12—Vatongi vemarudzi ‘vangatsvoda mwanakomana’ sei? Kare, kutsvoda kwairatidza ushamwari uye kutendeka. Yaiva nzira yokugamuchira nayo vaeni. Madzimambo enyika anorayirwa kuti atsvode Mwanakomana—kureva kuti, abvume kuti ndiye Mambo Mesiya.

3:mashoko anorondedzera—Chinangwa chemashoko anorondedzera ari pane mamwe mapisarema ndechei? Dzimwe nguva anoratidza munyori uye/kana kuti anopa mashoko pamusoro pemamiriro ezvinhu pakanyorwa pisarema racho, sezvakaita Pisarema 3. Mashoko anorondedzera angatsanangurawo chinangwa chorumwe rwiyo kana kuti kushanda kwarwo (Mapisarema 4 ne5) uyewo angapa mirayiridzo yokuridza nziyo (Pisarema 6).

3:2—“Sera” chii? Shoko iri rinowanzofungwa kuti rinomiririra kumbomira uchifungisisa chinyararire, ungave uchiimba uri woga kana kuti uchiridza nziyo dzisina mashoko. Kumbomira kwacho kwaiitirwa kusimbisa pfungwa kana kuti manzwiro. Haufaniri hako kuverenga shoko racho zvinonzwika paunenge uchiverenga Mapisarema kune voruzhinji.

11:3—Inheyo dzipi dzinoputswa? Mutemo, runyararo, uye ruramisiro—ndipo chaipo pakavakirwa nzanga yevanhu. lzvi pazvinenge zvisina kumira zvakanaka, magariro evanhu anoipa uye panenge pasina kururamisira. Mumamiriro ezvinhu akadaro, “munhu akarurama” anofanira kuvimba zvizere naMwari.—Pisarema 11:4-7.

21:3—Chii chinokosha nezve“korona yendarama yakanatswa”? Hazvina kutaurwa kana korona yacho yaiva chaiyo kana kuti yokufananidzira yakawedzerwa kubwinya nemhaka yokukunda kwakawanda kwaDhavhidhi. Zvisinei, ndima iyi inotaura nenzira youprofita nezvekorona youmambo iyo Jehovha akapa Jesu muna 1914. Kugadzirwa kwekorona yacho nendarama kunoratidza kuti kutonga kwake kunopfuura kumwe kose.

22:1, 2—Nei Dhavhidhi angave akafunga kuti Jehovha akanga amusiya? Dhavhidhi aiva mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru aikonzerwa nevavengi vake zvokuti ‘mwoyo wake wakaita senamo uye wakanyunguduka mukatikati make.’ (Pisarema 22:14) Kwaari zvaiita sokuti Jehovha akanga amusiya. Paakarovererwa, Jesu akanzwawo seizvi. (Mateu 27:46) Mashoko aDhavhidhi anoratidza zvinongoitwa nomunhu kana apererwa. Zvisinei, kubva mumunyengetero wake wakanyorwa pana Pisarema 22:16-21, zviri pachena kuti Dhavhidhi akanga asina kurasikirwa nokutenda muna Mwari.

Zvatinodzidza:

1:1. Hatifaniri kushamwaridzana nevanhu vasingadi Jehovha.—1 VaKorinde 15:33.

1:2. Hatifaniri kurega zuva richipfuura tisina kumboita zvinhu zvine chokuita nokunamata.—Mateu 4:4.

4:4. Patinenge takatsamwa kana kuti takagumbuka, kuchenjera kuti tibate rurimi rwedu kuitira kuti tisataura chimwe chinhu chatinozozvidemba.—VaEfeso 4:26.

4:5. Zvibayiro zvedu zvine chokuita nokunamata “zvibayiro zvokururama” bedzi kana zvichibva pavavariro dzakarurama uye kana mufambiro wedu uchienderana nezvinodiwa naJehovha.

6:5. Ndechipi chingava chikonzero chiri nani chokuti unzwe uchida kuramba uchirarama?—Pisarema 115:17.

9:12. Jehovha anotsvaka kuteura ropa kwakaitwa kuitira kuti arange munhu ane mhaka yeropa, asi anoyeuka “kuchema kwevanotambudzika.”

15:2, 3; 24:3-5. Vanamati vechokwadi vanofanira kutaura chokwadi uye havafaniri kuita mhiko dzenhema uye kuchera vamwe.

15:4. Kutoti tikaziva kuti takaita mhiko isiri yepaMagwaro, tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tizadzise shoko redu, kunyange kana zvakaoma zvikuru kuita kudaro.

15:5. Zvatiri vanamati vaJehovha, tinofanira kungwarira kuti tisashandisa mari zvisina kunaka.

17:14, 15. “Vanhu vari mumamiriro ezvinhu epanguva ino” vanozvipira kuti vararame upenyu huri nani, vachirera mhuri, voisiyira nhaka. Muupenyu, Dhavhidhi ainyanya kuda kuva nezita rakanaka naMwari kuitira kuti ‘aone chiso chake,’ kana kuti afarirwe naJehovha. ‘Paanomuka’ kuti aone zvipikirwa zvaJehovha uye vimbiso dzake, Dhavhidhi achanzwa ‘agutswa kuti aone mufananidzo Wake,’ kana kuti achafara kuti Jehovha aiva naye. SaDhavhidhi, hatifaniri kuisa mwoyo yedu pane zvinhu zvokunamata here?

19:1-6. Kana zvinhu zvakasikwa, izvo zvisingagoni kutaura kana kufunga, zvichikudza Jehovha, ko isu tinogona kufunga, kutaura uye kunamata hatifaniri kutomukudza zvikuru here?—Zvakazarurwa 4:11.

19:7-11. Zvinodiwa naJehovha—zvakatinakira chaizvo!

19:12, 13. Kukanganisa uye mabasa okuzvikudza zvivi zvatinofanira kungwarira.

19:14. Hatifaniri kungova nehanya nezvatinoita chete asiwo nezvatinotaura uye zvatinofunga.

“MAKANDITSIGIRA NOKUDA KWOKUVIMBIKA KWANGU”

(Pisarema 25:1–41:13)

Zvechokwadi Dhavhidhi anoratidza chido chomwoyo wose uye chivimbo chakasimba chokuti arambe akavimbika mumapisarema maviri okutanga eboka iri! “Asi ini ndichafamba nokuvimbika kwangu,” anoimba kudaro. (Pisarema 26:11) Mumunyengetero wake wokukumbira kuregererwa zvivi, anobvuma kuti: “Pandakaramba ndakanyarara, mapfupa angu akasakara nokugomera kwandaiita zuva rose.” (Pisarema 32:3) Kune vanhu vaJehovha vakavimbika, Dhavhidhi anovimbisa kuti: “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.”—Pisarema 34:15.

Zano riri pana Pisarema 37 raikosha zvikuru kuvaIsraeri uye rinokoshawo kwatiri, sezvatiri kurarama “mumazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu epanguva ino! (2 Timoti 3:1-5) Richitaura nenzira youprofita nezvaJesu Kristu, Pisarema 40:7, 8 rinoti: “Tarirai ndauya, mumupumburu webhuku makanyorwa nezvangu. Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu, mutemo wenyu uri mukati mangu.” Pisarema rokupedzisira pachikamu chacho rine chokuita nechikumbiro chaDhavhidhi chokuti abatsirwe naJehovha mumakore anotambudza pashure pokunge aita chivi naBhatishebha. Anoimba kuti: “Asi ini makanditsigira nokuda kwokuvimbika kwangu.”—Pisarema 41:12.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

26:6—Kufanana naDhavhidhi, isu tinofora sei nenzira yokufananidzira tichitenderera atari yaJehovha? Atari inomiririra zvinodiwa naJehovha mukuti anogamuchira chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu kuti vanhu vadzikinurwe. (VaHebheru 8:5; 10:5-10) Tinofora tichitenderera atari yaJehovha nokutenda muchibayiro ichocho.

29:3-9—Chii chinofananidzirwa nokufananidza inzwi raJehovha nebhanan’ana rinotyisa sezvarinotinhira? Izvi zvinongofananidzira: Simba raJehovha rinotyisa!

31:23—Munhu anozvikudza anotsiviwa sei chaizvo? Kutsiviwa kunotaurwa pano kunoreva chirango. Munhu akarurama anotsiviwa naJehovha pamusana pokukanganisa kwaanoita asingazivi. Sezvo munhu anozvikudza asingasiyi zvakaipa zvake, anotsiviwa chaizvo nokurangwa zvakaoma.—Zvirevo 11:31; 1 Petro 4:18.

33:6—‘Mudzimu’ womuromo waJehovha chii? Mudzimu uyu isimba raMwari rinoita basa, kana kuti mudzimu mutsvene, waakashandisa pakusika matenga chaiwo atinoona. (Genesisi 1:1, 2) Unonzi kufema kwomuromo wake nokuti, kufanana nokufema kwakasimba, unogona kutumwa kure kuti unoita basa.

35:19—Chii chinorehwa nechikumbiro chaDhavhidhi chokuti vaya vanomuvenga varege kuchonya ziso ravo? Kuchonya ziso kwaizoreva kuti vavengi vaDhavhidhi vakanga vari kuwana mufaro pakubudirira kwezvinhu zvakaipa zvavaimurongera. Dhavhidhi anokumbira kuti izvi zvisaitika.

Zvatinodzidza:

26:4. Tinenge takachenjera kana tikarega kushamwaridzana nevaya vasingadi kuzivikanwa kuti ndivanaani paIndaneti, vokuchikoro kana kuti vatinoshanda navo vanonyepedzera kuva shamwari dzedu pamusana pezvikonzero zvokunyengera, vakaramba kutenda vanonyepera kuva vanhu vanoita zvinhu nomwoyo wose, uye vaya vanorarama upenyu huviri.

26:7, 12; 35:18; 40:9. Tinofanira kurumbidza Jehovha pachena pakuungana kwechiKristu.

26:8; 27:4. Tinofarira kupinda misangano yechiKristu here?

26:11. Kunyange zvazvo airatidza kutsunga kwake kuti arambe akavimbika, Dhavhidhi akakumbirawo kuti adzikinurwe. Chokwadi, tinogona kuramba takavimbika pasinei nokusakwana kwedu.

29:10: Kugara kwaJehovha pamusoro “pemafashamo” kunoratidza kuti anodzora zvizere simba rake.

30:5. Rudo ndihwo unhu hukuru hwaJehovha—kwete hasha.

32:9. Jehovha haadi kuti tiite senyurusi kana kuti mbongoro inoteerera pamusana pematomu kana kuti tyava. Asi, anoda kuti tisarudze kumuteerera nokuti tinonzwisisa zvaanoda.

33:17-19. Hapana mamiriro ezvinhu evanhu, pasinei zvapo nokuti ane simba zvakadini, angaunza ruponeso. Tinofanira kuvimba naJehovha nourongwa hwake hwoUmambo.

34:10. Izvi zvinokurudzira chaizvo vaya vanoisa pakutanga zvinhu zvine chokuita nokunamata muupenyu hwavo!

39:1, 2. Vakaipa pavanotsvaka mashoko kuti vataure zvakaipa nezvevatinonamata navo, tinenge takachenjera kana ‘tikaisa tomu kuti rive murindi womuromo wedu,’ toramba takanyarara.

40:1, 2. Kutarisira muna Jehovha kungatibatsira kukurira kuora mwoyo tobuda “mugomba rine ruzha, mumatope emadhaka.”

40:5, 12. Matambudziko kana kuti zvikanganiso zvedu, zvingava zvakawanda zvakadini, hazvizotikuriri kana tisingakundikani kuona kuti zvikomborero zvedu ‘zvizhinji zvokuti hatigoni kuzvirondedzera.’

‘Jehovha Ngaarumbidzwe’

Chokwadi mapisarema 41 ari muchikamu chokutanga anonyaradza uye anokurudzira! Tingave tiri kutambura miedzo kana kuti tichitambudzwa nehana yakaipa, tinokwanisa kuwana simba uye kukurudzirwa nechikamu ichi cheShoko raMwari rine simba. (VaHebheru 4:12) Mapisarema aya ane mashoko anopa mazano akanaka pakurarama. Tinoramba tichivimbiswa kuti pasinei zvapo nematambudziko atinosangana nawo, Jehovha haazotisiyi.

Chikamu chokutanga chemapisarema chinoguma nemashoko anoti: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe narini kusvikira narini. Ameni, Ameni.” (Pisarema 41:13) Pashure pokuaongorora, hatikurudzirwi kurumbidza, kana kuti kukudza Jehovha here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Pisarema 2 rakatanga kuzadzika muzuva raDhavhidhi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Kana zvisikwa zvisina upenyu zvichikudza Jehovha, isu tinotofanira kumukudza kwazvo!

[Mufananidzo uri papeji 17]

Dhavhidhi ndiye akanyora akawanda emapisarema 41 okutanga

[Mufananidzo uri papeji 18]

Unoziva here kuti ipisarema ripi rinoratidza kuti Jehovha ndiye Mufudzi Mukuru?

[Mufananidzo uri papeji 20]

Usarega zuva richipfuura usina kumboita zvinhu zvine chokuita nokunamata

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 17]

Nyeredzi: Courtesy United States Naval Observatory

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]

Nyeredzi, mapeji 18 ne19: Courtesy United States Naval Observatory

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20]

Nyeredzi: Courtesy United States Naval Observatory