Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Rudo Uye Ruremekedzo Nokudzora Rurimi Rwako

Ratidza Rudo Uye Ruremekedzo Nokudzora Rurimi Rwako

Ratidza Rudo Uye Ruremekedzo Nokudzora Rurimi Rwako

“Mumwe nomumwe wenyu ngaade . . . mudzimai wake sezvaanozviita; uyewo, mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.”—VAEFESO 5:33.

1, 2. Vanhu vose vakaroora kana kuroorwa vanofanira kuzvibvunza mubvunzo upi unokosha, uye nei?

NGATITII wagamuchira chipo chakaputirwa chakanyorwa kuti: “Ngwarira.” Waizochibata sei? Zvechokwadi waizoedza zvose zvaunogona kuti usachikanganisa. Zvakadini nechipo chokuroorana?

2 Kuvakadzi vechiduku Opa naRute, Naomi, chirikadzi yechiIsraeri akati: “Jehovha ngaakupei chipo, muwane nzvimbo yokuzororera mumwe nomumwe muimba yomurume wake.” (Rute 1:3-9) Nezvomudzimai akanaka, Bhaibheri rinoti: “Imba nepfuma inhaka inobva kumadzibaba, asi mudzimai akangwara anobva kuna Jehovha.” (Zvirevo 19:14) Kana wakaroora kana kuroorwa, unofanira kuona mumwe wako sechipo chinobva kuna Mwari. Uri kubata sei chipo chawakapiwa naMwari?

3. Varume nemadzimai vanofanira kuteerera zano raPauro ripi?

3 Achinyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga, muapostora Pauro akati: “Mumwe nomumwe wenyu ngaade . . . mudzimai wake sezvaanozviita; uyewo, mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:33) Chimbofunga kuti varume nemadzimai vangateerera sei zano iri pamatauriro avanoita.

Ngwarira “Chinhu Chisingadzoreki Chinokuvadza”

4. Rurimi rungabatsira kana kuti rungaparadza sei?

4 Munyori weBhaibheri Jakobho anoti rurimi “chinhu chisingadzoreki chinokuvadza” icho “chakazara nouturu hunouraya.” (Jakobho 3:8) Jakobho aiziva chokwadi ichi chinokosha: Rurimi rusingadzoreki runoparadza. Hapana mubvunzo kuti aiziva chirevo cheBhaibheri chinoti mashoko anotaurwa munhu asina kufunga ano“baya sezvinoita bakatwa.” Asi, chirevo chimwe chete ichocho chinoti “rurimi rwevakachenjera runoporesa.” (Zvirevo 12:18) Zvechokwadi, mashoko anogona kuva nomugumisiro wakasimba. Angakuvadza, kana kuti angaporesa. Mashoko ako anoita kuti wawakaroorana naye anzwe sei? Kana ukabvunza mumwe wako mubvunzo uyu, angapindura sei?

5, 6. Zvinhu zvipi zvinoita kuti zviomere vamwe kudzora rurimi?

5 Kana manga mava kutaurirana mashoko anorwadza mumhuri menyu, unogona kuita kuti mamiriro acho ezvinhu ave nani. Asi zvinoda kushanda nesimba. Nei? Chimwe chikonzero ndechokuti unofanira kurwisana nokusakwana. Chivi chatakaberekwa tiinacho chinokanganisa mafungiro atinoita nezvomumwe wedu uye matauriro atinoita naye. Jakobho akanyora kuti, “Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose.”—Jakobho 3:2.

6 Kuwedzera pakusakwana kwevanhu, mhuri yaunenge wakakurira ingaita kuti ushandise rurimi zvisina kunaka. Vamwe vanhu vakakurira mumisha umo vabereki vakanga ‘vasingambodi kubvumirana, vasingazvidzori, vachityisa.’ (2 Timoti 3:1-3) Kazhinji, vana vanokurira mumhuri dzakadaro vanongoitawo saizvozvo pavanokura. Chokwadi, kusakwana kana kuti kusarerwa zvakanaka hachisi chikonzero chakanaka chokuti munhu ataure zvinorwadza. Zvisinei, kuziva izvi kunotibatsira kunzwisisa kuti nei kudzora rurimi pakutaura zvinokuvadza kuchinyanya kuomera vamwe.

‘Bvisai Kunyeya’

7. Petro airevei paakarayira vaKristu kuti “bvisai . . . kunyeya kwemarudzi ose”?

7 Pasinei nokuti kunokonzerwa nei, kutaura mashoko anorwadza mumba kungaratidza kusava norudo uye ruremekedzo nomumwe wako. Aine chikonzero chakanaka, Petro akarayira vaKristu kuti “bvisai . . . kunyeya kwemarudzi ose.” (1 Petro 2:1) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kunyeya” rinoreva “kutuka.” Rinopa pfungwa ‘yokupfura vanhu nemashoko.’ Izvozvo zvinonyatsorondedzera migumisiro yorurimi runokuvadza!

8, 9. Chii chingaguma chaitika kana ukataura mashoko okutuka, uye nei vakaroorana vasingafaniri kuashandisa?

8 Kutaura mashoko okutuka kungaita sokusina kunyanya kuipa, asi funga zvinoitika murume kana mudzimai paanotaura saizvozvo. Kuudza mumwe wake kuti ibenzi, isimbe, kana kuti ane udyire zvinoratidza kuti unhu hwake hwose hunogona kungotaurwa neshoko rimwe—shoko rinozvidza! Izvi zvinoratidza kusava norudo chaizvo. Uye zvakadini nemashoko okuwedzeredza anoratidza zvinokanganiswa nomumwe wako? Chaizvoizvo mashoko akadai seokuti “Unogara uchingononoka” kana kuti “Haumbonditeereri” haasi okuwedzeredza here? Angangoita kuti munhu apindure achizvidzivirira. Izvozvowo zvingaita kuti mutange kupopotedzana zvakasimba.—Jakobho 3:5.

9 Kukurukurirana kunosanganisira mashoko okutuka kungakanganisa mhuri, uye izvi zvingavawo nemigumisiro yakaipisisa. Zvirevo 25:24 inoti: “Zviri nani kugara pakona yedenga reimba pane kugara muimba imwe chete nomudzimai anokakavara.” Chokwadi, izvozvowo zvingataurwa nezvomurume anokakavara. Nokufamba kwenguva, mashoko anorwadza anotaurwa nomumwe wavo angakanganisa ukama hwavo, zvichida achiita kuti murume kana kuti mudzimai anzwe asingadiwi, kunyange kunzwa asina kukodzera kudiwa. Zviri pachena kuti zvinokosha kudzora rurimi. Asi izvi zvingaitwa sei?

‘Dzora Rurimi’

10. Nei kudzora rurimi kuchikosha?

10 Jakobho 3:8 inoti, “Pavanhu hapana kana mumwe chete anogona kupingudza rurimi.” Kunyange zvakadaro, sezvo munhu anenge akatasva bhiza achishandisa matomu kuti adzore kufamba kwaro, tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tidzore rurimi rwedu. “Kana munhu chero upi zvake achizviona somunhu anonamata zvakarurama asi asingadzori rurimi rwake, achiramba achinyengera mwoyo wake, kunamata kwomunhu uyu hakuna zvakunobatsira.” (Jakobho 1:26; 3:2, 3) Mashoko aya anoratidza kuti mashandisiro aunoita rurimi rwako inyaya yakakomba. Haangokanganisi ukama hwako nowawakaroorana naye chete; anokanganisawo ukama hwako naJehovha Mwari.—1 Petro 3:7.

11. Zvingaita sei kuti chinhu chiduku chamusingawirirani chisaita kuti mupopotedzane zvakasimba?

11 Unenge wakachenjera kana ukacherechedza matauriro aunoita kune mumwe wako. Kana zvinhu zvinoshungurudza zvikamuka, edza kuzvigadzirisa. Chimbofunga zvakaitika muupenyu hwaIsaka nomudzimai wake, Ribheka, sezvakanyorwa pana Genesisi 27:46–28:4. “Ribheka akaramba achiti kuna Isaka: ‘Ndava kusema upenyu hwangu uhu nokuda kwevanasikana vaHeti. Kana Jakobho akatora chete mudzimai pavanasikana vaHeti seava pavanasikana vomunyika yacho, upenyu hunondibatsireiko?’” Hapana chinoratidza kuti Isaka akapindura nehasha. Pane kudaro, akatumira mwanakomana wavo Jakobho kuti anotsvaka mudzimai aitya Mwari zvichida akanga asingazoiti kuti Ribheka arwadziwe. Ngatitii murume nomudzimai wake pane chavasiri kuwirirana. Kushandisa shoko rokuti “iwe” pane kuti “ini” kungaita kuti chinhu chiduku chamusingawirirani chisaita kuti mupopotedzane zvakasimba. Somuenzaniso, pane kuti, “Haumbopedzi nguva uineni!” wadii kuti, “Ndinoshuva kuti dai taimbopedza nguva tiri pamwe chete”? Gadzirisa dambudziko racho, kwete munhu wacho chete. Usava nepfungwa yokuongorora kuti ndiani akarurama uye ndiani asina kururama. ‘Teverai zvinhu zvinoita kuti pave norugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe,’ inodaro VaRoma 14:19.

Bvisai ‘Pfini, Kutsamwa, uye Hasha’

12. Kuti tidzore rurimi, tinofanira kunyengeterera chii, uye nei?

12 Pane zvakawanda zvinodiwa pakudzora rurimi pane kungongwarira zvatinotaura. Chokwadi, mashoko edu anobva pamwoyo kwete pamuromo. Jesu akati: “Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake, asi munhu akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yake yakaipa; nokuti muromo wake unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Ruka 6:45) Saka, kuti udzore rurimi rwako, ungada kunyengetera sezvakaita Dhavhidhi uyo akati: “Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari, muise mafungiro matsva mandiri, akasimba.”—Pisarema 51:10.

13. Pfini, kutsamwa nehasha zvingakonzera sei kutuka?

13 Pauro haana kungokurudzira vanhu veEfeso kuti varege kutaura mashoko anokuvadza chete asiwo kuti varege kuva nemafungiro anokonzera kuti vataure mashoko akadaro. Akanyora kuti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.” (VaEfeso 4:31) Ona kuti asati ataura “kupopota nokutuka,” Pauro akataura ‘pfini nokutsamwa nehasha.’ Kufufutirwa nehasha ndiko kunoita kuti uzotaura mashoko anorwadza. Saka zvibvunze kuti: ‘Ndinochengeta pfini nokutsamwa mumwoyo mangu here? Ndiri ku“da hasha” here?’ (Zvirevo 29:22) Kana zviri izvo zvaunoita, nyengeterera kubatsirwa naMwari kuti ukurire maitiro aya uye uzvidzore kuitira kuti usarega hasha dzako dzichiputika. Pisarema 4:4 rinoti: “Dederai, asi musatadza. Taurai mumwoyo menyu, muri pamibhedha yenyu, murambe makanyarara.” Kana wava kunzwa hasha uye uchityira kuti hauzokwanisi kuzvidzora, tevera zano riri pana Zvirevo 17:14 rinoti: “Ibva kupopotedzana kusati kwatanga.” Imbobva kwekanguva kusvikira usingachadzinzwi.

14. Kuramba makatsamwirana kungakanganisa sei mhuri?

14 Hazvisi nyore kukurira kutsamwa nehasha, kunyanya kana zvichibva pane dzakanzi naPauro “pfini.” Shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro rave richirondedzerwa se“pfungwa yokushatirwa zvokusada kuyanana” uye ‘utsinye hwokuverenga kutadzirwa kwaunoitwa.’ Dzimwe nguva ruvengo chipingamupinyi chikuru pakati pomurume nomudzimai wake, uye zvinhu zvingaramba zvakadaro kwenguva yakareba. Ungaguma wava kuita utsinye kana paine chigumbu chezvamusina kunyatsopedzerana. Asi kuramba makatsamwira zvikanganiso zvakaitika kare hakubatsiri. Yadeuka yadeuka mvura yomuguchu haiorerwi. Kana wakanganwira mumwe wako zviri nani kubva wakanganwa chikanganiso chacho. Rudo “haruchengeti mafi.”—1 VaKorinde 13:4, 5.

15. Chii chichabatsira vaya vakajaira kushandisa mashoko ehasha kuti vachinje matauriro avo?

15 Zvakadini kana mumhuri yawakakurira maigara muchiitiranwa hasha uye uchitova netsika yokutaura saizvozvo? Unogona kuchinja. Pane zvinhu zvakawanda muupenyu zvawakatoti hauzoiti. Uchasarudza kugumira papi kana pava panyaya yokutaura? Ucharega kutaura here mashoko ako asati ava okutuka? Unofanira kuita zvinorondedzerwa pana VaEfeso 4:29 kuti: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu.” Izvi zvinoda kuti, ‘upfekenure unhu hwekare nemabasa ahwo, wopfeka unhu hutsva, huri kuitwa hutsva maererano nomufananidzo woUya akahusika pachishandiswa zivo yakarurama.’—VaKorose 3:9, 10.

Munofanira “Kurangana”

16. Nei kusataudzana kuchikanganisa mhuri?

16 Murume nomudzimai pavanorega kutaudzana havabudiriri kuita zvakawanda uye zvingatoguma zvakaipa. Nguva dzose uku hakusi kuranga mumwe wako, sezvo kungaguma nokugumbuka kana kuti kuora mwoyo. Asi, kuramba kutaurirana kunongowedzera kuzvidya mwoyo uye hakugadzirisi dambudziko rinenge riripo. Mumwe mudzimai akati, “patinozotangazve kutaudzana, hatimbokurukuri dambudziko racho.”

17. VaKristu vari kusangana nezvinetso zvemhuri vanofanira kuitei?

17 Zvinetso zvemhuri pazvinopfuurira, hapana nzira iri nyore yokuzvigadzirisa nayo. Zvirevo 15:22 inoti: “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri, asi pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.” Munofanira kugara pasi nomumwe wako mokurukura nyaya yacho. Nepaunogona napo, teerera mumwe wako uine pfungwa dzinoda kuziva. Kana kuita izvozvo kuchiita sokusingabviri, wadii kuudza vakuru vari muungano yechiKristu? Vane zivo yomuMagwaro uye vane ruzivo rwokushandisa zvinotaurwa neBhaibheri. Varume vakadaro vakaita “senzvimbo yokuvanda mhepo nenzvimbo yokuvanda dutu rine mvura.”—Isaya 32:2.

Unogona Kuhwina Hondo Yacho

18. Ihondo ipi inorondedzerwa pana VaRoma 7:18-23?

18 Kudzora rurimi rwedu kwakaoma. Kudzora zvatinoita kwakaomawo. Achirondedzera dambudziko raakasangana naro, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndinoziva kuti mandiri, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti simba rokuda ririmo mandiri, asi simba rokuita zvakanaka harimo. Nokuti zvakanaka zvandinoda handizviiti, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita. Zvino, kana zvandisingadi zviri izvo zvandinoita, ari kuzviita haasisirizve ini, asi chivi chinogara mandiri.” Nemhaka yo“mutemo wechivi uri munhengo” dzedu, tinonzwa tichida kushandisa zvisina kunaka rurimi rwedu uye dzimwe nhengo dzomuviri. (VaRoma 7:18-23) Zvisinei, hondo yacho inofanira kurwiwa—uye inogona kuhwinwa norubatsiro rwaMwari.

19, 20. Muenzaniso waJesu ungabatsira sei varume nemadzimai kudzora rurimi rwavo?

19 Kana vanhu vaine rudo uye ruremekedzo, mashoko anoratidza kusafunga, ehasha haafaniri kushandiswa. Chimbofunga nezvomuenzaniso wakaratidzwa naJesu Kristu munyaya iyi. Jesu haana kumboshandisa mashoko okutuka vadzidzi vake. Kunyange pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake pasi pano vaapostora vake pavaiitirana nharo vachiti ndiani aiva mukuru pakati pavo, Mwanakomana waMwari haana kuvatuka. (Ruka 22:24-27) “Varume,” rinorayira kudaro Bhaibheri, “rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.”—VaEfeso 5:25.

20 Zvisinei, zvakadini nomudzimai? “Anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:33) Mudzimai anoremekedza murume wake angamupopotera here, achishandisa mashoko okutuka? Pauro akanyora kuti, “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaKorinde 11:3) Madzimai anofanira kuzviisa pasi pomusoro wavo sezvo Kristu achizviisa pasi poMusoro wake. (VaKorose 3:18) Kunyange zvazvo pasina munhu asina kukwana anganyatsotevedzera Jesu, kuedza ku“nyatsotevera tsoka dzake” kuchabatsira varume nemadzimai kuhwina hondo yokusashandisa rurimi zvisiri izvo.—1 Petro 2:21.

Wadzidzei?

• Rurimi rusingadzoreki rungakanganisa sei mhuri?

• Nei rurimi rwakaoma kudzora?

• Chii chinotibatsira kudzora zvatinotaura?

• Chii chaunofanira kuita kana uine matambudziko emhuri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vakuru vanobatsira vachishandisa Bhaibheri