Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Umambo hwaMwari Hunopfuura Humwe Hwose Muzvinhu Zvose

Umambo hwaMwari Hunopfuura Humwe Hwose Muzvinhu Zvose

Umambo hwaMwari Hunopfuura Humwe Hwose Muzvinhu Zvose

JESU KRISTU akadzidzisa vateveri vake kuti: “Munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’” (Mateu 6:9, 10) Munyengetero uyu, unozivikanwa nevakawanda soMunyengetero waBaba Vedu, kana kuti Munyengetero waShe, unotsanangura chinangwa choUmambo hwaMwari.

NoUmambo uhwu, zita raMwari richatsveneswa. Richacheneswa pakuzvidzwa kwose kwarakaitwa pamusana pokupanduka kwaSatani nomunhu. Izvi zvinokosha. Kuti zvisikwa zvose zvakangwara zvifare zvinobva pakuona kwazvinoita zita raMwari sedzvene uye kubvuma kuti ndiye ane kodzero yokutonga.—Zvakazarurwa 4:11.

Uyezve, Umambo hwacho hunogadzwa kuti ‘zvinoda Mwari zviitwe, sezvazvinoitwa kudenga, nepasi pano zviitewo saizvozvo.’ Uye zvaanoda zvacho ndezvipi? Ndezvokuti ukama hwaMwari nevanhu hwakaraswa naAdhamu huvepozve. Umambo huchaitawo kuti chinangwa chaChangamire Wezvose Zvakasikwa, Jehovha, chiitike, chokuita kuti pasi rino rive paradhiso inenge iine vanhu vakanaka vanogona kuzorarama nokusingaperi. Chokwadi, Umambo hwaMwari huchagadzirisa zvose zvinokuvadza zvakakonzerwa nechivi chepakutanga uye huchaita kuti chinangwa chaMwari chorudo nokuda kwepasi chizadzike. (1 Johani 3:8) Kutaura zvazviri, Umambo uhwu nezvahuchaita, ndizvo zvinonyanya kutaurwa nezvazvo muBhaibheri.

Hunopfuura Humwe Hwose Munzirai?

Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo ine simba guru. Muprofita Dhanieri akatiudza zvishomanana zvinoratidza kuti hune simba zvakadini. Kare kare, akafanotaura kuti: “Mwari wokudenga achamutsa umambo . . . huchapwanya, hwogumisa umambo hwose” hwevanhu. Uyezve, kusiyana nehurumende dzevanhu, dzinouya dzichipfuura nokufamba kunoita nguva, Umambo hwaMwari hahu“zomboparadzwi.” (Dhanieri 2:44) Handizvo zvoga. Muzvinhu zvose, Umambo uhwu hunopfuura nokure hurumende yevanhu chero ipi zvayo.

Umambo hwaMwari huna Mambo anopfuura vamwe vose. Chimbofunga kuti Mambo wacho ndiani. Pane ‘zvaakarota nezvaakaratidzwa,’ Dhanieri akaona Mutongi woUmambo hwaMwari akaita so“mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu” achiunzwa pamberi paMwari Wemasimbaose uye achibva apiwa “ushe nokukudzwa noumambo.” (Dhanieri 7:1, 13, 14) Mwanakomana iyeye womunhu ndiJesu Kristu—Mesiya. (Mateu 16:13-17) Jehovha Mwari akasarudza Mwanakomana wake pachake, Jesu, kuti ave Mambo woUmambo Hwake. Paaiva pasi pano, Jesu akaudza vaFarisi vakanga vakaipa kuti: “Umambo hwaMwari huri pakati penyu,” achireva kuti Mambo womunguva yemberi woUmambo hwacho, akanga ari pakati pavo.—Ruka 17:21.

Munhu upi ane zvaakaita zvingaenzana nezvakaitwa naJesu soMutongi? Jesu akatoratidza kuti akarurama kwazvo, akavimbika, uye kuti Mutungamiriri ane tsitsi. Evhangeri dzinomuratidza somurume aikurumidza kuita zvinhu uyewo somunhu aiva noushamwari nemanzwiro. (Mateu 4:23; Mako 1:40, 41; 6:31-34; Ruka 7:11-17) Uyezve, Jesu akamutswa, haafi, uye anogona kuita zvose zvisingagoni kuitwa nevanhu.—Isaya 9:6, 7.

Jesu nevaachatonga navo vanotonga vari panzvimbo yakakwirira kupfuura dzimwe dzose. Pane zvaakaratidzwa achirota, Dhanieri akaonawo kuti “umambo noushe . . . zvakapiwa vanhu vari vatsvene.” (Dhanieri 7:27) Jesu haatongi ari oga. Ane vamwe vaachatonga navo vachange vari madzimambo uye vachashanda sevapristi. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:6) Nezvavo muapostora Johani akanyora kuti: “Ndakaona, uye, tarira! Gwayana rimire paGomo reZiyoni, riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina . . . vakatengwa vachibva panyika.”—Zvakazarurwa 14:1-3.

Gwayana ndiJesu Kristu pashure pokunge agadzwa kuva Mambo woUmambo. (Johani 1:29; Zvakazarurwa 22:3) Gomo reZiyoni iri rinoreva matenga. * (VaHebheru 12:22) Jesu nevamwe vake vane 144 000 vari kutonga vari kudenga. Chokwadi vanotonga vari panzvimbo yakakwirira zvikuru! Vari kudenga, vanoona zvinhu nenzira yakajeka. Sezvo huri kudenga, “umambo hwaMwari” hunonziwo “umambo hwokumatenga.” (Ruka 8:10; Mateu 13:11) Hakuna zvombo, kunyange kurwisa nezvombo zvenyukireya, kungakanganisa uye kungaparadza hurumende iyi yokudenga. Hahukundiki uye huchazadzisa chinangwa chaJehovha.—VaHebheru 12:28.

Umambo hwaMwari hune vamiririri vakavimbika pasi pano. Tinozviziva sei? Pisarema 45:16 rinoti: ‘Uchagadza machinda panyika yako.’ Ari kunzi ‘Uchagadza’ muuprofita uhwu, Mwanakomana waMwari. (Pisarema 45:6, 7; VaHebheru 1:7, 8) Saka, Jesu Kristu pachake achagadza machinda anenge ari vamiririri. Tinogona kuva nechokwadi chokuti vachava vakatendeka pakuita zvaanovarayira. Kunyange iye zvino, varume vanoshanda sevakuru muungano yechiKristu vanodzidziswa kuti ‘vasazviite madzishe’ pane vamwe vavo vavanonamata navo, asi kuti vavadzivirire, vavazorodze, uye vavanyaradze.—Mateu 20:25-28; Isaya 32:2.

Umambo hwacho hune vanhu vakarurama. Mwari anovaona sevasina chavanopomerwa uye vakarurama. (Zvirevo 2:21, 22) “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika,” rinodaro Bhaibheri, “uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:11) Vanhu vanotongwa noUmambo uhwu vanyoro—vanodzidzisika uye vanozvininipisa. Vanonyanya kuda zvinhu zvokunamata. (Mateu 5:3) Vanoda kuita zvakarurama uye vanoteerera zvavanorayirwa naMwari.

Umambo hwaMwari hune mitemo inopfuura mimwe yose. Mitemo inoshandiswa noUmambo hwacho inobva kuna Jehovha Mwari pachake. Pane kutidzvinyirira, inotibatsira. (Pisarema 19:7-11) Vanhu vakawanda vari kutobatsirwa nokurarama vachishandisa zvinodiwa naJehovha, zvakarurama. Somuenzaniso, kuteerera zano reBhaibheri rine chokuita nevarume, vakadzi, uye vana kunonatsiridza upenyu hwedu hwemhuri. (VaEfeso 5:33–6:3) Patinoteerera murayiro wokuti ‘tipfeke rudo,’ ukama hwedu nevamwe hunovandudzika. (VaKorose 3:13, 14) Patinorarama tichishandisa mitemo yomuMagwaro, tinova nemiitiro yakanaka yokushanda uye tinoona mari zviri pakati nepakati. (Zvirevo 13:4; 1 Timoti 6:9, 10) Kusadhakwa, kusaita unzenza, kusasvuta uye kushandisa zvinodhaka kunotibatsira kuchengetedza utano hwedu.—Zvirevo 7:21-23; 23:29, 30; 2 VaKorinde 7:1.

Umambo hwaMwari ihurumende yakagadzwa naMwari. Mambo wahwo—Mesiya, Jesu Kristu—uye vaya vose vaachatonga navo vane mutoro kuna Mwari wokuchengeta mitemo yake yakarurama uye ine rudo. Vanotongwa noUmambo hwacho, kusanganisira vamiririri vahwo vepasi pano, vanofarira kurarama vachishandisa mitemo yaMwari. Saka Mwari ndiye anonyanya kukosha muupenyu hwevatongi ava nevachatongwa noUmambo hwacho. Naizvozvo, Umambo ihurumende chaiyo—kutonga kunoitwa naMwari. Hunotobudirira chete mukuita chinangwa chakaita kuti hugadzwe. Asi Umambo hwaMwari hunozivikanwawo soUmambo hwaMesiya, hwakatanga kutonga rini?

Umambo Hunotanga Kutonga

Zvinoita kuti tinzwisise panotanga kutonga Umambo tinozviwana mumashoko aJesu. “Jerusarema richatsikwa-tsikwa nemamwe marudzi,” akadaro, “kusvikira nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi dzakwana.” (Ruka 21:24) Jerusarema ndiro bedzi guta mupasi rose raiva nechokuita zvakananga nezita raMwari. (1 Madzimambo 11:36; Mateu 5:35) Raiva guta guru raimiririra umambo hwakanga hwatenderwa naMwari hwepasi pano. Guta iri raifanira kutsikwa-tsikwa nemamwe marudzi mukuti kutonga kwaiita Mwari vanhu vake kwaizombomiswa nehurumende dzenyika. Izvi zvaizotanga rini?

Mambo wokupedzisira kugara pachigaro choumambo chaJehovha muJerusarema akaudzwa kuti: “Bvisa ngowani, ubvise korona. . . . Hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika, uye ndichamupa izvozvo.” (Ezekieri 21:25-27) Korona yaifanira kubviswa mumusoro wamambo wacho, uye kutonga kwaMwari vanhu Vake kwaifanira kumbomiswa. Izvi zvakaitika muna 607 B.C.E. vaBhabhironi pavakaparadza Jerusarema. Mu“nguva dzakatarwa” dzaizotevera, Mwari aisazova nehurumende pasi pano yaimiririra kutonga kwake. Paizopera nguva iyoyo ndipo bedzi apo Jehovha aizopa simba rokutonga kune munhu “ane kodzero yepamutemo”—Jesu Kristu. Nguva iyoyo yaizova yakareba sei?

Uprofita huri mubhuku reBhaibheri raDhanieri hunoti: “Rigai muti, muuparadze. Asi, siyai chigutsa chawo chiri muvhu, asi chakasungwa nechisungo chesimbi nechemhangura . . . kusvikira nguva nomwe dzapera chiripo.” (Dhanieri 4:23) Sezvatichaona, “nguva nomwe” dziri kutaurwa pano dzakareba zvakafanana “nenguva dzakatarwa dzemamwe marudzi.”

MuBhaibheri, vanhu, vatongi, uye umambo pane dzimwe nguva vanomiririrwa nemiti. (Pisarema 1:3; Jeremiya 17:7, 8; Ezekieri, chitsauko 31) Muti wokufananidzira “waioneka kumugumo kwenyika yose.” (Dhanieri 4:11) Saka, umambo hunomiririrwa nomuti waifanira kurigirwa pasi wosungwa nezvisungo hwaisvika “kumugumo wenyika,” kusanganisira umambo hwose hwevanhu. (Dhanieri 4:17, 20, 22) Saka muti wacho unomiririra kutonga kwaMwari kunopfuura kumwe kwose, zvikurukuru pazvinhu zvakwo zvine chokuita nepasi rino. Kutonga uku kwakamboitwa pasi pano kwenguva yakati noumambo hwakagadzwa naJehovha kuti hutonge vaIsraeri. Muti wokufananidzira uyu wakatemwa, uye chigutsa chawo chakasungwa nezvisungo zvesimbi nemhangura kuitira kuti chirege kukura. Izvi zvakaratidza kuti vaimiririra umambo hwaMwari pasi pano vaizorega kuvapo, sezvakaitika muna 607 B.C.E.—asi kwete zvechigarire. Muti wacho waizoramba wakasungwa nechisungo kusvikira “nguva nomwe” dzapfuura. Paizopera nguva iyoyo, Jehovha aizopa umambo kumugari wenhaka wepamutemo, Jesu Kristu. Zviri pachena kuti “nguva nomwe” uye “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzinoreva nguva imwe chete.

Bhaibheri rinotibatsira kuziva urefu hwe“nguva nomwe.” Rinoti mazuva 1 260 akaenzana ne“nguva [nguva imwe chete] nedzimwe nguva [nguva mbiri, huzhinji] nehafu yenguva”—yose zvayo iri “nguva” nhatu nehafu. (Zvakazarurwa 12:6, 14) Izvi zvinoreva kuti nhamba yacho ikapetwa kaviri, kana kuti nguva nomwe, inokwana mazuva 2 520.

Tikaverenga mazuva 2 520 chaiwo kubva muna 607 B.C.E. tinosvika muna 600 B.C.E. Zvisinei, nguva nomwe dzakapfuura ipapa. Dzakanga dzichiri kuenderera mberi Jesu paakataura nezve“nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi.” Saka, nguva nomwe, ndedzouprofita. Naizvozvo, tinofanira kushandisa murayiro womuMagwaro unoti: “Zuva rimwe chete richava gore.” (Numeri 14:34; Ezekieri 4:6) Tikashandisa izvi, nguva nomwe dzinotongwa nyika nemasimba enyika pasina kupindira kwaMwari dzinova makore 2 520. Tikaverenga makore 2 520 kubvira muna 607 B.C.E. tinosvika muna 1914 C.E. Iroro ndiro gore rakaguma nguva nomwe kana kuti “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi.” Izvi zvinoreva kuti Jesu Kristu akatanga kutonga saMambo woUmambo hwaMwari muna 1914.

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

Sezvo Umambo hwaMesiya hwakatogadzwa kudenga, tinofanira kuramba tichihunyengeterera kuti huuye sezvakadzidziswa naJesu mumunyengetero wokuenzanisira here? (Mateu 6:9, 10) Hungu. Zvakakodzera kukumbira izvi uye zvichiri kukosha. Umambo hwaMwari huchashandisa simba rahwo rose pasi pano.

Chokwadi vanhu vakatendeka vachawana zvikomborero pachaitika izvi! Bhaibheri rinoti: “Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Panguva iyoyo, “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) Vaya vanofadza Mwari vachawana upenyu husingaperi. (Johani 17:3) Sezvatinomirira kuzadzika kwezvinhu izvi nohumwe uprofita hunofadza hweBhaibheri, ‘ngatirambei tichitanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari.’—Mateu 6:33.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare akatorera vaJebhusi Gomo reZiyoni repasi pano achibva ariita guta rake. (2 Samueri 5:6, 7, 9) Akaendesawo Areka tsvene kunzvimbo iyi. (2 Samueri 6:17) Sezvo Areka yairatidza kuvapo kwaJehovha, Ziyoni rainzi nzvimbo inogara Mwari, zvichiita kuti ikodzere kufananidzira kudenga.—Eksodho 25:22; Revhitiko 16:2; Pisarema 9:11; Zvakazarurwa 11:19.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Jehovha akasarudza Jesu Kristu kuti ave Mambo woUmambo Hwake

[Girafu/Mifananidzo iri papeji 6]

Makore 2 520

October 607 ◀B.C.E. C.E.▸ October 1914

Makore 606 Makore 1 913 nemwedzi nemwedzi mitatu mipfumbamwe

“Nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzakatanga muna 607 B.C.E. uye dzakaguma muna 1914 C.E.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vanhu vachange vari pasi vachatongwa noUmambo hwaMwari vachawana zvikomborero zvakawanda