Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tingaratidza Sei Kuti Tine Ngoni?

Tingaratidza Sei Kuti Tine Ngoni?

Tingaratidza Sei Kuti Tine Ngoni?

“Ngatiitirei vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.”—VAGARATIYA 6:10.

1, 2. Mufananidzo womuSamariya aida muvakidzani unotidzidzisei nezvengoni?

PAAITAURA naJesu, mumwe murume aiziva Mutemo kwazvo akamubvunza kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” Achimupindura, Jesu akarondedzera mufananidzo unotevera: “Mumwe murume akanga achibva kuJerusarema achidzika kuJeriko uye akasangana nemakororo, ayo akamutorera zvose, akamurova, akaenda, achimusiya ava kuda kufa. Zvino, sezvineiwo, mumwe mupristi akanga achidzika nomugwagwa iwoyo, asi, paakamuona, akapfuura nokune rumwe rutivi. Saizvozvowo, muRevhi, paakasvika panzvimbo yacho akamuona, akapfuura nokune rumwe rutivi. Asi mumwe muSamariya aifamba nomugwagwa wacho akasvika paaiva uye paakamuona, akasiririswa. Naizvozvo akasvika paaiva, akasunga maronda ake, achiadira mafuta newaini. Akabva amukwidza pachipfuwo chake, akaenda naye kuimba yevanenge vari parwendo, akamutarisira. Zuva rakatevera racho akabudisa madhinari maviri, akaapa muchengeti weimba yevanenge vari parwendo, akati, ‘Mutarisire, uye zvinhu zvose zvauchashandisa zvinopfuura madhinari aya, ndichakuripira pandichazodzoka pano.’” Jesu akabva amubvunza kuti: “Ndiani weava vatatu waunoona kuti akazviita muvakidzani womurume akasangana nemakororo?” Murume wacho akati: “Uya akamunzwira ngoni.”—Ruka 10:25, 29-37a.

2 Zvechokwadi zvakaitwa nomuSamariya wacho kumurume akanga akuvara zvinoratidza zvakajeka dzinonzi ngoni chaidzo! Achimunzwira tsitsi, kana kuti mwoyochena, muSamariya wacho akaita zvakabatsira murume akanga akuvara. Uyezve, murume uyu akanga asingazivani nomuSamariya. Kuitira munhu ngoni hakunei norudzi, chitendero, kana kuti kusiyana kwetsika. Jesu apa mufananidzo womuSamariya aida muvakidzani, akakurudzira murume wacho kuti: “Enda unoita izvozvo.” (Ruka 10:37b) Tinogona kuteerera zano iroro toedza kuitira vamwe ngoni. Sei? Mumararamiro ezuva nezuva, tingaratidza sei kuti tine ngoni?

“Kana Hama . . . Isina Chokupfeka”

3, 4. Nei zvichikosha zvikuru kuti tiitire ngoni vari muungano yechiKristu?

3 Muapostora Pauro akati: “Chero bedzi tiine nguva yakakodzera nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) Saka ngatitangei kukurukura kuti tingaita sei mabasa engoni akawanda kune vatinonamata navo.

4 Achikurudzira vaKristu vechokwadi kuti vaitirane ngoni, mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Uya asingaratidzi ngoni achatongwa pasina ngoni.” (Jakobho 2:13) Mamwe mashoko akafuridzirwa ari mundima dziri pedyo anotiudza nzira dzatingaitira vamwe ngoni. Somuenzaniso, pana Jakobho 1:27 tinoverenga kuti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo, uye kuzvichengeta usina ruvara rwenyika.” Pana Jakobho 2:15, 16 panoti: “Kana hama kana kuti hanzvadzi isina chokupfeka uye ichishayiwa zvokudya zvakakwanira zuva racho, mumwe wenyu oti kwavari: ‘Endai norugare, mudziyirwe, mugute,’ asi musingavapi zvinodiwa nemiviri yavo, zvinobatsirei?”

5, 6. Tingaita sei mabasa engoni akawanda muungano medu?

5 Kuva nehanya nevamwe uye kubatsira vaya vanenge vachida kubatsirwa mucherechedzo wechitendero chechokwadi. Manamatiro edu haatibvumire kuti tingova nehanya zvepamuromo tichingoti zvinhu zvichanaka. Pane kudaro, kunzwira tsitsi kunoita kuti tiite chimwe chinhu kune vaya vanoda chaizvo kubatsirwa. (1 Johani 3:17, 18) Chokwadi, kubikira murwere, kubatsira munhu akwegura nemabasa epamba, kutakura vamwe nezvokufambisa kuenda kumisangano yechiKristu pazvinenge zvakakodzera uye kusaomera, ndemamwe emabasa engoni akawanda atinofanira kuita.—Dheuteronomio 15:7-10.

6 Kubatsira mune zvokunamata nhengo dzeungano yechiKristu dziri kuramba dzichiwedzera ndiko kunonyanya kukosha kupfuura chero rubatsiro rupi rwatingavapa. Tinorayirwa kuti “taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo, tsigirai vasina simba.” (1 VaTesaronika 5:14) “Vakadzi vakura” vanokurudzirwa kuti “vave vadzidzisi vezvakanaka.” (Tito 2:3) Bhaibheri rinoti nezvevatariri vechiKristu: “Mumwe nomumwe achava senzvimbo yokuvanda mhepo nenzvimbo yokuvanda dutu rine mvura.”—Isaya 32:2.

7. Zvakaitwa nevadzidzi vokuAndiyoki yeSiriya zvinotidzidzisei pakuitira vamwe ngoni?

7 Kunze kwokungotarisira chirikadzi, nherera nevaya vaida kubatsirwa uye kukurudzirwa muungano dzavo, dzimwe nguva ungano dzomuzana remakore rokutanga dzaiita mudeme mudeme kuti vatendi vaiva kune dzimwe nzvimbo vayamurwe. Somuenzaniso, muprofita Agabhasi paakafanotaura kuti “nzara huru yakanga yava kuda kuuya munyika yose inogarwa,” vadzidzi vaiva muAndiyoki yeSiriya “vakasarudza, mumwe nomumwe wavo maererano nezvaaigona, kuti vaite basa rokuyamura nokutumira zvinhu kuhama dzaigara muJudhiya.” Vakazvitumira kuvarume vakuru “noruoko rwaBhanabhasi naSauro.” (Mabasa 11:28-30) Ko nhasi? “Muranda akatendeka, akangwara” akaronga matare okuyamura hama dzedu dzinenge dzawirwa nenjodzi dzinongoitika dzoga, dzakadai semadutu, kudengenyeka kwenyika, kana kuti tsunami. (Mateu 24:45) Kuzvipira nenguva yedu, simba nepfuma tichitsigira urongwa uhwu inzira yakanaka kwazvo yokuti tiratidze ngoni.

“Kana Muchiramba Muchisarurana”

8. Kusarurana kunopesana sei nengoni?

8 Achinyevera nezvounhu hunopesana nengoni uye “mutemo wamambo” worudo, Jakobho akanyora kuti: “Kana muchiramba muchisarurana, muri kutadza, nokuti munopiwa mhosva nomutemo sevadariki.” (Jakobho 2:8, 9) Kunyanya kuzemberana nevaya vanonzi mhene kana kuti vaya vakakurumbira kungaita kuti tisanzwe “kuchema kwokunyunyuta kweakaderera.” (Zvirevo 21:13) Izvi zvinokanganisa kuva nengoni. Tinoratidza kuti tine ngoni kana tisingasaruri.

9. Nei zvisina kuipa kuvawo nevamwe vatinoitira madanha?

9 Kusasarura kunoreva here kuti hapanawo kana nomumwe chete watingaitira madanha? Kwete. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vokuFiripi nezvaEpafrodhito waaishanda naye kuti: “Rambai muchida vanhu vakadaro.” Nei? “Nokuti iye akapotsa afa nokuda kwebasa raShe, achiisa mweya wake pangozi, kuti atsive kwazvo kusavapo kwenyu pano kuti mundishandire.” (VaFiripi 2:25, 29, 30) Basa rakaitwa naEpafrodhito nokutendeka raifanira kutendwa. Uyezve, pana 1 Timoti 5:17, tinoverenga kuti: “Varume vakuru vanotungamirira nenzira yakanaka ngavanzi vakakodzera kukudzwa zvakapetwa kaviri, kunyanya vaya vanoshanda zvakaoma pakutaura nepakudzidzisa.” Tinofanirawo kutenda vanoita zvakanaka pakunamata. Kuita izvi hakusi kusarura.

“Uchenjeri Hunobva Kumusoro . . . Huzere Nengoni”

10. Nei tichifanira kudzora rurimi rwedu?

10 Jakobho akati nezvorurimi: “Irwo chinhu chisingadzoreki chinokuvadza, chakazara nouturu hunouraya. Narwo tinorumbidza Jehovha, ivo Baba, asi narwo tinotuka vanhu vakavapo ‘vakafanana naMwari.’ Mumuromo mumwe chete munobuda kurumbidza nokutuka.” Maererano nezviri kutaurwa pano, Jakobho akawedzera kuti: “Kana muine godo rinovava nokukakavara mumwoyo menyu, musazvikudza muchirevera chokwadi nhema. Uhwu hahusi uchenjeri hunobva kumusoro, asi ndohwepanyika, hwemhuka, hwoudhimoni. Nokuti pane godo nokukakavara, ndipo pane nyonganyonga nezvinhu zvose zvakaipa. Asi uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare, hunonzwisisa, hunoda kuteerera, huzere nengoni nezvibereko zvakanaka, hahusaruri, hahunyengeri.”—Jakobho 3:8-10a, 14-17.

11. Tingava sei nengoni pakushandisa kwatinoita rurimi?

11 Nokudaro, kushandisa kwatinoita rurimi rwedu kunoratidza kana tiine uchenjeri “huzere nengoni.” Taizoratidza kuti tiri vanhu vakadini kana taizozvitutumadza, kurevera vamwe nhema, kana kuparadzira makuhwa anokuvadza pamusoro pavo nokuti tinenge tichivaitira godo kana kuti tisingawirirani navo? Pisarema 94:4 rinoti: “Vanhu vose vanoita zvinhu zvinokuvadza vanoramba vachizvikudza.” Zvechokwadi kutaura kunokuvadza kunokurumidza kukanganisa mukurumbira wakanaka womunhu! (Pisarema 64:2-4) Uyezve, chimbofunga kukuvadza kungaitwa ne“chapupu chenhema chinobudisa nhema dzoga.” (Zvirevo 14:5; 1 Madzimambo 21:7-13) Ataura nezvokushandiswa zvakaipa kworurimi, Jakobho anoti: “Hama dzangu, hazvina kukodzera kuti zvinhu izvi zvirambe zvichiitika saizvozvi.” (Jakobho 3:10b) Kuva nengoni chaidzo kunoreva kuti tinofanira kushandisa rurimi rwedu zvakanaka, zvine rugare uye zvinoratidza kunzwisisa. Jesu akati: “Ndinokuudzai kuti shoko rose risingabatsiri rinotaurwa nevanhu, vachazvidavirira pamusoro paro paZuva Rokutongwa.” (Mateu 12:36) Zvechokwadi zvinokosha kuti tive nengoni pakushandisa kwatinoita rurimi!

“Muchikanganwira Vanhu Kudarika Kwavo”

12, 13. (a) Tinodzidzei nezvengoni mumufananidzo wemuranda akakwereta tenzi wake mazakwatira emari? (b) Zvinorevei kukanganwira hama yedu “kusvikira kukane makumi manomwe nekanomwe”?

12 Mufananidzo waJesu womuranda akakwereta tenzi wake, mambo, madhinari 60-000 000 unoratidza imwe nzira yokuva nengoni. Asingakwanisi kubhadhara chikwereti ichi, muranda uyu akakumbira kunzwirwa ngoni. “Asiririswa nazvo,” tenzi wake akadzima chikwereti chacho. Asi muranda uyu akaenda kune mumwe murandawo aiva nechikwereti naye chemadhinari zana chete uye asingamunzwiri ngoni akabva amusungisa. Tenzi paakanzwa zvakanga zvaitika, akashevedza muranda waakanga adzimira chikwereti ndokumuti: “Muranda akaipa, ndakakudzimira chikwereti chako chose chiya, pawakanditeterera. Waisafanirawo here, kunge wakanzwira ngoni muranda uyu akaita sewe, sokukunzwirawo ngoni kwandakaita?” Tenzi akamuendesa kujeri. Jesu akagumisa mufananidzo wacho achiti: “Baba vangu vokudenga vachakuitiraiwo saizvozvo kana mumwe nomumwe wenyu asingakanganwiri hama yake zvichibva pamwoyo.”—Mateu 18:23-35.

13 Chaizvoizvo mufananidzo wataurwa pamusoro apa unoratidza zvine mutsindo kuti ngoni dzinosanganisira kuda kukanganwira! Jehovha akatidzimira chikwereti chihombe chechivi. Isu hatifaniriwo here ku“kanganwira vanhu kudarika kwavo”? (Mateu 6:14, 15) Jesu asati arondedzera mufananidzo wemuranda akanga asina ngoni, Petro akanga amubvunza kuti: “Ishe, hama yangu inganditadzira kangani ini ndichiikanganwira? Kusvikira kukanomwe here?” Jesu akapindura achiti: “Ndinoti kwauri, kwete, Kusvikira kukanomwe, asi, Kusvikira kukane makumi manomwe nekanomwe.” (Mateu 18:21, 22) Chokwadi, munhu anonzwira vamwe ngoni akagadzirira kukanganwira “kusvikira kukane makumi manomwe nekanomwe,” kureva kuti anoramba achingokanganwira.

14. Maererano naMateu 7:1-4, zuva nezuva tingaratidza sei kuti tine ngoni?

14 Achiratidza imwezve nzira yokuva nengoni, Jesu akati muMharidzo yepaGomo: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo; nokuti nokutonga kwamuri kutonga nako, muchatongwawo nako. . . Saka, unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako? Kana ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu muziso rako’; asi, tarira! danda riri muziso rako?” (Mateu 7:1-4) Naizvozvo, zuva nezuva tinogona kuratidza kuti tine ngoni nokushivirira zvinokanganiswa nevamwe tisingavatongeri kana kunyanya kuvatsvakira mhosva.

“Ngatiitirei Vose Zvakanaka”

15. Nei mabasa engoni asingafaniri kungoitirwa vatinonamata navo chete?

15 Kunyange zvazvo bhuku reBhaibheri raJakobho richitaura kuti vatendi vanofanira kuitirana ngoni, izvi hazvirevi kuti mabasa engoni anongoitirwa vari muungano yechiKristu chete. Pisarema 145:9 rinoti: “Jehovha akanaka kune vose, ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.” Tinorayirwa kuti tive “vatevedzeri vaMwari” uye kuti ‘tiitire vose zvakanaka.’ (VaEfeso 5:1; VaGaratiya 6:10) Kunyange zvazvo tisingadi “nyika kana zvinhu zviri munyika,” tine hanya nezvinodiwa nevaya vari munyika.—1 Johani 2:15.

16. Zvinhu zvipi zvine chokuita nokuratidza ngoni kune vamwe?

16 Zvatiri vaKristu, hatizenguriri kupa chero rubatsiro rupi kuvanhu “vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” kana kuti kune vaya vanenge vakaomerwa nezvinhu. (Muparidzi 9:11) Chokwadi, tinobatsira maererano nezvatinokwanisa. (Zvirevo 3:27) Patinobatsira vamwe, ngatingwarirei kuti zvatinovaitira hazvigume zvaita kuti vagarire maoko. (Zvirevo 20:1, 4; 2 VaTesaronika 3:10-12) Saka kuitira mumwe munhu ngoni dzechokwadi kunosanganisira kunzwira mwoyochena kana kuti tsiye nyoro nokunyatsofunga zvakanaka.

17. Ndeipi nzira yakanakisisa yokuratidza ngoni kune vaya vasiri muungano yechiKristu?

17 Nzira yakanakisisa yokuratidza ngoni kune vaya vasiri muungano yechiKristu ndeyokuvaudza chokwadi cheBhaibheri. Nei? Nokuti mazuva ano ruzhinji rwevanhu ruri kutsvanzvadzira murima rezvokunamata. Zvavasina nzira yokukurira nayo matambudziko avanosangana nawo uyewo tariro chaiyo yeramangwana, vanhu vakawanda vari ‘kubatwa zvisina kunaka uye vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.’ (Mateu 9:36) Shoko raMwari rinogona kuva ‘rambi retsoka dzavo,’ richivabatsira kukurira matambudziko oupenyu. Rinogonawo kuva ‘chiedza panzira yavo’ pakuti Bhaibheri rinofanotaura chinangwa chaMwari cheramangwana, richiita kuti vave netariro yakajeka. (Pisarema 119:105) Iropafadzo yakazokura kuudza shoko rakaisvonaka rechokwadi vaya vari kurichemera! Tichifunga nezvokuti “kutambudzika kukuru” kwava pedyo, iye zvino ndiyo nguva yokuti tishingaire zvikuru mubasa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi. (Mateu 24:3-8, 21, 22, 36-41; 28:19, 20) Hapana ngoni dzinopfuura apa.

Ipai “Zvinhu Zviri Mukati”

18, 19. Nei tichifanira kushandira kuwedzera kunzwira ngoni muupenyu hwedu?

18 Jesu akati: “Ipai varombo zvinhu zviri mukati.” (Ruka 11:41) Kuti rubatsiro runzi ingoni dzechokwadi, tinofanira kurupa zvichibva mukati kureva kuti zvichibva pamwoyo. (2 VaKorinde 9:7) Munyika yakazara noukasha, udyire uye isina basa nokutambura kwevamwe uye matambudziko avo, chokwadi ngoni dzakadaro dzinozorodza!

19 Saka ngatishandirei kuwedzera kunzwira ngoni muupenyu hwedu. Patinonzwira ngoni kakawanda, tinowedzera kuita saMwari. Izvi zvinotibatsira kuti tirarame upenyu hune zvahunoreva uye hunogutsa zvechokwadi.—Mateu 5:7.

Wadzidzei?

• Nei zvichikosha zvikuru kuti tinzwire ngoni vatinonamata navo?

• Tingaratidza sei kuti tine ngoni kune vari muungano yechiKristu?

• Tingaitira sei zvakanaka vaya vasiri muungano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

MuSamariya akanzwa ngoni zvikuru

[Mifananidzo iri papeji 27]

VaKristu vanoita mabasa engoni akawanda

[Mufananidzo uri papeji 30]

Nzira yakanakisisa yokuratidza ngoni kune vaya vasiri muungano yechiKristu ndeyokuvaudza chokwadi cheBhaibheri