Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvirevo

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvirevo

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvirevo

MAMBO SOROMONI weIsraeri yekare “aigona kutaura zvirevo zviuru zvitatu.” (1 Madzimambo 4:32) Tinogona kuwana zvirevo zvake zvokuchenjera here? Hungu, tinogona kuzviwana. Bhuku reBhaibheri raZvirevo, rakapera kunyorwa munenge muna 717 B.C.E., rine zvirevo zvaSoromoni zvakawanda. Zvitsauko zviviri zvokupedzisira chete ndizvo zvakanyorwa nevamwe vanyori—Aguri mwanakomana waJake uye mambo Remueri. Zvisinei, vamwe vanofunga kuti Remueri nderimwe zita raSoromoni.

Zvirevo zvakafuridzirwa zviri mubhuku raZvirevo zvine zvinangwa zviviri—“kuti munhu azive uchenjeri uye kurangwa.” (Zvirevo 1:2) Zvirevo izvi zvinotibatsira kuti tiwane uchenjeri, kureva mano okuona zvinhu nenzira yakajeka kwava kushandisa zivo kugadzirisa zvinetso. Nokuzvishandisa, tinorangwa, kana kuti tinorovedzwa tsika. Kunyatsofungisisa zvirevo izvi uye kuteerera zano razvo kungabatsira mwoyo yedu, kungaita kuti tifare, uye kungaita kuti tibudirire.—VaHebheru 4:12.

‘WANA UCHENJERI UYE BATISISA KURANGWA’

(Zvirevo 1:1–9:18)

“Uchenjeri hwechokwadi hunoramba huchishevedzera huri mumugwagwa,” anodaro Soromoni. (Zvirevo 1:20) Nei tichifanira kuteerera kushevedzera kwahunoita nenzwi guru uye rakajeka? Chitsauko 2 chinotaura zvikomborero zvakawanda zvokuwana uchenjeri. Matsvakiro atingaita ushamwari hwepedyo naJehovha anokurukurwa muchitsauko 3. Soromoni anobva ati: “Uchenjeri ndihwo chinhu chikuru pane zvose. Wana uchenjeri; uye pamwe chete nezvose zvaunowana, wana kunzwisisa. Batisisa kurangwa; usakuregedza.”—Zvirevo 4:7, 13.

Chii chichatibatsira kuti tidzivise nzira dzenyika dzounzenza? Chitsauko 5 chaZvirevo chinopindura chichiti: Shandisa mano okufunga, uye ziva nzira dzenyika dzinonyengera. Chimbofungawo migumisiro yakaipisisa yokuita unzenza. Chitsauko chinotevera chinonyevera pamusoro petsika uye mafungiro zvinokanganisa ukama hwedu naJehovha. Chitsauko 7 chinopa rondedzero yechokwadi yezvinoitwa nenzenza. Muchitsauko 8, kukosha kwouchenjeri uye kunaka kwahwo kunotaurwa nenzira inonakidza. Chitsauko 9, mugumisiro unokurudzira wezvirevo zvinokurukurwa kusvika apa, chinopiwa somufananidzo unonakidza unoita kuti titsvake uchenjeri.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:7; 9:10—Kutya Jehovha ndiko “kutanga kwezivo” uye “kutanga kwouchenjeri” pakudini? Pasina kutya Jehovha, hapangavi nezivo, nokuti ndiye Musiki wezvinhu zvose uye Munyori weMagwaro. (VaRoma 1:20; 2 Timoti 3:16, 17) Zivo yose yechokwadi inobva kwaari. Saka, zivo inotanga nokutya Jehovha kwokumuremekedza. Kutya Mwari ndiko kutangawo kwouchenjeri nokuti uchenjeri hahugoni kuvapo kana pasina zivo. Uyezve, munhu asingatyi Jehovha haangashandisi zivo chero ipi zvayo yaainayo kuti akudze Musiki.

5:3—Nei pfambi ichinzi “mukadzi mutorwa”? Zvirevo 2:16, 17 inorondedzera “mukadzi mutorwa” somumwe munhu “anokanganwa sungano yaMwari wake.” Munhu wose ainamata vanamwari venhema kana kuti aisarudza kusateerera Mutemo waMosesi, kusanganisira pfambi, ainzi mutorwa.—Jeremiya 2:25; 3:13.

7:1, 2—Chii chinobatanidzwa mu“mashoko angu” uye “mirayiro yangu”? Kuwedzera pane zvinodzidziswa neBhaibheri, izvi zvinobatanidza mitemo yemhuri, kana kuti mirau, inoiswa nevabereki kuti nhengo dzemhuri dzibatsirwe. Vechiduku vanofanira kuichengeta uyewo kuteerera dzidziso dzeMagwaro dzavanopiwa nevabereki vavo.

8:30—“Mhizha” ndiani? Uchenjeri hunotaurwa somunhu hunozviti mhizha. Kunze kwokungoshandiswa kutsanangura zvakaita uchenjeri, uku kutaurwa somunhu nenzira yokufananidzira kunoreva Mwanakomana waMwari wedangwe, Jesu Kristu, paakanga asati ava munhu. Kare kare asati aberekwa somunhu pasi pano, ‘akasikwa kuti avepo sokutanga kwenzira yaMwari.’ (Zvirevo 8:22) Se“mhizha,” aishingaira kushanda naBaba vake pakusika zvinhu zvose.—VaKorose 1:15-17.

9:17—“Mvura yokuba” chii, uye nei ichi“tapira”? Sezvo Bhaibheri richifananidza kunakidzwa nokurara pamwe chete kwevanhu vakaroorana nokunwa mvura inozorodza yaicherwa mutsime, mvura yokuba inomiririra kuita zvepabonde pachivande nomunhu wausina kuroorana naye. (Zvirevo 5:15-17) Pfungwa yokuita izvozvo pachivande inoita kuti mvura yakadaro iite seinotapira.

Zvatinodzidza:

1:10-14. Tinofanira kungwarira kuti tisanyengedzwe kupinda munzira dzakaipa dzevatadzi nevimbiso dzavo dzepfuma.

3:3. Tinofanira kukoshesa zvikuru mutsa worudo uye chokwadi tozviratidza pachena sezvataizoita chishongo chomuhuro chinodhura zvikuru. Tinofanirawo kunyora unhu uhwu pamwoyo yedu, tichihuita chinhu chinokosha kwatiri.

4:18. Zivo yezvokunamata iri kuwedzera zvishoma nezvishoma. Kuti tirambe tiri muchiedza, tinofanira kuramba tichizvininipisa uye tiri vanyoro.

5:8. Tinofanira kuramba tiri kure nezvose zvinokonzera unzenza, zvingauya nemimhanzi, varaidzo, Indaneti, kana kuti mabhuku nemagazini.

5:21. Munhu anoda Jehovha angakanganisa ukama hwake hwakanaka naMwari wechokwadi kuti angofara kwenguva shomanana here? Kwete! Chinhu chinokurudzira zvakasimba kuramba uine tsika dzakanaka kuziva kuti Jehovha anoona nzira dzedu uye kuti anoita kuti tizvidavirire.

6:1-5. Mundima idzi, tinowana zano rakanaka chaizvo pamusoro ‘pokuzviita chokumbofanobata,’ kana kuti kuita chibvumirano chezvemari chisiri chokuchenjera nokuda kwevamwe! Patinenge tanyatsoongorora toona kuti zvatinenge taita zvinoratidza kuti hakusi kuchenjera, tinofanira kubva ‘taramba tichingokumbira wokwedu’ uye tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tigadzirise zvinhu.

6:16-19. Izvi zvinhu zvinomwe zvinosanganisira anenge marudzi ose okuita zvakaipa. Tinofanira kuzvivenga.

6:20-24. Kurerwa pachishandiswa Magwaro kungakudzivirira pakubatwa nomusungo wounzenza. Vabereki havafaniri kuregeredza kudzidzisa kwakadaro.

7:4. Tinofanira kuda uchenjeri uye kunzwisisa.

ZVIREVO ZVOKUTITUNGAMIRIRA

(Zvirevo 10:1–29:27)

Zvirevo zvaSoromoni zvasara zvacho zvinongova mashoko mapfupi. Zvinopa zvidzidzo zvakasimba mumufambiro, kutaura, uye maitiro, sezvo zvichinyanya kutaurwa semisiyano, fanano, uye enzaniso.

Zvitsauko 10 kusvika ku24 zvinosimbisa zvakanakira kutya Jehovha kwokumuremekedza. Zvirevo zviri muzvitsauko 25 kusvika ku29 zvakanyorwa “nevarume vaHezekiya mambo waJudha.” (Zvirevo 25:1) Zvirevo izvi zvinodzidzisa kuvimba naJehovha uye zvimwe zvidzidzo zvinokosha.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

10:6—“Miromo yevakaipa inovanza chisimba” sei? Izvi zvingaitika mupfungwa yokuti vakaipa pavanotsvetera, vanovanza vavariro dzavo dzisina kunaka dzokukuvadza vamwe. Kana kuti kungava kuti sezvo vakaipa vachiwanzovengwa, kushorwa kwavanoitwa nevamwe kunoita kuti vanyarare.

10:10—“Anochonya neziso rake” anokonzera sei kurwadziwa? “Munhu pasina” ‘haangotauri zvinhu zvisina kururama’ asiwo anoedza kuvanza vavariro dzake nokushandisa kwaanoita nhengo yomuviri, “achichonya neziso rake.” (Zvirevo 6:12, 13) Kunyengedza kwakadai kungashungurudza zvikuru munhu waanoitira izvozvo.

10:29—“Nzira yaJehovha” chii? Inoreva nzira iyo Jehovha anobata nayo nevanhu, kwete mararamiro atinofanira kutevera. Kubata kwaMwari nevanhu kunoratidza kuchengeteka kwevanhu vasina chavanopomerwa asi kuparadzwa kwevakaipa.

11:31—Nei munhu akaipa achifanira kupiwa mubayiro kupfuura akarurama? Mubayiro unotaurwa pano unoreva kurangwa kuchaitwa mumwe nomumwe. Munhu akarurama paanotadza, mubayiro waanowana pazvikanganiso zvake kurangwa. Munhu akaipa anotadza nemaune uye anoramba kuitazve zvakanaka. Saka zvakakodzera kuti arangwe uye anobva arangwa zvakasimba.

12:23—Munhu ‘anovanza zivo’ sei? Kuvanza zivo hakurevi kuti munhu haatomboratidzi zvachose kuti ane zivo. Asi, kunoreva kuti munhu anoratidza zivo nokungwarira, kwete kushamisira nayo achizvikudza.

14:17—“Munhu ane mano okufunga anovengwa” munzira ipi? Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “mano okufunga” rinogona kureva kunzwisisa kana kuti kufunga kwakaipa. Chokwadi, munhu anofunga zvakaipa anovengwa. Asi ndizvo zvinoitwawo munhu anonzwisisa anoshandisa mano ake okufunga uye anosarudza ‘kusava wenyika.’—Johani 15:19.

18:19—‘Hama inotadzirwa inopfuura sei taundi rakasimba’? Kufanana netaundi rakasimba rinokombwa, munhu akadaro angaramba zvakasimba kukanganwira zvivi. Zvingava nyore kuti kukakavadzana kwake nomunhu anenge amutadzira kuve chipingamupinyi chikuru so“muzariro weshongwe yokugara.”

Zvatinodzidza:

10:11-14. Kuti mashoko edu akurudzire, pfungwa dzedu dzinofanira kuzadzwa nezivo yakarurama, mwoyo wedu unofanira kukurudzirwa norudo, uye uchenjeri hunofanira kusarudza zvatinotaura.

10:19; 12:18; 13:3; 15:28; 17:28. Mashoko edu anofanira kuva mashoma uye tinofanira kutaura tambofunga.

11:1; 16:11; 20:10, 23. Jehovha anoda kuti tive vakatendeka mumabhizimisi atinoita.

11:4. Upenzi kutsvaka zvinhu zvenyama uchiregeredza kudzidza Bhaibheri uri oga, kupinda misangano, kunyengetera, uye ushumiri hwomumunda.

13:4. ‘Kupanga’ chinzvimbo muungano kana kuti upenyu munyika itsva pachako hakuna kukwana. Tinofanirawo kubishaira uye kuedza nepatinogona napo kuita zvinodiwa.

13:24; 29:15, 21. Mubereki ane rudo haatunhidzi mwana kana kuti haaregi kumutsiura pane zvaanokanganisa. Asi, baba kana amai vane zvavanoita kuti vagadzirise uye vabvise zvikanganiso zvakadaro zvisati zvanyatsodzika midzi.

14:10. Sezvo manzwiro edu omumwoyo anganyatsoratidzwa nguva dzose kana kuti anganzwisiswa nevanhu vanotiona, kunyaradzwa kwatingaitwa mupfungwa nevamwe kune pakunogumira. Tingafanira kutsungirira mamwe matambudziko tichivimba naJehovha chete.

15:7. Hatifaniri kukurumidza kuudza mumwe munhu zvose zvatinoziva, sezvo murimi asingangodururi mbeu yake yose panzvimbo imwe chete. Munhu akachenjera anoparadzira zivo yake zvishoma nezvishoma painenge ichidiwa.

15:15; 18:14. Kuramba tiine mafungiro akanaka kuchatibatsira kuti tiwane mufaro, kunyange patinenge tiri mumamiriro ezvinhu anorwadza.

17:24. Kusiyana ne“benzi” rine maziso nepfungwa zvinodzungaira pane kuti zvirambe zviri pazvinhu zvinokosha, tinofanira kutsvaka kunzwisisa kuitira kuti tiite nokuchenjera.

23:6-8. Hatifaniri kuratidza mutsa wokunyengera.

27:21. Kurumbidzwa kungaratidza kuti tiri vanaani. Kuzvininipisa kunova pachena kana kurumbidzwa kwacho kuchiita kuti tibvume kuonga kwatinoita Jehovha kwotikurudzira kuramba tichimushumira. Kuzvikudza kunofumurwa kana kurumbidzwa kukasimudzira pfungwa yokuzvikwidziridza.

27:23-27. Zvichitaura zvinoitika pakufudza, zvirevo izvi zvinosimbisa kuti kukosha kwokugutsikana noupenyu huri nyore kunobva pakushanda nesimba. Zvinofanira kunyanya kuita kuti tivimbe naMwari. *

28:5. Kana ‘tikatsvaka Jehovha’ tichiita zvokunyengetera uye kudzidza Shoko rake, ti“nogona kunzwisisa zvinhu zvose” zvinodiwa pakumushumira nenzira yaanoda.

‘MASHOKO MAKURU’

(Zvirevo 30:1–31:31)

Bhuku reBhaibheri raZvirevo rinoguma ‘nemashoko makuru’ maviri. (Zvirevo 30:1; 31:1) Nokushandisa enzaniso dzinoita kuti munhu afunge, shoko raAguri rinoratidza kuti makaro anoita kuti usagutsikana uye rinoratidza kuti kunyengetedza kunoita munhu anonyengedza musikana hakuoneki zvakadini. * Rinonyeverawo nezvokuzvikwidziridza uye kutaura nehasha.

Shoko guru rakataurirwa Remueri naamai vake rine zano rakanaka pamusoro pokushandisa waini uye nedoro pamwe chete nokutonga zvakarurama. Kurondedzerwa kwomudzimai akanaka kunoguma nemashoko anoti: “Mupei zvibereko zvemaoko ake, uye mabasa ake ngaamurumbidze.”—Zvirevo 31:31.

Wana uchenjeri, gamuchira chirango, kudziridza kutya Mwari, vimba naJehovha. Chokwadi zvirevo zvakafuridzirwa zvinodzidzisa zvidzidzo zvinokosha zvikuru! Nepatinogona napo, ngatishandisei zano razvo tobva tawana mufaro wo“munhu anotya Jehovha.”—Pisarema 112:1.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Ona Nharireyomurindi yaAugust 1, 1991, peji 31.

^ ndima 15 Ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1992, peji 31.

[Mifananidzo iri papeji 16]

Zivo yose yechokwadi inobva kuna Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 18]

‘Kuparadzira zivo’ kunorevei?