Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mukoma Nomunun’una Vaishungurudzika “Vakavaka Imba yaIsraeri”

Mukoma Nomunun’una Vaishungurudzika “Vakavaka Imba yaIsraeri”

Mukoma Nomunun’una Vaishungurudzika “Vakavaka Imba yaIsraeri”

ZVAAKANGA ava mambakwedza, Reya aiziva kuti munguva pfupi chokwadi chakanga chava kuzobuda pachena. Jakobho, uyo aiva akamugumbatira, akanga ava kuzoziva kuti aisava Rakeri, munun’una wake. Atumwa nababa vake, Reya, uyo angadaro akanga akapfeka chifukidziro kuti asazivikanwa, usiku hwakapfuura hwacho akanga afanorara pamubhedha womwenga waiva wagadzirirwa Rakeri naJakobho.

Chimbofungidzira kuti Jakobho akanzwa sei paakaziva chokwadi kwaedza! Agumbuka, akanetsana naRabhani, baba vaReya. Paiitika izvi, Reya anofanira kunge aifungisisa nezvounyengeri hwaakanga aita uye kuti zvaizoguma sei nokufamba kwenguva. Nyaya yaReya naRakeri inokosha chaizvo munhoroondo yeBhaibheri. Inotibatsirawo kunzwisisa kuti kuva nomudzimai mumwe chete uye kuvimbika kune wawakaroorana naye kuchenjera.

Munhu Waasingazivi Patsime

Makore manomwe izvi zvisati zvaitika, Rakeri akanga amhanya kunoudza baba vake kuti aiva aona mumwe munhu patsime waakanga asingazivi aizviti ihama yavo. Akazoziva kuti munhu uyu aiva Jakobho, mwana watete vake uye ainamata Jehovha. Kwapera mwedzi mumwe chete, Jakobho akakumbira Rabhani kuti amushandire kwemakore manomwe kuitira kuti azoroora Rakeri. Rabhani achiona kuti muzukuru wake aishanda zvakaoma chaizvo uye achiziva kuti tsika yavo yaitendera kuti hama nehama dziroorane, akabvuma chikumbiro chaJakobho.​—⁠Genesisi 29:​1-⁠19.

Jakobho aida Rakeri zvechokwadi, kwete zvemahumbwe. Makore manomwe avakadanana “akaita semazuva mashomanana kwaari nokuti aimuda.” (Genesisi 29:​20) Kudiwa kwaiitwa Rakeri naJakobho kusvikira afa kunoratidza kuti Rakeri anofanira kunge aiva nounhu hwakanaka zvikuru.

Reya aitarisirawo kuroorwa nomunhu akatendeka ainamata Jehovha here? Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo. Rinotaura zvaifungwa naRabhani nezvokuroorwa kwake. Nguva yokuti Rakeri aroorane naJakobho payakakwana, Rabhani akaita mutambo womuchato. Asi ava manheru, akaendesa Reya kuna Jakobho “kuti arare naye,” inodaro nhoroondo yeBhaibheri.​—⁠Genesisi 29:⁠23.

Reya ndiye akaronga kuti anyengedze Jakobho here? Kana kuti akangoita zvaakanga audzwa nababa vake? Ko Rakeri aiva kupi? Aiziva zvakanga zviri kuitika here? Kana zvakadaro, akanzwa sei? Baba vake vainge vakaoma mwoyo zvokuti aingofanira kutevedzera zvavaiva vataura here? Bhaibheri haripinduri mibvunzo iyi. Pasinei nezvaifungwa naRakeri naReya nezvenyaya yacho, zvakaitika zvacho zvakashatirisa Jakobho. Uye agumbuka, Jakobho akanetsana naRabhani, kwete nevanasikana vake, achiti: “Handina kukushandirai nokuda kwaRakeri here? Saka mandinyengedzerei?” Rabhani akatii? “Hazvinzarwo . . . kuroodza mukadzi muduku dangwe risati. Fara kwazvo pavhiki yomukadzi uyu. Uchazopiwawo mumwe mukadzi uyu nokuda kwebasa raungandishandira kwemamwe makore manomwe.” (Genesisi 29:​25-​27) Saka Jakobho akanyengedzwa kuti aroore vakadzi vaviri avo vakazoitirana godo rakaipa.

Mhuri Isingafari

Jakobho aida Rakeri. Mwari paakaona kuti Reya “aivengwa,” akavhura chibereko chake, asi Rakeri akaramba asingabereki. Reya akanga asingangodi mwana chete; aidawo kudiwa naJakobho. Paaiona kuti Rakeri ndiye aidiwa, zvaimushungurudza. Kunyange zvakadaro, Reya aiva netariro yokuti Jakobho aizomuda sezvaaiva amuberekera mwanakomana wokutanga, Rubheni, zvinoreva kuti, “Ona, Mwanakomana!” Saka Reya aiva nechikonzero chakanaka chokutumidza mwana wake zita iroro, achiti: “Nokuti Jehovha aona kutambudzika kwangu, pakuti zvino murume wangu achatanga kundida.” Asi Jakobho akanga asingamudi; uyewo haana kumuda kunyange paakabereka mumwe mwanakomana. Reya akatumidza mwanakomana iyeye kuti Simiyoni, zvinoreva kuti, “Kunzwa.” Akafunga kuti: “Nokuti Jehovha ateerera, pakuti ndaivengwa saka andipawo uyu.”​—⁠Genesisi 29:​30-⁠33.

Kuteerera kwakaita Mwari kunoratidza kuti Reya akanga anyengetera nezvedambudziko rake. Zvinoita sokuti aiva mukadzi akatendeka. Asi akaramba achishungurudzika kunyange paakanga abereka mwanakomana wechitatu, Revhi. Zita rake, rinoreva kuti “Kunamatira,” kana kuti “Kubatanidzwa,” rinotsanangurwa nemashoko aReya okuti: “Iko zvino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu.” Asi zviri pachena kuti izvi hazvina kana kumboita kuti Jakobho aswedere pedyo naye. Zvichida Reya akazongozvigamuchira sezvazviri, nokuti zita romwanakomana wake wechina harina chokuita netariro yake yokudiwa naJakobho. Asi zita raJudha rinoratidza kuti Reya aitenda Mwari. Zita rokuti Judha rinoreva kuti “Kukudzwa,” kana kuti “Munhu Anokudzwa.” Reya akangoti: “Iko zvino ndichakudza Jehovha.”​—⁠Genesisi 29:​34, 35.

Kana Reya aishungurudzika, Rakeri aishungurudzikawo. Aiteterera Jakobho achiti: “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichava mukadzi akafa.” (Genesisi 30:⁠1) Rakeri aidiwa naJakobho, asi aida kuva nevana. Reya aiva nevana, asi aida kudiwa naJakobho. Mumwe nomumwe aida zvaiva nomumwe, uye hapana akanga achifara. Vose vaida Jakobho uye vaida kumuberekera vana. Vaiitirana godo. Zvaiitika mumhuri yacho zvaisuruvarisa zvikuru!

Rakeri Akazova Nevana Here?

Kare, kushaya mbereko kwainzi chituko. Mwari akanga avimbisa Abrahamu, Isaka, uye Jakobho kuti mhuri yavo yaizobereka “vana” vaizoita kuti mhuri dzose dzikomborerwe. (Genesisi 26:⁠4; 28:​14) Asi Rakeri akanga asina mwana. Jakobho akaudza Rakeri kuti Mwari chete ndiye aigona kumupa vanakomana, zvaizoita kuti ave nezvaanoitawo pakukomborerwa ikoko. Asi Rakeri akanga asingachakwanisi kumirira. Akati: “Hoyu murandasikana wangu Bhiriha. Rara naye, kuti asunungukire pamabvi angu uye kuti ini, iyeni, ndiwane vana kwaari.”​—⁠Genesisi 30:​2, 3.

Zvingatiomera kuti tinzwisise mafungiro aRakeri. Zvisinei, magwaro ekare emichato akawanikwa kuNear East anoratidza kuti tsika yokuti mudzimai anenge asina mwana ape murume wake murandasikana wake kuti amuberekere mugari wenhaka yaigamuchirika. * (Genesisi 16:​1-⁠3) Mune zvimwe zviitiko, vana vomurandasikana wacho vaizonzi vana vomudzimai wacho.

Bhiriha paakabereka mwanakomana, Rakeri uyo aifara kwazvo, akati: “Mwari ava mutongi wangu uye ateererawo inzwi rangu, zvokuti andipa mwanakomana.” Akamutumidza kuti Dhani, zvinoreva kuti “Mutongi.” Iyewo akanga anyengetera nezvedambudziko rake. Pakaberekwa mwanakomana waBhiriha wechipiri, Naftari, zvinoreva kuti “Kurwa Kwangu,” Rakeri akati: “Ndaita mutsimba kwazvo nomukoma wangu. Ndakundawo!” Mazita acho anoratidza kurwisana kwaiita vahosi navanyachide.​—⁠Genesisi 30:​5-8.

Zvichida Rakeri aifunga kuti akanga ari kuita zvaienderana neminyengetero yake paakapa Bhiriha kuna Jakobho, asi iyi yakanga isiri nzira yaMwari yokumupa nayo vana. Apa pane zvatinodzidza. Patinoteterera Jehovha, tinofanira kushivirira. Anogona kupindura minyengetero yedu nenzira yatisingafungiri uye patinenge tisingambozvitarisiri.

Asingadi kukundwa naRakeri, Reya akapawo Jakobho mushandikadzi wake, Ziripa. Akatanga kubereka Gadhi, ndokuzobereka Asheri.​—⁠Genesisi 30:​9-⁠13.

Pane chimwe chinhu chakaitika chinoratidza kurwisana kwaiita Rakeri naReya. Chaiva nechokuita nemamandireki akawanwa naRubheni, mwanakomana waReya. Muchero uyu waifungidzirwa kuti waibatsira kuti mukadzi abate pamuviri. Rakeri paakaakumbira, Reya akamupindura neshungu, achiti: “Ichi chinhu chiduku here, kutora kwawakaita murume wangu, zvino wotorawo mamandireki omwanakomana wangu?” Vamwe vanoti zvaakataura izvi zvinoratidza kuti Jakobho ainyanya kugara naRakeri kupfuura naReya. Zvichida Rakeri akaona kuti chichemo chaReya chaiva chechokwadi, nokuti akapindura kuti: “Nokuda kwaizvozvo acharara newe usiku huno nokuda kwemamandireki omwanakomana wako.” Saka Jakobho paakasvika kumba manheru iwayo, Reya akamuudza kuti: “Ucharara neni, nokuti ndakutenga zvakananga nemamandireki omwanakomana wangu.”​—⁠Genesisi 30:​15, 16.

Reya akabereka mwanakomana wechishanu nowechitanhatu, Isakari naZebhuruni. Pashure pacho, akati: “Murume wangu achazondishivirira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.” *​—⁠Genesisi 30:​17-⁠20.

Mamandireki haana kushanda. Rakeri akazopedzisira abata pamuviri ndokubereka Josefa kwapera makore matanhatu, nokuti Jehovha ‘akazomuyeuka’ uye akapindura munyengetero wake. Panguva iyoyo Rakeri ndipo paakakwanisa kuti: “Mwari abvisa kuzvidzwa kwangu!”​—⁠Genesisi 30:​22-⁠24.

Rufu uye Nhaka

Rakeri akafa paaibereka mwanakomana wake wechipiri, Bhenjamini. Jakobho aida Rakeri nomwoyo wose, uye aida chaizvo vanakomana vaRakeri vaviri. Kwapera makore akawanda, paakanga ava pedyo nokufa, akayeuka kufa kwakanga kwaita mudzimai wake waaida Rakeri. (Genesisi 30:⁠1; 35:​16-​19; 48:⁠7) Panyaya yokufa kwaReya, hapana zvatinoziva kunze kwokuti Jakobho akamuviga mubako raaida kuzovigwawo.​—⁠Genesisi 49:​29-⁠32.

Paakanga akwegura, Jakobho akabvuma kuti upenyu hwake nezvakanga zvaitika mumhuri yake zvaishungurudza zvikuru. (Genesisi 47:⁠9) Hapana mubvunzo kuti Reya naRakeri vakanga vashungurudzikawo muupenyu hwavo. Zvakaitika kwavari zvinoratidza migumisiro inosuruvarisa yebarika uye zvinoratidza kuti nei Jehovha akati munhu anofanira kuva nomudzimai mumwe chete. (Mateu 19:​4-⁠8; 1 Timoti 3:​2, 12) Murume kana kuti mudzimai akadanana kana kurara nomumwe munhu asiri waakaroorana naye, mumwe wake anonzwa godo. Ndokusaka Mwari achirambidza ufeve noupombwe.​—⁠1 VaKorinde 6:​18; VaHebheru 13:⁠4.

Pasinei neizvozvo, Mwari akaita chinangwa chake, uye achiri kuchiita achishandisa varume nevakadzi vasina kukwana asi vakatendeka. Mukoma nomunun’una ava vaiva nezvavaikanganisa, sezvatinoitawo. Zvisinei, Jehovha akatanga kuzadzika chipikirwa chake kuna Abrahamu achishandisa vakadzi ava. Zvakakodzera kuti Rakeri naReya vanzi “vakavaka imba yaIsraeri.”​—⁠Rute 4:⁠11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Rimwe gwaro rakadaro rakawanikwa kuNuzi, Iraq, rinoti: “Kelim-ninu aroorwa naShennima. . . . Kana Kelim-ninu akasabereka [vana], achatora mumwe mukadzi [murandasikana] wokunyika yeLullu kuti ave mudzimai waShennima.”

^ ndima 20 Dhina, mumwe wevana vaReya, ndiye chete mwanasikana waJakobho watinoziva nezita.​—⁠Genesisi 30:​21; 46:⁠7.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Reya aida zvaiva naRakeri, Rakeri aida zvaiva naReya, uye hapana akanga achifara

[Mufananidzo uri papeji 10]

Rudzi rwaIsraeri rwakabva pavanakomana 12 vaJakobho