Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Basa Rokuparidza mu“Dzimba Dzemabwe”

Basa Rokuparidza mu“Dzimba Dzemabwe”

Basa Rokuparidza mu“Dzimba Dzemabwe”

Zita renyika iyi yomuAfrica rinoreva kuti “Dzimba Dzemabwe.” Inyika inonyanya kuzivikanwa nemapopoma eVictoria Falls nemhuka dzayo dzomusango dzakasiyana-siyana. Asi panyika dziri kumaodzanyemba kweSahara ndiyo ine zvivako zvakakura kwazvo zvekare-kare zvakavakwa nevanhu. Makomo ane mabwe egirenaiti anongoita ziendanakuenda achipfuura nechepakati payo. Mamiriro okunze omunzvimbo iyi anoita kuti muve nevhu rakaorera. IZimbabwe, nyika ine vanhu vanenge mamiriyoni 12.

NEI ichinzi Dzimba Dzemabwe? Muna 1867 mumwe muvhimi nomufambi ainzi Adam Renders akasvika pazvivako zvemabwe zvakakura zvakanga zvakapararira panzvimbo yemaeka anopfuura 1 800. Akanga agara hake achifamba mumasango omuAfrica maaiona dzimba dzaiwanzovakwa nevhu, mapango, uye dzakapfirirwa nouswa. Achifamba kudai akabva angoerekana aona matongo eguta guru rakavakwa nemabwe, rava kunzi Great Zimbabwe.

Matongo aya ari nechokumaodzanyemba kwe- nzvimbo yava kunzi Masvingo. Mamwe masvingo acho akareba mamita 9, mabwe egirenaiti akaita zvokuturikidzana pasina kana simendi. Mumatongo acho, mune shongwe yakareba mamita 11 kubva pasi yakafara mamita 6. Zvainomirira chaizvo hazvisati zvazivikanwa. Matongo acho ndeomuzana remakore rechisere C.E., asi pane uchapupu hwokuti nzvimbo yacho yaigarwa mazana emakore nguva iyi isati yasvika.

Muna 1980 nyika iyi yaimbozivikanwa nokuti Rhodesia yakawana rusununguko kubva pautongi hweBritain uye yakazonzi Zimbabwe. Mune madzinza makuru maviri anogara munyika ino—vaShona, vari ivo vakawanda, uye maNdebele. Vanhu vacho vanogamuchira vaeni, sezvave zvichicherechedzwa kakawanda neZvapupu zvaJehovha mubasa razvo rouevhangeri repaimba neimba. Dzimwe nguva kunyange vasati vaziva mushanyi wacho, paanongogogodza pasuo vanowanzoti “Pindai” uye “Garai zvenyu pasi.” Vanhu vakawanda vomuZimbabwe vanoremekedza chaizvo Bhaibheri uye vanowanzoita kuti vana vavo vagare pasi uye vateerere panguva yokukurukura zveMagwaro.

Kupa Mashoko Anovaka Okunyaradza

Vanobudisa nhau vanowanzotaura nezve“AIDS” uye zvo“kusanaya zvakanaka kwemvura” kana vachitaura nezveZimbabwe. Kupararira kwechirwere cheAIDS kwakakanganisa zvakakomba uwandu hwevanhu uye upfumi hwenyika muAfrica kumaodzanyemba kwegwenga reSahara. Munyika idzi vanhu vanenge vari muzvipatara kazhinji kacho vanenge vaine utachiona hweHIV. Chirwere chacho chakaparadza upenyu hwemhuri dzakawanda.

Kuti zvibatsire vanhu vomuZimbabwe, Zvapupu zvaJehovha zviri kushingaira kuzivisa kuti nzira yakanaka kwazvo youpenyu inotungamirirwa nemitemo yaMwari iri muBhaibheri. Somuenzaniso, Shoko raMwari rinodzidzisa kuti chipo chinobva kuna Mwari chokuita zvepabonde ndechevakaroorana chete, kuti ungochani hautenderwi naMwari, uye kuti kuwedzera munhu ropa nokushandisa zvinodhaka nechinangwa chokuzvivaraidza hazvibvumirwi nomutemo waJehovha. (Mabasa 15:28, 29; VaRoma 1:24-27; 1 VaKorinde 7:2-5; 2 VaKorinde 7:1) Zvapupu zviri kuparadzirawo mashoko etariro ine payakavakirwa, zvichiratidza kuti munguva yemberi iri pedyo, Umambo hwaMwari huchabvisa zvirwere zvose.—Isaya 33:24.

Kuyamura

Kusanaya kwemvura kwakakanganisa nyika yeZimbabwe mumakore gumi apfuura. Mhuka dzomusango dzakafa nenzara uye nenyota. Mombe dzinosvika mazana ezviuru dzakafa. Maeka emiti akaparadzwa nemoto. Vana vakawanda nevakwegura vakafa nokushaya zvokudya zvinovaka muviri. Kunyange mvura yorwizi rukuru rwaZambezi yadzikira zvokuda kutadzisa kushanda kwemagwenya emagetsi omumvura.

Pamusana pokuparara kwaita zvinhu kudai, Zvapupu zvaJehovha zvakaumba matare okuyamura anokwana masere munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika ino. Vatariri vanofambira vakashanyira ungano kuti vaongorore zvinhu chaizvo zvaidiwa nehama. Mashoko aya akaudzwa dare rakakodzera raiita basa rokuyamura. Mumwe mutariri anofambira akati: “Kwemakore mashanu apfuura, takagovera matani anodarika chiuru echibage, matani gumi ematemba, uye ebhinzi. Hama dzatinonamata nadzo dzakafusha matani maviri omufushwa. Takapawo zvipfeko zvakawanda zvaibva kune hama dzedu uyewo mari yaidiwa.” Mumwe mutariri anofambira akati: “Pandinofunga nezvezvinetso zvatakasangana nazvo kuti tiwane magwaro emvumo anodiwa nenyika yeZimbabwe neyeSouth Africa kuti tipinze zvinhu izvi munyika uye nokuperevedza kwemafuta emotokari kuripo iye zvino kuti tiendese zvinhu zvoruyamuro izvi, ndinongoti kubudirira kwatakaita humwezve uchapupu hwevimbiso yaJesu yokuti Baba vedu vokudenga vanoziva kuti tinoda zvinhu zvose izvi.”—Mateu 6:32.

Vatariri vanofambira vanoita sei pavanenge vachishanda munzvimbo dzine nzara? Vamwe vanotakura zvokudya zvavo nezvemhuri dzavanozogara nadzo. Mumwe wavo akati dzimwe hanzvadzi dzechiKristu dzaibvunzana kuti dzorega here kunoparidza zuva racho kuitira kuti dzimirewo mumutsara wezvinhu zvoruyamuro zvaitarisirwa kuzounzwa nehurumende. Dzakasarudza kuvimba naJehovha nokuramba dzichiita basa rokuparidza uye kuona kuti zvinetso zvacho zvaizogadzirisika sei. Hapana zvinhu zvoruyamuro zvakaunzwa nehurumende musi iwoyo.

Zuva raitevera racho rakanga riri romusangano wechiKristu, uye hanzvadzi idzi dzaifanira kusarudza zvakare. Dzaizoenda kumusangano wacho here kana kuti dzaizoenda kunomirira zvinhu zvoruyamuro? Dzasarudza zvinokosha, dzakaenda kumusangano paImba yoUmambo. (Mateu 6:33) Pavakanga vachiimba rwiyo rwokupedzisira, vakanzwa kutinhira kwerori. Zvinhu zvoruyamuro zvakanga zvauya pavaiva chaipo, zvauya nehama dzavo dziri mudare rokuyamura! Mufaro nokuonga kweZvapupu zvakatendeka zvaiva pamusangano iwoyo waiva mukuru.

Rudo Runovaka

Kuitira mutsa vaya vasiri muungano yechiKristu kwakaita kuti pave nemikana yokunyatsopupura. Mumwe mutariri anofambira kuMasvingo, pamwe chete nezvimwe Zvapupu zveko, vaiita havo basa rouevhangeri. Akaona mumwe musikana akarara parutivi pomugwagwa. Zvapupu zvacho zvakaona kuti akanga achirwara kwazvo, sezvo aisakwanisa kunyatsotaura uye inzwi rake raidedera. Musikana wacho ainzi Hamunyari. Hama dzacho dzakaziva kuti akanga asiyiwa nevamwe vake vokuchechi vakanga vaenda kunonamata kumakomo. Zvapupu zvacho zvakabatsira musikana uyu norudo, nokumuendesa kumusha waiva pedyo.

Vamwe vanhu vomumusha wacho vaiziva Hamunyari, saka vakakumbira hama dzake kuti dziuye kuzomutora. NezveZvapupu, vomumusha wacho vakati: “Ichi ndicho chitendero chechokwadi. Urwu ndirwo rudo runofanira kuratidzwa nevaKristu.” (Johani 13:35) Dzisati dzaenda, hama dzacho dzakapa Hamunyari turakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? *

Vhiki yakatevera yacho mutariri anofambira uya akashanyira ungano yokwaigara Hamunyari. Aida kuziva kana akazosvika kumba kwavo zvakanaka. Mhuri yacho yose yakafara chaizvo kumuona nehama dzomunzvimbo iyi. Vabereki vomusikana wacho vakati: “Vanhu imimi chokwadi munonamata. Makaponesa mwanasikana wedu, akanga asiyiwa kuti afe zvake mumugwagwa.” Vakanga vabvunza vomuchechi yake kuti: “Makanga musinganyari here, sezvinoreva zita rokuti Hamunyari, kumusiya achifa?” Zvapupu zvacho zvakatanga kukurukura mashoko omuBhaibheri ndokusiyira vemhuri yaHamunyari mabhuku eBhaibheri, avo vakakumbira hama dzacho kuti dzizodzoka uye dzidzidze navo Bhaibheri. Vamwe vomumhuri yacho vaimboshora Zvapupu havachashori. Mumwe wavo akaroora mukoma waHamunyari, aiva mutungamiriri weimwe chechi munzvimbo yacho. Akabvuma kudzidza Bhaibheri.

Kuvaka Dzimba Dzokunamatira

Mumwe mudetembi akafuridzirwa wekare akanyora kuti: “Haiwa Mwari, . . . mweya wangu une nyota nokuda kwenyu. . . . Munyika yakaoma uye ine nyota, musina mvura.” (Pisarema 63:1) Izvi zvave zviri zvechokwadi chaizvo nezvevanhu vakawanda vari muZimbabwe! Vanorarama vachitsungirira kusanaya kwemvura, asi mune zvokunamata vane nyota yokuda Mwari nokunaka kwake. Unogona kuona izvi kubva pamigumisiro youshumiri hwechiKristu hunoitwa neZvapupu zvaJehovha. Nyika yeZimbabwe payakasununguka muna 1980, yaiva neZvapupu zvinenge 10 000 zvaiva muungano 476. Iye zvino zvapadarika makore 27, nhamba yeZvapupu yawedzera nekatatu uye nhamba yeungano yawedzera nekanenge kaviri.

Iungano shoma pane idzi dzaiva nenzvimbo dzadzo dzokunamatira. Muna January 2001, 98 chete paungano dzinopfuura 800 dziri muZimbabwe ndidzo dzaiva neimba yokunamatira—Imba yoUmambo. Ungano dzakawanda dzaiitira misangano pasi pemiti kana mudzimba dzouswa.

Nemhaka yezvipo uye basa rokuzvipira rinoitwa nehama dzavo dzechiKristu dziri munyika yose, Zvapupu zvomuZimbabwe zvakatanga chirongwa chokuti ungano dzakawanda dzive neDzimba dzoUmambo dzakanaka dzinoremekedzeka. Zvapupu zvakawanda zvokune dzimwe nyika zvine unyanzvi hwokuvaka zvakaronga kuuya muZimbabwe kuti zvishande nevazvipiri vomuno. Chimwe Chapupu chomuno chakanyora kuti: “Tinoonga nomwoyo wose hama nehanzvadzi dzinobva kunyika dzakawanda kwazvo dzakauya muZimbabwe kuti dzizobatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo dzakanaka. Tinokutendai mose nemari yenyu yezvipo yamunoisa kuHomwe yeDzimba dzoUmambo inoita kuti basa iri rikwanisike.”

Kumabvazuva kwenyika ino, hama dzaiungana pasi pomumwe muti mukuru womuuyu kwemakore 50. Vakuru vechiKristu pavakaudzwa kuti imba youmambo chaiyoiyo yaizovakwa, mumwe wavo akangoerekana ava kusvimha misodzi. Muungano yepedyo neiyi, mumwe mukuru ane makore 91 akati: “Ndave ndichichema kuna Jehovha kwenguva yakareba kuti chimwe chinhu chakadai chiitike!”

Mashoko akawanda ari kutaurwa ane chokuita nokukurumidza kuvakwa kuri kuitwa zvivako izvi zvinokwezva. Mumwe murume akati: “Imimi muri kuvaka zuva rakacheka nyika, asi Mwari anofanira kunge ari kuvaka usiku!” Kubatana nokufara kwevashandi kunoonekawo. Pari zvino, Dzimba dzoUmambo itsva dzinodarika 350 dzakavakwa munyika ino yose. Izvi zvaita kuti ungano 534 dzinamatire muDzimba dzoUmambo dzakavakwa zvakasimba nezvidhinha.

Basa rinokosha rokuparidza riri kuramba richiitwa muZimbabwe. Patinofunga zvakaitwa, tinokurudzirwa kukudza Jehovha, anoita kuti zvose izvi zviitike. Chokwadi, “kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshanda zvakaoma vachishandira pasina.”—Pisarema 127:1.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mepu dziri papeji 9]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

ZIMBABWE

HARARE

Masvingo

Great Zimbabwe

[Mufananidzo uri papeji 9]

Shongwe

[Mufananidzo uri papeji 12]

Imba yoUmambo Itsva, Ungano yeConcession

[Mufananidzo uri papeji 12]

Veungano yeLyndale vari panze peImba yavo yoUmambo itsva

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 9]

Masvingo ane masitepisi: ©Chris van der Merwe/AAI Fotostock/age fotostock; tower inset: ©Ingrid van den Berg/AAI Fotostock/age fotostock