Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChitatu nereChina reMapisarema

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChitatu nereChina reMapisarema

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChitatu nereChina reMapisarema

ACHINYENGETERA kuna Mwari, munyori wemapisarema akabvunza kuti: “Mutsa wenyu worudo uchaziviswa muguva, uye kutendeka kwenyu munzvimbo yokuparadzwa here?” (Pisarema 88:11) Kutaura zvazviri, mhinduro yacho ndeyokuti kwete. Tisina upenyu, hatigoni kurumbidza Jehovha. Zvakanaka kuti tirambe tichiraramira kurumbidza Jehovha, uye kuva vapenyu kunofanira kutikurudzira kumurumbidza.

Bhuku reChitatu nereChina reMapisarema, rine Mapisarema 73 kusvika ku106, rinotiudza zvikonzero zvakawanda zvokurumbidza Musiki uye kukudza zita rake. Kufungisisa nezvemapisarema aya kunofanira kuita kuti tionge zvakanyanya “shoko raMwari” uye kuita kuti tiwedzere uye tinatsiridze marumbidziro atinomuita. (VaHebheru 4:12) Tiine pfungwa yokuda kuziva, ngatitangei kuona Bhuku reChitatu reMapisarema.

“KUSWEDERA PEDYO NAMWARI KWAKANDINAKIRA”

(Pisarema 73:1–89:52)

Mapisarema 11 okutanga ari mubhuku rechitatu akanyorwa naAsafi kana kuti nevamwe vomuimba yaAsafi. Rwiyo rwokutanga runotsanangura chakaita kuti Asafi asatsauswa nemafungiro akaipa. Akazoguma ava nemafungiro akarurama. “Asi ini,” anoimba achidaro, “kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.” (Pisarema 73:28) Kuchema pamusoro pokuparadzwa kweJerusarema kunozotevera muPisarema 74. Mapisarema 75, 76, ne77 anoratidza Jehovha soMutongi akarurama, Muponesi wevanhu vanyoro, uye Munzwi womunyengetero. Pisarema 78 rinodzokorora zvakaitika kare kuvaIsraeri kubvira munguva yaMosesi kusvika kunguva yaDhavhidhi. Pisarema rechi79 rinotaura nezvokuchema uye kuparadzwa kwetemberi. Rinozotevera racho munyengetero wokudzorerwa kwevanhu vaMwari kunyika yavo. Pisarema 81 rinokurudzira kuteerera Jehovha. Mapisarema 82 ne83 minyengetero yokuti Mwari atonge vatongi vane uori pamwe chete nevavengi vaMwari.

Rumwe rwiyo rwevanakomana vaKora runoti, “Mweya wangu wasuwa zvivanze zvaJehovha uye waperawo simba nokuda kwazvo.” (Pisarema 84:2) Pisarema 85 chikumbiro chokuti Mwari akomborere vaya vakadzoka vachibva kwavakanga vatapwa. Pisarema iri rinosimbisa kuti zvikomborero zvokunamata ndizvo zvinonyanya kukosha kudarika zvikomborero zvezvinhu zvokunyama. MuPisarema 86, Dhavhidhi anokumbira Mwari kuti amurinde nokumurayiridza. MuPisarema 87, rwiyo runotaura nezveZiyoni nevaya vakaberekerwa ikoko runoteverwa nomunyengetero kuna Jehovha muPisarema 88. Mutsa worudo waJehovha sokuratidzwa kwawakaitwa musungano yaDhavhidhi unosimbiswa muPisarema 89, rakanyorwa naEtani, zvichida aiva mumwe wevarume vana vakanga vakachenjera mumazuva aSoromoni.—1 Madzimambo 4:31.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

73:9—Vakaipa ‘vakaisa sei miromo yavo mumatenga chaimo, uye rurimi rwavo runofamba-famba sei munyika’? Sezvo vakaipa vasina basa naani naani ari kudenga kana panyika, havazezi kutaura zvakaipa nezvaMwari nemiromo yavo. Vanocherawo vanhu norurimi rwavo.

74:13, 14—Jehovha ‘akaputsa rini misoro yemazimhuka omugungwa ari mumvura nokupwanya misoro yeRevhiatani’? “Farao mambo weIjipiti,” anonzi “zimhuka romugungwa rakazvambarara mumigero yorwizi rwaNire.” (Ezekieri 29:3) Revhiatani ingamiririra “vanhu vakasimba vaFarao.” (Pisarema 74:14, Ref., mashoko omuzasi) Kupwanywa kwemisoro yavo kungangoreva kukundwa kwakaitwa Farao neuto rake Jehovha paakanunura vaIsraeri kubva muuranda muIjipiti.

75:4, 5, 10—Shoko rokuti “nyanga” rinofananidzirei? Nyanga dzemhuka zvombo zvine simba kwazvo. Saka shoko rokuti “nyanga” rinofananidzira simba. Jehovha anosimudza nyanga dzevanhu vake, achiita kuti vakwidziridzwe, asi ‘anogura nyanga dzevakaipa.’ Tiri kunyeverwa kuti ‘tisakwidziridza nyanga yedu kumusoro’ pakuti hatifaniri kuva nemafungiro okudada kana kuti okuzvikudza. Sezvo Jehovha ari iye anokwidziridza, mabasa okutarisira atinopiwa muungano anofanira kuonekwa seari kubva kwaari.—Pisarema 75:7.

76:10—“Hasha dzomunhu” dzingarumbidza sei Jehovha? Mwari paanobvumira vanhu kuti vatiitire hasha nokuti tiri vashumiri vake, zvinogona kubudisa mugumisiro wakanaka. Chero zvipi nezvipi zvakaoma zvingaitika kwatiri zvinogona kutirovedza neimwe nzira. Jehovha anobvumira kutambura kusvika pokuti kungotirovedza. (1 Petro 5:10) ‘Hasha dzomunhu dzinenge dzasara, Mwari anozvisunga nadzo.’ Asi zvakadii kana tikatambura zvokutosvika pakufa? Izviwo zvinogona kuita kuti Jehovha arumbidzwe nokuti vaya vanotiona tichiramba tichitsungirira takatendeka vangatangawo kurumbidza Mwari.

78:24, 25; Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona—Nei mana ichinzi “zviyo zvokudenga” uye “chingwa chavatumwa”? Mashoko acho ose haarevi kuti mana yaiva zvokudya zvengirozi. Yaiva “zviyo zvokudenga” mukuti yaibva kudenga. (Pisarema 105:40) Sezvo ngirozi, kana kuti “vane simba,” dzichigara kudenga, mashoko okuti “chingwa chengirozi” angangoreva kuti mana yakapiwa naMwari, uyo anogara kudenga. (Pisarema 11:4) Jehovha angavewo akashandisa ngirozi kuti dzipe vaIsraeri mana.

82:1, 6—Ndivanaani vari kunzi “vanamwari” uye “vanakomana voWokumusorosoro”? Mashoko acho ose anoreva vatongi vevanhu vaiva muIsraeri. Izvi zvakakodzera sezvo vaifanira kushumira sevatauriri nevamiririri vaMwari.—Johani 10:33-36.

83:2—‘Kusimudza musoro’ kunorevei? Kusimudza musoro uku kunoratidza kugadzirira kushandisa simba kana kuita chimwe chinhu, kazhinji kacho kushora, kurwisa, kana kuti kudzvinyirira.

Zvatinodzidza:

73:2-5, 18-20, 25, 28. Hatifaniri kuitira shanje kubudirira kwevakaipa uye kutevedzera mararamiro avo asingadiwi naMwari. Vakaipa vari panotsvedza. Chokwadi ‘vachaparara.’ Uyezve, sezvo uipi husingagoni kubviswa munguva inenge ichitonga vanhu vasina kukwana, zvose zvatinoedza kuita kuti tihubvise zvingashaya basa. Kufanana naAsafi, tinoratidza kuti takachenjera kana tikarwisana nouipi no“kuswedera pedyo naMwari” uye nokufarira kuva noukama hwepedyo Naye.

73:3, 6, 8, 27. Tinofanira kungwarira kuti tisazvitutumadze, tisazvikudze, tisazvidze, uye tisabiridzira. Tinofanira kudzivisa izvi kunyange zvazvo kuita zvinhu izvi kungaita sokuti kwakatinakira.

73:15-17. Patinovhiringidzika pakufunga, hatifaniri kungotaura zvinenge zvichitinetsa kuvanhu vose. Kutaura “nyaya yakadaro” kunongoodza mwoyo vamwe. Tinofanira kufungisisa takadzikama zvinenge zvichitinetsa tozvigadzirisa nokushamwaridzana nevamwe vatinonamata navo.—Zvirevo 18:1.

73:21-24. Kuva ‘neshungu pamwoyo’ nokuona vakaipa vachiita sevari kubudirira kwakafanana nokuita semhuka dzisingafungi. Kuva neshungu kwakadai kunongoitwa nomunhu asina kunyatsofunga, kunokonzerwa zvikurukuru nemanzwiro anoita munhu. Pane kudaro, tinofanira kutungamirirwa nezano raJehovha, tichinyatsovimba kuti ‘achatibata noruoko rwake rworudyi’ otitsigira. Uyezve, Jehovha ‘achatiendesa kukubwinya,’ kureva kuti tichava noukama hwapedyo naye.

77:6. Kuti tikoshese nomwoyo wose chokwadi chine chokuita nokunamata uye kunyatsochiongorora kunoda nguva yokuti tidzidze nokufungisisa. Zvinokosha kwazvo kuti titsaure nguva yokumbova toga muupenyu hwedu!

79:9. Jehovha anoteerera minyengetero yedu, kunyanya kana ichitaura nezvokutsveneswa kwezita rake.

81:13, 16. Kuteerera inzwi raJehovha nokufamba munzira dzake kunoita kuti tikomborerwe zvikuru.—Zvirevo 10:22.

82:2, 5. Kusaruramisira ‘kunozunungusa nheyo dzose dzenyika.’ Kuita zvinhu nokusaruramisira kuri kukanganisa kugadzikana kwevanhu.

84:1-4, 10-12. Kuratidza kuonga nzvimbo yokunamatira yaJehovha kwevanyori vemapisarema uye kugutsikana kwavo nemabasa aikosha kunotisiyira mienzaniso yokutevedzera.

86:5. Tinogona kuonga Jehovha kwazvo kuti “akagadzirira kukanganwira”! Anogara achitsvaka uchapupu hupi nohupi hungaita kuti anzwire tsitsi mutadzi anopfidza.

87:5, 6. Vaya vachawana upenyu mupasi rinenge riri Paradhiso vachazomboziva here mazita evaya vachamutsirwa kuupenyu hwokudenga? Ndima idzi dzinoratidza kuti vangangoziva.

88:13, 14. Kunonoka kupindurwa kungaitwa minyengetero yedu nokuda kwechimwe chinhu chinenge chichitinetsa kungareva kuti Jehovha anenge achida kuti tiratidze kuti takazvipira kwaari zvechokwadi.

“MUONGEI, RUMBIDZAI ZITA RAKE”

(Mapisarema 90:1–106:48)

Chimbofunga nezvezvikonzero zvakasiyana-siyana zvokurumbidza Jehovha zviri mubhuku rechina remapisarema. MuPisarema 90, Mosesi anoratidza kusiyana kwakaita kuvapo kwa“Mambo asingagumi” noupenyu hwomunhu husingagari. (1 Timoti 1:17) Maererano nePisarema 91:2, Mosesi anotaura nezvaJehovha achiti ndiye ‘nzvimbo yake yokupotera nenhare yake’—munhu anomuchengetedza. Mapisarema mashomanana anozotevera anotaura nezvounhu hwakanaka kwazvo hwaMwari, pfungwa dzake dzakakwirira, uye mabasa ake anoshamisa. Nziyo nhatu dzinotanga nemashoko okuti “Jehovha ava mambo.” (Pisarema 93:1; 97:1; 99:1) Achitaura nezvaJehovha soMuiti wedu, munyori wepisarema anotikumbira achiti “muongei, rumbidzai zita rake.”—Pisarema 100:4.

Mambo anotya Jehovha anofanira kutonga sei? Pisarema 101, rakanyorwa naMambo Dhavhidhi, rinopindura izvozvo. Pisarema rinotevera rinotiudza kuti Jehovha “achateerera munyengetero wevaya vakapfekenurwa zvinhu zvose, haazozvidzi munyengetero wavo.” (Pisarema 102:17) Pisarema rechi103 rinotaura nezvomutsa worudo waJehovha nengoni dzake. Achitaura nezvemabasa akawanda akaitwa naMwari pasi pano, munyori wepisarema akati: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Ose zvawo makaaita nouchenjeri.” (Pisarema 104:24) Nziyo mbiri dzokupedzisira dziri Mubhuku reChina dzinorumbidza Jehovha nokuda kwemabasa ake anoshamisa.—Pisarema 105:2, 5; 106:7, 22.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

91:1, 2—“Nzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro,” chii uye ‘tingagara sei’ ikoko? Iyi inzvimbo yokufananidzira yakachengeteka mune zvokunamata—mamiriro ezvinhu anotidzivirira kuti tisakuvadzwe mune zvokunamata. Nzvimbo yacho yakavanda nokuti haizivikanwi nevaya vasingavimbi naMwari. Tinoita kuti Jehovha ave nzvimbo yedu yokugara nokutarira kwaari senzvimbo yedu yokupotera uye nhare yedu, nokumurumbidza kuti ndiye Changamire Mutongi wezvose zvakasikwa, uye nokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Tinonzwa takachengeteka mune zvokunamata nokuti tinoziva kuti nguva dzose Jehovha akagadzirira kutibatsira.—Pisarema 90:1.

92:12—Munhu akarurama ‘anotumbuka sezvinoita muchindwe’ munzirai? Muchindwe unonyanya kuzivikanwa pamusana pokubereka kwaunoita. Munhu akarurama akafanana nomuchindwe mukuti akarurama mumaziso aJehovha uye kuti anoramba achibereka “chibereko chakanaka,” chinosanganisira mabasa akanaka.—Mateu 7:17-20.

Zvatinodzidza:

90:7, 8, 13, 14. Pose patinoita zvakaipa tinokanganisa ukama hwedu naMwari wechokwadi. Uye zvivi zvakavanzika hazvigoni kuvanzwa kwaari. Zvisinei, kana tikanyatsopfidza tosiya mararamiro edu akaipa, Jehovha anotinzwirazve nyasha, ‘otigutsa nomutsa wake worudo.’

90:10, 12. Sezvo upenyu huri hupfupi, tinofanira ‘kunyatsoverenga mazuva edu.’ Sei? Nokuva “nomwoyo wakachenjera,” kana kuti nokushandisa uchenjeri kuitira kuti tisatambisa mazuva edu asara, asi tiararame nenzira inofadza Jehovha. Izvi zvinoda kuti tikoshese zvokunamata nokushandisa nguva yedu nokuchenjera.—VaEfeso 5:15, 16; VaFiripi 1:10.

90:17. Zvakakodzera kunyengeterera kuti Jehovha ‘asimbise basa remaoko edu’ uye kuti akomborere zvatinoita muushumiri.

92:14, 15. Kana vakwegura vakadzidza Shoko raMwari nokushingaira uye vakagara vachishamwaridzana nevanhu vaJehovha, vanogona kuramba vaine “simba uye vari vatsva”—vakasimba mune zvokunamata—uye vachava nhengo dzinokosha muungano.

94:19. Chero zvipi zvazvo ‘zvinganetsa pfungwa,’ kuverenga nokufungisisa mashoko o“kunyaradza” ari muBhaibheri kuchatinyaradza.

95:7, 8. Kuteerera zano rinobva muMagwaro, kurifungisisa, uye kukurumidza kurishandisa kuchaita kuti tisave vanhu vakaoma mwoyo.—VaHebheru 3:7, 8.

106:36, 37. Ndima idzi dzinoti kunamata zvidhori kwakabatana nezvibayiro zvinopiwa madhimoni. Izvi zvinoratidza kuti munhu anoshandisa zvidhori angave achidzorwa nemadhimoni. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Zvichenjererei pazvidhori.”—1 Johani 5:21.

“Rumbidzai Jah!”

Nziyo nhatu dzokupedzisira dziri Mubhuku reChina reMapisarema dzinogumisa nokurayira kuti: “Rumbidzai Jah!” Pisarema rokugumisa rinotangawo nemashoko iwaya. (Pisarema 104:35; 105:45; 106:1, 48) Kutaura zvazviri, mashoko okuti “Rumbidzai Jah!” anowanika kakawanda Mubhuku reChina remapisarema.

Chokwadi tine chikonzero chokurumbidza Jehovha. Mapisarema 73 kusvika ku106 atiudza zvakawanda zvokufunga nezvazvo, azadza mwoyo yedu nokuonga Baba vedu vokudenga. Patinofunga nezvezvose zvaakatotiitira uye zvaachatiitira mune ramangwana, hatikurudzirwi ‘kurumbidza Jah’ nesimba redu rose here?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kufanana naAsafi, tinogona kukunda uipi ‘nokuswedera pedyo naMwari’

[Mufananidzo uri papeji 11]

Farao akakundwa paGungwa Dzvuku

[Mufananidzo uri papeji 11]

Unoziva here kuti nei mana ichinzi “chingwa chevane simba”?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Zvii zvinotibatsira kubvisa zvinenge ‘zvichitinetsa mupfungwa’?