Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Muna Obhadhiya, Jona, naMika

Pfungwa Huru Dzatinowana Muna Obhadhiya, Jona, naMika

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Muna Obhadhiya, Jona, naMika

“ZVAKAONEKWA naObhadhiya.” (Obhadhiya 1) Aya ndiwo mashoko okutanga ebhuku reBhaibheri raObhadhiya. Muprofita wacho haana zvimwe zvaanotaura nezvake mubhuku raakanyora muna 607 B.C.E kunze kwezita rake. Muprofita Jona anorondedzera zvakajeka zvaakasangana nazvo mubasa rake roumishinari, mubhuku raakapedza kunyora mazana maviri emakore Obhadhiya asati anyora rake. Mika akaita basa rake rokuprofita kwemakore 60 pakati penguva yaJona neyaObhadhiya, kutanga muna 777 B.C.E. kusvikira kuna 717 B.C.E. Mika anongoti anobva kumusha we“Moresheti” uye kuti shoko raJehovha rakauya kwaari “mumazuva aJotamu, Ahazi, Hezekiya, madzimambo aJudha.” (Mika 1:1) Mienzaniso yaanoshandisa kuti ajekese shoko rake inoratidza kuti akanga akajaira upenyu hwokumusha.

EDHOMU A“CHAPARADZWA NOKUSINGAGUMI”

(Obhadhiya 1-21)

Obhadhiya anoti nezvaEdhomu: “Uchafukidzwa nokunyara nokuda kwechisimba chawakaitira munun’una wako Jakobho, uye uchaparadzwa nokusingagumi.” Muprofita wacho akanga achiri kunyatsoyeuka chisimba chakanga chichangobva kuitwa nevaEdhomu kuvanakomana vaJakobho, kureva vaIsraeri. Muna 607 B.C.E., vaBhabhironi pavakaparadza Jerusarema, vaEdhomu va“kamira parutivi” vakabatana nevanhu “vokune imwe nyika” vakanga vapinda nechisimba.—Obhadhiya 10, 11.

Asi imba yaJakobho ichaita sezvayakanga yakaita kare. Uprofita hwaObhadhiya hunoti: “MuGomo reZiyoni ndimo muchava nevachapukunyuka, richava chinhu chitsvene.”—Obhadhiya 17.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

ndima 5-8—Nei zvichikosha kuti kuparadzwa kweEdhomu kunofananidzwa nokuuya kwevapambi usiku uye kuuya kwevatanhi vemazambiringa? Kudai mbavha dzakanga dzapinda muEdhomu, dzingadai dzakangotora zvadzaida. Kudai vakohwi vakanga vapinda mairi, vangadai vakasiya zvimwe zviyo kuti vamwe vaunganidze. Zvisinei, Edhomu painokundwa, pfuma yayo ichanyatsotsvakwa uye ichapambwa yose ‘nevarume vayakaita sungano navo,’ vanhu vayakabatana navo, vaBhabhironi.—Jeremiya 49:9, 10.

ndima 10—Edhomu ‘yakaparadzwa sei nokusingagumi’? Edhomu inyika yakatombovapo ichitovawo nehurumende yayo yaiva nenharaunda yayaitonga, asi sezvakanga zvafanotaurwa, yakazotsakatika. Mambo weBhabhironi Nabhonidhasi akakunda Edhomu panenge pakati pezana remakore rechitanhatu B.C.E. Pakazosvika zana remakore rechina B.C.E., muEdhomu makanga mava kugara vaNabataea, uye vaEdhomu vaifanira kunogara kumaodzanyemba kweJudhiya, nzvimbo yeNegebhu yakazonzi Idhumeya. VaRoma vaparadza Jerusarema muna 70 C.E., vaEdhomu havana kuzoonekwazve.

Zvatinodzidza:

ndima 3, 4. VaEdhomu vangadaro vakazvikudza vachizvinyengera nokufunga kuti vaiva vakachengeteka nokuti vaigara pamusoro pemakomo marefu uye mumakoronga akadzika, izvo zvaitadzisa vavengi kuvarwisa. Asi kutonga kwaJehovha hakunzvengeki.

ndima 8, 9, 15. Uchenjeri hwevanhu uye simba ravo hazvizovadziviriri pa“zuva raJehovha.”—Jeremiya 49:7, 22.

ndima 12-14. Zvakaitika kuvaEdhomu zvinonyevera vaya vanofarira kuti vashumiri vaMwari vawirwe nematambudziko. Jehovha haaoni kusabatwa zvakanaka kwevanhu vake senyaya duku.

ndima 17-20. Uprofita uhwu hwokuti zvinhu zvaizoita sezvazvakanga zvakamboita kuvanakomana vaJakobho hwakatanga kuzadzika pakadzokera vaiva vachiri vapenyu kuJerusarema vachibva kuBhabhironi muna 537 B.C.E. Nguva dzose zvinenge zvataurwa naJehovha zvinoitika. Tinogona kuvimba zvizere nezvipikirwa zvake.

“NINIVHI RICHAPARADZWA”

(Jona 1:1–4:11)

Pane kuteerera murayiro waMwari ‘wokuenda kuNinivhi guta guru, kunorizivisa’ kuti raizoparadzwa, Jona anotizira kune imwe nzvimbo. Jehovha anodzosa Jona uye anomurayira kechipiri kuti aende kuguta guru reAsiriya, paanotuma “mhepo huru pagungwa” uye paanoshandisa “hove huru.”—Jona 1:2, 4, 17; 3:1, 2.

Jona anopinda muNinivhi obva atanga kuzivisa shoko rakajeka rokuti: “Kwangosara mazuva makumi mana, uye Ninivhi richaparadzwa.” (Jona 3:4) Zvinozoitika pabasa rake rokuparidzira zvaanga asingatarisiri zvinoita kuti Jona ‘atsamwe kwazvo.’ Jehovha anoshandisa “mupudzi” kudzidzisa Jona kuva nengoni.—Jona 4:1, 6.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

3:3—Ichokwadi here kuti guta reNinivhi “raida mazuva matatu kuti ufambe kusvika kwarakaperera”? Hungu. Kare, guta reNinivhi raifungidzirwa kuti raiva nemisha yaitangira kuKhorsabad kuchamhembe kusvika kuNimrud kumaodzanyemba. Ninivhi yaiva nemisha mumativi ayo mana zvokuti kubva pamusha wokutanga uchidzoka paunenge watangira waitenderera makiromita anenge 100.

3:4—Jona aifanira here kudzidza mutauro wokuAsiriya kuti aparidzire vanhu veNinivhi? Angadaro aitogona mutauro wokuAsiriya, kana kuti akatanga kuutaura nenzira yenenji. Zvichida angadaro akataurawo shoko rake rakanga rakajeka muchiHebheru, mumwe munhu achiturikira. Kana akataura nechiHebheru, zvaaitaura zvingadaro zvakaita kuti vanhu vade chaizvo kuzviziva.

Zvatinodzidza:

1:1-3. Kuronga kuita zvimwe zvinhu nemaune kuitira kuti usaita zvizere basa rokuparidza Umambo nerokudzidzisa vanhu kunoratidza vavariro yakaipa. Zvinoita sokuti munhu anoita izvozvo anotiza basa raMwari.

1:1, 2; 3:10. Jehovha haangonzwiri ngoni rudzi rumwe chete, dzinza kana kuti boka revanhu. “Jehovha akanaka kune vose, ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.”—Pisarema 145:9.

1:17; 2:10. Kugara kwakaita Jona muhove huru kwemazuva matatu nousiku hutatu uprofita hunoratidza zvaizoitika pakufa nokumutswa kwaJesu.—Mateu 12:39, 40; 16:21.

1:17; 2:10; 4:6. Jehovha akanunura Jona mugungwa rakanga rakashatirwa. Mwari “akaita[wo] kuti mupudzi umere, uve pamusoro paJona, kuti uve mumvuri womusoro wake, kuti umununure pakutambudzika kwake.” Vanamati vaJehovha vemazuva ano vanogona kuvimba kuti Mwari wavo achavadzivirira uye achavanunura nomutsa wake worudo.—Pisarema 13:5; 40:11.

2:1, 2, 9, 10. Jehovha anonzwa minyengetero yevashumiri vake uye anoteerera kuteterera kwavo.—Pisarema 120:1; 130:1, 2.

3:8, 10. Mwari wechokwadi “akazvidemba,” kana kuti akachinja mafungiro ake nezvedambudziko raakanga ataura uye “akarega kuriunza.” Nei? Nokuti vaNinivhi “vakanga vatendeuka panzira yavo yakaipa.” Saizvozvowo nhasi, kana mutadzi akapfidza zvechokwadi anogona kudzivisa kutongwa naMwari.

4:1-4. Hapana munhu anogona kuita kuti Mwari asanzwira ngoni. Tinofanira kungwarira kuti tisatsoropodza kunzwira ngoni kwaJehovha.

4:11. Jehovha ari kushivirira achiita kuti shoko roUmambo riparidzwe pasi pose nokuti anonzwira tsitsi vaya “vasingambozivi musiyano woruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo” sezvaakaita varume 120 000 kuNinivhi. Hatifaniri kunzwira urombo vanhu vari mundima yedu toshingaira mubasa rokuparidza Umambo nerokuvadzidzisa here?—2 Petro 3:9.

‘MIPARAVARA YAVO INOFANIRA KUWEDZERWA’

(Mika 1:1–7:20)

Mika anofumura zvivi zveIsraeri neJudha, anofanotaura kuparadzwa kwemaguta adzo makuru uye anovimbisa kuti zvinhu zvichaita sezvazvakanga zvakaita. Samariya richava “murwi wezvakaparadzwa panyika.” Israeri naJudha vakakodzerwa nokuiswa “muparavara,” kana kuti kunyadziswa pamusana pokunamata zvidhori. Pavanotapwa, muparavara wavo unofanira kuwedzerwa “sezvakaita wegondo”—gora rinongova nemanhenga mashomanana mumusoro waro. Jehovha anopikira kuti: “Chokwadi ndichaunganidza Jakobho.” (Mika 1:6, 16; 2:12) Jerusarema “richava mirwiwo zvayo yezvakaparadzwa” nemhaka yevatungamiriri varo vane uori uye vaprofita varo vakasindimara. Asi Jehovha ‘achaunganidza’ vanhu vake. “Munhu achava mutongi pakati paIsraeri” achabuda mu“Bhetrehema Efrata.”—Mika 3:12; 4:12; 5:2.

Jehovha ave achiitira vaIsraeri zvakaipa here? Ave achivaomesera here? Aiwa. Chiri kungodiwa naJehovha ndechokuti vanamati vake ‘varuramisire, vade mutsa uye vave nomwero’ pakufamba naMwari wavo. (Mika 6:8) Zvisinei, vanhu vomunguva yaMika vaipa kwazvo zvokuti “munhu wavo akanaka kupfuura vamwe vose akaita segwenzi rine minzwa, munhu wavo akarurama kupfuura vamwe vose akaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa,” achikuvadza nokurwadzisa munhu wose anoswedera pedyo naye. Asi muprofita wacho anobvunza kuti: “Ndoupi Mwari akaita” saJehovha? Mwari achanzwirazve vanhu vake ngoni uye a“chakanda zvivi zvavo zvose munzvimbo dzakadzika dzegungwa.”—Mika 7:4, 18, 19.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:12—Uprofita ‘hwokuunganidza vakasara vaIsraeri’ hwakazadzika rini? Hwakatanga kuzadzika muna 537 B.C.E. pakadzokera vaJudha vakanga vasara kumusha kwavo vachibva kuBhabhironi kwavakanga vatapwa. Mazuva ano, uprofita hwacho huri kuzadzika “pana Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Kubvira muna 1919, vaKristu vakazodzwa vave vachiunganidzwa ‘mudanga seboka rezvipfuwo.’ Zvavava kubatsirwa ne“boka guru revanhu” re“mamwe makwai,” kunyanya kubvira muna 1935, vava ku“ita ruzha nevanhu.” (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Pamwe chete, vanoshingaira kutsigira kunamata kwechokwadi.

4:1-4—“Nemazuva okupedzisira,” Jehovha ‘achatonga sei pakati pemarudzi mazhinji, oruramisa zvinhu pamusoro pemarudzi ane simba’? Mashoko okuti “marudzi mazhinji” uye “marudzi ane simba” haarevi nyika dzakawanda kana kuti masangano ezvematongerwo enyika. Asi anoreva vanhu vanobva kumarudzi ose vakava vanamati vaJehovha. Jehovha anovatonga uye anoruramisa zvinhu pakuti anova noukama navo.

Zvatinodzidza:

1:6, 9; 3:12; 5:2. Samariya rakaparadzwa nevaAsiriya muna 740 B.C.E. munguva yaMika. (2 Madzimambo 17:5, 6) VaAsiriya vakatosvika kuJerusarema paitonga Hezekiya. (2 Madzimambo 18:13) Jerusarema rakaroromeswa nevaBhabhironi muna 607 B.C.E. (2 Makoronike 36:19) Sezvakanga zvaprofitwa, Mesiya akaberekwa ku“Bhetrehema Efrata.” (Mateu 2:3-6) Shoko raJehovha rouprofita harimbokundikani.

2:1, 2. Zvingava nengozi chaizvo kuti titi tinoshumira Mwari asi tichitanga kutsvaka pfuma pane kutsvaka “umambo nokururama kwake.”—Mateu 6:33; 1 Timoti 6:9, 10.

3:1-3, 5. Jehovha anotarisira kuti vaya vanotungamirira vanhu vake varuramisire.

3:4. Kana tichida kuti Jehovha apindure minyengetero yedu, hatifaniri kuita chivi kana kuti kurarama upenyu huviri.

3:8. Tinogona kuita basa redu rokuparidza mashoko akanaka, rinosanganisira mashoko okutonga, kana bedzi tichisimbiswa nomudzimu mutsvene waJehovha.

5:5. Uprofita uhwu hwaMesiya hunotivimbisa kuti vanhu vaMwari pavanorwiswa nevavengi vavo, “vafudzi vanomwe [nhamba inomiririra kukwana]” uye “machinda masere”—nhamba yakakura yevarume vanokwanisa—vanozogadzwa kuti vatungamirire vanhu vaJehovha.

5:7, 8. Kune vanhu vakawanda, nhasi vaKristu vakazodzwa vakaita “sedova rinobva kuna Jehovha,” kureva chikomborero chinobva kuna Mwari. Zvakadaro nokuti anoshandisa vakazodzwa kuzivisa mashoko oUmambo. “Mamwe makwai” anobatsira pakuzorodza vanhu nokushingaira kwaanoita kutsigira vakazodzwa mubasa rokuparidza. (Johani 10:16) Zvechokwadi iropafadzo chaiyo kuitawo basa iri rinozorodza vamwe!

6:3, 4. Tinofanira kutevedzera Jehovha Mwari tova nomutsa tichinzwira tsitsi kunyange vaya vakaoma kuwirirana navo kana kuti vasina kusimba pakunamata.

7:7. Hatifaniri kuora mwoyo sezvatinosangana nematambudziko pamugumo wemamiriro ezvinhu enyika ino yakaipa. Asi tinofanira ku“mirira Mwari [wedu] woruponeso” sezvakaitwa naMika.

7:18, 19. Sezvo Jehovha achida kutikanganwira, tinofanirawo kukanganwira vanotitadzira.

Kuramba ‘Tichifamba Muzita raJehovha’

Vaya vanorwa naMwari nevanhu vake va“chaparadzwa nokusingagumi.” (Obhadhiya 10) Zvisinei, hasha dzaJehovha dzinogona kubviswa patiri kana tikateerera nyevero yake ‘totendeuka panzira dzakaipa.’ (Jona 3:10) “Nemazuva okupedzisira,” kureva mazuva ano atiri, kunamata kwechokwadi kuri kukwidziridzwa pazvitendero zvose zvenhema uye vanhu vanoteerera vari kudirana ikoko. (Mika 4:1; 2 Timoti 3:1) Saka ngatitsungei ku“famba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.”—Mika 4:5.

Chokwadi mabhuku aObhadhiya, Jona naMika ane zvidzidzo zvinokosha! Kunyange zvazvo akanyorwa makore anodarika 2 500 akapfuura, shoko rawo “ibenyu uye rine simba,” kunyange nhasi.—VaHebheru 4:12.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Obhadhiya akaprofita kuti: ‘Edhomu achaparadzwa nokusingagumi’

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mika ‘akamirira Jehovha,’ saka newewo unogona kudaro

[Mufananidzo uri papeji 16]

Basa rokuparidza iropafadzo inofanira kukosheswa