Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unozorodza Vamwe Here?

Unozorodza Vamwe Here?

Unozorodza Vamwe Here?

GOMO reHemoni riri nechokumaodzanyemba kwemakomo eAnti-Lebanon, uye rakareba mamita 2 814. Nguva yakawanda yegore, pamusoro pegomo reHemoni panenge paine sinou, uye izvi zvinoita kuti mhepo inodziya yousiku iite makore pova nedova. Dova iri rinobva raita pamiti yakasvibira neyemichero iri pamateru ari nechepasi uye paminda yemizambiringa. Mumwaka yeIsraeri yekare yaisanaya mvura kwenguva refu, dova rakadaro rinozorodza ndiro rainyorovesa zvinomera.

Mune rumwe rwiyo rwakafuridzirwa naMwari, kubatana kunozorodza kwakaita vanhu vaJehovha kunofananidzwa ne“dova reHemoni riri kuburuka pamakomo eZiyoni.” (Pisarema 133:1, 3) Isuwo tinogona kuzorodza vaya vatinosangana navo, sezvinoita Gomo reHemoni rine dova rinonyorovesa zvinomera. Tingazviita sei?

Muenzaniso waJesu Unozorodza

Jesu Kristu aibatsira vamwe zvikuru. Kunyange kungova naye kwenguva pfupi kwaizorodza chaizvo. Somuenzaniso, munyori weEvhangeri Mako anorondedzera kuti: “[Jesu] akagumbatira vana mumaoko ake, akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.” (Mako 10:16) Izvi zvinofanira kunge zvakazorodza zvikuru vana ivavo!

Usiku hwaakapedzisira kuva pasi pano, Jesu akageza tsoka dzevadzidzi vake. Vanofanira kunge vakabayiwa mwoyo nokuzvininipisa kwake. Zvadaro Jesu akavaudza kuti: “Ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, muitewo saizvozvo.” (Johani 13:1-17) Chokwadi, vaifanirawo kuzvininipisa. Kunyange zvazvo vaapostora vacho vasina kukurumidza kunzwisisa pfungwa yacho, ndokutotanga kuitirana nharo usiku ihwohwo dzokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose, Jesu haana kushatirwa. Asi akakurukura navo achishivirira. (Ruka 22:24-27) Kunyange “paakanga achitukwa, [Jesu] haana kutanga kutukawo.” Kutaura zvazviri, “paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa kune uya anotonga zvakarurama.” Muenzaniso waJesu unozorodza wakakodzera kutevedzera.—1 Petro 2:21, 23.

Jesu akati: “Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.” (Mateu 11:29) Imbofungidzira uchidzidziswa naJesu mbune. Pavakamunzwa achidzidzisa musinagogi rokwavo, vaya vokumusha kwake vakashamiswa vakati: “Munhu uyu akawana kupi uchenjeri uhwu neaya mabasa esimba?” (Mateu 13:54) Kuverenga nezvoupenyu noushumiri hwaJesu kungatidzidzisa zvakawanda nezvokuti tingazorodza sei vamwe. Ngatikurukurei kuti Jesu akasiya sei muenzaniso unoshamisa wokutaura mashoko anokurudzira uye wokuda kubatsira.

Kuramba Uchitaura Zvinokurudzira

Zviri nyore chaizvo kuputsa chivako pane kuvaka chitsva. Pfungwa iyoyo yokuputsa nokuvaka inoshanda pamatauriro edu. Sevanhu vasina kukwana, tose tinokanganisa uye tine zvatisingakwanisi kuita. Mambo Soromoni akati: “Hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi.” (Muparidzi 7:20) Zviri nyore chaizvo kuona zvinokanganiswa nomumwe tobva tamuputsa nemashoko anorwadza. (Pisarema 64:2-4) Asiwo kuti tirambe tichitaura mashoko anokurudzira, tinofanira kuva nounyanzvi.

Jesu akashandisa rurimi rwake kuti avake vanhu. Aivazorodza pakunamata achivazivisa mashoko akanaka oUmambo. (Ruka 8:1) Jesu akazorodzawo vaya vakava vadzidzi vake nokuvaudza nezvaBaba vake vokudenga. (Mateu 11:25-27) Ndokusaka vanhu vaida Jesu!

Kusiyana nezvaiitwa naJesu, vanyori nevaFarisi vakanga vasingafungi zvaidiwa nevamwe. Jesu akati: “Vanoda nzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru nezvigaro zvepamberi mumasinagogi.” (Mateu 23:6) Kutaura zvazviri, vaitarisira pasi vanhuwo zvavo vachiti: “Boka revanhu iri risingazivi Mutemo, vanhu vakatukwa.” (Johani 7:49) Chokwadi mafungiro iwayo akanga asingambozorodzi!

Zvatinotaura zvinoratidza zviri mumwoyo medu uye maonero atinoita vamwe. Jesu akati: “Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake, asi munhu akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yake yakaipa; nokuti muromo wake unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Ruka 6:45) Saka tingaitei kuti tive nechokwadi chokuti zvatinotaura zvinozorodza vamwe?

Chimwe chatingaita kumbomira tofunga tisati tataura. Zvirevo 15:28 inoti: “Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure.” Kufungisisa kwakadaro hakufaniri hakwo kutora nguva yakawandisa. Kana tikangofanofunga, kazhinji tinogona kuziva kuti zvatichataura zvichazorodza vanhu here. Tingazvibvunza kuti: ‘Zvandava kuda kutaura zvinoratidza rudo here? Ichokwadi here kana kuti makuhwa? I“shoko rinotaurwa panguva yakakodzera” here? Zvichazorodza nokukurudzira vaya vandichaudza here?’ (Zvirevo 15:23) Kana tikaona kuti pfungwa yacho haina kunaka uye haina kukodzera nguva, ngatiedzei nepatinogona napo kuti tirege kuitaura. Pane kungorega kutaura zvakaipa, tadii kutaura zvinovaka uye zvakakodzera? Mashoko anotaurwa munhu asina kumbofunga a“nobaya sezvinoita bakatwa,” asi mashoko anokurudzira a“noporesa.”—Zvirevo 12:18.

Chimwe chinobatsira ndechokufunga unhu hwevatinonamata navo hunoita kuti vakosheswe naMwari. Jesu akati: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” (Johani 6:44) Jehovha anoona unhu hwakanaka mune mushumiri wake mumwe nomumwe, kunyange vaya vanonetsa. Kana tikaedza kutsvaka unhu hwakanaka mune vamwe, tichava nechikonzero chokutaura zvakanaka nezvavo.

Batsira Vamwe

Jesu ainyatsonzwisisa dambudziko revanhu vaidzvinyirirwa. Kutaura zvazviri, paaka“ona mapoka evanhu akasiririswa navo, nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Jesu haana kungoona dambudziko ravo chete; asi akavabatsira. Akavakoka achiti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai.” Akavavimbisawo kuti: “Joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28, 30.

Mazuva ano, tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Vanhu vakawanda vanoremerwa no“kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino.” (Mateu 13:22) Vamwe vanoremerwa nezvinhu zvinovatambudza. (1 VaTesaronika 5:14) Tingazorodza sei vaya vanoda kuzorodzwa? Sezvakaita Kristu, tingabatsira kurerutsa mutoro wavo.

Vamwe vanhu vanoda kutaura zvinovanetsa kuti varerutse zvinovaremera. Kana vanhu vakaora mwoyo vakauya kwatiri vachida kuti tivabatsire, tinowana nguva yokunyatsoteerera here? Tinofanira kuzvirovedza kuti tive vateereri vanonzwira urombo. Izvi zvinosanganisira kuramba uchiteerera zviri kutaurwa nomunhu wacho, pane kufunga kuti uchapindura uchitii kana kuti uchagadzirisa sei dambudziko racho. Kana ukanyatsoteerera, uchiramba wakamutarira, uye uchinyemwerera pazvinenge zvakakodzera, ucharatidza kuti une hanya naye.

Muungano yechiKristu tine mikana yakawanda yokukurudzira vatinonamata navo. Somuenzaniso, patinenge tichipinda misangano paImba yoUmambo, tingatsvaka vaya vanonetseka noutano. Dzimwe nguva kuti tivavake zvinongoda kuti tivakurudzire kwemaminitsi mashomanana misangano isati yatanga kana kuti yapera. Tinogonawo kutsvaka vaya vanenge vasipo paChidzidzo Chebhuku Cheungano chatinopinda. Pamwe tinogona kuvafonera tobvunza kuti vakadini kana kuti tinogona kuvabatsira.—VaFiripi 2:4.

Vakuru vechiKristu vane basa rakaoma muungano. Tinogona kuita zvakawanda kuti tibatsire kurerutsa mutoro wavo nokushanda pamwe navo uye nokuita mabasa atinenge tapiwa tichizvininipisa. Shoko raMwari rinotikurudzira kuti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.” (VaHebheru 13:17) Kana tikaratidza kuti tinoda kubatsira, tinogona kuzorodza vaya “vanotungamirira nenzira yakanaka.”—1 Timoti 5:17.

Gara Uchitaura Zvinovaka Uye Uchibatsira Vamwe

Dova rinozorodza rinobva pamadonhwe emvura akawanda anongoita zvokunyuka, odonha zvinyoronyoro. Saizvozvowo, kazhinji hatingazorodzi vamwe kana tikangoita zvakanaka kamwe chete asi tinofanira kugara tichiratidza unhu hwechiKristu.

“Pakudanana sehama, dananai kwazvo,” akanyora kudaro muapostora Pauro. “Pakukudzana, tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Ngatiitei sezvakataurwa naPauro. Ngatizorodzei vamwe nezvatinotaura uye nezvatinoita.

[Mifananidzo iri papeji 16]

Dova reGomo reHemoni rinonyorovesa zvinomera

[Mufananidzo uri papeji 17]

Munhu anoteerera achinzwira urombo anozorodza vamwe