Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

MuKristu anofanira kuona sei nyaya yokuvhima kana kubata hove?

Bhaibheri harishori kuvhima kana kubata hove. (Dheuteronomio 14:4, 5, 9, 20; Mateu 17:27; Johani 21:6) Kunyange zvakadaro, vaKristu vanovhima kana kuti vanobata hove vanofanira kufunga zvakati wandei zvinotaurwa neMagwaro.

Mwari akabvumira Noa nevazukuru vake kuti vauraye mhuka nokudzidya, chero bedzi vaizodzibvisa ropa. (Genesisi 9:3, 4) Murayiro uyu waisimbisa kuti upenyu hwemhuka hunofanira kuremekedzwa sezvo huchibva kuna Mwari. Saka vaKristu havangourayi mhuka zvedambe kana kuti zvokunakidzwa vasingaratidzi kukoshesa upenyu.—Zvirevo 12:10.

Pane chimwezve chatinofanira kufunga nezvacho. Vaapostora vaibata hove vanofanira kuva vaifara pavaibata dzakawanda. Asi hapana patinomboverenga panoti vaizvikudza nounyanzvi hwavo hwokubata hove kana hwokuvhima, kana kuti vaienda kunovhima nokubata hove kuti vaite makwikwi, kana kuti zvokungonakidzwa.—Pisarema 11:5; VaGaratiya 5:26.

Saka tingazvibvunza kuti: ‘Ndine muenzaniso wakanaka here pakuremekedza maonero anoita Jehovha upenyu? Ndinongogara ndichifunga uye ndichitaura nezvokuvhima kana kuti kubata hove here? Mararamiro angu anoratidza pfungwa dzouhombarume here kana kuti anoratidza kuti ndiri mushumiri waMwari? Kuvhima kana kuti kubata hove kunoita kuti ndishamwaridzane nevanhu vasingatendi kana kuti kunoita kuti ndisatarisira mhuri yangu here?’—Ruka 6:45.

Vaya vanovhima kana kuti vanobata hove kuti vawane chokudya vangafunga kuti hapana chakaipa kuti vambosiya zvokunamata panguva dzegore dzavanoenda kunovhima kana kuti kunobata hove. Zvisinei, tinoratidza kutenda kwedu uye chivimbo muna Mwari patinoisa zvinhu zvokunamata pakutanga. (Mateu 6:33) Uyezve, vaKristu vanofanira kuteerera mitemo yose ya“Kesari” ine chokuita nokuvhima kana kuti kubata hove, kunyange kana zvisiri kusungirwa vanhu.—Mateu 22:21; VaRoma 13:1.

Vamwe vangatofanira kugadzirisa mafungiro avo kuti aenderane neaJehovha panyaya dzokuvhima uye kubata hove. (VaEfeso 4:22-24) Ukuwo, tinofanira kuremekedza zvinenge zvasarudzwa nevamwe vachitungamirirwa nehana dzavo. Pano ndipo panoshanda zano romuapostora Pauro rokuti: “Ngatichiregai kutongana, asi sarudzai izvi, kuti murege kuisa pamberi pehama chinhu chinogumbura.” (VaRoma 14:13) Kuratidza rudo uye ruremekedzo rwakadaro kunoita kuti muungano muve norugare uye kunofadza Musiki wedu, Muridzi wezvipenyu zvose.—1 VaKorinde 8:13. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Onawo “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 1990.