Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chiri “Mazuva Okupedzisira”?

Chii Chiri “Mazuva Okupedzisira”?

Chii Chiri “Mazuva Okupedzisira”?

UNONETSEKA here kuti ramangwana rako nerevadiwa vako richange rakadini? Vanhu vakawanda vanonyatsoteerera zvinobudisa nhau kuti vaone kuti zviitiko zvenyika zvingakanganisa sei upenyu hwavo. Zvisinei, kufungisisa Shoko raMwari rakafuridzirwa kunoita kuti tive nenzwisiso yechokwadi. Izvi zvinoitika nokuti Bhaibheri kare kare harina kungofanotaura mamiriro ezvinhu asiwo zvaizoitika.

Somuenzaniso, Jesu Kristu paaiva pasi pano, akataura zvakanyanya nezvoUmambo hwaMwari. (Ruka 4:43) Sezvingatarisirwa, vanhu vakamunzwa vaida kuziva kuti Umambo ihwohwo hunoshamisa hwaizouya rini. Zvechokwadi, mazuva matatu Jesu asati aurayiwa nenzira isina kururama, vadzidzi vake vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu [musimba roUmambo] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mateu 24:3) Jesu akavaudza kuti Jehovha Mwari bedzi ndiye aiziva nguva chaiyo yaizotonga Umambo zvakakwana pasi pano. (Mateu 24:36; Mako 13:32) Zvisinei, Jesu nevamwe vakafanotaura zvimwe zvinhu zvaizoitika pasi pano zvaizopupurira kuti Kristu akanga ari kutonga musimba roUmambo.

Tisati taongorora uchapupu hunooneka hwokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu aripo panguva ino, ngatimbokurukurai muchidimbu chakaitika chinokosha mumatenga. (2 Timoti 3:1) Jesu Kristu akava Mambo mudenga mugore ra1914. * (Dhanieri 7:13, 14) Achangobva kupiwa simba roUmambo, Jesu akaita chimwe chinhu. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Hondo yakavapo mudenga: Mikaeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa.” (Zvakazarurwa 12:7) “Mikaeri ngirozi huru” ndiJesu Kristu ari munzvimbo yake yokudenga. * (Judha 9; 1 VaTesaronika 4:16) Dhiragoni ndiSatani Dhiyabhorosi. Chii chakaitika kuna Satani nengirozi dzake dzakaipa, dzinonzi madhimoni? Vakakundwa muhondo yacho uye va“kakandwa panyika,” kana kuti vakadzingwa kudenga. (Zvakazarurwa 12:9) Saka ‘matenga nevaya vanogara maari,’ kureva, vanakomana vaMwari vomudzimu vakatendeka, vakafara. Zvisinei, vanhu havasati vambofara zvakadaro. “Mune nhamo imi nyika,” rakafanotaura kudaro Bhaibheri, “nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:12.

Akatsamwa, Satani akaunzira vaya vanogara pasi pano nhamo—kutambura uye kurwadziwa. Zvisinei, nhamo iyoyo ichava ye“nguva pfupi.” Bhaibheri rinoti nguva iyi “mazuva okupedzisira.” Tinogona kufara kuti nokukurumidza kukanganisa kunoita Dhiyabhorosi nyika ino kuchabviswa zvachose. Asi chii chinoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kuti uwane mamwe mashoko, ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? mapeji 218-19, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 2]

BUTIRO: Foreground: © Chris Stowers/​Panos Pictures; background: FAROOQ NAEEM/​AFP/​Getty Images