Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kununurwa Pazviteyeso Zvomubati Weshiri

Kununurwa Pazviteyeso Zvomubati Weshiri

Kununurwa Pazviteyeso Zvomubati Weshiri

“Iye [Jehovha] achakununura pachiteyeso chomubati weshiri.”​—⁠PISAREMA 91:⁠3.

1. “Mubati weshiri” ndiani, uye nei aine ngozi?

VAKRISTU vose vechokwadi vakatarisana nomunhu akaita sechikara akachenjera kupfuura vanhu uye anonyengera zvikuru. Anotaurwa nezvake pana Pisarema 91:⁠3 achinzi “mubati weshiri.” Muvengi uyu ndiani? Kutanga nemagazini yeChirungu yaJune 1, 1883, ave achinzi ndiSatani Dhiyabhorosi. Muvengi ane simba uyu anoedza kutsausa uye kuteya vanhu vaJehovha nemanomano sezvinoita mubati weshiri anoedza kuteya shiri.

2. Nei Satani achifananidzwa nomubati weshiri?

2 Kare, shiri dzaiteyerwa kuimba kwadzo kunonakidza, minhenga yadzo yakanaka, uyewo kuti dzaidyiwa uye dzaipiwa sezvibayiro. Zvisinei, shiri dzagara dziri zvisikwa zvakangwara, dzinokurumidza kuvhunduka, uye hadzisi nyore kubata. Naizvozvo mubati weshiri womunguva inotaurwa muBhaibheri aitanga anyatsoongorora zvinoitwa neshiri dzaaida kubata uye mararamiro adzo. Adaro aironga nzira dzemanomano dzokuti adzibate. Bhaibheri parinofananidza Satani nomubati weshiri, rinotibatsira kunzwisisa nzira dzaanoshandisa. Dhiyabhorosi anoongorora mumwe nomumwe wedu. Anocherechedza zvatinoita, unhu hwedu uye anotiisira misungo isingaoneki kuitira kuti atibate tiri vapenyu. (2 Timoti 2:​26) Kana tikabatwa naye zvinoreva kuti tinenge takanganisa ukama hwedu naMwari uye zvingaita kuti tigume taparadzwa. Naizvozvo kuti tidzivirirwe, tinofanira kuziva nzira dzakasiyana-siyana dzinoshandiswa no“mubati weshiri.”

3, 4. Mazano aSatani anofanana neeshumba uye neemhungu kana zvaita sei?

3 Achishandisa mufananidzo wakajeka, munyori wepisarema anofananidza nzira dzinoshandiswa naSatani nezvinoitwa neshumba duku kana kuti nemhungu. (Pisarema 91:​13) Sezvinoita shumba, dzimwe nguva Satani anodenha zvakananga achiita kuti vanhu vaJehovha vatambudzwe kana kuti varambidzwe kunamata nehurumende. (Pisarema 94:​20) Kutambudzwa kwakadaro kungaita kuti vashomanana vasiye Jehovha. Zvisinei, kazhinji vaya vanotambudza vanhu vaMwari zvakananga kudaro zvinozongovaipira uye zvinoita kuti vanhu vaMwari vabatane. Asi zvakadini nokudenha kusiri pachena kunoita Satani sezvinoitwa nemhungu?

4 Dhiyabhorosi anoshandisa uchenjeri hwake hunopfuura hwevanhu kuti adenhe nenzira younyengeri uye aparadze sezvinoitwa nenyoka ine uturu inenge yakavanda. Nenzira iyi akabudirira kushatisa pfungwa dzevamwe vanhu vaMwari, achivanyengera kuti vaite zvaanoda pane kuti vaite zvinodiwa naJehovha, zvichiguma nenjodzi. Zvinofadza kuti tinoziva mazano aSatani. (2 VaKorinde 2:​11) Iye zvino ngatikurukurei zviteyeso zvina zvine ngozi zvinoshandiswa no“mubati weshiri.”

Kutya Vanhu

5. Nei musungo wo“kutya munhu” uchishanda chaizvo?

5 “Mubati weshiri” anonzwisisa kuti vanhu vanoda kudiwa uye kufarirwa nevamwe. VaKristu havana mwoyo yakaoma uye vane hanya nezvinofunga vamwe uye manzwiro anoita vamwe vose. Achiziva izvi, Dhiyabhorosi angada kushandisa zvisina kunaka kuva nehanya kwavo nezvavanofungirwa nevanhu. Somuenzaniso, anobata vamwe vanhu vaMwari nokushandisa musungo wo“kutya munhu.” (Zvirevo 29:​25) Kana vashumiri vaMwari vakabatana nevamwe pakuita zvaanorambidza kana kuti vakarega kuita zvinorayirwa neShoko rake nokuti vanenge vachitya vanhu, vanenge vabatwa no“mubati weshiri.”​—⁠Ezekieri 33:⁠8; Jakobho 4:⁠17.

6. Muenzaniso upi unoratidza kubatwa kungaitwa wechiduku no“mubati weshiri”?

6 Somuenzaniso, wechiduku angabvuma kufurirwa nevaanodzidza navo kuchikoro kuti asvute mudzanga. Paabva pamba achienda kuchikoro musi iwoyo, angangova asina kumbofunga nezvokusvuta mudzanga. Zvisinei, munguva pfupi anenge ava kuita chinhu chinokanganisa utano hwake uye chisingafadzi Mwari. (2 VaKorinde 7:⁠1) Zvafamba sei kuti anyengerwe? Angadaro atamba neshamwari dzisina kunaka uye atya kusekwa. Vechiduku, musarega “mubati weshiri” achikunyengerai uye achikubatai! Kuti musabatwa muri vapenyu, musabvuma kufurirwa kunyange muzvinhu zviduku. Teererai zvinonyeverwa neBhaibheri zvokuti musashamwaridzana nevakaipa.​—⁠1 VaKorinde 15:⁠33.

7. Satani angaita sei kuti vamwe vabereki vasava nemaonero akanaka panyaya yokunamata?

7 Vabereki vechiKristu vakangwara vanokoshesa basa ravo riri muMagwaro rokupa mhuri dzavo zvadzinoda. (1 Timoti 5:⁠8) Zvisinei, chinangwa chaSatani ndechokuti vaKristu vasava nemaonero akanaka panyaya iyi. Zvichida vanogara vachirovha misangano nokuti havarambi pavanonzi nevavanoshandira vashande nguva yakawanda. Vangatya kukumbira kuti vasaenda kubasa kuitira kuti vapinde gungano reruwa kuti vanamate Jehovha nehama dzavo. Kuti vasabatwa nomusungo uyu, vanofanira ku“vimba naJehovha.” (Zvirevo 3:​5, 6) Uyewo, kuyeuka kuti tose tiri nhengo dzeimba yaJehovha uye kuti iye akati achatitarisira kuchatibatsira kuramba tiine maonero akanaka. Vabereki, munotenda here kuti Jehovha achakutarisirai imi nemhuri dzenyu kana mukaita zvaanoda? Kana kuti Dhiyabhorosi achakubatai muri vapenyu here oita kuti muite zvaanoda nokuti munenge muchitya vanhu? Tinoteterera kuti munyatsofunga nezvemibvunzo iyi muchiita zvokunyengetera.

Musungo Wokunyanya Kuda Pfuma

8. Satani anoshandisa sei musungo wokunyanya kuda pfuma?

8 Satani anoshandisawo musungo wokunyanya kuda pfuma kuti atibate. Vemabhizimisi vari munyika ino vanokurudzira zvirongwa zvokukurumidza kupfuma zvingatonyengedza vamwe vanhu vaMwari. Dzimwe nguva, vamwe vanokurudzirwa kuti: “Shanda nesimba. Kana wava nemari, unogona kurega kunyanya kushanda wonakidzwa noupenyu. Ungatopayona.” Mashoko akadaro angava maonero asina kunaka anoitwa nevamwe vari muungano yechiKristu vanoda kushandisa hama dzavo kuti vawane mari. Fungisisa nezvemashoko iwayo aunenge uchiudzwa. Haana here kufanana nemafungiro e“benzi” rakanga rakapfuma romumufananidzo waJesu?​—⁠Ruka 12:​16-⁠21.

9. Nei vamwe vaKristu vangabatwa mumusungo wokuda pfuma?

9 Satani anoshandisa nyika yake yakaipa nenzira inoita kuti vanhu vade pfuma. Kuda pfuma ikoko kunoguma kwakanganisa upenyu hwomuKristu, kuchivhunga shoko uye kuchiita kuti ‘risabereka zvibereko.’ (Mako 4:​19) Bhaibheri rinotikurudzira kuti tigutsikane nezvokudya nezvokupfeka. (1 Timoti 6:⁠8) Zvisinei, vakawanda vanobatwa no“mubati weshiri” nokuti havashandisi zano iroro. Kudada ndiko kungava kuri kuita kuti vafunge kuti vanofanira kuramba vaine upenyu hwepamusoro here? Zvakadini nesu? Kuda kwatinoita pfuma kunoita kuti tione zvinhu zvokunamata sezvisinganyanyi kukosha here? (Hagai 1:​2-⁠8) Zvinonzwisa tsitsi kuti panguva yokuoma kwoupfumi vamwe vakarega kunamata vachiitira kuti varambe vaine upenyu hwepamusoro hwavainge vajaira. Mafungiro akadaro okunyanya kuda pfuma anoita kuti “mubati weshiri” afare!

Musungo Wokuvaraidzwa Nezvakaipa

10. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzviongorora nezvei?

10 Imwe nzira inoshandiswa no“mubati weshiri” ndeyokuvhiringidza maonero anoita vanhu zvavakaberekwa vachiziva kuti ndizvo zvakanaka kana kuti zvakaipa. Bhizimisi rezvinovaraidza razara nemaitiro akafanana neaiva muSodhoma neGomora. Kunyange nhau dzinobuda paterevhizheni nomumagazini dzinoratidza chisimba uye kunyanyisa kuda zvepabonde. Zvakawanda zvinoita sezvinovaraidza zvinobuda mumaredhiyo kana mumaterevhizheni nemagazini zvinovhiringidza vanhu kuti vatadze “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:​14) Zvisinei, yeuka mashoko aJehovha aakataura achishandisa Isaya okuti: “Vane nhamo vaya vanoti zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka.” (Isaya 5:​20) “Mubati weshiri” akakanganisa mafungiro ako nokuvaraidzwa nezvinhu zvakaipa kudaro iwe wakavarairwa here? Zvinokosha kuti uzviongorore.​—⁠2 VaKorinde 13:⁠5.

11. Magazini ino yakanyeverei nezvepurogiramu dzepaTV dzinonzi masoap opera?

11 Makore anoda kusvika 25 akapfuura, Nharireyomurindi yakanyevera norudo vanamati vaMwari nezvemapurogiramu eTV. * Yakataura nezvemitambo inobudiswa paTV ine nyaya dzinotora nguva refu inonzi masoap opera. Somuenzaniso, mumwe musikana wechiduku ane pamuviri asi asina kuroorwa anoti kushamwari yake: ‘Victor ndinomuda. Handina basa nezvakawanda. . . . Chandinongoda apa kuva nomwana wake!’ Mumhanzi unenge uchirira zvinyoronyoro unoita kuti zviome kuona kuti zvaari kuita zvakaipa chaizvo. Iwewo unofarira Victor. Unonzwira musikana wacho tsitsi. ‘Unonzwisisa’ kuti nei achidaro. Mumwe aiona mitambo yakadaro uyo akazopengenuka anoti, ‘Zvinoshamisa kuti unozviona sezvakarurama.’ ‘Tinoziva kuti unzenza hwakaipa. . . . Asi ndaiziva kuti mupfungwa ndakanga ndiri kufarira zvavaiita.’ ”

12. Zvinhu zvipi zvinoratidza kuti nyevero iri kupiwa nezvemapurogiramu epaTV yakakodzera?

12 Kubvira pakabudiswa nyaya idzodzo, mapurogiramu aya anoshatisa mwoyo ava kubudiswa zvikuru. Munzvimbo dzakawanda, mapurogiramu akadaro anobudiswa kwemaawa 24 pazuva. Varume, vakadzi, nevechiduku vakawanda kazhinji vanovaraidza pfungwa dzavo nemwoyo yavo nezvinhu zvakadaro. Zvisinei, hatifaniri kuzvinyengera nenhema. Zvingava zvakaipa kufunga kuti varaidzo yakaipa iri nani pane zvinoitika chaizvo munyika. Pangava nechikonzero chakanaka chokuti muKristu asarudze kuvaraidzwa nevanhu vaangasambofa afunga kukoka mumba make here?

13, 14. Vamwe vakataura kuti vakabatsirwa sei nokuteerera nyevero pamusoro peTV?

13 Vakawanda vakabatsirwa pavakateerera zano iroro rakapiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:​45-​47) Pashure pokunge vaverenga zano iri reBhaibheri rakajeka, vamwe vakanyorera vanobudisa magazini ino vachitaura kuti vakabatsirwa sei nenyaya dzacho. * Mumwe wacho akareurura achiti: “Kwemakore 13 ndaiva ndakapindwa muropa nemitambo iyi. Ndaifunga kuti zvaisazokanganisa manamatiro angu nokuti ndaipinda misangano yechiKristu uye apo neapo ndaiparidzira. Asi ndakatanga kuva nemaonero anoratidzwa mumitambo iyi okuti kana murume wako akasakubata zvakanaka kana kuti kana uchiona sokuti haakudi, hapana chakaipa nokuita upombwe, ndiye anenge azvikonzera. Saka pandakaona sokuti ‘hapana chakaipa,’ ndakaita upombwe uye ndakatadzira Jehovha nomurume wangu.” Mukadzi uyu akadzingwa muungano. Akazopengenuka, akapfidza uye akadzorerwa muungano. Nyaya dzainyevera nezvokuona mitambo iyi dzakamupa simba rokuti arambe kuvaraidzwa nezvinovengwa naJehovha.​—⁠Amosi 5:​14, 15.

14 Mumwe muverengi akabatsirwa nenyaya idzi akati: “Ndakachema pandakaverenga nyaya idzi, nokuti ndakaona kuti mumwoyo mangu ndakanga ndisisina kuzvipira zvakakwana kuna Jehovha. Ndakavimbisa Mwari wangu kuti ndaisazoramba ndiri muranda wemitambo iyi.” Ataura kuti aionga nyaya dzacho, mumwe mukadzi wechiKristu akabvuma kuti aiva apindwa muropa nemitambo iyi uye akanyora kuti: “Ndainetseka . . . kana zvaizokanganisa ukama hwangu naJehovha. Ndaizogona sei kushamwaridzana ‘nevatambi vacho’ uku ndichishamwaridzana naJehovha?” Kana mitambo yakadaro yepaTV yaishatisa mwoyo makore 25 akapfuura, kuzoti iye zvino? (2 Timoti 3:​13) Tinofanira kungwarira musungo waSatani wevaraidzo yakaipa yose zvayo, ingava mitambo yepaTV ine nyaya dzinotora nguva refu, mitambo yemavhidhiyo yechisimba, kana kuti mavhidhiyo emimhanzi ounzenza.

Musungo Wokusawirirana

15. Vamwe vanobatwa sei vari vapenyu naDhiyabhorosi?

15 Satani anoshandisa musungo wokusawirirana kuti aite kuti vanhu vaJehovha vasabatana. Tinogona kubatwa nomusungo uyu pasinei neropafadzo dzebasa dzatingava nadzo. Vamwe vanobatwa vari vapenyu naDhiyabhorosi nokuti vanobvumira kuti kusawirirana kukanganise rugare nokubatana uye kukanganise kubudirira mune zvokunamata kwakaitwa kuti kuvepo naJehovha.​—⁠Pisarema 133:​1-3.

16. Satani ave achiedza sei nenzira yemanomano kuvhiringidza kubatana kwatakaita?

16 Pairwiwa Hondo Yenyika I, Satani akaedza kuparadza sangano raJehovha repasi pano nokurwisa zvakananga, asi akatadza. (Zvakazarurwa 11:​7-​13) Kubvira panguva iyoyo, ave achishandisa nzira yemanomano kuti avhiringidze kubatana kwatakaita. Kana tikarega kusawirirana kuchiita kuti tisabatana, tinenge tapa “mubati weshiri” pokutangira kuti atishandise. Tikadaro, tingaita kuti mudzimu mutsvene usayerera muupenyu hwedu pamwe chete nomuungano. Kana izvozvo zvikaitika, Satani angafara nokuti basa rokuparidza rinovhiringidzwa kana muungano musisina rugare uye kubatana.​—⁠VaEfeso 4:​27, 30-⁠32.

17. Chii chingabatsira vaya vanenge vasingawirirani kuti vawiriranezve?

17 Ungaitei kana usingawirirani nomumwe muKristu? Chokwadi, mamiriro ezvinhu anosiyana-siyana. Zvisinei, kunyange zvazvo pangava nezvikonzero zvakawanda zvinoita kuti musawirirana, hapana chikonzero chokuti kusawirirana kwacho kurege kugadziriswa. (Mateu 5:​23, 24; 18:​15-​17) Mazano ari muShoko raMwari akafuridzirwa uye akakwana. Kana zvinotaurwa neBhaibheri zvikaitwa, hazvimbokundikani. Zvinobudirira nguva dzose!

18. Nei kutevedzera Jehovha kuchitibatsira kugadzirisa kusawirirana?

18 Jehovha “akagadzirira kukanganwira,” uye a“nokanganwira zvechokwadi.” (Pisarema 86:⁠5; 130:⁠4) Tinoratidza kuti tiri vana vaJehovha vaanoda patinomutevedzera. (VaEfeso 5:⁠1) Tose tinotadza uye tinoda chaizvo kukanganwirwa naJehovha. Saka tinofanira kungwarira kana tichinzwa tisingadi kukanganwira mumwe munhu. Tingaita somuranda womumufananidzo waJesu akaramba kukanganwira mumwe muranda chikwereti chiduku zvikuru kana chichienzaniswa nechikwereti chaakanga atokanganwirwa natenzi wake. Tenzi wacho paakaudzwa, akaita kuti muranda asingakanganwiri akandirwe mujeri. Jesu akapedzisa mufananidzo wacho achiti: “Baba vangu vokudenga vachakuitiraiwo saizvozvo kana mumwe nomumwe wenyu asingakanganwiri hama yake zvichibva pamwoyo.” (Mateu 18:​21-​35) Kufungisisa mufananidzo iwoyo uye kufunga nezvokuti Jehovha akatikanganwira nomwoyo wose kangani chokwadi kuchatibatsira patinenge tichiedza kugadzirisa kusawirirana nehama yedu!​—⁠Pisarema 19:⁠14.

Kuchengeteka Tiri “Munzvimbo Yakavanda Yowokumusorosoro”

19, 20. Tinofanira kuona sei “nzvimbo yakavanda” yaJehovha uye “mumvuri” wake munguva dzino dzine ngozi?

19 Tiri kurarama munguva dzine ngozi. Kudai kusiri kuti Jehovha anotidzivirira norudo, Satani angadai akatiparadza tose. Naizvozvo, kuti tisabatwa no“mubati weshiri,” tinofanira kuramba tiri munzvimbo yokufananidzira yakadzivirirwa, taka“gara munzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro,” tichi“gara pasi pomumvuri woWemasimbaose.”​—⁠Pisarema 91:​1.

20 Nguva dzose ngationei zviyeuchidzo zvaJehovha nezvaanotirayira sezvinodzivirira, kwete sezvinodzvinyirira. Tose zvedu takatarisana nomunhu akaita sechikara akachenjera kupfuura vanhu. Hapana anganzvenga kubatwa naye kana asingabatsirwi norudo rwaJehovha. (Pisarema 124:​7, 8) Saka ngatinyengeterei kuti Jehovha atinunure pamisungo yo“mubati weshiri”!​—⁠Mateu 6:​13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 1, 1982, mapeji 3-7.

^ ndima 13 Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 1, 1983, peji 23.

Unoyeuka Here?

• Nei “kutya munhu” uri musungo une ngozi?

• Dhiyabhorosi anoshandisa sei musungo wokunyanya kuda pfuma?

• Satani akabata sei vamwe mumusungo nokuita kuti vavaraidzwe nezvinhu zvakaipa?

•Dhiyabhorosi anoshandisa musungo upi kuti avhiringidze kubatana kwedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vamwe vakabatwa mumusungo wo“kutya munhu”

[Mufananidzo uri papeji 28]

Unovaraidzwa nezvinhu zvinovengwa naJehovha here?

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ungaitei kana usingawirirani nomumwe muKristu?