Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsiye Nyoro Munyika Ine Utsinye

Tsiye Nyoro Munyika Ine Utsinye

Tsiye Nyoro Munyika Ine Utsinye

MUMWE murume wokuBurundi anorwara zvokurwara zviya nemarariya. Anofanira kuendeswa kuchipatara nokukurumidza. Asi sei? Hapana mota yokumutakura. Shamwari dzake mbiri dzepamwoyo dzinomubatsira. Dzinomukwidza pabhasikoro dzomusesedza kwemaawa mashanu anonetesa nomumakomo. Dzinomukwidza mubhazi rinozomuendesa kuchipatara chiri pedyo. Papera mazuva mashoma, ava kunzwa zviri nani.

Kune imwe nyika, pashure pokunge dutu rinonzi Hurricane Katrina raitika, riya rakaparadza nzvimbo yakakura muUnited States muna August 2005, boka revazvipiri rinowana imwe imba yakadonherwa nemiti. Vazvipiri vacho, vakanga vasingatozivi muridzi wemba yacho, vanopedza zuva rose vachibvisa miti yakanga yawira imba iyi noungwandangwanda vachishandisa mahakiso emagetsi. “Ndiri kushaya kuti ndotenda sei [vanhu] ava,” anodaro muridzi wemba yacho.

Zvinoita sokuti mashoko anovhiringidza pfungwa anobudiswa nevanobudisa nhau anongotaura nezvoutsinye hwakaipisisa. Kuratidzwa kunoitwa mutsa uye tsiye nyoro zuva nezuva hakuwanzooneki pamusana penyaya idzi. Zvisinei, kwose kwose vanhu vanongoramba vachida kudiwa, kufarirwa, uye kunzwirwa tsitsi. Tinoda chaizvo kuitirwa tsiye nyoro! Mashoko akadaro okunzwira tsitsi anonyanya kutaurwa mumwaka weKirisimasi, vanhu vakawanda pavanotaura kana kuti kuimba ‘nezvorugare uye nezvokuti vanhu vakomborerwe naMwari.’—Ruka 2:14, King James Version.

Munyika ino inoita seizere nevanhu vasina ushamwari uye vasina mutsa hazvisi nyore kuitira vamwe tsiye nyoro. Vanhu vakawanda vanoona sokuti utsinye uye kusava nehanya nevamwe ndizvo zvinoita kuti ubudirire uye ukunde. Zvinoita sokuti vakawanda vanorarama vachitevedzera mafungiro okuti kuratidza utsinye kuchenjera pane kuratidza tsitsi. Makaro noudyire ndizvo zvinoita kuti vanhu vasaratidze tsiye nyoro.

Somugumisiro, vanozvifunga ivo, zvisinei nokuti vamwe vanhu vanonzwa sei kana kuti vanofarirei. Mumitambo yevarume nemagamba emitambo yevaraidzo vanowanzoratidzwa se“varume chaivo” (varume vakasimba kwazvo) vasina ushamwari. Vamwe vatongi vezvematongerwo enyika vanoita saizvozvowo.

Saka, zvakanaka kubvunza kuti: Nei tichifanira kunzwira vamwe tsitsi? Kuva netsiye nyoro chinhu chakanaka here? Uye chii chingatibatsira kuti tive netsiye nyoro? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.

[Bhokisi riri papeji 3]

•Kuitira vamwe tsiye nyoro kusava nesimba here?

•Kuitira vamwe tsiye nyoro kune simba here?

•Ungaratidza tsitsi munzira dzipi?