Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Testamende Yekare” Ichiri Kushanda Here?

“Testamende Yekare” Ichiri Kushanda Here?

“Testamende Yekare” Ichiri Kushanda Here?

MUNA 1786 mumwe chiremba wokuFrance akabudisa bhuku rine musoro unoti Bhuku Remaumbirwo Nemashandiro Anoita Muviri Womunhu (Traité d’anatomie et de physiologie). Bhuku iri rinonzi rakarurama kwazvo kana richienzaniswa neakabudiswa panguva imwe chete naro, uye kwasara mashomanana zvokuti munguva ichangopfuura raitengeswa nemari inopfuura US$27 000! Kunyange zvakadaro, nhasi varwere vashomanana vangavimba nachiremba wokuvhiya anoshandisa bhuku rine mashoko ezvokurapa ekare zvakadaro. Kukosha kwebhuku iri rekare-kare hakubatsiri munhu anorwara mazuva ano.

Vakawanda vanofunga saizvozvowo nezveinonzi Testamende Yekare. Vanoona kukosha kwenhoroondo yevaIsraeri uye vanoyemura kunakidza kwomutauro wokudetemba wakashandiswa imomo. Asi havafungi kuti zvine musoro kushandisa mashoko akanyorwa makore anodarika 2 400 akapfuura. Ruzivo rwesayenzi, rwezvokutengeserana, kunyange upenyu hwemhuri zvasiyana chaizvo nezvazvainge zvakaita panguva yakanyorwa Bhaibheri. Philip Yancey, aimbova mupepeti webhuku rinonzi ChiKristu Nhasi (Christianity Today), akanyora mubhuku rake rinonzi Bhaibheri Rakaverengwa naJesu (The Bible Jesus Read) kuti: “Testamende Yekare yagara ichitaura zvisina musoro, uye zvimwe zvainotaura zvinoita sezvine musoro zvinogumbura vanhu mazuva ano. Nokuda kwezvikonzero izvi nezvimwewo, Testamende Yekare, inoumba 75 muzana yemabhuku eBhaibheri, haiwanzoverengwi nevanhu.” Izvi zvagara zvakangodaro kubvira kare.

Makore asingasviki 50 muapostora Johani afa munenge muna 100 C.E., rimwe jaya rakanga rakapfuma rainzi Marcion rakataura pachena kuti Testamende Yekare haifaniri kushandiswa nevaKristu. Maererano nomumwe munyori wenyaya dzakaitika kare wokuEngland anonzi Robin Lane Fox, Marcion akati: “‘Mwari’ anotaurwa muTestamende Yekare aiva ‘munhu aiva noutsinye kwazvo,’ aingofarira vanhu vaityora mitemo uye magandanga akadai saMambo Dhavhidhi weIsraeri. Asi Kristu aiva Mwari mutsva akakwirira zvikuru akasiyana naMwari weTestamende Yekare.” Fox akanyora kuti dzidziso idzi “dzakasvika pakunzi ‘dzidziso dzaMarcion’ uye kwenguva refu pakatomboramba paine vanhu vaidzitevera kwechikamu chikuru chezana remakore rechina, kunyanya vanhu vokuMabvazuva vanotaura mutauro wokuSiriya.” Kuchine vanhu vari kudavira dzidziso idzi. Zvakaguma zvaitika ndezvokuti kwapera makore 1 600, Philip Yancey akanyora kuti, “pavaKristu, ruzivo rweTestamende Yekare rwuri kukurumidza kutsakatika uye mune dzimwe nzanga dzemazuva ano hamutorina zvachose vanoziva nezvayo.”

Testamende Yekare yakatsiviwa neTestamende Itsva here? “Jehovha wemauto” anotaurwa nezvake muTestamende Yekare angazova sei “Mwari worudo neworugare” anotaurwa muTestamende Itsva? (Isaya 13:13; 2 VaKorinde 13:11) Testamende Yekare ingakubatsira here nhasi?