Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chipo Chisingaperi Chinobva kuMusiki

Chipo Chisingaperi Chinobva kuMusiki

Chipo Chisingaperi Chinobva kuMusiki

HAUZVIONI zvichishamisa here kuti zvinhu zvinodavirwa nemasayendisiti kuti zvinokosha muupenyu panyika yedu ino yepasi zvinoonekwa kana kuti zvinotaurwawo zvisina kunanga muchitsauko chokutanga cheBhaibheri? Ndezvipi izvozvo?

Kuti upenyu hurambe huchienderera, panofanira kunge paine mvura yakawanda sezvinotaurwa pana Genesisi 1:2. Tembiricha inofanira kunge yakakodzera kuti mvura iri panyika irambe iri mvura. Izvi zvinoda kuti nyika yacho ive kure nezuva nechinhambwe chakakodzera. Bhuku raGenesisi rinotaura rataurazve nezvezuva uye mabasa aro panyika.

Kuti panyika pagarike, panoda mhepo ine magasi akasanganiswa. Izvi zvinotaurwa pana Genesisi 1:6-8. Kukura kwezvinomera kunotsanangurwa pana Genesisi 1:11, 12, kunobatsirawo kuti pave neokisijeni. Nyika inogona kuraramisa mhuka dzakasiyana-siyana inoda makondinendi akaoma anobereka zvinhu, sezvinotsanangurwa pana Genesisi 1:9-12. Pakupedzisira, kuti ive nemamiriro okunze akanaka, nyika inofanira kunge yakarereka pamwero wakafanira uye inofanira kuramba iri panzvimbo yayo—kana iri nyika, basa racho rinoitwa zvishoma nesimba rinokweva romwedzi. Uku kuvapo kwomwedzi uye zvimwe zvawakanakira zvinotaurwa pana Genesisi 1:14, 16.

Munyori wekare Mosesi, akaziva sei zvinhu zviri pamusoro apa asingabatsirwi noruzivo rwesayenzi yemazuva ano? Zvinoreva here kuti Mosesi aiva nouchenjeri hwokunzwisisa hunopfuura hwevamwe vepanguva yake? Tsananguro yacho ndeyokuti akafuridzirwa noMusiki wematenga nenyika. Izvozvo zvinokosha kana tichifunga nezvokururama kwebhuku raGenesisi.

Bhaibheri rinotsigira kuti zvinhu zvose zvakasikwa zvatinoona zvinoshamisa zvakaitirwa chinangwa. Pisarema 115:16 rinoti: “Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.” Rimwe Pisarema rinotizve: “Akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Kana zvinhu zvose zvakasikwa nenyika yedu yakanaka zvakaitwa uye zvakasikwa noMusiki, zvechokwadi zvine musoro kudavira kuti anogona kuramba achizvitarisira. Zvinoreva kuti ungatarisira mberi nechivimbo chokuzadzika kwechipikirwa ichi chokuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Ichokwadi kuti, Mwari ‘haana kungosikira nyika pasina asi akaiumba kuti igarwe’ nokusingaperi nevanhu vanoonga mabasa ake.—Isaya 45:18.

Magwaro anoti, Jesu akauya panyika kuti atidzidzise nezvaMwari nechinangwa Chake chokupa upenyu husingaperi kuvanhu vanoteerera. (Johani 3:16) Tinovimbiswa kuti nokukurumidza Mwari ‘achaparadza vaya vanoparadza nyika,’ asi vanhu vanoda rugare vanobva kumarudzi ose vanobvuma urongwa hwake hwokuponesa vachararama. (Zvakazarurwa 7:9, 14; 11:18) Upenyu huchanakidza zvikuru sezvo vanhu vacharamba vachiziva zvakawanda uye vachinakidzwa nezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naMwari nokusingaperi!—Muparidzi 3:11; VaRoma 8:21.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

NASA photo