Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Hatingaregi Kutaura nezvaJesu’

‘Hatingaregi Kutaura nezvaJesu’

“Tinofanira Kuteerera Mwari Somutongi Panzvimbo Pevanhu”

‘Hatingaregi Kutaura nezvaJesu’

IGORE ra33 C.E., uye nzvimbo yacho idare rakaisvonaka revaJudha riri muJerusarema. Mudare umu, Sanihedrini yava kuda kutonga vateveri vaJesu Kristu 12. Nei? Nokuti vanga vachiparidza nezvaJesu. Muapostora Petro naJohani vamira pamberi pedare kechipiri. Vamwe vaapostora vari kutongwa kokutanga.

Mupristi mukuru anoudza vaapostora 12 zvakarayirwa nedare pavakambotongwa. Panguva iyoyo, pavakarayirwa kuti varege kudzidzisa nezvaJesu, muapostora Petro naJohani vakapindura kuti: “Kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari, tongai henyu. Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” Pashure pokunge vanyengeterera ushingi, vadzidzi vaJesu vakaramba vachizivisa mashoko akanaka.—Mabasa 4:18-31.

Achiziva kuti kutyisidzira kwaakanga ambovaita kwakanga kusina kushanda, pakutonga kuno kwechipiri mupristi mukuru anoti: “Takakurayirai kwazvo kuti murege kuramba muchidzidzisa nezvezita iri, asi tarirai! mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu, uye makatsunga kuunza ropa romunhu uyu pamusoro pedu.”—Mabasa 5:28.

Kuramba Vakatsunga

Vachipindura noushingi, Petro nevamwe vaapostora vanoti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Zvechokwadi, pane kuteerera vanhuwo zvavo, tinofanira kuteerera Jehovha kana zvinotaurwa nevanhu zvikapesana nezvaanorayira. *

Mashoko evaapostora anosimbisa kuzvipira kwavo kuna Mwari anofanira kuita kuti nhengo dzeSanihedrini dzigutsikane. Kana vaizobvunzwa nezvokuteerera Mwari, vatungamiriri ava vechiJudha vaifanira kupindura pamwe chete kuti: “Kuteerera Mwari.” Zvechokwadi, havatendi here kuti Mwari ndiye Changamire Ishe wezvose zvakasikwa?

Zviri pachena kuti, achimiririra vaapostora vose, Petro anotaura kuti panyaya dzine chokuita noushumiri hwavo, vanoteerera Mwari panzvimbo pevanhu. Saka, anoita kuti kupomerwa kwevaapostora kuti havateereri kushayiwe simba. Kubva pane zvakaitika kunyika yavo, nhengo dzeSanihedrini dzinoziva kuti pane dzimwe nguva pazvinenge zvakanyatsonaka kuteerera Mwari panzvimbo pevanhu. Vananyamukuta vaviri vokuIjipiti vakaratidza kuti vaitya Mwari, kwete Farao, pavaichengetedza vanakomana vaiberekwa nevakadzi vechiHebheru vari vapenyu. (Eksodho 1:15-17) Paakamanikidzwa kuti akande mapfumo pasi, Mambo Hezekiya akateerera Jehovha, kwete Mambo Saniheribhi. (2 Madzimambo 19:14-37) Magwaro echiHebheru, anozivikanwa kwazvo nenhengo dzeSanihedrini, anosimbisa kuti Jehovha anotarisira kuti vanhu vake vamuteerere.—1 Samueri 15:22, 23.

Vanopiwa Mubayiro Wokuteerera

Zviri pachena kuti inenge nhengo imwe yedare repamusoro inobayiwa mwoyo nemashoko okuti “tinofanira kuteerera Mwari panzvimbo pevanhu.” Gamarieri, mutongi anoremekedzwa zvikuru mudare reSanihedrini, anonyengetedza dare racho kuti riteerere zano rake rokuchenjera risingataurirwi voruzhinji. Achitaura mienzaniso yomunguva yekare, Gamarieri anoti hakusi kuchenjera kuvhiringidza basa revaapostora. Anogumisa nokutaura kuti: “Musapindira mune zvevarume ava, asi varegei vakadaro; . . . kana zvisina kudaro, chokwadi zvimwe mungawanikwa muchirwisana naMwari.”—Mabasa 5:34-39.

Mashoko aGamarieri anoratidza kunzwisisa anoita kuti dare repamusoro ribvume kusunungura vaapostora. Kunyange zvazvo varohwa, vaapostora havambotyiswi neizvi. Asi, nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.”—Mabasa 5:42.

Vaapostora vakakomborerwa zvikuru pamusana pokuramba vachitaura kuti simba raMwari iguru! VaKristu vechokwadi nhasi vanofunga saizvozvo. Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichitarira kuna Jehovha soMutongi wazvo Mukuru. Kana vakarayirwa kuti vaite zvinopesana nezvinorayirwa naMwari, vanopindura sezvakaita vaapostora kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2006, September/October.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]

WAKAMBOSHAMISIKA HERE?

Munyori weEvhangeri Ruka akawana sei mashoko akataurwa naGamarieri nepo dare reSanihedrini rakanga riri roga? Mwari angave akafuridzira Ruka achimuzivisa mashoko aGamarieri. Zvichida, Pauro (aimbova mumwe wevadzidzi vaGamarieri) akaudza Ruka zvakataurwa naGamarieri. Kana kuti Ruka angadaro akabvunza imwe nhengo yedare repamusoro yainzwira tsitsi vaapostora.