Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anoda Kururamisira

Jehovha Anoda Kururamisira

Jehovha Anoda Kururamisira

“Ini Jehovha, ndinoda kururamisira.”—ISAYA 61:8.

1, 2. (a) Mashoko okuti “kururamisira” uye “kusaruramisira” anorevei? (b) Bhaibheri rinotii nezvaJehovha uye kururamisira kwake?

KURURAMISIRA kunotsanangurwa ‘sokusasarura vamwe, kuvaitira zvakanaka, kuita zvinoenderana netsika dzakanaka uye dzakarurama.’ Kusaruramisira kunoreva kuitira vamwe utsinye, kuvasarura, kuvaitira zvakaipa, uye kuvarwadzisa.

2 Makore anoda kukwana 3 500 adarika, Mosesi akanyora nezvaChangamire wezvinhu zvose Jehovha, achiti: “Nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira.” (Dheuteronomio 32:4) Papera makore 700, Mwari akafemera Isaya kunyora mashoko aya anoti: “Ini Jehovha, ndinoda kururamisira.” (Isaya 61:8) Kozoti muzana remakore rokutanga, Pauro akati: “Mwari haaruramisiri here? Izvozvo ngazvirege kumbova zvakadaro!” (VaRoma 9:14) Mumakore iwayo, Petro akati: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Chokwadi, “Jehovha anoda kururamisira.”—Pisarema 37:28; Maraki 3:6.

Kusaruramisira Kwakapararira

3. Kusaruramisira kwakatanga sei panyika?

3 Kururamisira hakuna kupararira mazuva ano. Tinogona kusaruramisirwa chero naani zvake, kungave kubasa, kuchikoro, nevakuru vakuru, mumhuri uye kunyange nedzimwewo nzira. Chokwadi, kusaruramisira uku hakuna kutanga nhasi. Kwakatanga apo vabereki vedu vokutanga vakapanduka uye vakarega kuteerera vafurirwa nechisikwa chomudzimu chakazova Satani Dhiyabhorosi. Chokwadi kwaiva kusarurama kwaAdhamu, Evha, naSatani kuti vashandise zvisiri izvo chipo chokuzvisarudzira chavakapiwa naJehovha. Kutadza kwavakaita kwakaguma nenhamo tsvuku nokufa kwevanhu vose.—Genesisi 3:1-6; VaRoma 5:12; VaHebheru 2:14.

4. Kusaruramisira hwave huri upenyu hwevanhu kwenguva yakareba sei?

4 Makore 6 000 kubva pakupanduka kwakaitwa muEdheni, kusaruramisira hwave huri upenyu hwevanhu. Ndizvo zvatingatarisira nokuti Satani ndiye mwari wenyika ino. (2 VaKorinde 4:4) Ndiye murevi wenhema nababa venhema, mucheri uye mudzivisi waJehovha. (Johani 8:44) Anoparadzira kusaruramisira kwakaipisisa. Somuenzaniso, zvichikonzerwawo nokuipa kwaSatani, Mafashamo omuzuva raNoa asati aitika, Mwari akaona kuti “kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose.” (Genesisi 6:5) Zvaiva zvakangodarowo munguva yaJesu. Akati: “Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro,” kureva kuti rine nhamo dzaro dzakadai sokusaruramisira. (Mateu 6:34) Bhaibheri rinodedemura richiti: “Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.”—VaRoma 8:22.

5. Nei kuine kusaruramisira kwakawanda iye zvino kupfuura kare?

5 Nokudaro, zvakaipa zvinoguma nokusaruramisira kwakaipisisa zvave zvichiitika kubvira kare kare. Iye zvino zvaipa kupfuura kare kwose. Nemhaka yei? Nokuti kwemakore akawanda nyika ino isingadi Mwari yave iri “mumazuva okupedzisira,” ichiva mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” sezvainoguma. Bhaibheri rakafanotaura nezvenguva iyi, richiti vanhu vaizova “vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, . . . vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada.” (2 Timoti 3:1-5) Maitiro akaipa akafanana neaya anoguma nokusaruramisira kwemarudzi ose.

6, 7. Vanhu nhasi vaona chitsvuku nokusaruramisira kupi kusina ani akamboona?

6 Makore zana apfuura akava nokusaruramisira kunotyisa kusina ani akamboona. Chimwe chikonzero ndechokuti makore aya akarwiwa hondo dzakawanda. Somuenzaniso, vamwe vanyori venhoroondo vanofungidzira kuti muHondo Yenyika II yoga, makaurayiwa vanhu vanobvira pamamiriyoni 50 kusvika ku60, vazhinji vavo vari vanhu vakazvigarira zvavo—varume, vakadzi, uye vana. Kubva pakapera hondo iyoyo, mamwewo mamiriyoni evanhu akaurayiwa mukurwisana kwakasiyana-siyana uyezve vazhinji vari vanhu vakazvigarira zvavo. Satani anosimudzira kusaruramisira kwakadaro nokuti ane hasha achiziva kuti nokukurumidza Jehovha achamukunda zvachose. Uprofita hweBhaibheri hunozvitaura huchiti: “Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:12.

7 Munyika dzose mari iri kupedzerwa muchiuto inosvika madhora okuAmerica anenge mabhiriyoni ane chiuru gore roga roga. Mazana emamiriyoni evanhu havana zvinhu zvinokosha muupenyu, saka funga zvinhu zvakanaka zvaigona kutengwa nemari yose iyi kudai yaishandisirwa zvinhu zvokuunza runyararo. Vanhu vanoda kusvika bhiriyoni rimwe chete havana zvokudya zvakakwana, nepo vamwe vari kuita zvokurova nemakumbo. Maererano neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rose, gore roga roga vana vanenge mamiriyoni mashanu vari kufa nenzara. Kuita here uku! Chifungawo nezvevana vakawanda vasina mhosva vanourayiwa nokubvisa pamuviri. Pasi rose zvinofungidzirwa kuti vanobva pamamiriyoni 40 kusvika ku60 gore roga roga! Chokwadi kusaruramisira kwakadai kunotyisa zvikuru!

8. Vanhu vacharuramisirwa zvechokwadi sei?

8 Vatungamiriri venyika havasi kukwanisa kupedza nhamo dziri kufurufusha vanhu mazuva ano; uye zvinoitwa nevanhu hazvisi kuzoita kuti zvinhu zvive nani. Shoko raMwari rakazvitaura kare kuti mazuva ano “vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.” (2 Timoti 3:13) Kusaruramisira kwava muropa zvokuti vanhu havagoni kukubvisa. Mwari wokururamisira oga ndiye anogona kukubvisa. Ndiye chete anogona kubvisa Satani, madhimoni uye vanhu vakaipa.—Jeremiya 10:23, 24.

Zvakakodzera Kuti Tinetseke

9, 10. Nei Asafi akapera chido?

9 Kare kare, vamwe vakanyora Bhaibheri vakanetsekawo kuti nei Mwari asina kupindira achiita kuti pave nokururamisira kwechokwadi nokururama. Somuenzaniso, funga nezvomumwe murume akararama munguva dzokunyorwa kweBhaibheri. Mashoko epamusoro pePisarema 73 anotaura kuti zita rake ndiAsafi, pamwe achireva nezvomuRevhi akakurumbira aiimba munguva yokutonga kwaMambo Dhavhidhi kana kuti kuvaimbi vemhuri yaitungamirirwa naAsafi. Asafi nevedzinza rake vakanyora nziyo dzakawanda dzaishandiswa paiungana vanhu vachinamata. Asi pane imwe nguva muupenyu hwake, munyori wepisarema iri akapera chido mune zvokunamata. Akaona vakaipa vachibudirira, vachiita sevaifambirwa noupenyu, vasina kana chinovawana.

10 Tinoverenga kuti: “Ndakaitira shanje vanozvirumbidza, pandaiona rugare rwevanhu vakaipa. Nokuti havana marwadzo orufu; matumbu avo akakora. Havatombonetseki zvinoita munhuwo zvake, havatambudzwi sevamwe vanhu.” (Pisarema 73:2-8) Asi munyori uyu weBhaibheri akazopengenuka ndokuziva kuti mafungiro iwayo akanga asina kururama. (Pisarema 73:15, 16) Akaedza kugadzirisa mafungiro ake, asi haana kunzwisisa zvakazara nei vakaipa vaingopona rutsva kasingaperi nepo kakawanda vanhu vakanaka vachitambura.

11. Munyori wepisarema Asafi akazonzwisisa chii?

11 Pakupedzisira, murume iyeye akatendeka wekare akanzwisisa kuguma kwevakaipa, kuti pakupedzisira Jehovha aizogadzirisa nyaya yacho. (Pisarema 73:17-19) Dhavhidhi akati: “Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake, iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika. Vakaipa pavanoparadzwa, iwe uchazviona.”—Pisarema 37:9, 11, 34.

12. (a) Jehovha achaita sei nezvakaipa nokusaruramisira? (b) Unofungei nemapedzero aachaita dambudziko rokusaruramisira?

12 Ichokwadi kuti Jehovha ane chinangwa chokubvisa zvakaipa nokusaruramisira pano pasi kana nguva yake yakwana. Ichocho chinhu chokuti kunyange vaKristu vakatendeka vanofanira kugara vachizviyeuchidza nezvacho. Jehovha achabvisa avo vanoita zvinopesana nezvaanoda, uye achapa mubayiro avo vanoita maererano nazvo. “Maziso ake anoona, maziso ake anopenya anoongorora vanakomana vevanhu. Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa, mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba. Achanayisira vakaipa zviteyeso, moto nesarufa nemhepo inopisa . . . Nokuti Jehovha akarurama; anoda mabasa akarurama.”—Pisarema 11:4-7.

Nyika Itsva Ine Kururamisira

13, 14. Nei munyika itsva muchava nokururama nokururamisira?

13 Kana Jehovha aparadza nyika ino isina kururamisira inotongwa naSatani, achaunza nyika itsva yakanaka zvikuru. Ichatongwa noUmambo hwaMwari hwokudenga, uhwo Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengeterere. Zvakaipa nokusaruramisira zvichatsiviwa nokururama nokururamisira, nokuti panguva iyoyo munyengetero wacho unenge wapindurwa zvakakwana, unoti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mateu 6:10.

14 Bhaibheri rinotiudza utongi hwokutarisira, utongi uhwo vanhu vose vakarurama vari kuchemera. Pisarema 145:16 richabva razadzika zvakakwana, rinoti: “[Jehovha Mwari] munopfumbanura ruoko rwenyu mogutsa zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.” Isaya 32:1 inotiwo: “Tarirai! Mambo [Kristu Jesu ari kudenga] achatonga kuti pave nokururama; uye machinda [vamiririri vaKristu pano pasi], achatonga semachinda kuti pave nokururamisira.” NezvaMambo Jesu Kristu, Isaya 9:7 yakafanotaura kuti: “Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi, pachigaro choumambo chaDhavhidhi nepaumambo hwake kuti ahusimbise kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira uye nokururama, kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.” Uri kuzviona uri pasi poutongi ihwohwo hwakarurama here?

15. Jehovha achaitirei vanhu munyika itsva?

15 Munyika itsva yaMwari, tinenge tisisinazve chikonzero chokutaura mashoko atinowana pana Muparidzi 4:1 anoti: “Zvino ini ndakafungazve kuti ndione mabasa ose okudzvinyirira anoitwa pasi pezuva, uye kwaiva nemisodzi yevaya vaidzvinyirirwa, asi vakanga vasina munyaradzi; uye vadzvinyiriri vavo vaiva nesimba, zvokuti ivo vakanga vasina munyaradzi.” Chokwadi, zvakaoma kunyatsofungidzira kuti nyika iyoyo yakarurama inenge yakadii nemhaka yepfungwa dzedu dzisina kukwana. Zvakaipa zvinenge zvisisipo, asi zuva roga roga richange riine zvinhu zvakanaka. Jehovha achagadzirisa zvinhu zvose zvisina kumira zvakanaka, achizviita kupfuura nokure zvatinotarisira. Nokudaro, zvakakodzera kuti Jehovha Mwari akafuridzira muapostora Petro kunyora kuti: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri”!—2 Petro 3:13.

16. “Matenga matsva” akatogadzwa sei uye “nyika itsva” iri kutogadzirirwa sei mazuva ano?

16 Kutaura zvazviri, “matenga matsva,” hurumende yaMwari yokudenga inotungamirirwa naKristu, yakatogadzwa kare. Avo vachava musimboti we“nyika itsva,” vanhu vakarurama vachagara pano pasi, vari kuunganidzwa mumazuva ano okupedzisira. Vava kutosvika mamiriyoni manomwe munyika dzinenge 235 uye muungano 100 000. Mamiriyoni ose aya ave achidzidza nezvenzira dzakarurama dzaJehovha, uye zviri kuita kuti abatanidzwe norudo rwechiKristu pasi rose. Munhoroondo yenyika, kubatana kwavo ndiko kunonyanya kuzivikanwa uye kwakasimba, kubatana kunopfuura chero kupi kungaitwa nevanhu vanotongwa naSatani. Rudo rwakadaro nokubatana inzwisa yenguva dzakanaka dzichavapo munyika itsva yaMwari iyo ichatongwa nokururama uye kururamisira.—Isaya 2:2-4; Johani 13:34, 35; VaKorose 3:14.

Kurwisa kwaSatani Kuchakundikana

17. Nei pasina mubvunzo kuti kurwisa kwaSatani vanhu vaJehovha kuchakundikana?

17 Nokukurumidza Satani nevanhu vake vacharwisa vanamati vaJehovha vachida kuvatsakatisa. (Ezekieri 38:14-23) Ichocho chikamu chezvakanzi naJesu “kutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mateu 24:21) Kurwisa kwaSatani kuchabudirira here? Aiwa. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Jehovha anoda kururamisira, haazosiyi vakavimbika vake. Vachachengetedzwa nokusingagumi; asi vana vevakaipa, chokwadi vachaparadzwa. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:28, 29.

18. (a) Mwari achaita sei Satani paacharwisa vanhu vake? (b) Nei zvakubatsira kuongorora zvinotaurwa neBhaibheri kuti kururamisira kuchakunda?

18 Satani nechikwata chake vachaiparamura pavacharwisa vashumiri vaJehovha. Jehovha akafanotaura nokuna Zekariya achiti: “Anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu.” (Zekariya 2:8) Zvinoita sokuti munhu ari kujunga mboni yeziso raJehovha. Achangosimuka chiriporipocho otsvaira vanamuparanzvongo vacho. Vashumiri vaJehovha ndivo vanhu vanodanana zvikuru, vakabatana, vane runyararo, vanoteerera mutemo pano panyika. Nokudaro, kurwisa ikoko hakuna kukodzera, hakuna kururama. Jehovha “anoda kururamisira,” haazombozvitenderi. Kupindira kwaachaita kuchaguma nokuparadzwa zvachose kwevavengi vevanhu vake, kururamisira kuchikunda, zvoponesa vanhu vanonamata Mwari oga wechokwadi. Kune zviitiko zvinofadza, nhapitapi dzoga pamberi apa!—Zvirevo 2:21, 22.

Ungapindura Sei?

• Nei kusaruramisira kwakapararira zvakadaro?

• Jehovha achapedza sei dambudziko rokusaruramisira pano panyika?

• Chii chakubata pawadzidza kuti kururamisira kuchakunda?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kuipa kwakanga kuri kuzhinji Mafashamo asati aitika, uye kuzhinji ‘mumazuva ano okupedzisira’

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Munyika itsva yaMwari, kururamisira nokururama zvichatsiva zvakaipa