Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aNahumi, Habhakuki naZefaniya

Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aNahumi, Habhakuki naZefaniya

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aNahumi, Habhakuki naZefaniya

NYIKA ine simba kupfuura dzose yeAsiriya yatoparadza Samariya, guta guru roumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi. Judha yave ichitya Asiriya kwenguva refu. Muprofita Nahumi wokuJudha ane shoko raari kuda kutaura nezveNinivhi, guta guru reAsiriya. Shoko iroro ndiro riri mubhuku reBhaibheri raNahumi, rakanyorwa gore ra632 B.C.E. risati rasvika.

Umambo hweBhabhironi, hwaimbotongwa nevaKadheya ndihwo hwaizotevera kuva nesimba kupfuura humwe hwose. Bhuku raHabhakuki, iro ringadaro rakapera kunyorwa muna 628 B.C.E., rinofanotaura kuti Jehovha aizotonga sei achishandisa nyika iyoyo yaiva nesimba kupfuura dzose uye rinotaura zvaizoguma zvaitika kuBhabhironi.

Muprofita Zefaniya wokuJudha akatangira Nahumi naHabhakuki kuprofita. Akaprofita pachine makore 40 Jerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E. achitaura nezvokuparadzwa kweJudha uye tariro yaizovapo. Bhuku reBhaibheri raZefaniya rinotaurawo nezvokurangwa kwemamwe marudzi.

“RINE NHAMO GUTA ROKUTEURA ROPA”

(Nahumi 1:1–3:19)

“Chirevo pamusoro peNinivhi” chinobva kuna Jehovha Mwari, uyo “anononoka kutsamwa, ane simba guru.” Kunyange zvazvo Jehovha ari “nhare muzuva rokutambudzika” kune vaya vanopotera kwaari, Ninivhi richaparadzwa.—Nahumi 1:1, 3, 7.

“Jehovha achadzorera kukudzwa kwaJakobho.” Zvisinei, Asiriya yakatyisidzira vanhu vaMwari sezvinoita ‘shumba inobvambura-bvambura.’ Jehovha a“chapisira ngoro [yeNinivhi] yehondo pakati poutsi. Bakatwa richaparadza vana va[ro] veshumba vava nezenze.” (Nahumi 2:2, 12, 13) “Rine nhamo guta rokuteura ropa,” Ninivhi. ‘Vose vachanzwa nezvaro vachariomberera’ uye vachafara.—Nahumi 3:1, 19.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:9—‘Kuparadzwa zvachose’ kweNinivhi kucharevei kuJudha? Kuchareva kuti Judha ichasunungurwa zvachose paAsiriya; “kutambudzika hakuzomukizve kechipiri.” Achitaura sokuti Ninivhi harisisipo, Nahumi anonyora kuti: “Tarirai! Pamusoro pemakomo pane tsoka dzaiye ari kuuya nemashoko akanaka, iye ari kuzivisa rugare. Haiwa iwe Judha, ita mitambo yako.”—Nahumi 1:15.

2:6—“Magedhi enzizi” akavhurwa ndeapi? Magedhi aya aireva kutsemurwa kwakaitwa masvingo eguta reNinivhi nemvura yorwizi rwaTigirisi. Muna 632 B.C.E. pakabatana mauto eBhabhironi neeMedhiya achirwisa Ninivhi, iro harina kutomborota kuti kunze kunei. Raitozviona risingapindiki nokuti rakanga rakadzivirirwa nemasvingo aro akakwirira. Zvisinei madzvotsvotsvo emvura akazoita kuti Tigirisi rwufashukire. Maererano nomumwe munyori wezvakaitika kare, Diodorus, “mvura iyi yakazara guta racho rose uye yakaputsa chikamu chikuru chemasvingo aro.” Saka magedhi orwizi akazarurwa, uye sezvakanga zvambotaurwa, Ninivhi rakabva rangokurirwa sokutsva kunoita uswa hwakaoma.—Nahumi 1:8-10.

3:4—Ninivhi rakanga rakafanana nepfambi pakudini? Ninivhi rainyengedza dzimwe nyika richivimbisa kushamwaridzana nadzo nokudzibatsira asi iro richizodzidzvinyirira. Somuenzaniso, Asiriya yakabatsira Mambo Ahazi weJudha, paakanga apandukirwa neIsraeri yakabatana neSiriya. Asi pakupedzisira “mambo weAsiriya akazouya kuzomurwisa [Ahazi], akamutambudza.”—2 Makoronike 28:20.

Zvatinodzidza:

1:2-6. Kutsiva kwaJehovha vavengi vake vanoramba kuzvipira zvakazara kwaari kunoratidza kuti anoda kuti vanomunamata vazvipire nomwoyo wose.—Eksodho 20:5.

1:10. Kukura kwemasvingo ane mazana eshongwe hakuna kutadzisa shoko raJehovha pamusoro peNinivhi kuti rizadzike. Jehovha achatoparadza chete vaya vari kuvenga vanhu vake.—Zvirevo 2:22; Dhanieri 2:44.

‘MUNHU AKARURAMA ACHARAMBA ACHIRARAMA’

(Habhakuki 1:1–3:19)

Muzvitsauko zviviri zvokutanga zvebhuku raHabhakuki muprofita wacho anotaurirana naJehovha Mwari. Ashungurudzwa nezviri kuitika muJudha, Habhakuki anobvunza Mwari kuti: “Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza?” Jehovha anomupindura achiti: “Ndichamutsa vaKadheya, rudzi runotyisa uye runopenga.” Muprofita wacho anoshamisika paanonzwa kuti Mwari achashandisa “vanonyengera” kuranga Judha. (Habhakuki 1:3, 6, 13) Habhakuki anovimbiswa kuti munhu akarurama acharamba achirarama, asi muvengi achatorangwa chete. Habhakuki anotozonyora nezvenhamo shanu dzaizowira vavengi vacho, vaKadheya.—Habhakuki 2:4

Achinyengeterera ngoni, Habhakuki anoshandisa “rwiyo rwemariro” kuti arondedzere kuratidza kwakamboita Jehovha simba rake rinoshamisa sezvaakaita paGungwa Dzvuku, murenje, uye paJeriko. Muprofita wacho anotaurawo zvichaitwa naJehovha kana ashatirwa paAmagedhoni. Munyengetero wacho unoguma nemashoko okuti: “Jehovha, Changamire Ishe ndiye simba rangu; uye achaita kuti tsoka dzangu dzive sedziya dzenondo, uye achandifambisa panzvimbo dzangu dzakakwirira.”—Habhakuki 3:1, 19.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:5, 6—Nei vaJudha vaiona sokuti vaKadheya vaisazoshandiswa kumukira Jerusarema? Habhakuki paakazotanga kuprofita, Judha yakanga yava pasi peIjipiti. (2 Madzimambo 23:29, 30, 34) Kunyange zvazvo vaBhabhironi vakanga vari kuwedzera simba, uto ravo rakanga risati rambokunda Farao Neko. (Jeremiya 46:2) Zvakare temberi yaJehovha yaiva muJerusarema, uye umambo hwedzinza raDhavhidhi hwaitonga huri imomo husingavhiringidzwi. Saka kuvaJudha vepanguva iyoyo, zvaiita sokuti “basa” raida kuitwa naMwari rokubvumira kuti vaKadheya vaparadze Jerusarema raisazomboita. Zvisinei, pasinei nokuti mashoko aHabhakuki aiita seenhema, zvaakaona pamusoro pokuparadzwa kweJerusarema nevaBhabhironi ‘zvakatoitika’ muna 607 B.C.E.—Habhakuki 2:3.

2:5—“Murume akagwinya” ndiani uye nei achinzi “haazowani zvaanoda”? VaBhabhironi, avo vaishandisa unyanzvi hwavo hwokurwa kuti vakunde dzimwe nyika, ndivo “murume akagwinya.” Kugara achikunda kwakaita kuti aite somunhu akadhakwa newaini. Zvisinei, aisazobudirira kuita kuti nyika dzose dzive pasi pake nokuti Jehovha aizoshandisa vaMedhiya nevaPezhiya kumuparadza. Mazuva ano vezvematongerwo enyika ndivo “murume” wacho. Akadhakwawo nokuzvivimba uye kuzvikoshesa, uye ane makaro asingaperi okuda kuwedzera simba. Asi haasviki paanoda pokuti ‘aunganidze marudzi ose kwaari.’ Umambo hwaMwari chete ndihwo huchabatanidza vanhu vose.—Mateu 6:9, 10.

Zvatinodzidza:

1:1-4; 1:12–2:1. Habhakuki akabvunza mibvunzo yaibva pamwoyo, uye Jehovha akamupindura. Mwari wechokwadi anoteerera minyengetero yevashumiri vake vakatendeka.

2:1. Isu tinofanira kuita saHabhakuki, kuramba takamuka pakunamata uye tichishingaira mubasa raMwari. Tinofanirawo kugara takagadzirira kugadzirisa mafungiro edu kana ‘tikatsiurwa’ kana kuti kururamiswa.

2:3; 3:16. Ngatiregei kurivara sezvatinomirira kuuya kwezuva raJehovha nokutenda.

2:4. Tinofanira kutsungirira takatendeka kuti tipone pazuva raJehovha rokutonga riri kuuya.—VaHebheru 10:36-38.

2:6, 7, 9, 12, 15, 19. Munhu anokara pfuma inowanikwa nokusavimbika, anoda zvemhirizhonga, anoita unzenza, kana kuti anonamata zvidhori achava nenhamo. Tinofanira kungwarira kuti tisaita zvinhu izvi.

2:11. Kana tikatadza kufumura zvakaipa zviri kuitwa munyika ino, “dombo richachema zvinosuruvarisa.” Zvinokosha kuti tirambe tichiparidza shoko roUmambo noushingi!

3:6. Hapana chichakwanisa kumisa Jehovha kana ava kutonga, kunyange masangano evanhu anoita semakomo nezvikomo zvisingatsuduguki.

3:13. Tine chivimbo chokuti Amagedhoni haizongoparadzi vanhu vose vose. Jehovha achanunura vashumiri vake vakatendeka.

3:17-19. Kunyange zvazvo tingawirwa nenhamo Amagedhoni isati yasvika uye painenge ichitoitika, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatipa “simba” sezvatinoramba tichimushumira nomufaro.

“ZUVA RAJEHOVHA RAVA PEDYO”

(Zefaniya 1:1–3:20)

MuJudha kunamata Bhaari kwatekeshera. Achishandisa muprofita wake Zefaniya, Jehovha anoti: “Ndichatambanudzira Judha ruoko rwangu pamwe chete nevagari vose vomuJerusarema.” Zefaniya anonyevera kuti: “Zuva raJehovha rava pedyo.” (Zefaniya 1:4, 7, 14) Vaya vari kuita zvinodiwa naMwari chete ndivo ‘vachavanzwa’ pazuva iroro.—Zefaniya 2:3.

“Rine nhamo . . . guta rinodzvinyirira”—Jerusarema! “‘Rambai makandimirira,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kusvikira pazuva randichasimuka nokuda kwezvinotorwa nechisimba, nokuti ndakasarudza kuunganidza marudzi . . . kuti ndidururire hasha dzangu paari.’” Asi Mwari anovimbisa kuti: “Ndichaita kuti muve nomukurumbira uye murumbidzwe pakati pemarudzi ose epanyika, pandichadzosa vanhu venyu vakatapwa imi muchizviona.”—Zefaniya 3:1, 8, 20.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:13, 14—“Inzwi richaramba richiimba” mumatongo eNinivhi nderaani? Sezvo Ninivhi yaizova nzvimbo yemhuka dzomusango neshiri, inzwi raizoramba richiimba riri kureva kuimba kweshiri uye zvichida mhepo inenge ichipinda nepamahwindo ematongo.

3:9—“Mutauro wakachena” chii uye unotaurwa sei? Ichokwadi chaMwari chinowanika muShoko rake Bhaibheri. Unosanganisira dzidziso dzose dzeBhaibheri. Tinoutaura patinotenda chokwadi, patinochidzidzisa vamwe zvakarurama, uye patinorarama maererano nokuda kwaMwari.

Zvatinodzidza:

1:8. Zviri pachena kuti vamwe munguva yaZefaniya vaida kufadza marudzi akanga akavapoteredza no“kupfeka zvipfeko zvokune dzimwe nyika.” Hungava upenzi hwakadini kuti vanamati vaJehovha nhasi vaedzewo kuzvifananidza nenyika vachidaro!

1:12; 3:5, 16. Jehovha akatumira atumirazve vaprofita vake kuti anyevere vanhu vake nezvokutonga kwaaizoita. Akavanyevera kunyange zvazvo vaJudha vakawanda vakanga vakanyatsogadzikana sezvinoita masese ewaini vasina kana hanya neshoko rake. Zuva raJehovha zvarinoswedera, ngatisarega ‘maoko edu achishayiwa simba,’ pamusana pemaonero evanhu asi kuti tinofanira kuramba tichizivisa shoko roUmambo.

2:3. Jehovha chete ndiye anogona kutiponesa pazuva rokutsamwa kwake. Kuti tirambe tichifarirwa naye, tinofanira ‘kutsvaka Jehovha’ nokunyatsodzidza Shoko rake, Bhaibheri; tichinyengetera kuti atitungamirire, uye tichiswedera pedyo naye. Tinofanira ‘kutsvaka kururama’ tichirarama tiine tsika dzakanaka. Uye tinofanira ‘kutsvaka unyoro’ nokudzidza kuva vanyoro uye vanozviisa pasi.

2:4-15; 3:1-5. Pazuva richatonga Jehovha, chiKristudhomu nenyika dzose, izvo zvakadzvinyirira vanhu vaMwari zvichaparara sezvakaita Jerusarema nenyika dzakanga dzakaripoteredza. (Zvakazarurwa 16:14, 16; 18:4-8) Tinofanira kuramba tichizivisa kutonga kuchaita Jehovha tisingatyi.

3:8,9. Sezvatinomirira zuva raJehovha, tinogadzirira kuzopona nokudzidza kutaura “mutauro wakachena” uye ‘kudana zita raJehovha’ nokuzvitsaurira kwaari. Tinoshumirawo Jehovha ‘takabatana’ nevanhu vake tichimupa “chibayiro chokurumbidza” sechipo.—VaHebheru 13:15.

“Riri Kukurumidza Kwazvo”

Munyori wepisarema akaimba kuti: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo.” (Pisarema 37:10) Patinofungisisa zvakanga zvataurwa nezveNinivhi mubhuku raNahumi, nezveBhabhironi neJudha yakanga yatsauka pakunamata mubhuku raHabhakuki, tinova nechokwadi chokuti zvakanyorwa mupisarema iri zvichaitika. Asi tichafanira kumirira kwenguva yakadini?

Zefaniya 1:14 inoti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.” Bhuku raZefaniya rinoratidzawo kuti tingavanzwa sei pazuva iroro uye kuti chii chatinofanira kuita iye zvino kuti tigopona. Zvechokwadi, “shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VaHebheru 4:12.

[Mifananidzo iri papeji 8]

Kukura kwemasvingo eNinivhi hakuna kutadzisa uprofita hwaNahumi kuti huzadzike

[Kwazvakatorwa]

Randy Olson/National Geographic Image Collection