Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Mudzidzisi Mukuru

Tevedzera Mudzidzisi Mukuru

Tevedzera Mudzidzisi Mukuru

“Chenjererai kuteerera kwamunoita.”—RUKA 8:18.

1, 2. Nei uchifanira kucherechedza nzira iyo Jesu aibata nayo vanhu muushumiri hwake?

JESU KRISTU aiita basa rake soMudzidzisi Mukuru paakaudza vateveri vake kuti: “Chenjererai kuteerera kwamunoita.” (Ruka 8:16-18) Mashoko iwayo anoshandawo muushumiri hwako somuKristu. Kana ukateerera zvaunodzidziswa naJesu, uchazviita wova muzivisi woUmambo anobudirira. Hazvirevi hazvo kuti uchanzwa inzwi raJesu chairo nhasi, asi unogona kuverenga muMagwaro zvaakataura uye zvaakaita. Zvinoratidza sei mabatiro aaiita vanhu muushumiri hwake?

2 Jesu aiva muparidzi wemashoko akanaka wemandorokwati uye aiva shasha pakudzidzisa chokwadi chomuMagwaro. (Ruka 8:1; Johani 8:28) Basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi rinosanganisira kuparidza nokudzidzisa, asi vamwe vaKristu vanoparidza zvinonwisa mvura vanoomerwa nokudzidzisa vanhu zvinobudirira. Kuparidza kunoreva kuzivisa vanhu shoko raunaro, asi kudzidzisa vanhu nezvaJehovha nezvinangwa zvake kunowanzoda kuti uumbe ukama navo. (Mateu 28:19, 20) Izvi zvinogona kuitwa nokutevedzera Jesu Kristu, Mudzidzisi Mukuru.—Johani 13:13.

3. Kutevedzera Jesu kungakubatsira sei pabasa rako rokudzidzisa vanhu?

3 Kana uchitevedzera madzidzisiro aJesu, unenge uchiita zvakakurudzirwa nomuapostora Pauro achiti: “Rambai muchifamba nokuchenjera kune vaya vari kunze, muchizvitengera nguva yakakodzera. Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.” (VaKorose 4:5, 6) Kutevedzera Jesu mubasa rokudzidzisa kunoda kushanda nesimba, asi kunokuita kuti udzidzise zvinobudirira nokuti uchabatsirwa ‘mapinduriro aunofanira kuita’ mumwe nomumwe maererano nezvaari.

Jesu Aikurudzira Vamwe Kutaura

4. Nei zvinganzi Jesu aiva muteereri akanaka?

4 Kubva pauduku, Jesu aiva netsika yokuteerera kana vanhu vachitaura uye aivakurudzira kuti vataure zvavanofunga. Somuenzaniso, paaiva nemakore 12, vabereki vake vakamuwana mutemberi ari pakati pevadzidzisi, “achivateerera nokuvabvunza.” (Ruka 2:46) Jesu haana kuenda kutemberi kunoshamisira pamberi pevadzidzisi noruzivo rwake. Akaenda ikoko kunoteerera kunyange zvazvo aibvunzawo mibvunzo. Kugara kwake achida kuteerera kungava ndiko kwakaita kuti afarirwe naMwari nevanhu.—Ruka 2:52.

5, 6. Tinoziva sei kuti Jesu aiteerera zvaitaurwa nevaya vaaidzidzisa?

5 Abhabhatidzwa uye azodzwa saMesiya, Jesu akaramba achifarira kuteerera vanhu pavaitaura. Haana kungonyanya kufunga zvaaidzidzisa zvokuti akakanganwa vaya vaiuya kuzonzwa achitaura. Kazhinji aimbomira, obvunza zvavaifunga, oteerera mhinduro dzavo. (Mateu 16:13-15) Somuenzaniso, Razaro hanzvadzi yaMarita payakafa, Jesu akaudza Marita kuti: “Munhu wose mupenyu uye anotenda mandiri haangambofi.” Zvadaro akamubvunza kuti: “Unotenda izvi here?” Jesu akanyatsoteerera Marita paaipindura kuti: “Hungu, Ishe; ndakatenda kuti ndimi Kristu Mwanakomana waMwari.” (Johani 11:26, 27) Kunzwa Marita achitaura kuti anotenda kunofanira kunge kwakaita kuti Jesu agutsikane zvikuru!

6 Vadzidzi vaJesu vakawanda pavakamutiza, akada kunzwa mafungiro evaapostora vake. Saka akabvunza kuti: “Munoda kuendawo here?” Simoni Petro akapindura kuti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi; uye takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” (Johani 6:66-69) Mashoko iwayo anofanira kunge akafadza Jesu chaizvo! Chokwadi uchafara kana munhu waunodzidza naye Bhaibheri akataurawo kuti anotenda.

Jesu Aiteerera Achiremekedza

7. Nei vaSamariya vakawanda vakatenda muna Jesu?

7 Chimwe chaiita kuti Jesu abudirire kudzidzisa vanhu ndechokuti aiva nehanya navo uye aiteerera zvavaitaura achivaremekedza. Somuenzaniso, pane imwe nguva Jesu akapupurira mumwe mukadzi wokuSamariya pedyo netsime raJakobho raiva kuSikari. Pavaikurukura, Jesu haasiye oga aingotaura; akateererawo zvaitaurwa nomukadzi wacho. Paainge akateerera, Jesu akaona kuti mukadzi wacho aifarira kunamata uye akamuudza kuti Mwari akanga ari kutsvaka vaya vaida kumunamata nomudzimu nechokwadi. Jesu akamuremekedza uye akamufarira. Mukadzi uyu akanoudza vamwe nezvaJesu, uye “vaSamariya vazhinji vomuguta iroro vakatenda maari nokuda kweshoko romukadzi” wacho.—Johani 4:5-29, 39-42.

8. Sezvo vanhu vachiwanzofarira kutaura zvavanofunga, zvingakubatsira sei kutanga kukurukura navo muushumiri?

8 Vanhu vanowanzofarira kutaura zvavanofunga. Somuenzaniso, vanhu vaigara muAtene yekare vaifarira kutaura maonero avo uye kuteerera zvinhu zvitsva. Izvi zvakaita kuti muapostora Pauro ape hurukuro yakabatsira paAreyopago muguta iroro. (Mabasa 17:18-34) Mazuva ano paunenge uchitanga kukurukura nasaimba muushumiri, ungati, “Ndiri kukushanyirai nokuti ndinoda kunzwa zvamunofunga nezve . . . [taura nyaya yacho.]” Teerera zvinofungwa nomunhu wacho uye tsinhira, kana kuti bvunza mubvunzo nezvazvo. Zvadaro nomutsa muratidze zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya yacho.

Jesu Aiziva Zvokutaura

9. Jesu akaitei asati ‘avhurira Magwaro’ Kreopasi neshamwari yake?

9 Jesu akanga asingapererwi nemashoko. Kunze kwokunyatsoteerera, kazhinji aiziva zvaifungwa nevanhu, uye ainyatsoziva zvokutaura. (Mateu 9:4; 12:22-30; Ruka 9:46, 47) Somuenzaniso: Jesu achangomutswa, vadzidzi vake vaviri vaifamba vachibva kuJerusarema vachienda kuEmausi. Nhoroondo yeEvhangeri yacho inoti: “Zvino pavaikurukurirana nokutaurirana, Jesu akasvika, akatanga kufamba navo; asi maziso avo akadzikatidzwa kuti varege kumuziva. Iye akati kwavari: ‘Inyaya dzipi idzi dzamuri kukurukurirana muchifamba?’ Zvino vakamira nezviso zvakasuruvara. Achipindura, mumwe ainzi Kreopasi akati kwaari: ‘Ndiwe woga uri kugara muJerusarema somutorwa zvokuti hauzivi zvinhu zvakaitika mariri mazuva ano here?’ Iye akati kwavari: ‘Zvinhu zvipi?’” Mudzidzisi Mukuru akateerera pavaitsanangura kuti Jesu wokuNazareta akadzidzisa vanhu, akaita zvishamiso, uye akaurayiwa. Zvino vamwe vakanga vava kuti amutswa kuvakafa. Jesu akaita kuti Kreopasi neshamwari yake vataure zvavaifunga. Akabva avatsanangurira zvavaifanira kuziva, “achi[va]vhurira kwazvo Magwaro.”—Ruka 24:13-27, 32.

10. Ungaziva sei zvinotendwa nomunhu waunenge waonana naye muushumiri?

10 Ungave usingazivi zvinotendwa nasaimba pane imwe nyaya yechitendero. Kuti uzive zvaanotenda, ungamuudza kuti unonakidzwa nokunzwa zvinofunga vanhu nezvomunyengetero. Zvadaro ungabvunza kuti: “Munofunga kuti pane munhu anoteerera minyengetero zvechokwadi here?” Mhinduro yaachapa ingabudisa pachena zvakawanda nezvemaonero anoita munhu wacho uye nezvemanamatiro ake. Kana achifarira zvokunamata, ungaita kuti ataurezve maonero ake nokubvunza kuti: “Munofunga kuti Mwari anoteerera minyengetero yose here, kana kuti pangava nemimwe yaasingafariri?” Mibvunzo yakadaro ingaita kuti mukurukure makasununguka. Kana zvakakodze- ra kuti umuudze imwe pfungwa iri muMagwaro, uchafanira kuzvitaura uchingwarira, kwete kushora zvinotendwa nomunhu wacho. Kana achinakidzwa nokuteerera zvaunotaura, angafara kuti uzodzoka. Ko kana akabvunza mubvunzo wausingagoni kupindura? Ungatsvakurudza wozodzokera wagadzirira kupa ‘chikonzero chetariro iri mauri, asi uchiita izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.’—1 Petro 3:15.

Jesu Aidzidzisa Vakakodzera

11. Chii chichakubatsira kuwana vaya vakakodzera kudzidziswa?

11 Munhu akakwana Jesu aiva noungwaru hwaiita kuti azive vaya vaikodzera kudzidziswa. Zvakatiomera chaizvo kuwana vaya vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48) Zvakanga zvakaomerawo vaapostora vakaudzwa naJesu kuti: “Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri munhu akakodzera.” (Mateu 10:11) Sezvakaita vaapostora vaJesu, unofanira kutsvaka vanhu vanoda kuteerera uye kudzidziswa chokwadi chomuMagwaro. Unogona kuwana vanhu vakakodzera nokunyatsoteerera munhu mumwe nomumwe, uchicherechedza mafungiro ake.

12. Ungaramba sei uchibatsira munhu anofarira?

12 Paunobva pamunhu anofarira shoko roUmambo, ungaita zvakanaka kuramba uchifunga nezvezvaanoda pakunamata. Kana ukanyora zvaunenge waziva pashure pokutaura mashoko akanaka nomumwe munhu, zvichakubatsira kuti urambe uchimuyamura pakunamata. Paunomushanyirazve, unofanira kunyatsoteerera kuti uzive zvakawanda nezvezvaanotenda, maonero ake, kana kuti mamiriro ake ezvinhu.

13. Chii chingakubatsira kuti unzwisise maonero anoita munhu Bhaibheri?

13 Ungakurudzira sei vanhu kuti vakuudze maonero avanoita Shoko raMwari? Mune dzimwe nzvimbo, zvinobatsira kubvunza kuti, “Bhaibheri rakakuomerai kunzwisisa here?” Mhinduro yomubvunzo iwoyo kazhinji inoratidza maonero anoita munhu nyaya dzokunamata. Imwe nzira ndeyokuverenga rugwaro wobvunza kuti, “Munozviona sei?” SaJesu, ungabudirira zvikuru muushumiri kana ukabvunza mibvunzo yakakodzera. Zvisinei, unofanira kungwarira.

Jesu Akabudirira Pakubvunza Mibvunzo

14. Ungaratidza sei kuti unofarira zvinofunga vanhu asi usingaiti zvokuvatongesa?

14 Farira maonero anoita vanhu asi usingavanyadzisi. Tevedzera zvaiitwa naJesu. Akanga asingatongesi vanhu, asi aibvunza mibvunzo yaivabatsira kufunga. Jesu aivawo muteereri ane mutsa, aizorodza vanhu vaiva vakatendeseka, achiita kuti vanzwe vakasununguka. (Mateu 11:28) Vanhu vose vainzwa vakasununguka kumuudza zvaivanetsa. (Mako 1:40; 5:35, 36; 10:13, 17, 46, 47) Kuti vanhu vasununguke kukuudza zvavanofunga nezveBhaibheri uye zvarinodzidzisa, haufaniri kuita zvokuvatongesa.

15, 16. Ungaita sei kuti vanhu vade kukurukura nyaya dzokunamata?

15 Kunze kwokungobvunza mibvunzo zvinobudirira, unogona kuita kuti mukurukure nokutaura chinhu chinonakidza wobva wateerera zvaachataura. Somuenzaniso, Jesu akaudza Nikodhimo kuti: “Kana munhu akasaberekwazve, haangaoni umambo hwaMwari.” (Johani 3:3) Mashoko iwayo aishamisa zvokuti Nikodhimo akabva apindura ndokuteerera zvaitaurwa naJesu. (Johani 3:4-20) Kana ukadaro ungaitawo kuti vanhu vade kutaura.

16 Mazuva ano munyika dzakaita seAfri- ca, Eastern Europe, uye Latin America vanhu vanongotaura nezvemachechi matsva ari kumuka. Kazhinji munyika dzakadai, unogona kutanga kukurukura kana ukataura kuti: “Ndiri kunetseka kuti kwava nemachechi akawanda chaizvo. Asi munguva pfupi iri kuuya ndinotarisira kuona vanhu vose vachibatana pakunamata kwechokwadi. Mungada kuona izvozvo zvichiitika here?” Kana ukataura chinhu chinoshamisa nezvetariro yako, ungaita kuti vanhu vakuudze zvavanofunga. Mibvunzo iri nyore kupindura kana paine zvinhu zviviri zvaangataura. (Mateu 17:25) Kana saimba apindura mubvunzo wako, iwe chiverenga rugwaro rumwe kana maviri kuti uupindure. (Isaya 11:9; Zefaniya 3:9) Kana ukanyatsoteerera wonzwa mhinduro yomunhu wacho, ungasarudza zvamuchakurukura pauchazodzoka.

Jesu Aiteerera Paitaura Vana

17. Chii chinoratidza kuti Jesu aifarira vana?

17 Jesu aisangofarira vanhu vakuru chete asi aifarirawo vana. Aiziva mitambo yavaitamba nezvinhu zvavaitaura. Dzimwe nguva aiti vana vauye kwaari. (Ruka 7:31, 32; 18:15-17) Vana vakawanda vaiva mumapoka aiteerera paitaura Jesu. Vakomana vaduku pavakashevedzera vachirumbidza Mesiya, Jesu akazviona akataura kuti Magwaro akanga afanozvitaura. (Mateu 14:21; 15:38; 21:15, 16) Mazuva ano, vana vakawanda vari kuva vadzidzi vaJesu. Saka ungavabatsira sei?

18, 19. Ungabatsira sei mwana wako pakunamata?

18 Kuti ubatsire mwana wako pakunamata, unofanira kuteerera paanotaura. Unofanira kunzwisisa zvaanofunga zvingava zvisingaenderani nemafungiro aJehovha. Pasinei nezvinotaurwa nomwana wako, zvakanaka kutanga wamurumbidza. Zvadaro, ungaverenga magwaro akakodzera kuti ubatsire mwana wako kunzwisisa maonero anoita Jehovha nyaya yacho.

19 Mibvunzo ine painoshanda. Asi sezvinongoitawo vanhu vakuru, vana havadi kutongeswa. Pane kupa mwana wako basa rokupindura mibvunzo yakawanda yakaoma, wadii kumuudza nezvako iwe? Zvichienderana nenyaya yamuri kukurukura, ungamuudza manzwiro awaimboita wotsanangura kuti nei wainzwa saizvozvo. Ungabva wabvunza kuti: “Unonzwawo saizvozvo here?” Mapinduriro aachaita angaita kuti mukurukure Magwaro zvinobatsira uye zvinokurudzira.

Ramba Uchitevedzera Mudzidzisi Mukuru

20, 21. Nei uchifanira kunyatsoteerera paunenge uchiita basa rako rokudzidzisa?

20 Ungave uri kukurukura imwe nyaya nomwana wako kana nomumwewo munhu, zvinokosha kuti unyatsoteerera. Zvechokwadi kunyatsoteerera kunoratidza kuti une rudo. Kana ukateerera, unenge uchizvininipisa uye unenge uchiremekedza uye kuratidza rudo kune ari kutaura. Chokwadi, kuteerera kunoreva kunyatsoteya nzeve kune zvinotaurwa nomunhu wacho.

21 Sezvaunoita ushumiri hwechiKristu, ramba uchinyatsoteerera vanasaimba. Kana ukanyatsoteya nzeve kune zvavanotaura, ungangoona kuti ichokwadi chipi cheBhaibheri chichavanakidza. Zvadaro edza kuvabatsira nokushandisa nzira dzokudzidzisa dzakasiyana-siyana dzaishandiswa naJesu. Kana ukadaro, uchafara uye uchagutsikana nokuti unenge uchitevedzera Mudzidzisi Mukuru.

Ungapindura Sei?

• Jesu akakurudzira sei vamwe kuti vataure zvavaifunga?

• Nei Jesu aiteerera zvaitaurwa nevaya vaaidzidzisa?

• Ungashandisa sei mibvunzo muushumiri hwako?

• Ungaitei kuti ubatsire vana pakunamata?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Paunenge uchiparidzira, nyatsoteerera

[Mufananidzo uri papeji 30]

Tinotevedzera Jesu patinobatsira vana pakunamata