Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usaparadzanisa Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari

Usaparadzanisa Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari

Usaparadzanisa Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari

“Havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—MATEU 19:6.

1, 2. Nei zviri zvepaMagwaro uye kuri kuona zvinhu sezvazviri kutarisira kuti vakaroorana vachava nezvinetso pano nepapo?

CHIMBOFUNGIDZIRA kuti wava kuda kufamba rwendo rurefu nemotokari. Pane zvipingamupinyi zvauchawana here murwendo rwako? Kungasava kuchenjera kana ukafunga kuti hapana chingakuwana! Somuenzaniso, mamiriro okunze angava asina kunaka zvokuti unotofanira kudzora sipidhi wotyaira nokungwarira. Pane imwe nguva motokari yako ingafa zvokuti unenge usingagoni kuigadzira, zvichitoda kuti umboimisa parutivi pomugwagwa kuti utsvake rubatsiro. Zvinhu zvakadaro zvingaita kuti uzvidembe here kuti wakatangirei rwendo rwacho kana kuti ubve wada kusiya motokari yacho? Kwete. Paunofamba rwendo rurefu unotarisira kusangana nezvinetso uye unotsvaka nokuchenjera magadzirisiro aungazviita.

2 Ndizvowo zvakaita upenyu hwokuroorana. Zvinetso zvichatongovapo, uye hakusi kuchenjera kuti vaviri vari kufunga zvokuroorana vatarisire upenyu hwemafaro chete. Pana 1 VaKorinde 7:28, Bhaibheri rinonyatsotaura kuti varume nevakadzi vachava “nedambudziko munyama yavo.” Nei? Kungozvitaura muchidimbu, nokuti varume nevakadzi havana kukwana, uye tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1; VaRoma 3:23) Saka kunyange vaviri vanonyatsopindirana, vakasimba pakunamata, vachasangana nezvinetso pano nepapo.

3. (a) Vanhu vakawanda vari munyika vanoona sei kuroorana? (b) Nei vaKristu vakaroorana vachiedza kuramba vari pamwe chete?

3 Mazuva ano vakaroorana pavanova nezvinetso, chavanotanga kufunga kurambana. Munyika dzakawanda, nhamba yevari kurambana iri kungoramba ichiwedzera. Zvisinei, vaKristu vechokwadi vanogadzirisa zvinetso pane kumhanyira kurambana. Nei? Nokuti vanoona kuroorana sechipo chitsvene chinobva kuna Jehovha. Nezvevakaroorana Jesu akati: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mateu 19:6) Ichokwadi kuti hazvisi nyore kurarama zvinoenderana nemashoko iwaya. Somuenzaniso, voukama nevamwe, kusanganisira vanachipangamazano vasingazivi mitemo yeBhaibheri, vanowanzokurudzira vakaroorana kuti vaparadzane kana kurambana nezvikonzero zvisiri zvomuMagwaro. * Asi vaKristu vanoziva kuti zviri nani zvikuru kugadzirisa zvinetso uye kuramba vari pamwe chete pane kukurumidza kurambana. Chokwadi, zvinokosha kuti pakutanga chaipo tiite zvinhu nenzira yaJehovha—kwete maererano nemazano evamwe vanhu.—Zvirevo 14:12.

Kukunda Zvinetso

4, 5. (a) Vakaroorana vanofanira kusangana nezvinetso zvipi? (b) Nei mazano ari muShoko raMwari achinyatsoshanda kunyange mumba mukava nezvinetso?

4 Chokwadi ndechokuti imba imwe neimwe inoda kumbowanirwa nguva yokugadzirisa zvinetso. Kakawanda, izvi zvingasanganisira kugadzirisa zviduku zvamusingabvumirani. Kunyange zvakadaro, vamwe vakaroorana vangava nezvinetso zvikuru zvingada kukanganisa ukama hwavo. Dzimwe nguva, mungatofanira kukumbira kubatsirwa nomukuru wechiKristu akaroora ane ruzivo. Zvisinei, zvinhu zvakadai hazvirevi kuti imba yenyu yava kuparara. Zvinongoratidza kukosha kwokuti munyatsoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri pakugadzirisa zvinetso.

5 Zvaari Musiki wevanhu uye akatanga urongwa hwokuroorana, Jehovha anonyatsoziva zvatinoda kupfuura munhu upi noupi kuti tibudirire muukama hwedu hwokuroorana. Mubvunzo ndowokuti, Tichateerera zano rinowanika muShoko rake here? Chokwadi tikadaro zvichatibatsira. Jehovha akaudza vanhu vake vekare kuti: “Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.” (Isaya 48:18) Kushandisa mazano ari muBhaibheri kunogona kuita kuti imba ibudirire. Ngatimbotangai takurukura zano rinopiwa varume neBhaibheri.

“Rambai Muchida Madzimai Enyu”

6. Varume vanopiwa zano ripi neMagwaro?

6 Mutsamba yakanyorwa nomuapostora Pauro kuvaEfeso mune mashoko aya akajeka akarayirwa varume. Pauro akanyora kuti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo. Saizvozvo varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Anoda mudzimai wake anozvida, nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano. Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita.”—VaEfeso 5:25, 28, 29, 33.

7. (a) Chii chinokosha chinofanira kutsigisa imba yechiKristu? (b) Varume vanoramba vachida madzimai avo sei?

7 Pauro haadonongodzi zvinetso zvose zvingawanikwa nomurume nomudzimai. Asi anotaura chimwe chinhu chinokosha chinofanira kutsigisa imba imwe neimwe yechiKristu—rudo. Kutaura zvazviri, rudo runotaurwa katanhatu mundima dziri pamusoro apa. Onawo kuti Pauro anoudza varume kuti: “Rambai muchida madzimai enyu.” Hapana mubvunzo kuti Pauro aiziva kuti kutanga kudanana nomumwe munhu kungava nyore kupfuura kuramba muchidanana. Izvi zviri kunyanya kuitika ‘mumazuva ano okupedzisira,’ vakawanda pavava ‘kuzvida’ uye pavasisiri ‘kuda kubvumirana.’ (2 Timoti 3:1-3) Unhu husina kunaka uhwu huri kukanganisa dzimba dzakawanda mazuva ano, asi murume ane rudo haaregi unhu hwenyika hwoudyire huchikanganisa mafungiro ake nezviito zvake.—VaRoma 12:2.

Ungapa Sei Mudzimai Wako Zvaanoda?

8, 9. Murume wechiKristu anoitira sei mudzimai wake zvaanoda?

8 Kana uri murume wechiKristu, ungarega sei kuita udyire woratidza kuti unoda mudzimai wako zvechokwadi? Mumashoko ake ambotaurwa aakanyorera vaEfeso, Pauro akataura zvinhu zviviri zvaunofanira kuita—ipa mudzimai wako zvaanoda uye mutarisire sezvaunoita muviri wako. Ungapa sei mudzimai wako zvaanoda? Imwe nzira ndeyokumupa zvokudya, zvokupfeka, nepokugara. Pauro akanyorera Timoti kuti: “Chokwadi kana munhu asingagoveri vokwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.”—1 Timoti 5:8.

9 Zvisinei, hazvigumiri pakungomupa zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara. Nei? Nokuti murume angapa mudzimai wake zvose zvaanoda asi asina hanya zvakanyanya nemanzwiro ake uye asingamutarisiri mune zvokunamata. Kumupa zvapedzisira kutaurwa ndiko kunokosha. Ichokwadi kuti varume vakawanda vechiKristu vane zvinhu zvakawanda zvokuita muungano. Asi kuva nemabasa akawanda muungano hakurevi kuti murume arege kuita basa rake raakapiwa naMwari rokuva musoro wemhuri. (1 Timoti 3:5, 12) Ichitaura nezvenyaya iyi, makore anoverengeka akapfuura magazini ino yakati: ‘Maererano nezvinorayirwa neBhaibheri, zvinganzi “kufudza kunotangira mumba.” Kana mukuru akasatarisira mhuri yake, zvingamutadzisa kuramba ari mukuru.’ * Zviri pachena kuti zvinokosha kuti upe mudzimai wako zvaanoda, uve nehanya nemanzwiro ake uye zvinotonyanya kukosha, umutarisire mune zvokunamata.

Zvinorevei Kutarisira Mudzimai Wako?

10. Murume angatarisira sei mudzimai wake?

10 Kana uchitarisira mudzimai wako, unomubata zvakanaka nokuti unomuda. Kune nzira dzakawanda dzaungaita nadzo izvi. Yokutanga, wana nguva yokuva nomudzimai wako. Kana ukasawana nguva yokuva nomudzimai wako angaguma asingachakudi. Zvaunofanirawo kuziva ndezvokuti zvaungafunga kuti ndizvo zvaanoda zvingava zvakasiyana nezvaanenge achida chaizvo. Hazvifaniri kuva zvepamuromo chete kuti unotarisira mudzimai wako. Mudzimai wako anofanira kugutsikana kuti ari kutarisirwa. Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.” (1 VaKorinde 10:24) Somurume ane rudo, unofanira kuva nechokwadi chokuti unonzwisisa zvinonyatsodiwa nomudzimai wako.—VaFiripi 2:4.

11. Ukama hwomurume naMwari uye neungano hunokanganiswa sei nemabatiro aanoita mudzimai wake?

11 Imwe nzira yokuratidza kuti unotarisira mudzimai wako ndeyokumubata nounyoro, mukutaura uye mune zvaunomuitira. (Zvirevo 12:18) Pauro akanyorera vaKorose kuti: “Imi varume, rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo.” (VaKorose 3:19) Maererano nerimwe bhuku, mashoko okupedzisira akataurwa naPauro mumutsetse uyu anganzi “musamubata somushandi womumba” kana kuti “musamuita somurandakadzi.” Murume anodzvinyirira—pangave pane vanhu kana kuti muri moga—chokwadi haaratidzi kuti anotarisira mudzimai wake. Kubata mudzimai wake nehasha kunogona kukanganisa ukama hwake naMwari. Muapostora Petro akanyorera varume mashoko aya: “Rambai muchigara nemadzimai enyu saizvozvo maererano nokuziva, muchikudza mudzimai sezvamunoita mudziyo usina simba, zvamuchagarawo nhaka nyasha dzoupenyu dzisina kukodzera kuwanwa pamwe chete navo, kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” *1 Petro 3:7.

12. Murume wechiKristu angadzidzei pamabatiro aiita Jesu ungano yechiKristu?

12 Usarerutsa nyaya yokuda mudzimai wako. Gara uchimuudza kuti unomuda. Jesu akaratidza varume muenzaniso nenzira yaaibata nayo ungano yechiKristu. Aiva munyoro, aiva nomutsa, uye aikanganwira—kunyange vateveri vake pavairamba vachikanganisa. Ndokusaka Jesu aigona kuudza vamwe kuti: “Uyai kwandiri, . . . nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.” (Mateu 11:28, 29) Achitevedzera Jesu, murume wechiKristu anobata mudzimai wake semabatiro aiita Jesu ungano. Murume anonyatsotarisira mudzimai wake, achiratidza izvi nemashoko nezviito, achanyatsozorodza mudzimai wake.

Madzimai Anorarama Achitevedzera Bhaibheri

13. Mazano api ari muBhaibheri anogona kubatsira madzimai?

13 Bhaibheri rinewo mazano anogona kubatsira madzimai. VaEfeso 5:22-24, 33 inoti: “Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo sokunaShe, nokuti murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano, iye zvaari muponesi womuviri uyu. Chokwadi, ungano zvainozviisa pasi paKristu, madzimai ngaaitewo saizvozvo kuvarume vawo muzvinhu zvose. . . . Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.”

14. Nei zano romuMagwaro rokuzviisa pasi risingaderedzi madzimai?

14 Ona kusimbisa kwakaita Pauro nyaya yokuzviisa pasi nokuremekedza. Mudzimai anoyeuchidzwa kuti azviise pasi pomurume wake. Izvi zvinowirirana nourongwa hwaMwari. Chisikwa chose chipenyu chiri kudenga nepanyika chinotozviisa pasi pomumwe munhu. Kunyange Jesu chaiye anozviisa pasi paJehovha Mwari. (1 VaKorinde 11:3) Chokwadi, murume anotungamirira zvakanaka achaita kuti zvive nyore kuti mudzimai wake arambe achizviisa pasi.

15. Nderipi rimwe zano rinopiwa madzimai rinowanika muBhaibheri?

15 Pauro akatiwo mudzimai “anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” Mudzimai wechiKristu anofanira kuratidza “mudzimu wakanyarara uye munyoro,” asingaitisani nharo nomurume wake kana kuda kuzvimiririra. (1 Petro 3:4) Mudzimai anotya Mwari anoshanda nesimba kutarisira mhuri yake uye anoita kuti murume wake akudzwe. (Tito 2:4, 5) Achataura zvakanaka nezvomurume wake oita zvinoita kuti vamwe vamuremekedze. Achashanda nesimba kuti zvinenge zvasarudzwa nomurume wake zvibudirire.—Zvirevo 14:1.

16. Madzimai echiKristu angadzidzei kubva kumienzaniso yaSara naRibheka?

16 Kuva munyoro nokunyarara hakurevi kuti mudzimai wechiKristu haana zvaanotaurawo kana kuti mafungiro ake haakoshi. Madzimai aitya Mwari ekare, akadai saSara naRibheka, vakatanga ivo kutaura panyaya dzaivanetsa, uye Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha akafarira zvavakaita. (Genesisi 21:8-12; 27:46–28:4) Madzimai echiKristu angataurawo mafungiro awo. Zvisinei, vanofanira kutaura nokuremekedza kwete nenzwi rinoratidza kuzvidza. Kana vakadaro vachaona kuti kazhinji varume vavo vachabvuma mafungiro avo.

Kushanda Kunoita Kuzvipira

17, 18. Ndedzipi dzimwe nzira dzinogona kushandiswa nevarume nemadzimai kudzivisa miedzo yaSatani yokuparadza dzimba dzavo?

17 Kuroorana kuzvipira kune mumwe wako kwoupenyu hwose. Saka murume nomudzimai vanofanira kuda nemwoyo wose kuita kuti imba yavo ibudirire. Kusabudirana pachena pakukurukura kunogona kuita kuti zvinetso zviwedzere uye zvikure. Kakawanda, vakaroorana vanorega kukurukurirana kana paitika zvinetso, uye izvi zvinokonzera kugumbukirana. Vamwe vakaroorana vangatotsvaka nzira yokurambana, zvichida nokutanga kudanana nomumwe munhu. Jesu akanyevera kuti: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mateu 5:28.

18 Muapostora Pauro akapa zano vaKristu vose kusanganisira vakaroorana, rokuti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEfeso 4:26, 27) Muvengi wedu mukuru, Satani, anoedza kutivhiringidza achishandisa zvatingave tisingabvumirani sevaKristu. Usamubvumira kuti abudirire! Kana pakava nezvinonetsa, ongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezvemaonero anoita Jehovha nyaya dzacho, uchishandisa mabhuku eBhaibheri. Kurukurai zvamusingabvumirani makadzikama uye nokutendeka. Onai kuti ndezvipi zvinodiwa naJehovha zvamusiri kuita mobva mazviita. (Jakobho 1:22-25) Mumba menyu, tsungai kuramba muchifamba naMwari somurume nomudzimai, uye musarega munhu upi zvake kana chimwe chinhu zvichiparadzanisa zvakasungwa pamwe chete pajoko naMwari!—Mika 6:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona bhokisi rinoti “Kurambana Uye Kuparadzana” riri muMukai! yaFebruary 8, 2002, peji 28, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 9 Ona Nharireyomurindi, May 15, 1989, peji 12.

^ ndima 11 Kuti murume akwanise kupiwa ropafadzo muungano yechiKristu, haafaniri kunge ari munhu anorova vamwe nemashoko kana nezvibhakera chaizvo. Ndokusaka nyaya iri muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1990 papeji 25 ichiti: ‘Murume haakwanisi kuva mukuru kana achiita zvinodiwa naMwari mune zvimwewo asi achidzvinyirira mumba.’—1 Timoti 3:2-5, 12.

Unoyeuka Here?

• Nei dzimba kunyange dzevaKristu dzichivawo nezvinetso?

• Murume angapa sei mudzimai wake zvaanoda uye angaratidza sei kuti anomutarisira?

• Mudzimai angaitei kuratidza kuti anoremekedza murume wake zvikuru?

• Murume nomudzimai vangasimbisa sei kuzvipira kwavo kune mumwe nomumwe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 20]

Murume haangofaniri kupa mudzimai wake zvaanoda chete, asiwo anofanira kumutarisira mune zvokunamata

[Mufananidzo uri papeji 21]

Murume anotarisira mudzimai wake anomunyaradza

[Mufananidzo uri papeji 23]

Madzimai echiKristu anotaura mafungiro awo achiremekedza