Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Chinangwa Choupenyu Chinogutsa

Kutsvaka Chinangwa Choupenyu Chinogutsa

Kutsvaka Chinangwa Choupenyu Chinogutsa

“Chinhu chose chinofema​—⁠ngachirumbidze Jah.”​—⁠PISAREMA 150:⁠6.

1. Rondedzera kuti rimwe jaya rakatsvaka sei chinangwa choupenyu.

“NDAKADZIDZIRA kuva chiremba nokuti ndaida kubatsira vanhu. Ndaifungawo kuti kuzivikanwa sachiremba uye mari yandaizowana zvaizoita kuti ndifare,” anoyeuka kudaro Seung Jin, akakurira kuKorea. * “Pandakaona kuti chiremba haana zvakawanda zvaanokwanisa kuita kuti abatsire vanhu, ndakaora mwoyo. Zvadaro, ndakadzidzira kudhirowa, asi zvandaidhirowa zvakanga zvisinganyanyi kubatsira vanhu uye ndakaona sokuti ndaiva noudyire. Ndakava mudzidzisi uye pasina nguva ngani ndakaona kuti ndaingokwanisa kuudza vanhu zvinhu sezvazviri asi zvisingaiti kuti vanyatsofara.” Seung Jin akanga ari kutsvaka chinangwa choupenyu chinogutsa, sezviri kuita vakawanda.

2. (a) Zvinorevei kuva nechinangwa choupenyu? (b) Tinoziva sei kuti Musiki aiva nechinangwa paakatiisa pasi pano?

2 Kuva nechinangwa chaicho choupenyu zvinoreva kuva nechokuraramira, zvatinoda kuita muupenyu, uye vavariro inokosha yezvatinoita. Zvingaita here kuti vanhu vawane chinangwa chakadaro? Hungu! Takasikwa takangwara, tiine hana uye tichikwanisa kufunga, izvo zvinoratidza kuti Musiki aiva nechinangwa chakanaka paakatiisa pasi pano. Saka zvine musoro kuti tinogona kuwana chinangwa chaicho choupenyu togutsikana nacho kana bedzi tararama zvinoenderana nechinangwa choMusiki.

3. Chinangwa chaMwari nokuda kwevanhu chinosanganisirei?

3 Bhaibheri rinoratidza kuti chinangwa chaMwari nokuda kwedu chinosanganisira zvinhu zvakawanda. Somuenzaniso, masikirwo anoshamisa atakaitwa zvechokwadi anoratidza kuti Mwari anotida nomwoyo wose. (Pisarema 40:⁠5; 139:​14) Saka kurarama zvinoenderana nechinangwa chaMwari zvinoreva kuda vamwe nomwoyo wose sezvinoita Mwari. (1 Johani 4:​7-​11) Zvinorevawo kuteerera mirayiro yaMwari, iyo inotibatsira kurarama zvinoenderana nechinangwa chake chorudo.​—⁠Muparidzi 12:​13; 1 Johani 5:⁠3.

4. (a) Tinofanira kuitei kuti tive nechinangwa chaicho choupenyu? (b) Chinangwa chikuru zvikuru chingatsvakwa nomunhu ndechipi?

4 Chinangwa chaMwari chaivawo chokuti vanhu vararame vachifara, vachigarisana zvakanaka uye vaine rugare nezvimwe zvinhu zvose zvakasikwa. (Genesisi 1:​26; 2:​15) Zvisinei, tinofanira kuitei kuti tifare, tinzwe takachengeteka, uye tiine rugare? Kufanana nomwana anofara uye anonzwa akachengeteka kana achiziva kuti vabereki vake varipo, tinofanira kuva noukama hwakanaka naBaba vedu vokudenga uye kutsvaka chinangwa chaicho choupenyu. (VaHebheru 12:⁠9) Mwari anoita kuti tikwanise kuva noukama hwakadaro naye paanoita kuti tiswedere pedyo naye uye paanonzwa minyengetero yedu. (Jakobho 4:⁠8; 1 Johani 5:​14, 15) Kana ti“kafamba naMwari” mukutenda tova shamwari dzake, tinogona kufadza Baba vedu vokudenga uye kuvarumbidza. (Genesisi 6:⁠9; Zvirevo 23:​15, 16; Jakobho 2:​23) Ndicho chinangwa chikuru zvikuru chingatsvakwa nomunhu. Munyori wepisarema akati: “Chinhu chose chinofema​—⁠ngachirumbidze Jah.”​—⁠Pisarema 150:⁠6.

Chinangwa Chako Muupenyu Ndechei?

5. Nei kunyanya kukoshesa pfuma kusiri kuchenjera?

5 Zvimwe zvinodiwa naMwari kwatiri muchinangwa chake ndezvokuti tizvitarisire zvakanaka isu nemhuri dzedu. Izvi zvinosanganisira kutarisira zvatinoda zvokunyama uye zvokunamata. Zvisinei, tinofanira kuva nemaonero akanaka pakuita izvi, kuitira kuti zvisavhiringidza zvinhu zvinokosha zvokunamata. (Mateu 4:⁠4; 6:​33) Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vanoita sokuti vari kuraramira kuti vaunganidze pfuma. Asi kuedza kuzvigutsa nepfuma chete hakusi kuchenjera. Imwe ongororo ichangobva kuitwa yeshoroma dzokuAsia inoratidza kuti vakawanda vavo “vanonzwa vasina kuchengeteka uye vachinetseka, kunyange zvazvo pfuma yavo ichiita kuti vave nomukurumbira uye vanzwe kuti vari kubudirira zvikuru.”​—⁠Muparidzi 5:⁠11.

6. Jesu akapa zano rei panyaya yokutsvaka pfuma?

6 Jesu akataura nezve“simba rinonyengera repfuma.” (Mako 4:​19) Pfuma inonyengera sei? Inoita sokuti inoita kuti munhu afare, asi hazvisi izvo. Mambo akachenjera Soromoni akati: “Kana uchidisa mari, haugutswi nemari yaunayo.” (Muparidzi 5:​10, Bhaibheri Rinoera) Asi zvinoita here kutsvaka pfuma uye toramba tichishumira Mwari nomwoyo wose? Aiwa, hazviiti. Jesu akatsanangura kuti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vasaunganidza pfuma panyika, asi vaunganidze “pfuma kudenga,” kureva kuti vave noukama hwakanaka naMwari, uyo ‘anoziva kuti zvinhu zvipi zvavanoda vasati vambomukumbira.’​—⁠Mateu 6:​8, 19-⁠25.

7. Tingabatisisa sei “upenyu chaihwo”?

7 Muapostora Pauro paainyorera waaishanda naye Timoti, akapa zano rakasimba panyaya iyi. Akaudza Timoti kuti: “Rayira vaya vakapfuma . . . kuti vasaise tariro yavo papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare . . . , kuti vave norupo, vanoda kugovana, vachizvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi sepfuma yavo, kuti vabatisise upenyu chaihwo.”​—⁠1 Timoti 6:​17-⁠19.

Chii Chinonzi “Upenyu Chaihwo”?

8. (a) Nei vakawanda vachitsvaka pfuma nomukurumbira? (b) Vanhu ivavo vanokundikana kunzwisisa chii?

8 Mashoko okuti “upenyu chaihwo” anoita kuti vakawanda vafunge nezvomutambarakede uye mafaro. Imwe magazini yenhau yokuAsia inoti: “Vaya vanoona mafirimu kana kuti terevhizheni vanotanga kuda zvavanoona, kufungidzira zvavangava nazvo.” Vanhu vakawanda vanoraramira kuwana pfuma nomukurumbira. Vakawanda vanoisa pangozi upwere hwavo, utano, upenyu hwemhuri, uye zvokunamata kuti vatsvake zvinhu izvi. Vashomanana vanombofunga kuti mifananidzo iyi yomumafirimu inongoratidza “mudzimu wenyika,” kureva mafungiro anokanganisa ruzhinji rwemabhiriyoni ari panyika uye anoita kuti aite zvinopesana nechinangwa chaMwari nokuda kwedu. (1 VaKorinde 2:​12; VaEfeso 2:⁠2) Ndokusaka mazuva ano kuine vanhu vakawanda kwazvo vasingafari!​—⁠Zvirevo 18:​11; 23:​4, 5.

9. Vanhu havazombogoni kuitei, uye nemhaka yei?

9 Zvakadini nevaya vanozvipira kushandira vamwe, vachiedza kuita kuti pasava nenzara, urwere, kana kuti kusaruramisira? Kazhinji zvavanoita zvakanaka uye kuzvipira kwavanoita kunobatsira zvikuru. Asi pasinei nezvavangaita nomwoyo wose, havazombofi vakachinja nyika ino kuti iruramisire uye kuti ive yakanaka. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti kutaura zvazviri, “nyika yose iri musimba reakaipa,” kureva Satani, uye haadi kuti ichinje.​—⁠1 Johani 5:⁠19.

10. Vanhu vakatendeka vachava no“upenyu chaihwo” rini?

10 Zvinonzwisa tsitsi zvikuru kana munhu achitarisira kurarama munyika ino chete! “Kana takava netariro muna Kristu muupenyu huno chete, tiri vanhu vanosiririsa kupfuura vanhu vose,” akanyora kudaro Pauro. Vaya vanofunga kuti upenyu huno ndihwo chete huripo vanoti, “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinde 15:​19, 32) Asi kune ramangwana, “matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira [Mwari], uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:​13) Panguva iyoyo, vaKristu vanogona kuva no“upenyu chaihwo,” kureva “upenyu husingaperi” vari vanhu vakakwana, kudenga kana kuti vachitongwa nehurumende yoUmambo hwaMwari!​—⁠1 Timoti 6:⁠12.

11. Nei kutsigira Umambo hwaMwari chiri icho chinangwa chine musoro?

11 Umambo hwaMwari chete ndihwo huchabudirira zvakakwana kugadzirisa matambudziko evanhu. Naizvozvo kuita zvinodiwa naMwari nokutsigira Umambo hwake ndicho chinangwa chine musoro chatingatsvaka. (Johani 4:​34) Patinenge tichiita basa iroro, tinova noukama hwakanaka naBaba vedu vokudenga. Tinovawo nomufaro wokushumira pamwe chete nemamiriyoni ehama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo, dziri kutsvakawo chinangwa ichocho muupenyu.

Kuzvipira Zvakakodzera

12. Taura kusiyana kwakaita upenyu hwomunyika ino no“upenyu chaihwo.”

12 Nyika ino “iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo,” rinodaro Bhaibheri. Nyika yose yaSatani, kusanganisira mukurumbira wayo nepfuma yayo, ichaparadzwa, “asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:​15-​17) Pfuma isingagoni kuvimbwa nayo, kukudzwa uye mafaro asiri echokwadi omunyika ino zvinogona kupera. Asi “upenyu chaihwo,” kureva upenyu husingaperi muUmambo hwaMwari, ndehwechigarire uye zvakakodzera kuti tizvipire kuti tihuwane, kana tikaita zvakarurama.

13. Vamwe vakaroorana vakazvipira sei zvakakodzera?

13 Chimbofunga zvakaitwa naHenry naSuzanne. Vanonyatsotenda zvakavimbiswa naMwari kuti achabatsira vose vanoisa Umambo pakutanga muupenyu hwavo. (Mateu 6:​33) Saka vakasarudza kugara paimba isingadhuri vachiitira kuti vakwanise kupedza nguva yakawanda vachiita zvokunamata nevanasikana vavo vaviri, pane kuti vose vashande. (VaHebheru 13:​15, 16) Imwe shamwari yavo yaiva nevavariro dzakanaka haina kunzwisisa kuti nei vakasarudza izvi. Yakaudza Suzanne kuti: “Shamwari, kana uchida kugara muimba yakanaka, unotofanira kurega zvimwe zvinhu.” Zvisinei, Henry naSuzanne vaiziva kuti kuisa Jehovha pakutanga kune “chipikirwa choupenyu huno nohuya huchauya.” (1 Timoti 4:⁠8; Tito 2:​12) Vanasikana vavo pavakakura vakava vaparidzi venguva yakazara vanoshingaira. Semhuri, havana chavangati vaishayiwa; asi vakabatsirwa chaizvo nokuva nechinangwa chokutsvaka “upenyu chaihwo.”​—⁠VaFiripi 3:⁠8; 1 Timoti 6:​6-8.

‘Musashandisa Nyika Zvizere’

14. Kukanganwa chinangwa chedu chechokwadi kungaita kuti tiwirwe nematambudziko api?

14 Zvisinei, zvine ngozi chaiyo kana tikakanganwa chinangwa chedu chechokwadi uye tikasabatisisa “upenyu chaihwo.” Tinova pangozi yo“kutsauswa nokuzvidya mwoyo uye pfuma nemafaro zvoupenyu huno.” (Ruka 8:​14) Kunyanya kuda pfuma uye ‘kuzvidya mwoyo pamusoro pezvokurarama nazvo’ kungaita kuti tinyanyobatanidzwa nenyika ino. (Ruka 21:​34) Zvinosuruvarisa kuti vamwe vakabatwa nomusungo wemazuva ano wokuda kupfuma uye “vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji,” vachitorasikirwa noukama hwavo naJehovha. Vakarumwa nechokuchera nokuti havana ku“batisisa upenyu husingaperi”!​—⁠1 Timoti 6:​9, 10, 12; Zvirevo 28:⁠20.

15. Imwe mhuri yakabatsirwa sei ‘nokusashandisa nyika zvizere?’

15 Pauro akapa zano ‘vaya vari kushandisa nyika kuti vaite sevasiri kuishandisa zvizere.’ (1 VaKorinde 7:​31) Keith naBonnie vakateerera zano iroro. Keith anorondedzera kuti: “Ndakava mumwe weZvapupu zvaJehovha pandakanga ndava kupedza kudzidzira kuva chiremba wemazino. Ndaigona kusarudza kuva nevarwere vakawanda ndowana mari yakawanda, asi izvozvo zvaizovhiringidza kunamata kwedu Mwari. Ndakasarudza kuva nevarwere vashoma kuitira kuti ndive nenguva yakawanda yokuita zvokunamata uye yokubatsira mhuri yangu kuva nepfungwa dzakanaka, iyo yaisanganisira vanasikana vashanu. Kunyange zvazvo mari yedu yainyatsokwanirana, takadzidza kuchengetedza yataiva nayo, uye nguva dzose taiwana zvataida. Semhuri taiwirirana chaizvo, taiva shamwari, uye taifara zvikuru. Tose takazopedzisira tava vashumiri venguva yakazara. Iye zvino vanasikana vedu vakaroorwa uye vari kufara, vatatu vane vana. Mhuri dzavo dziri kufarawo sezvavanoramba vachitanga kuita chinangwa chaJehovha.”

Kuisa Chinangwa chaMwari Pakutanga Muupenyu Hwako

16, 17. Bhaibheri rinotaura mienzaniso yevanhu vapi vaiva nounyanzvi, uye vanoyeukwa sei?

16 Bhaibheri rinotaura mienzaniso yevaya vakararamira chinangwa chaMwari nevaya vasina. Zvatinodzidza mumienzaniso iyoyo zvinoshanda kuvanhu vemazera ose, tsika uye mamiriro ezvinhu. (VaRoma 15:⁠4; 1 VaKorinde 10:​6, 11) Nimrodhi akavaka maguta makuru, asi akazviita achirwisana naJehovha. (Genesisi 10:​8, 9) Zvisinei, vamwe vakawanda vaiva mienzaniso yakanaka. Somuenzaniso, Mosesi haana kuda kuti chinzvimbo chokuva munhu aikudzwa wokuIjipiti chive chinangwa chake muupenyu. Asi akakoshesa zvaakanga anzi naMwari aite “sepfuma huru pane pfuma yeIjipiti.” (VaHebheru 11:​26) Chiremba Ruka angangodaro airapa Pauro nevamwe. Asi basa rainyanya kubatsira rakaitwa naRuka nderokuva muparidzi uye munyori weBhaibheri. Kana ari Pauro, haazivikanwi seGweta, asi somumishinari, “muapostora kune mamwe marudzi.”​—⁠VaRoma 11:⁠13.

17 Dhavhidhi anonyanya kuyeukwa so“munhu anodiwa nomwoyo” waMwari, kwete somutungamiriri wemauto kana kuti muimbi uye munyori wenziyo. (1 Samueri 13:​14) Dhanieri tinomuziva nokuda kwebasa rake somuprofita waJehovha akavimbika, kwete somukuru mukuru wehurumende yeBhabhironi; Esteri tinomuziva nokushinga uye nokutenda kwake, kwete samambokadzi wePezhiya; Petro, Andreya, Jakobho, uye Johani tinovaziva sevaapostora vaJesu, kwete senyanzvi dzokuredza. Uye muenzaniso wakanakisisa ndiJesu, watinoziva sa“Kristu,” kwete so“muvezi.” (Mako 6:⁠3; Mateu 16:​16) Vose ava vainzwisisa kuti pasinei nounyanzvi hwavaiva nahwo, pfuma, kana kuti zvinzvimbo, vaifanira kunyanya kukoshesa basa ravaiitira Mwari, kwete mabasa avo. Vaiziva kuti chinangwa chakarurama uye chinokomborerwa zvikuru chavaigona kuva nacho ndechokuva munhu anotya Mwari.

18. Mumwe muKristu wechiduku akasarudza kushandisa sei upenyu hwake, uye akasvika pakuzivei?

18 Seung Jin, ambotaurwa pakutanga, akasvikawo pakunzwisisa izvi. Anotsanangura kuti: “Pane kupedza simba rangu ndiri chiremba, ndichidhirowa, kana kudzidzisa kuchikoro, ndakasarudza kushandisa upenyu hwangu maererano nokuzvitsaurira kwandakanga ndaita kuna Mwari. Iye zvino ndava kushanda kunodiwa vadzidzisi veBhaibheri vakawanda, ndichibatsira vanhu kufamba munzira inoenda kuupenyu husingaperi. Ndaifunga kuti kuva mushumiri wenguva yakazara kwaisazoda kushanda nesimba. Iye zvino ndava kutofanira kushanda nesimba kupfuura zvandaiita, sezvandiri kuedza kuvandudza unhu hwangu uye kudzidzisa vanhu vane tsika dzakasiyana. Ndinoona kuti kuita kuti chinangwa chaJehovha chive chinangwa chedu ndiwo bedzi mararamiro anogutsa.”

19. Tingawana sei chinangwa chechokwadi choupenyu?

19 SevaKristu, takakomborerwa kuti tine zivo inoponesa uye tariro youpenyu. (Johani 17:⁠3) Saka ngatirege ‘kugamuchira mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari totadza kunzwisisa chinangwa chawo.’ (2 VaKorinde 6:⁠1) Asi ngatishandisei upenyu hwedu hunokosha kuti tirumbidze Jehovha. Ngatiparadzirei zivo inofadza iye zvino uye inoita kuti tive noupenyu husingaperi. Patinenge tichiiparadzira, tinoona kuti mashoko aJesu ndeechokwadi, okuti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:​35) Tikadaro tinenge tawana chinangwa chechokwadi choupenyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Mamwe mazita akachinjwa.

Ungatsanangura Here?

• Chinangwa chikuru zvikuru chingatsvakwa nomunhu muupenyu chii?

• Nei kuraramira pfuma kusiri kuchenjera?

• Chii chinonzi “upenyu chaihwo” hunovimbiswa naMwari?

• Tingashandisa sei upenyu hwedu kuti tiite chinangwa chaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 18]

VaKristu vanofanira kuzvipira zvakakodzera