Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatsirwa na“Mwari Anopa Kutsungirira Nenyaradzo”

Kubatsirwa na“Mwari Anopa Kutsungirira Nenyaradzo”

Kubatsirwa na“Mwari Anopa Kutsungirira Nenyaradzo”

ANENGE makore 2000 akapfuura, mumwe munyori weBhaibheri anonzi Pauro akarondedzera Jehovha achiti ndi“Mwari anopa kutsungirira nenyaradzo.” (VaRoma 15:5) Sezvo Bhaibheri richitivimbisa kuti Jehovha haachinji nokufamba kwenguva, tinogona kuvimba kuti Mwari achiri kunyaradza vaya vari kumushumira. (Jakobho 1:17) Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anonyaradza vaya vanoda kunyaradzwa nenzira dzakasiyana-siyana. Ndedzipi dzimwe nzira dzaanonyaradza nadzo? Mwari anopa simba kune vaya vanonyengetera kwaari, vachikumbira kubatsirwa. Anoitawo kuti vaKristu vechokwadi vade kunyaradza vamwe vavo. Uye Jehovha anonyaradza nenhoroondo dzinokurudzira dziri muShoko rake Bhaibheri, dzinonyanya kusimbisa vaya vari kuchema pamusana pokufirwa nevana. Ngatimbokurukura imwe neimwe yenzira nhatu idzi dzaari kushandisa kunyaradza.

“Jehovha Akazvinzwa”

Mambo Dhavhidhi akanyora nezvoMusiki wedu Jehovha, achiti: “Vimbai naye nguva dzose, haiwa imi vanhu. Dururai mwoyo yenyu pamberi pake. Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera.” (Pisarema 62:8) Nei Dhavhidhi aivimba naJehovha zvakadaro? Achizvitaura pachake, Dhavhidhi akanyora kuti: “Uyu anotambudzika akashevedza, Jehovha akazvinzwa. Akamununura mukutambudzika kwake kwose.” (Pisarema 34:6) Muzvinhu zvose zvaiodza mwoyo zvaakasangana nazvo muupenyu, Dhavhidhi ainyengetera nguva dzose kuna Mwari kuti amubatsire, uye Jehovha aigara achimubatsira. Dhavhidhi aiziva kubva pane zvakaitika kwaari kuti aizotsigirwa naMwari uye kuti aizomubatsira kutsungirira.

Vabereki vanenge vafirwa vanofanira kuziva kuti Jehovha acharamba ainavo munguva yavanenge vachirwadziwa zvikuru, sezvaakaita kuna Dhavhidhi. Vanogona kutaura no“Munzwi [mukuru] womunyengetero,” vachivimba kuti achavabatsira. (Pisarema 65:2) William, ambotaurwa munyaya yapfuura, akati: “Kakawanda, ndaifunga kuti ndaizotadza kurarama ndisina mwanakomana wangu, uye ndaikumbira Jehovha kuti andinyaradze. Nguva dzose ave achindipa simba uye ushingi kuti ndikwanise kuramba ndichirarama.” Kana iwe ukanyengeterawo kuna Jehovha nokutenda, Mwari mukuru wokudenga achakubatsira. Jehovha Mwari anotovimbisa vaya vanoedza kumushumira kuti: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”—Isaya 41:13.

Kutsigirwa Neshamwari Dzechokwadi

Mune dzimwe tsika vaya vanenge vafirwa nomwana vanowanzoda kuchema vari voga kuti vanyevenutse bundu rinenge riri pamwoyo pavo. Zvisinei, hakusi kuchenjera kuti kwenguva refu vadzivise kuva nevamwe. Maererano naZvirevo 18:1, “munhu anozviparadzanisa nevamwe” angashungurudzika. Saka vaya vanenge vafirwa vanofanira kungwarira kuti vasava vanazindoga.

Shamwari dzinotya Mwari dzinogona kubatsira zvikuru vaya vakaora mwoyo. Zvirevo 17:17 inoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” Lucy, ambotaurwawo munyaya yapfuura, akanyaradzwa neshamwari dzechokwadi pashure pokunge afirwa nomwanakomana wake. Achitaura nezveshamwari dzake dzomuungano, akati: “Kundishanyira kwavo kwakabatsira chaizvo, kunyange zvazvo dzimwe nguva vakanga vasingatauri zvakawanda. Paiva neimwe shamwari yaindishanyira pandainge ndiri ndoga. Yaiziva kuti ndinenge ndiri kumba ndichichema, uye yaiwanzouya kumba yochemawo neni. Imwezve yaindifonera zuva roga roga ichindikurudzira. Vamwezve vaitikoka kuti tidye navo mudzimba dzavo, uye vachiri kungozviita.”

Kunyange zvazvo marwadzo akadzama anonzwa vabereki kana vafirwa nomwana asingaperi zviri nyore, kunyengetera kuna Mwari uye kushamwaridzana nehama dzechokwadi dzechiKristu kuchanyaradza zvechokwadi vaya vakafirwa. Vabereki vakawanda vechiKristu vakafirwa nevana vanobvuma kuti Jehovha anavo. Chokwadi, Jehovha “anoporesa vakaora mwoyo, uye anosunga panovarwadza.”—Pisarema 147:3.

Nhoroondo dzomuBhaibheri Dzinonyaradza

Kuwedzera pakunyengetera uye kushamwaridzana nevamwe zvinovaka, Shoko raMwari rinonyaradza vaya vari kuchema. Nhoroondo dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti Jesu anoda kwazvo uye anokwanisa kumutsa vakafa zvichiita kuti vabereki vakafirwa vazorega kurwadziwa. Nhoroondo dzakadaro dzinonyatsonyaradza vaya vakafirwa. Ngatimboona nhoroondo mbiri dzakadaro.

Muna Ruka chitsauko 7 munorondedzera zvakaitika panguva iya Jesu yaakasangana nevanhu vaienda kumakuva muguta reNaini. Vanhu vacho vaienda kunoviga mwanakomana mumwe chete weimwe chirikadzi. Ndima 13 inoti: ‘Ishe paakaiona, akasiririswa, akati kwairi: “Rega kusvimha misodzi.”’

Vashoma vangaita chivindi chokuudza amai vanenge vachichema mwanakomana wavo pamariro kuti varege kuchema. Saka Jesu akazviitirei? Nokuti aiziva kuti kusuwa kwaamai ava kwakanga kwava kuda kupera. Nhoroondo yacho inoenderera ichiti: “[Jesu] akaswedera pedyo, akabata hwanyanza, vakanga vakatakura vakamira, iye akati: ‘Jaya, ndinoti kwauri, Muka!’ Munhu wacho akanga akafa akagara, akatanga kutaura, uye iye akamupa kuna amai vake.” (Ruka 7:14, 15) Izvi pazvakaitika, amai vomukomana wacho vanofanira kunge vakachema zvakare, asi panguva iyi vakanga vava kuchema nomufaro.

Pane imwe nguva, mumwe murume ainzi Jairosi akaenda kuna Jesu achikumbira kuti mwanasikana wake airwarisa aiva nemakore 12 arapwe. Pasina nguva ngani, akatambira shoko raiti musikana wacho akanga afa. Mashoko aya akarwadza Jairosi, asi Jesu akamuudza kuti: “Usatya, ingotenda chete.” Vava pamusha wemhuri yakanga yafirwa iyi, Jesu akapinda maiva nechitunha chomusikana wacho. Achibata ruoko rwechitunha chacho, akati: “Musikana, ndinoti kwauri, Muka!” Chii chakaitika? “Musikana wacho akabva angomuka, akatanga kufamba.” Vabereki vake vakaita sei? “Ivo vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.” Jairosi nomudzimai wake pavakambundira mwanasikana wavo, vakapembera nomufaro. Vakafunga kuti vairota.—Mako 5:22-24, 35-43.

Nhoroondo dzakadai dziri muBhaibheri dzinonyatsotaura zvokumutswa kwevana dzinoratidza vabereki vakafirwa mazuva ano zvavangatarisirawo. Jesu akati: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda.” (Johani 5:28, 29) Chinangwa chaJehovha ndechokuti Mwanakomana wake aite kuti vaya vakafa vararamezve. Mamiriyoni akawanda evana vakafa “vachanzwa inzwi rake” paachati kwavari: “Ndinoti kwauri, Muka!” Vaduku ivavo vachange vava kutaurazve uye vachafambazve. Uye sezvakaita Jairosi nomudzimai wake, vabereki vevana ivavo ‘vachatadza kubatika nomufaro.’

Kana wakafirwa nomwanakomana wako kana kuti mwanasikana, tapota ziva kuti Jehovha achachinja kusuwa kwako oita kuti ufare nokumumutsa. Kuti uzowana zvinhu zvakanaka izvi, teerera mashoko omunyori wepisarema anoti: “Tsvakai Jehovha nesimba rake. Tsvakai kunzwirwa nyasha naye nguva dzose. Yeukai mabasa ake anoshamisa aakaita, zvishamiso zvake.” (Pisarema 105:4, 5) Shumira Mwari wechokwadi, Jehovha, uye munamate sezvaanoda.

Chii chimwe chauchakurumidza kuwana kana ‘ukatsvaka Jehovha?’ Uchawana simba nokunyengetera kuna Mwari, uchanyaradzwa neshamwari dzechiKristu dzechokwadi dzine hanya, uye uchakurudzirwa nokudzidza Shoko raMwari. Uyezve, munguva pfupi iri kuuya, uchazvionera ‘mabasa anoshamisa nezvishamiso’ zvichaitwa naJehovha kuti zvikubatsire nokusingaperi iwe nomwana wako akafa.

[Bhokisi riri papeji 5]

“Uya Nomukadzi Akafirwa Nevana Vaviri”

Mumwe murume nomudzimai wake vokuNigeria vanonzi Kehinde naBintu, Zvapupu zvaJehovha zvakafirwa nevana vaviri mutsaona yemotokari. Kubvira pavakafirwa, vave vachirwadziwa zvikuru. Kunyange zvakadaro, kuvimba kwavanoita naJehovha kuri kuvabatsira, uye vari kuramba vachiudzawo vavakidzani vavo mashoko eBhaibheri etariro.

Vamwe vakacherechedza kuti Kehinde naBintu vakagadzikana uye vakashinga. Rimwe zuva mumwe mukadzi anonzi Amai Ukoli akaudza imwe shamwari yaBintu kuti: “Uya nomukadzi akafirwa nevana vaviri panguva imwe chete asi achiri kuparidza mashoko eBhaibheri. Ndinoda kuziva chinomupa simba rokutsungirira.” Pakasvika Bintu pamba pacho, Amai Ukoli vakati kwaari: “Ndinoda kuziva kuti nei uchiri kuparidza nezvaMwari akauraya vana vako. Mwari akanditorera mwanasikana wangu zai regondo. Kubvira ipapo, handinei naMwari.” Bintu akashandisa Bhaibheri kumutsanangurira kuti nei vanhu vachifa uye nei tichitarisira kuti vakafa vachamutswa zvechokwadi.—Mabasa 24:15; VaRoma 5:12.

Apedza, Amai Ukoli vakabva vati: “Ndaifunga kuti Mwari ndiye anouraya vanhu. Iye zvino ndava kuziva chokwadi.” Vakasarudza kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kuitira kuti vadzidze zvakawanda zvakavimbiswa naMwari.

[Bhokisi riri papeji 6]

‘Ndinoda Kubatsira, Asi Handizivi Kuti Ndobatsira Sei’

Vabereki vanenge vafirwa uye vana vanenge vasara pavanenge vachirwadziwa zvikuru, shamwari dzavo dzinganzwa dzichizeza kuvanyaradza. Dzinenge dzichida kutsigira mhuri yacho asi dzinenge dzichityira kutaura kana kuita zvimwe zvinhu zvingatowedzera kuvarwadzisa. Anotevera mamwewo mazano angabatsira vaya vangave vachifunga kuti, ‘Ndinoda kubatsira, asi handizivi kuti ndobatsira sei.’

❖ Usarega kutaura nevakafirwa uchiti hauna chokwadi nezvezvauchataura kana zvauchaita. Kungovapo kwako kunovasimbisa. Unopererwa nemashoko here? Kuvambundira uye kuvaudza nomwoyo wose kuti “Ndine urombo nezvakaitika” zvinoita kuti vazive kuti unovada. Unotya here kuti kana ukatanga kuchema, uchawedzera kuvarwadzisa? Bhaibheri rinoti: “Chemai nevanhu vanochema.” (VaRoma 12:15) Misodzi yako inoratidza kuti uri kuchema navo, uye izvozvo zvinovanyaradza.

❖ Tanga iwe. Ungabikira mhuri yacho zvokudya here? Ungavasukira ndiro here? Unokwanisa here kuvaitira mamwe mabasa? Usati, “Kana pane zvamunoda ndiudzei.” Kunyange ungataura mashoko aya nomwoyo wose, anogona kuita kuti vabereki vanenge vafirwa vafunge kuti wakawandirwa zvokuti haukwanisi kuvabatsira. Pane kudaro, vabvunze kuti, “Mungada kuti ndikubatsirei nechii pari zvino?” wobva waita zvavanenge vakumbira. Asi usapindira mune zvimwe zvinhu zvinenge zvingori zvemhuri yavo kana zvoupenyu hwavo chete.

❖ Usati, “Ndinoziva manzwiro amuri kuita.” Munhu mumwe nomumwe ane manzwiro akasiyana neevamwe paanofirwa nomunhu waanoda. Kunyange kana iwe wakafirwawo nomwana, hauzivi kuti vanenge vachinyatsonzwa sei.

❖ Pachapera nguva refu zvinhu zvisati zvaita sezvazvaive mumhuri yacho. Ramba uchiita zvose zvaunokwanisa kuti uvabatsire. Pakutanga, mhuri inenge ichangobva kufirwa inobatsirwa chaizvo, asi izvi zvinoda kuramba zvichiitwa. Vabatsire nezvavanoda mumavhiki uye mumwedzi inozotevera. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 29 Kana uchida mamwe mashoko anoratidza kubatsira kwaungaita vanenge vafirwa nomwana, ona chitsauko chinoti “Vamwe Vanogona Sei Kubetsera?” chiri pamapeji 20-4 mubhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Nhoroondo dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti Jesu ane simba uye anoda kumutsa vana vakafa