Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kukurira Kusaruramisirwa!

Unogona Kukurira Kusaruramisirwa!

Unogona Kukurira Kusaruramisirwa!

NDIANI asina kumbobvira abatwa nokusaruramisira muupenyu hwake? Kunyange zvazvo kumwe kusaruramisirwa kuri kwokungofunga kana kufungidzira chete, kumwe kwacho kunotoitika.

Pose patinobatwa nokusaruramisira, tinorwadziwa uye zvingakanganisa zvikuru ukama hwedu naMwari. Tingave tichida chaizvo kuzvigadzirisa. Nei? Chimwe chikonzero ndechokuti Musiki wedu Jehovha, ndiMwari “asina kusaruramisira,” uye akaisa muvanhu chido chikuru chokubatwa nokururamisira. (Dheuteronomio 32:4; Genesisi 1:26) Zvisinei, pane dzimwe nguva tinganzwa sokuti hatina kubatwa nokururamisira. Mumwe murume akachenjera akamboti: “Ini ndakafungazve kuti ndione mabasa ose okudzvinyirira anoitwa pasi pezuva, uye kwaiva nemisodzi yevaya vaidzvinyirirwa, asi vakanga vasina munyaradzi; uye vadzvinyiriri vavo vaiva nesimba, zvokuti ivo vakanga vasina munyaradzi.” (Muparidzi 4:1) Saka tingaita sei patinobatwa nokusaruramisira?

Kusaruramisira Chii Chaizvo?

Kusaruramisira kuitira munhu zvisingaenderani nezvinonzi ndizvo zvakaenzanirana. Kururamisira vanhu kuita sei? Zviri pachena kuti Musiki wedu akarurama uye asingachinji ane kodzero yokutaura kuti kururamisira nokusaruramisira kuita sei. Mumaonero ake, kufamba “nemirau youpenyu” kunosanganisira “kurega kuita zvisina kururama.” (Ezekieri 33:15) Ndosaka Jehovha paakasika munhu wokutanga, akamupa hana—inzwi romukati raizomubatsira kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. (VaRoma 2:14, 15) Kunze kwaizvozvo, Jehovha akataurawo muShoko rake Bhaibheri zvinoratidza kururamisira nokusaruramisira.

Zvakadii kana tichifunga kuti hatina kubatwa nokururamisira? Zvakanaka kuti tinyatsoongorora nyaya yacho sezvazviri chaizvo kuti tione kana zvechokwadi tisina kururamisirwa. Somuenzaniso, funga zvakaitika kumuprofita wechiHebheru Jona. Jehovha akamupa basa rokunoudza vaNinivhi nezvoruparadziko rwakanga rwavapedyo. Pakutanga Jona akatiza asina kuita basa racho. Zvisinei, pakupedzisira akaenda kuNinivhi akavayambira nezvenhamo yakanga ichizovawira. Pavakatendeuka, Jehovha akasarudza kuchengetedza guta racho ndokuponesa vaigaramo. Jona akanzwa sei? “Jona haana kumbofadzwa nazvo, akatsamwa kwazvo.” (Jona 4:1) Akafunga kuti apa Jehovha akanga amubata zvisina kururamisira.

Pasina mubvunzo, Jehovha akanga asina kukanganisa nokuti anogona kuona zviri pamwoyo uye “anoda kururama nokururamisira.” (Pisarema 33:5) Jona aingofanira kudzidza kuti zvainge zvasarudzwa naJehovha zvaienderana nokururamisira kwake. Patinofunga kuti hatina kururamisirwa tingazvibvunza kuti, ‘Jehovha angadaro achiona nyaya iyi zvakasiyana here?’

Vamwe Vasina Kururamisirwa

Bhaibheri rinotaura vanhu vakawanda vasina kururamisirwa. Tinodzidza zvakawanda nokuongorora zvavakaita mumatambudziko avo. Funga nezvaJosefa akatengeswa kuti ave muranda muIjipiti nevakoma vake vaiva neshanje. MuIjipiti mudzimai watenzi waJosefa akaedza kuita zvepabonde naye, uye paakaramba, akamupomera kuti akanga achida kuita unzenza naye. Josefa akaguma ava mujeri. Asi kutenda kwake kwaiva kwakasimba kupfuura simbi dzaiva dzakamusunga. Haana kubvumira kuti kusaruramisirwa kukanganise ukama hwake naMwari kana kuti kuderedze kuvimba kwaaiita naJehovha.—Genesisi 37:18-28; 39:4-20; Pisarema 105:17-19.

Mumwe murume asina kururamisirwa ndiNabhoti. Akaurayirwa fovhoro naJezebheri, mudzimai waAhabhi, Mambo wevaIsraeri. Mambo aidokwairira munda wenhaka waNabhoti waiva pedyo nomuzinda wake. MuIsraeri airambidzwa kutengesa zvachose pfuma yake yenhaka, saka Nabhoti akaramba kuti mambo atenge munda wacho. (Revhitiko 25:23) Zvadaro, mudzimai akaipa waAhabhi akaronga zvapupu zvenhema zvakapomera Nabhoti mhosva yokumhura Mwari uye mambo. Zvakaguma nokuurayiwa kwaNabhoti uye vanakomana vake. Fungidzira kuti Nabhoti akanzwa sei vanhu pavakatanga kunhonga matombo kuti vamuuraye!—1 Madzimambo 21:1-14; 2 Madzimambo 9:26.

Asi zvataurwa pamusoro apa zvidiki kana zvichienzaniswa nokusaruramisirwa kwakaitwa Kristu Jesu. Kutongerwa rufu kwaakaitwa kwaibva panhema uye kutongwa zvisiri pamutemo. Gavhuna weRoma akanga ari mutongi akashaya simba rokuti atsigire zvaaiona kuti ndizvo zvakarurama. (Johani 18:38-40) Chokwadi, Satani akabata Kristu Jesu nokusaruramisira zvikuru kupfuura vamwe vanhu vose!

Zviitiko zvose izvi zvinoratidza kuti Jehovha haana basa nokusaruramisira here? Kana! Jehovha haana kuona zvakaitika izvozvo semaonero anoita vanhu. (Isaya 55:8, 9) Josefa akakwanisa kuponesa mhuri yake nokuti akanga atengeswa kuti ave muranda. Akava maneja wezvokudya muIjipiti nzara huru yakazobata mhuri yake isati yauya. Funga, kudai Jehovha asina kubvumira kuti Josefa abatwe nokusaruramisira, angadai asina kuenda mujeri. Ndiko kwaakadudzira hope dzevarume vaviri vaaiva navo mujeri, uye mumwe wacho ndiye akazoudza Farao nezvaJosefa, zvakazoita kuti Josefa asvike pakuva maneja wezvokudya.—Genesisi 40:1; 41:9-14; 45:4-8.

Ko Nabhoti? Zvakare, edza kuona nyaya yacho sezvakaitwa naJehovha. Jehovha zvaanogona kumutsa vakafa, mumaonero ake Nabhoti akanga ari mupenyu, kunyange mutumbi wake pawaiva wakarara pasi. (1 Madzimambo 21:19; Ruka 20:37, 38) Nabhoti anofanira kumirira nguva yaachamutswa naJehovha, asi nguva yacho inoita seshoma, nokuti vakafa havana zvavanoziva. (Muparidzi 9:5) Uyezve, Jehovha akatsivira Nabhoti nokuparadza Ahabhi nemhuri yake yose.—2 Madzimambo 9:21, 24, 26, 35, 36; 10:1-11; Johani 5:28, 29.

Kana ari Jesu, akafa. Asi Mwari akamumutsa akamuisa pachinzvimbo chiri “kumusorosoro kwehurumende dzose nechiremera nesimba noushe nemazita ose anodanwa.” (VaEfeso 1:20, 21) Kubatwa nokusaruramisira kwakaitwa Kristu Jesu naSatani hakuna kutadzisa Jehovha kukomborera Mwanakomana wake. Jesu akanga achivimba kuti Jehovha aigona kubva angogadzirisa kusaruramisirwa nokusungwa zvisiri pamutemo kwaakaitwa kana izvozvo zvaiva kuda kwake. Asi Jesu akazivawo kuti Jehovha ane nguva yokuti azadzise Magwaro uye yokupedza kusaruramisirwa kunoitwa vanhu.

Zvechokwadi, Satani nevanhu vake vakabata nokusaruramisira vanhu vakarurama, asi Jehovha akagadzirisa nyaya yacho uye akapedza kana kuti achapedza zvachose kusaruramisirwa ikoko. Nokudaro, kuti kusaruramisira kugadziriswe, tinofanira kumirira Mwari.—Dheuteronomio 25:16; VaRoma 12:17-19.

Nei Jehovha Achibvumira Kusaruramisira

Jehovha angatova nezvikonzero zvokusagadzirisa imwe nyaya. Angabvumira kuti tisaruramisirwe achiitira kuti tirovedzwe sevaKristu. Zvechokwadiwo, ‘Mwari haaedzi munhu nezvakaipa.’ (Jakobho 1:13) Asi angabvumira kuti zvimwe zvinhu zviitike asingapindire, uye anogona kusimbisa vose vanobvuma kurovedzwa kwakadaro. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Pashure pokunge matambura kwenguva duku, Mwari womutsa wose usina kukodzera kuwanwa . . . iye pachake achapedzisa kurovedzwa kwenyu, achaita kuti muve vakatsiga, achaita kuti muve vakasimba.”—1 Petro 5:10.

Uyezve, dzimwe nguva kubvumira kwaJehovha kusaruramisirwa kungapa vanamuparanzvongo vacho nguva yokupfidza. Papera vhiki shomanana Jesu aurayiwa, vaJudha vakateerera hurukuro yaPetro “vakabayiwa pamwoyo.” Vakagamuchira shoko raMwari nemwoyo wose uye vakabhabhatidzwa.—Mabasa 2:36-42.

Ichokwadi kuti havasi vose vanotibata nokusaruramisira vachapfidza. Vamwe vangatoenderera mberi vachibata vamwe nokusaruramisira. Asi Zvirevo 29:1 inoti: “Munhu anongoramba achitsiurwa asi achiomesa mutsipa wake achangoerekana atyorwa, uye haazombopori.” Zvechokwadi, pakupedzisira Jehovha achatsvaira vose vanoramba vaine unhu husina kukodzera.—Muparidzi 8:11-13.

Zvingatora hazvo nguva yakareba tiine marwadzo okubatwa nokusaruramisira, asi tine chokwadi chokuti Jehovha anoziva kutibatsira kwaachaita. Uye zvechokwadi achagadzirisa chero kusaruramisirwa kwatakaitwa mumamiriro ezvinhu akaipa epanguva ino. Uyezve, akativimbisa mubayiro wokupedzisira, upenyu husingaperi munyika itsva iyo “kururama kuchagara.”—2 Petro 3:13.

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Nabhoti akanzwa sei paakabatwa nokusaruramisira?