Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ushingi Hunosimbiswa Norudo

Ushingi Hunosimbiswa Norudo

Ushingi Hunosimbiswa Norudo

“Mwari haana kutipa mudzimu woumbwende, asi wesimba noworudo nowokuva nepfungwa dzakanaka.”—2 TIMOTI 1:7.

1, 2. (a) Rudo rungaita kuti munhu aitei? (b) Nei ushingi hwaJesu hwaishamisa?

VAMWE vakanga vachangobva kuroorana vaiita chamunyurududu mugungwa pedyo netaundi riri kumabvazuva kweAustralia. Pavakanga vava kutobuda hove huru inonzi white shark yakamhanya yakananga mudzimai wacho. Achiratidza ushingi, murume wacho akasundira mudzimai wake kudivi achibva adyiwa iye nehove yacho. “Akandifira,” yakadaro chirikadzi iyi pamariro acho.

2 Chokwadi, rudo rungaita kuti vanhu varatidze ushingi hunoshamisa. Jesu Kristu akati: “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Johani 15:13) Pasati papera maawa 24 Jesu ataura mashoko iwayo, akapa upenyu hwake, kwete nokuda kwomunhu mumwe chete, asi nokuda kwevanhu vose. (Mateu 20:28) Uyezve, Jesu haana kupa upenyu hwake zvechivhundumukira achiratidza ushingi. Aitoziva kuti aizosekwa uye aizobatwa zvisina kunaka, aizopiwa mutongo usina kururama, uye aizourayirwa padanda rokutambudzikira. Akatobatsira vadzidzi vake kuti vagadzirire zvaizoitika, achiti: “Tiri kukwira kuJerusarema, uye Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu uye vachamuisa kuvanhu vemamwe marudzi, vachamuseka uye vachamupfira mate vachimuzvambura vomuuraya.”—Mako 10:33, 34.

3. Chii chakaita kuti Jesu ave noushingi zvikuru?

3 Chii chakaita kuti Jesu ave noushingi hwakadaro? Kutenda uye kutya Mwari ndizvo zvakanyanya kumubatsira. (VaHebheru 5:7; 12:2) Zvisinei, chinonyanya kukosha ndechokuti, ushingi hwaJesu hwaikonzerwa nokuda kwaaiita Mwari uye vanhu. (1 Johani 3:16) Kana tikawedzera kuva norudo rwakadaro pakutenda uye kutya Mwari kwedu, isuwo tichakwanisa kuratidza ushingi hwakaita sohwaKristu. (VaEfeso 5:2) Tingava sei norudo rwakadaro? Tinofanira kuziva Kwarunobva.

“Rudo Runobva Kuna Mwari”

4. Nei zvinganzi rudo runobva kuna Jehovha?

4 Rudo Runobva kuna Jehovha uye ndiye muenzaniso warwo wakakwana. “Vadiwa,” akanyora kudaro muapostora Johani, “ngatirambei tichidanana, nokuti rudo runobva kuna Mwari, uye munhu wose anoda akaberekwa naMwari uye anowana zivo pamusoro paMwari. Uyo asina rudo haasati asvika pakuziva Mwari, nokuti Mwari rudo.” (1 Johani 4:7, 8) Saka munhu anongogona kuva norudo rwakaita sorwaMwari kana akaswedera pedyo naJehovha nokuwana zivo yakarurama uye oita zvinoenderana nezivo iyoyo achiteerera nomwoyo wose.—VaFiripi 1:9; Jakobho 4:8; 1 Johani 5:3.

5, 6. Chii chakabatsira vateveri vaJesu vekare kuti vave norudo rwakaita sorwaKristu?

5 Mumunyengetero wake wokupedzisira aine vaapostora vake 11 vakatendeka, Jesu akaratidza kubatana kwakaita kuziva Mwari nokukura murudo, achiti: “Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.” (Johani 17:26) Jesu akabatsira vadzidzi vake kuti vave norudo rwakaita sorwaiva pakati pake naBaba vake, achiratidza nezvaaitaura uye zvaaiita kuti zita raMwari rinomiririrei—unhu hwaMwari hwakanaka chaizvo. Ndokusaka Jesu aigona kuti: “Aona ini aonawo Baba.”—Johani 14:9, 10; 17:8.

6 Rudo rwakaita sorwaKristu runoberekwa nomudzimu mutsvene waMwari. (VaGaratiya 5:22) PaPendekosti ya33 C.E., vaKristu vekare pavakagamuchira mudzimu mutsvene wavakanga vavimbiswa, havana kungoyeuka zvinhu zvakawanda zvavakanga vadzidziswa naJesu asiwo vakanyatsonzwisisa zvairehwa neMagwaro. Zviri pachena kuti kunzwisisa uku kwakadzama kwakawedzera kuda kwavaiita Mwari. (Johani 14:26; 15:26) Zvakaguma nei? Vakaparidza mashoko akanaka noushingi uye vachishingaira, kunyange pazvaiisa upenyu hwavo pangozi.—Mabasa 5:28, 29.

Kuratidza Ushingi uye Rudo

7. Pauro naBhanabhasi vaifanira kutsungirirei parwendo rwavo rwoumishinari rwavakaita vose?

7 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari haana kutipa mudzimu woumbwende, asi wesimba noworudo nowokuva nepfungwa dzakanaka.” (2 Timoti 1:7) Pauro aitaura zvaainge aona muupenyu hwake. Funga zvakanga zvaitika kwaari naBhanabhasi pavaiva parwendo rwavo rwoumishinari rwavakaita vose. Vakaparidza mumaguta akawanda, kusanganisira Andiyoki, Ikoniyumu, uye Ristra. Muguta rimwe nerimwe, vamwe vanhu vakava vatendi, asi vamwe vakava vashori vane utsinye. (Mabasa 13:2, 14, 45, 50; 14:1, 5) MuRistra imwe mhomho yakanga yakashatirwa yakatotema Pauro nematombo, ikamusiya ichifungidzira kuti akanga afa! “Zvisinei, vadzidzi pavakamuunganira, iye akamuka, akapinda muguta. Pazuva rakatevera akabva naBhanabhasi vakaenda kuDhebhe.”—Mabasa 14:6, 19, 20.

8. Ushingi hwakaratidzwa naPauro naBhanabhasi hwakaratidza sei kuti vaida vanhu zvikuru?

8 Kuedza kuuraya Pauro naBhanabhasi uku kwakavatyisidzira zvokuti vakarega kuparidza here? Aiwa! Pashure pokunge “vawana vadzidzi vazhinji” muDhebhe, varume vacho vari vaviri “vakadzokera kuRistra, Ikoniyumu uye kuAndiyoki.” Kunodini? Kunokurudzira vatsva kuti varambe vakasimba pakutenda. “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomumatambudziko mazhinji,” vakadaro Pauro naBhanabhasi. Zviri pachena kuti ushingi hwavo hwaibva pakuda zvakadzama kwavaiita ‘makwai maduku’ aKristu. (Mabasa 14:21-23; Johani 21:15-17) Dzichangogadza vakuru muungano itsva imwe neimwe, hama mbiri idzi dzakanyengetera uye “vakavaisa kuna Jehovha wavakanga vatenda.”

9. Vakuru vomuEfeso vakaitei zvichikonzerwa nokuti Pauro aivada?

9 Pauro aiva nehanya chaizvo uye aiva munhu akashinga zvokuti vaKristu vakawanda vekare vakasvika pakumuda zvikuru. Yeuka zvakaitika pamusangano wakaitwa naPauro nevakuru vokuEfeso, kwaakanga apedza makore matatu uye ashorwa zvakasimba. (Mabasa 20:17-31) Avakurudzira kuti vafudze makwai aMwari avakanga varonzeswa, Pauro akapfugama navo akanyengetera. Zvadaro, “vakasvimha misodzi kwazvo, vakawira pamutsipa waPauro, vakamutsvoda zvinyoronyoro, nokuti vakanyanya kurwadziwa neshoko raakanga ataura rokuti vakanga vasingazomboonizve chiso chake.” Hama idzi dzaida Pauro zvikuru! Chokwadi, nguva yokuti vaparadzane payakasvika, Pauro nevaaifamba navo vakanga vachifanira ‘kuzvimanikidza kuenda,’ nokuti vakuru veungano iyoyo vakanga vasingadi kuti vaende.—Mabasa 20:36–21:1.

10. Zvapupu zvaJehovha zvemazuva ano zvakaratidza sei kudanana kwazvo kwoushingi?

10 Mazuva ano, vatariri vanofambira, vakuru veungano, uye vamwe vakawanda vanodiwa chaizvo nemhaka youshingi hwavanoratidza makwai aJehovha. Somuenzaniso, munyika dzasakadzwa nehondo yevagari vomunyika iyoyo kana kuti dzinorambidzwa basa rokuparidza, vatariri vanofambira nevadzimai vavo vakaisa upenyu hwavo uye rusununguko rwavo pangozi kuti vashanyire ungano. Saizvozvowo, Zvapupu zvakawanda zvakatambudzwa nevatongi vane utsinye nevateveri vavo nokuti zvakaramba kutengesa zvimwe Zvapupu kana kutaura kuti vakanga vari kuwanepi zvokudya zvine chokuita nokunamata. Vamwe zviuru vakatambudzwa, vakarwadziswa, uye vakatourayiwa nokuti vakaramba vachiparidza mashoko akanaka uye havana kurega kuwadzana nehama dzavo pamisangano yechiKristu. (Mabasa 5:28, 29; VaHebheru 10:24, 25) Ngatitevedzerei kutenda uye rudo rwehama nehanzvadzi dzakashinga kudaro!—1 VaTesaronika 1:6.

Usarega Rudo Rwako Ruchitonhora

11. Satani anorwa sei hondo yezvokunamata nevashumiri vaJehovha, uye ivo vanofanira kuita sei?

11 Satani paakakandirwa pasi pano, akanga akatsunga kuitira vashumiri vaJehovha hasha nokuti “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:9, 17) Imwe nzira inoshandiswa naDhiyabhorosi ndeyokutambudza. Zvisinei, nzira iyi inowanzomupindukira, nokuti inoita kuti vanhu vaMwari vatobatana muzvisungo zvorudo rwechiKristu uye inoita kuti vakawanda vavo vashingaire zvikuru. Imwe nzira inoshandiswa naSatani ndeyokuita kuti vanhu vasina kukwana vaite zvavanoda. Kuramba nzira iyi kunoda ushingi hwakasiyana nokuti hondo yacho ndeyomumwoyo, yokurwisana nezvido zvisina kunaka uye nomwoyo wedu ‘unonyengera uye wakaipa.’—Jeremiya 17:9; Jakobho 1:14, 15.

12. Satani anoshandisa sei “mudzimu wenyika” pakuedza kwaanoita kunetesa kuda kwatinoita Mwari?

12 Mudura raSatani mune chimwe chombo chakasimba—“mudzimu wenyika,” kureva zvaunoda kana kuti zvaunokurudzira, zvinopesana chaizvo nomudzimu mutsvene waMwari. (1 VaKorinde 2:12) Mudzimu wenyika unokurudzira makaro uye kunyanya kuda pfuma—“kuchiva kwemaziso.” (1 Johani 2:16; 1 Timoti 6:9, 10) Kunyange zvazvo pfuma nemari zvisina kuipa, kana tikazvida kupfuura madiro atinoita Mwari, Satani anenge akunda. Simba romudzimu wenyika rinobva mukukwezva kwaunoita nyama inotadza, kunyengera kwaunoita zvisiri pachena, kutsunga kwawo, uye kufanana nemhepo, uri kwose kwose. Usaita kuti mudzimu wenyika ukanganise mwoyo wako!—VaEfeso 2:2, 3; Zvirevo 4:23.

13. Ushingi hwedu hwokuramba tiine tsika dzakanaka hungaedzwa sei?

13 Zvisinei, kuti tirambe mudzimu wakaipa wenyika, zvinotoda kuti tishinge kuramba tiine tsika dzakanaka. Somuenzaniso, zvinoda ushingi kuti usimuke ubude muimba yemafirimu kana kuti kudzima TV kana kombiyuta panobuda mifananidzo isina kukodzera. Zvinoda ushingi kuramba kufurirwa nevezera rako uye kurega kushamwaridzana nevanhu vakaipa. Uyewo zvinoda ushingi kutsigira mitemo yaMwari uye zvaanotaura paunoshorwa nevaunodzidza navo kuchikoro, vaunoshanda navo, vavakidzani, kana kuti voukama.—1 VaKorinde 15:33; 1 Johani 5:19.

14. Tinofanira kuitei kana tasvibiswa nomudzimu we- nyika?

14 Saka, zvinokosha zvikuru kuti tisimbise kuda kwatinoita Mwari nehama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo! Wana nguva yokuongorora zvinangwa zvako nemararamiro ako kuti uone kana mudzimu wenyika wakukanganisa neimwe nzira. Kana wakukanganisa—kunyange zvishoma hazvo—nyengetera kuna Jehovha kuti akupe ushingi hwokuubvisa nokuudzura. Jehovha haazoregi kuteerera zvikumbiro zvomwoyo wose zvakadaro. (Pisarema 51:17) Uyezve, mudzimu wake une simba zvikuru kupfuura mudzimu wenyika.—1 Johani 4:4.

Kutarisana Nemiedzo Wakashinga

15, 16. Rudo rwakaita sorwaKristu rungatibatsira sei kukurira miedzo yatinosangana nayo? Ipa muenzaniso.

15 Mamwe matambudziko ayo vashumiri vaJehovha vanofanira kutarisana nawo anosanganisira kusakwana uye kukwegura kazhinji zvinoguma nezvirwere, kuremara, kuora mwoyo, nezvimwe zvinetso zvakawanda. (VaRoma 8:22) Rudo rwakaita sorwaKristu runotibatsira kukunda miedzo iyi. Funga nezvomuenzaniso waNamangolwa, akarererwa mumhuri yechiKristu kuZambia. Paaiva nemakore maviri, Namangolwa akaremara. “Ndaigara ndichingofunga nezvourema hwangu,” anodaro, “ndichifunga kuti chitarisiko changu chaityisa vanhu. Asi hama dzangu dzandinonamata nadzo dzakandibatsira kuona zvinhu nenzira yakasiyana. Ndakaguma ndisingachanyanyi kufunga nezvangu, uye nokufamba kwenguva ndakabhabhatidzwa.”

16 Kunyange zvazvo Namangolwa aine wiricheya, kazhinji anofanira kufamba nemaoko ake nemabvi paanenge ari munzira ine jecha. Asi anoitawo upiyona hwebetsero mwedzi inenge miviri gore negore. Mumwe saimba akasvimha misodzi paakaparidzirwa naNamangolwa. Nei? Nokuti akabayiwa mwoyo chaizvo nokutenda uye ushingi zvehanzvadzi yedu. Souchapupu hwokuti anokomborerwa naJehovha zvikuru, vanhu vashanu vaidzidza Bhaibheri naNamangolwa vakabhabhatidzwa, uye mumwe wacho mukuru muungano. “Makumbo angu anogara achirwadza zvisingaiti,” anodaro, “asi handiregi izvozvo zvichinditadzisa kuparidza.” Hanzvadzi iyi ndomumwe weZvapupu zvakawanda zviri munyika yose zviri ndonda asi zvinoshinga kuita ushumiri nokuti zvinoda Mwari nomuvakidzani. Vose vakadaro vanokosha zvikuru kuna Jehovha!—Hagai 2:7.

17, 18. Chii chinobatsira vakawanda kutsungirira urwere uye mimwe miedzo? Taura mimwe mienzaniso yomuungano yenyu.

17 Kuramba uchirwara kunogonawo kuita kuti munhu asafara, kana kutomuodza mwoyo. “Muboka rechidzidzo chebhuku randinopinda,” anodaro mumwe mukuru weungano, “pane imwe hanzvadzi ine chirwere cheshuga necheitsvo, imwe ine kenza, vaviri vane arthritis, imwezve ine lupus nefibromyalgia. Dzimwe nguva vanenge vakaora mwoyo. Asi vanongorovha misangano pavanenge vachirwara zvikuru kana kuti pavanenge vari muchipatara. Vose vanogara vachiita basa romumunda. Vanondiyeuchidza Pauro, uyo akati: ‘Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.’ Ndinoyemura rudo rwavo noushingi hwavo. Pamwe utano hwavo hunoita kuti vanzwisise zvakaita upenyu uye kuti vazive chinonyanya kukosha muupenyu.”—2 VaKorinde 12:10.

18 Kana wakaremara, uchirwara, kana kuti uine chimwe chinetso, ‘ramba uchinyengeterera’ kubatsirwa kuitira kuti usaguma waora mwoyo. (1 VaTesaronika 5:14, 17) Chokwadi, zvingangoitika kuti pamwe uchambofara uye womboora mwoyo, asi edza kufunga nezvezvinhu zvakanaka, zvine chokuita nokunamata, kunyanya tariro yedu inokosha yoUmambo. “Kwandiri, ushumiri hwomumunda mushonga,” yakadaro imwe hanzvadzi. Kuudza vamwe mashoko akanaka kunoibatsira kuramba iine maonero akanaka.

Rudo Runobatsira Vanoita Zvakaipa Kuti Vadzoke Kuna Jehovha

19, 20. (a) Chii chingabatsira vaya vakaita chivi kuti vave noushingi hwokudzoka kuna Jehovha? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Vakawanda vakaneta pakunamata kana kuti vakaita chivi vanoona zvisiri nyore kudzokera kuna Jehovha. Asi vakadaro vachava noushingi kana vakapfidza nomwoyo wose uye vakamutsidzira kuda kwavo Mwari. Funga nezvaMario, * anogara kuUnited States. Mario akasiya ungano yechiKristu, akava chidhakwa uye aishandisa zvinodhaka, uye pashure pemakore 20, akaguma ava mujeri. “Ndakatanga kufungisisa nezveramangwana rangu uye ndakatanga kuverengazve Bhaibheri,” anodaro Mario. “Nokufamba kwenguva, ndakanzwisisa unhu hwaJehovha, kunyanya ngoni dzake, dzandaiwanzonyengeterera. Ndabudiswa mujeri, ndakarega kushamwaridzana neshamwari dzangu dzekare, ndakaenda kumisangano yechiKristu, uye ndakaguma ndadzorerwa muungano. Ndiri kukohwa zvandakadyara mumuviri wangu, asi iye zvino ndine tariro yakanaka chaizvo. Handigoni kutenda Jehovha zvakakwana nokuda kwokundinzwira tsitsi uye kundikanganwira kwaakaita.”—Pisarema 103:9-13; 130:3, 4; VaGaratiya 6:7, 8.

20 Chokwadi, vaya vari mumamiriro ezvinhu akafanana neaMario vanofanira kushanda nesimba kuti vadzoke kuna Jehovha. Asi kumutsidzira kwavanoita rudo rwavo—nemhaka yokudzidza Bhaibheri, kunyengetera, uye kufungisisa—kuchavapa ushingi nokutsunga zvavanofanira kuva nazvo. Mario akasimbiswawo netariro yoUmambo. Chokwadi, pamwe chete norudo, kutenda, uye kutya Mwari, tariro inogona kuva simba guru rinobatsira muupenyu hwedu. Munyaya inotevera, tichanyatsoongorora chipo ichi chinokosha pakunamata.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 Zita rachinjwa.

Ungapindura Here?

• Rudo rwakabatsira sei Jesu kuti ave noushingi hwakasiyana nohwevamwe?

• Kuda hama kwaiitwa naPauro naBhanabhasi kwakavapa sei ushingi hwakasiyana nohwevamwe?

• Satani anoedza sei kukanganisa rudo rwevaKristu?

• Kuda Jehovha kunogona kutipa ushingi hwokutsungirira miedzo ipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kuda vanhu kwaiita Pauro kwakamupa ushingi hwokutsungirira

[Mufananidzo uri papeji 24]

Zvinoda ushingi kuti titsigire zvinotaurwa naMwari

[Mufananidzo uri papeji 24]

Namangolwa Sututu